batikanai kusvika jesu achivuya...3 chiripo chekuti munhu wese abatikane. mweya wese unotenda...

124
Batikanai Kusvika Jesu Achivuya

Upload: others

Post on 19-Jan-2021

21 views

Category:

Documents


0 download

TRANSCRIPT

Page 1: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

1

Batikanai Kusvika Jesu Achivuya

Page 2: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

2

MASHOKO EKWAZISO KUBVA KUMUTUNGAMIRIRI

Ndinokukwazisai mose imi munotenda munaiShe wedu, Jesu

Kristu!

Mufaro wangu mukuru kunaMwari vedu nokutipa mumwezve mukana wekuti tisangane navo kumusangano wematumba wegore rino. Ndinoda kutenda pamwe nekukukorokotedzai imi ose makwanisa kuvuya. Ndinokunamatirai kuti patichadzokera kudzimba dzedu tinge tashandurwa tose nemusangano uno.

Dingindira remusangano wedu wegore

rino rinoti: Shandai Kusvika Ndichiuya (Ruka 19:13). Deno

tingasundwa nedingindira iri kuti tose tibatikane mubasa

revhangeri mumunda maShe….. Mai E G White vanoti….Munhu

wese agamuchidzwa chiedza chaMwari, anofanira kuvhenekera

vachiri kufamba murima rekusaziva iye ari Chiedza cheupenyu.

Munhu wese pabasa, vuye hapana anomira panzvimbo

yemumwe. Munhu wese anebasa rakakosha, risingakodzeri

kuderedzwa kana kusaitiwa. Kana vanhu vakazvisunda kuti iri

basa rabatiwe ripere, zvinopa chikomborero chikuru kune

wariita, zvigounzawo rufu kumweya yakatengwa nerufu

rwaKristu. Tinofanira kubata pamwe naMwari. Usingashandi

haagamuchirwi semushandiri waMwari. Naizvozvo nhengo

dzeSangano dzinofanira kubatikana mubasa dzichiziva kuti

upenyu kana kufa kweSangano kwakatsamira pavari. Munhu

wese wakadzikinurwa naKristu unodanirwa mubasa kuti muzita

raiye Kristu kugoponeswa vose vakarashika. Iri ibasa rakange

raderedzwa chose muvana vekaIsrayeri. Kuti raderedzwawo hre

kunyangwe nanhasi kunevazviti vana vaMwari?--Christ's Object

Lessons, p. 191. {Christian Service page 10 paragraph 6}

PastorT C Ruku

Page 3: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

3

Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda

muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva.

Ngatibatikanei kusvika achivuya.

Maererano nemisangano yamatumba Mai E G White vanoti-

Zvakaratidzwa kuti misangano yedu yamatumba

ngaichikwidziridzwa nokubudirira. Apo toswedera kumagumo,

ndakaona kuti pamisangano iyi kuparidza kuchaderera uye

kudzidziswa kweBhaibheri ndiko kuchasimukira. Kuchazara

zvipoka zvavanonzvera magwaro panzvimbo pose-pose

navamwewo vachange vachitungamirira vakagukuchira

magwaro avo mumaoko kuchiverengewa nekunzverwa

magwaro. Testimonies volume 6 page 87 paragraph 4).

Ndinokukurudzirai kupambadza nguva mukunzvera Bhayibheri

kusviira Iye aviuya.

Nomusi weChishanu (Thursday) Sangano rose richava

pakunyengetera uyewo nemutsanyo. Mathew 11:28 inoti- Vuyai

kwandiri imi mose makaneta, makaremerwa, Ini

ndichakuzorodzai. Munamato wangu kuti tiwaniswe zororo

naMwari kubudikidza nekunyengetera pamwe nekutsanya.

Ngatiyeukei zvakare mabasa akamiswa neConference yedu kuti

anofanirwa kupera ose, makirinika, zvikoro zvamabhodhingi,

uye mahofisi eConference.

Ngatigadzirirei kutakura mupiro wedu wamatumba (the

Campmeeting Offering) uyouchazogamuchidzwa neSabata.

Deutronomy 16:16-17 inoti, Varume venyu vose vanofanira

kuvuya pamberi paJehova Mwari wavo katatu pagore panzvimbo

yaachatsaura, pamutambo wechingwa chisina kuviriswa,

napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba;

havafaniri kuvuya pamberi paJehova vasinechinhu.

Mwari ngavakukomborerei paMusangano uno waMatumba!

Ndinokutendai mose kubudikidza naIshe wedu.

Page 4: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

4

THEME SONG: HYMN 163

SHONA Inzwa Jesu odaidza ndiani osewenza Minda yese yatoibva, Ndiani achakohwa Tenzi anodaidzira, achazokupa tuso Ndiani achapindura, ndiripano nditumei! Kana usingabiri nyanza, kana kushumaira Shumaira vahedhei, vakakutenderedza Kana usiri ngirozi, kana usiri Pauro Taura rudo rwaJesu, uti akatifira. Kana usiri murindi, parusvingo rweZioni Uchinongedza kudenga kunovapa upenyu Neminamato nezvipo, woita kuda kwake Ungafanane naAaron kubatsira M’porofita Apo mweya irikufa Tenzi achidaidza Usazoti neunyope, handikwanisi basa Ita basa raanokupa, Farira basa rake Kasika kumupindura, ndiripano nditumei!

NDEBELE Yizwa uJesu ebiza, nguban’osebenza? Amasimu a vuthiwe, nguban’othwal’iz’thungu? iNkosi I yamemeza, Nank’umvuzo wesihle Uphi ozokusho athi, Ngila Nkosi ngi thume? Um’u ngewele ulwandle, uy’ekubahedeni O y’ekubafica eduze, Ba hlalelene nawe Nob’u ngesiy’ingelosi, Nob’u ngase Paule Woland’ uthando IweNkosi, Uthi, Yafela bonke. Uma u ngebe uMlindi, odongeni IweZion Usho indela yezulu, Yomusa kubo bonke Ngom’thandazo nokuphana, Wenz’intando yeNkosi U kholeke njengo Aron, Ephasa umprofethi Nxa im’pefumlo I’bhubha, iNkosi I kubiza Yek’izaba zobuvila, Uthi, ngi ngenze lutho Yenz’umsebenzi u vume, u jabulele wona Ibiza shesh’u sabele, Ngi lapha Nkosi, ng’thume!

Page 5: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

5

ZVIRIMUKATI MORUGWARO RWUNO

Basa Revhangeri 6

Zvimiso ZveSangano 21

Mabasa EmuTabernakeri 55

Mamiriro Ezvemari Musangano reSDA 73

Page 6: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

6

Munda weCentral Zimbabwe Conference KuSangano re

Seventh-day Adventist Church

Musangano Wamatumba Mugore Ra2019

Dingindira: Batikanai Kusvika Ndichivuya

SARUDZO YAMWARI YEKUPARIDZA EVHANGERI

Chidzidzo Chakanyorwa NaMufundisi Logan Pasipano Masaiti

Nyamavhuvhu 2019

Page 7: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

7

Zvirimuchidzidzo Chino

1. Kuzarura

2. Kuparidzwa KweIvhangeri Kwakakosherei?

3. Zvikonzero Zvinowanikwa MuBhayibheri mukuparidzwa

kweIvhangeri

4. Zvikamu Zvekuparidzwa KweIvhangeri

i). Kugadzirira Musangano

ii). Nguva Yomusangano

iii).Kutevererwa Nekuchengetedzwa

kwavanhu vachangobva kubhabhatidzwa

5. Zvigozhero Zvakatarisana NeConference Mukubata basa

ReIvhangeri.

i). Panta Ta Ethne

ii). Kuparidzira Varimumaguta

iii). Kuparidzira Varikurarama Nehurema

6. Rukoko Rwakakosha Uye Mhedzisiro

Page 8: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

8

ZUVA REKUTANGA SARUDZO YEKUPARIDZWA KWEIVHANGERI INTRODUCTION

Chinangwa chekuvapo kweSangano ndiko kuti Ivhangeri

iparidzwe. ”Zvino ndakavona mumwe mutumwa achibhururuka

pakati pedenga, aneEvangeri isingaperi, kuti aiparidzire

vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi

dzose, navanhu vose” (Zvakazarurwa 14:6). Chitsauko ichi

chinotsanangudza chinangwa chakaita kuti Sangano rino rivepo:

kuparidza Ivhangeri. Kana Sangano ringarikirwa nechinangwa

charo, rinenge rarasikirwawo nechikonzero chekuti rivepo.

Jesu ndiye wakatuma basa iri achiti, “Imi muri munyu wenyika,

asi kana munyu wadurungunda, ucharungwa neiko?

Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe navanhu.”

(Mateo 5: 13). Naizvozvo, tinofanira kunzwisisa kuti Sangano

rino haisi vungano yezvemitambo, yavaimbi, vanamati,

nevaparidzi vanosangana kupera kwevhiki kwoga-kwoga.

Tinofanira kunzwisisa kuti Sangano rino riripo nokuda

kwokuparidzwa kweVhangeri. Naizvozvo seSangano hatifaniri

kurasa chinangwa chokuvapo kwedu. Shoko rokuti “Naizvozvo

Endai Munyika neIvhangeri” ishoko rinobva kudenga uye

rinokodzera kutevedzerwa nomunhu wese anoti unotenda.

Page 9: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

9

1. KUPARIDZWA KWEIVHANGERI KWAKAKOSHEREI

Kuparidzwa kweIvhangeri isarudzo iripamsorosoro

pahurongwa hwose hwekudenga. Hapana chimwe chakakosha

kunaMwari chinopfuvura kuponesa avo vakarashika. Uye unoda

kuti vanhu vose vaponesewe, vasvike pakuziva zvokwadi.

(1Timotio 2: 4 and 2 Petro 3:9). Zvakatikoshera kuziva kuti

chinangwa chikuru chokuvuya kwaJesu munyika muno,

kuzoponesa vose vanhu vakarashika. Bhaibheri rinoti

Mwanakomana womunhu wakavuya kuzotsvaga nokuponesa

chakarashika. (Ruka 19:10). Wakazvipa vupenyu bgake bgose

kuzviwanira vose vanhurume navanhukadzi vakange

vakarashika kuti vadzoke kunaMwari. Zvedi nesuwo

tingazviitawo izvi. Iko kumutevera Jesu hureva kuitavo saiye

wakaponesa vanhu. Chikonzero chaMwari chokuvamba Sangano

chaiva chokuti rigoshandidzana naye pakusvikira nokuponeswa

kwavakarashika. Kupera kwenguva kunorevawo kuti tiitirevo

Mwari wedu zvikuru. Goho revanoponeswa igurusa asi vakohwi

ndivo vashoma, naizvozvo ngatinamatirei kuti Mwari wegoho

vatipe vamwe vashandi mubasa ravo. (Mateo 9:37-38). Mwari

varikudanira vose vanhurume navanhukadzi kukurumidza

kupinda mubasa rake.

Ino inguva chaiyo yekuzvigamuchira. Zvikuru panguva ino

mibvunzo yawandisa yeupenyu, Mwari varikutidanira mubasa

rekukokera nyika yose kuruponeso.

Page 10: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

10

ZUVA RECHIPIRI

2. 3. Zvikonzero Zvinowanikwa MuBhayibheri Zvekuparidzwa

kweIvhangeri

i. Mwari vanoshandisa Ivhangeri kuti vaponese avo vakarashika.

Kristu wakavuya pano pasi kuzoratidza rudo rwaBaba.

Wakavuya kuzotiponesa kubva pamubayiro wezvivi.

Ivhangeri naizvozvo rinoitirwa vanhu kuti

vagorigamuchira uye vagoponeswa naro.

Mwari vakapa kuparidzwa kweIvhangeri zodzo senzira

yavo yokuponesa vose vanhu vakarashika. “Mwari

wakafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese novupenzi

bgokuparidza.” (1 Vakorinde 1:21b)

Mwari vanehanya yokutsvaga vose vakarashika. Genesi

3:9, Ruka 15, Varoma 10: 13 inobata nyaya yokuponeswa

kwavanhu vakarashika.

ii. Kuparidza Ivhangeri inzira yaMwari kumutsiridza upenyu

hwekutenda.

ChiKristu chomunhu chinoderedzwa kana akarega

kubatikana pakuparidziwa kweIvhangeri.

Kupa kunomufaro chaiwo kupfuvura kugamuchira

(Mabasa 20:35)

Kubatirana pamwe naKristu mubasa rake

zvinovandudza zvimiro zvedu kuti zvifanane naye.

(Ellen G White, Desire of Ages. page 142)

Page 11: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

11

iii. Kubatikana mukuparidza Evhangeri kunozarurira munhu

mukana wekugamuchidzwa chipihwa chaMweya Mutsvene.

Kudururwa kwaMweya Mutsvene muuzere kunopa

vabati simba rokuwana zvibereko pakuparidza. (Acts

1:8)

iv. Kubatikana kwavanhu pakuparidza kunofadza Mwari.

Luke 15:7-9, Luke 15:11-32

v. Mwari vanosimudzira vanhu muhupenyu kana vari

vanobatikana muIvhangeri.

SaPetro nezuva rePentekosta, ndiye waimiririra

Mwari panezviitiko zvose zvezuva iroro

Newevo paunodzidzisa zveBhaibheri, ipapo Mwari

vanotanga kukushandisa

Pakunamatira munhu, Mwarizve vanotoshandisa iwe

ipapo pamunhu iwoyo

Paunogoverana navanhu magwaro ezvidzidzo, ipapo

unowanawo kusimudzirwa naMwari

Uchishanyira avo vawaimbobatawo navo

mukushumira ndipapovo paunosimudziwa naMwari

Mwari vakabatikana pakuti vakarashika vaponeswe.

vi. Kuparidza Ivhangeri ndiyo inzira inoshandiswa naMwari

mukubatanidza Sangano

Kuwirirana kwenhengo dzeSangano hunge

dzichibatikana mubasa rokufambisa Ivhangeri.

Page 12: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

12

Kufambisa Ivhangeri ndiko kunovandudza mikana

yekuti Sangano rishandire pamwe muhumwe.

Sangano rekare raiva nehumwe (Mabasa Avapostora

1:14, na2: 1-3, na2:42-47).

Nzira chaiyo yaMwari yokuti pavenehumwe

muSangano inovonekwa apo vanhu vachisarudza

kuparidza panemamwe mabasa ose. Kusiya

mabasa ose nemhaka yeEvhangeri kunopa kuti

tikure pamweya.

vii. Basa raMwari rokuponesa richapedzeswa neIvhangeri

Ishuviro yaJesu kudzokazve.

Kuuya kwake kuripedyo kudarika zvatinomufungira.

Jesu akamirira kuti vanhu vapedzise basa

rekuparidza kuti achigovuya.

Chishuviro chake chokuti tiinde kudenga

chinotodarika isu chatinacho chokunogarako

nokusingaperi

Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva

vamwe kuti: Hunonoka; asi unomwoyo murefu

kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti

vose vatendeuke. (2 Petro 3:9).

Isarudzo yako here nhasi yokugoverana navanhu

rudo rwaJesu?

Ngaive sarudzo yako neyangu kuparidzira vanhu

pamwe nokuvawanira muhumambo hwekudenga

Page 13: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

13

ZUVA RECHITATU

3. ZVIKAMU ZVEKUGADZIRIRA NEKUPARIDZA IVHANGERI

Kunezvikamu zvitatu zvinosanganisira chekugadzirira kusvikira

pakuparidza. Zvikamu izvi ndizvo zvinotevera: “Nokuti zvanzi

naJehova kunavanhu vaJuda naveJerusarema: Zvivundirei

gombo idzva, musadzvara pakati peminzwa” (Muprofita Jeremia

4:3). Tinoona pano pachikurudzirwa kugadzirira ivhu kuitira

kuti pagozowanikwa goho rakakurisa. Munhu anongokwanisa

chete kukohwa panzvimbo pakambodyarwa mbeu kwete pasina.

i). Gadziriro (Pre-Campaign). Nguva inoita 50% inofanira

kupambadziwa mukugadzirira

Kugadzirira, kuita mabasa ekubatsira dzinharaunda

pachena nezvimwewo zvirongwa zvinozokwezvera

vanhu pamusangano mukuru.

Kugadzirira kwakanaka kunopawo kuti musangano

uzobudirira zvikuru.

Kunatsogadzira ivhu, kusima, nekuzosakurira mbesa,

kunowanzodyira murimi nguva yakareba kudarika

kuzokohwa.

Naizvozvowo Sangano rinofanirwa kupambadzavo nguva

pakugadzirira kuitira kuti goho rizokura.

Kubudirira kweSangano hakufaniri kutsamira

kunamuparidzi ari oga asiwo zvinoda kugadzirira

kweSangano munharaunda.

Page 14: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

14

Tinokurudzirwa kuita zvose zvingakwanisika

pakugadzirira.

1b). Zvokuita Mukugadzirira (Pre Campaign Activities)

Hezvinoi zvinokurudzirwa kuitiwa panguva yekugadzirira

musangano. Izvi zvishoma zvacho panezvinji zviripo:

Misangano yemutsiridzo mumasangano/ Revival

Meetings in the churches

Kudzidzisiwa kwenhengo muhushumiri

hwakasiyana-siyana.

Mabasa anoitiwa neSangano mukusimudzira

dzinharaunda. Ndiwo anoisanganisira kudzidzisa

kubika, kuratidzira zvehutano nezvimwewo.

Zvidzidzo zvenguva yezororo rezvikoro, Vacation

Bible School

Zvidz zveVOP

Mabasa muZvipoka Zviduku/ Small group activities

Zvidzidzo zvemhuri/ Family Life Seminars

ii). Public Campaign. Chikamu chiri 20% chenguva ndicho

chinopambadzwa pakuzoparidza. Asiwo pakuparidza

kunofanira kucherekedzwa zvinhu zvinoti:

Kutsonyombodza kana kupa rurongo kunavamwe.

Kutuka mamwe masangano

Kurega kuparidza mharidzo dzinorangaridza vanhu

zviitiko zvinovarwadza

Page 15: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

15

Ngatipfupikisei mharidzo dzedu kuitira mamwe mazuva.

Redu Vhangeri kwete mharidzo ndiro risingaperi.

(Mabasa Avapostora 20:7-9).

Paridza Kristu, Iye woga akatifira (2 Vakorinte 2:2-3)

iii). Basa rokurera Nekuteverera Vakatendevuka

Chikamu chenguva chinoita 30% ndechekurera pamwe

nekuteverera nhengo itsva. Izvi zvinofanira kutsvigirwawo

nemari inobva musangano. Zvimwe zvingaitwa pakurera

ndezvinoti:

1. Nhengo itsva dzichangoombekwa ngadzimbodzidza

mumapoka evachangopinda musangano kwenguva ingaita

mavhiki mastanhatu kusvika pamasere. Zvidzidzo zvavo

ngazvisanganisire mararamiro echiKristu nehupenyu

hwavatendi. (Mateo 28:19-20).

2. Ngavabatikanewo mumabasa ekufambisa nekudzidzisa

Ivhangeri zvichienderana nezvipiwa zvavo zveMweya. Izvi

ngavazviite vakasanganiswa nevatigarei muSangano.

3. Kuvandudzwa kwezvirongwa zvevanofudza nhengo itsva/

Spiritual Guardians.

4. Misangano mikuru yeBig Sabbath inoitirwa nhengo itsva

pakota yoga-yoga.

5. Kubatsira nhengo itsva kuti dzizviwanire magwaro

anobatsira pakukudza pamweya. Aya ndeanoti Bhaibheri,

Bhuku renziyo pamwe neZvidzidzo ZveBhaibheri.

Page 16: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

16

6. Mari yomusangano inofanira kusanganisira neyebasa

rekurera pamwe nekufudza nhengo itsva. Iri ndiro basa guru

remisangano rinodarika kutongobhabhatidza chete. Sangano

ngariite napose paringagona kuita kuti ‘hwai dzigare

mudanga’.

Page 17: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

17

ZUVA RECHINA

4. ZVIGOZHERO ZVINOWANIKWA MUBASA REIVHANGERI

Tinoda kuti tizvikorokotedze nekufambisa basa sekutumwa

kwedu “kuparidzira kumarudzi ose, nenyika dzose, nendimi

dzose, uye nemadzimambo ose avanhu” (Zvakazarurwa 10:11).

Izvi zvatipa kuti tinyatsokwanisa kuita basa ratakatumirwa

mukutumwa kukuru/ The Great Commission rekuenda “kuita

vose vave vadzidzi” (Mateo 28:19 and Ruka 24:47 Mako 16:15).

i) Panta ta Ethne

Panodazve kuti tinatsotarisisa nokucherekedza kutumwa

kwedu kukuru kwe The Great Commission. Patinonzi ‘endai

kunyika dzose’ ruzhinji rwedu runofunga nyika dzakaita

seMalawi, South Africa, Namibia uye Zambia. Asi mashoko acho

aya norurimi rweChigiriki ndeanoti “panta ta ethne.” Izvi

zvinoratidza kusareva miganhu yenzvimbo. Zvinoreva kuendesa

vhangeri kumarudzi ose avanhu angave munyika dzese- dzese.

Ndizvo zvairehwa naJesu kuti shoko ngarisvikire munhu wese

zvisinei tsika namagariro avanhu vuye ivo zvavari. Wakanga

asingarevi Jesu kuti kushanyirwe nyika nenyika sokuganurirana

kwadzo asi kuti Evangeri risvikire vanhu nohuwandu hwavo

mupasi rese. Kunzwisisa iri vara rinoti “panta ta ethne,” kunotipa

kuti ticherekedze kuti kuzadziswa kwekutumwa kwedu hunge

taita munhu wese wepasi rino kuti ave mutevereri waJesu.

Page 18: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

18

Somunda mukuru weConference tichiine nzvimbo dzichigere

kusvikigwa neEvhangeri, sokwaZimuto, Serima, kwaGutu, Bikita

pamwechete neChikombedzi. Tose tinodanigwa kusvitsavo

Evhangeri kunzvimbo idzi. Kana tikanzwisisa zvinoreva “panta ta

ethne” zvinotibatsira pakuronga kuronga kuti Evhangeri

dzisvikire mhando dzose dzavanhu vose. Basa iri reGreat

Commission harizi rokunoparidzira varikure chete. Vatendi vose

vanofanira kuvanomuono we “ta ethne” kuti vagodaridza

Evhangeri kuvavakidzani vavo mudzinharaunda dzavanogara.

Varipo vakawanda vanhu vakatiporeredza pakugara. Kunoti

vavakidzani vedu, navanogara mumadhorobha mamwe nesu

uyevo mumigwagwa seyatinogara. Munhu wese anofanira

kubatikana mubasa reSangano rokuparidza Evhangeri.

ii) Kuparidza Mumaguta Makuru/ Urban Ministry

Munda weEvhangeri zvino waswededzwa kumaguta, naizvozvo

tinofanira kurongerawo basa irero. Tinoyeuchidzwa murugwaro

The Medical Ministry kuti “kuparidzira varimumaguta ibasa

rakafanira iyo nguva ino” Tinofanira kudyara mamwe maKereke

mazhinji uye nenzvimbo dzehwezvero idzo dzichakwezvera

vazhinji vomumaguta kumaKereke edu. Kuvaka hukama

navanhu vomumaguta ndeimwe yenzira inokwezvera vanhu

kumaKereke. Vanhu ivava havachadavidzi sakare panyaya

yokuparidzirwa, naizvozvo vodawo kusvikirwa nenzira itsva.

Page 19: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

19

Masangano omumaguta anofanira kubudawo nenzira itsva

dzokusvikira avo vageremo dzakaita sekukusha mbeu

mumaguta, nzvimbo dzehwezvero, pamwe nenzvimbo

dzokushandisawo michina yaikozvino pakuparidza/ Digital

Evangelism centers (Matthew 9:35-36).

iii). Evangeri Kunavakaremara/ Special Needs Ministry.

Zvinovonekwa kuti basa rokuparidza richakakwirira muno

muCentral Zimbabwe Conference zvinova zvinovonekwa

nokukura kwaita sangano redu. Saizvozvo kwavekudiwa kuti

Evhangeri ichvonekwa kuti inosvikira vanhu vose-vose

sezvinorehwa pakutumwa kwe “the great commission”. Tinavo

vagere mukati medu vamatsi nembeveve, vakaremara mitezo,

mapofu navamwewo vanorarama nehurema hwakasiyana-

siyana. Ivava vanhu havasati vaparidzirwa zvizere mukati

menyika ino. Basa ririkuti kurei zvaro muvanhu vanehurema

hwokusanzwa asiwo nokunavamwe vanehurema rinodawo

kuitiwa. Izvi zvinoda kubatirana pamwe kweKereke pamwe

namapazi anoshandira vakaremara.

Page 20: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

20

ZUVA RECHISHANU

5. RUKOKO RWAKATSANANGURIKA

Mukati mechigariro chavanhu uye muhupenyu hwezvemweya,

munewo mitemo iri maringe nezvegoho. Mumwe wacho

ndeunoti: “Kuti pawanikwe goho, zvinoda kuti padzvagwe

mbeu” Hakuna murimi angatarisira kuti Mwari vaite munana

wokumeresa mbeu yaasina kudzvara. Kana mbeu yerudo

neyokururama dzikadzvagwa, Mweya mutsvene anobva

adungamidza vanhu kuti vanzwisise nokugamuchira Evhangeri.

Kushanyira kunodiwa naMwari ndekwaunoita iwe

Magwaro ezveBhaibheri angakomborerwa

ndeanokushiwa newe.

Minamato ingakomborerwe, ndeinonamatiwa newe

Kudzidza Bhaibheri kungakomborerwe ndekunobatiwa

newe

Misangano yeEvhangeri Mwari yavangakomborera,

ndeinoitiwa newe.

Mabasa enyasha angawana chikomborero chaMwari,

ndeangabatiwa newe kunavamwe vanhu.

Gara uchiziva izvi kuti Mwari vakatarisira iwe pakubata

nokupedzesa basa kumarudzi ose avanhu.

Ngatinzwisisei nokuita sezvinoreva vaRoma 10:13-16.

Page 21: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

21

REFERENCES:  

1. Bhaibheri rakashandiswa muchidzidzo ichi iNew King James Version. Copyright © 1979, 1980, 1982 naThomas Nelson, Inc. Rakashandisiwa zvinemvumo pamwe nokutenderwa.

2. Ellen G. White, Testimonies for the Church (Mountain View, Calif.: Pacific Press Pub. Assn., 1948), vol. 9, p. 30. 3. Ellen G. White, in Review and Herald, July 9, 1901 4. Ellen G White, Christian Service

5. Ellen G White, Gospel Workers.

6. Robert Coleman: The Master Plan of Evangelism

7. Rebecca Pip pert, Out of the Saltshaker & into the World: Evangelism As a Way of Life by (ISBN 0830822208)

8. Oswald Sanders, Spiritual Leadership: Principles of Excellence for Every Believer by J (ISBN 0802467997)

9. Richard Black by, Spiritual Leadership: Moving People to God's Agenda, (ISBN 0805418458)

10. Bruce A.B, The Training of the Twelve, (ISBN 0825420881)

11. John White, Excellence in Leadership, (ISBN 0877845700)

12. John C. Maxwell, The Maxwell Leadership Bible Developing Leaders From The Word Of God by (ISBN 0785256881) -Summarized by Barry McWilliams, March 2003

Page 22: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

22

BATIKANAI KUSVIKA NDICHIVUYA

Chidzidzo Chakanyorwa Na

Ps. T. Tunhira

Page 23: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

23

Chidzidzo Chokutanga O VAKAFA VARIPI UYE KUZARURA

Chidzidzo chorufu ndechimwe chisati chanzwisisika zvizere

muvanhu varikurarama nhasi. Vamwe vanotenda kuti rufu

ndechimwe chezvidzidzo chisati chanzwisisika. Vamwewo

vanotenda kuti vakafa vavo havana kufa chose asi

varikungoenderera mberi vachirarama pamwepo navo vari

munezvimwe zvimiro.

Kune vamwewo vanoti havasati vanzwisisawo chiripo pakati

pomuviri womunhu, nomweya wokufema uyevo pamwe

nomweya mupenyu. Mubvunzo zvino woti zvinotikosherei

kuziva izvozvo? Mhinduro inoti, hongu zvakatikoshera zvikurusa

nokuti zvatinotenda nhasi muvakafa vedu ndizvo zvinotuvumba

paneramangwana redu. Iyi inyaya isingafaniri kufungidzirwa asi

kunzwisiswa zvikuru muchidzidzo chino. Magadzirira Here?!

Ko Isu Takambobvepi?

“Jehova Mwari akavumba munhu neguruva revhu.” Genesi 2 v 7

chidimbu chokutanga “akafuridzira mweya wovupenyu

mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.” (Genesi 2v 7)

chidimbu chokupedzisira.

Page 24: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

24

NB: Ipapo munhu akava chisikwa chipenyu. Izvi zvakabva sei?

Hazvaiva muguruva revhu kana mumuviri, hazvaivazve

mumweya wovupenyu asi zvaiva mukubatana kwazvo zviri

zviviri zvinoti guruva revhu nomweya wovupenyu. Vupenyu

hwakabva pakubatanidzwa kwezviviri zvinoti mweya

wovupenyu pamwepo neguruva revhu, rinova muviri womunhu.

Bhaibheri rinobudisa pachena kuti “Mwari vakafuridzira Adama

mweya wovupenyu mumhino dzake” Hatisangani nechirevo

chinoti Adama akaiswa mweya mupenyu maari. Kakua mweya

wakadero wakatombovako chose. Mwari ndivo vakatofemera

mumhinodzake iye Adama mweya iwoyu wovupenyu.

Hatina simba rokufungidzira izvo zvisati zvakarebga

neBhaibheri Shoko dzvene raMwari.

Chiedza chemagetsi chirichoga hachipi mwenje kuze kokuti

chibatidzwe kugwenya. Naizvozvo Mwari vakabatidza gwenya

rinobva mavari kuvuya mumunhu, ipapo “Adama akava chisikwa

chipenyu.”

“Zvakafanana Munhu Kunyangwe Nemhuka” Genesi 2:19

Munhu ungaverengerwa kumhuka pakusikwa. Ko idzo mhuka

pamwe navanhu, zvine here “mweya wovupenyu?” (Genesi 7:15,

22: Zvakazarurwa 16:3; Genesi 2:7, 30). Chirevo

chimwechetecho chinoshadiswa kuna Genesi 2:7 apo munhu

akava “chisikwa chipenyu” kana “nephesh hayyah” chirevo ichi

chinoshandiswazve kuna Genesi 1: 20 - 21, 24 na 30 kuchibga

kumhuka sezvisikwavo zvipenyu.

Page 25: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

25

Ko vapenyu vangataudzana here nevakafa vavo?

Nyatsoverenga Nokunzwisisa Mitsara Inoteverera:

Muparidzi 9:5-6, 4, 10, 12; Mapisarema 115:17; Mapisarema 6:5;

Mapisarema 146:3-4; Jobo 14:12,21.

Haazodzokizve (Jobo 14:14 pokutanga; Jobo 14:10, 12; Jobo 7:9

– 10).

Bgiro, inyika yokukanganwa (Mapisarema 88:10 – 12).

Dzidziso inoti zvinogoneka kuti vapenyu vataure nevakafa ndiyo

inonzi zvomweya yevakafa/ Spiritism. Deno kuchigoneka kuti

vapenyu vataudzane nevakafa kufa kungadai kusipo.

Asi kufa kunoreva kupikisana nokuva novupenyu. Munhu kana

achinge afa zvinoreva kudzorerwa kune zvaaive ari asati

avechisikwa chipenyu. Manyepo okutanga uyevo svikiro

rokutanga mupasi rino tinozvivona kuna Genesi 3:1 – 4, “Nyoka

ikati kumukadzi; Hamungafi zvirokwazvo.” Iyo nyoka yekare,

inonzi Diaborosi naSatani (Zvakazarurwa 12:9).

“Haungatongofi asi…” (Genesi 5:5)

1. Munhu aikwanisa kusafa koga kana aingazokunda

pachiero chokuteerera kwake Mwari.

2. Munhu haana kusikwa nokusafa kunyangwe

mukusateerera. Kufa kwaitongovapo kana aching arega

kuteerera. Naizvozvo munhu unofa.

Jobo 4:17

1. Munhu unofa (Jobo 4 vs 17)

Page 26: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

26

2. Mwari havafi (1 Tim 1vs 17)

3. Mwari varivoga ndivo vanekusafa (1 Timotio 6 vs 16)

NB: Shoko iri rinoreva kusafa/ “immortal” rinowanikwa

kamwechete mukati meBhaibheri rose, uye

rinongoshadisirwa Mwari. (1 Timotio 1 vs 17)

4. Munhu unofanira kuzvitsvagira kusafa kuaMwari

(Varoma 2 vs 7)

5. Kusafa uku kunovuyiswa neshoko raMwari (2 Timotio 1

vs 10)

Mukati mechiraramiro chepasi rino tinofanira kufa

muneimwe nguva. Izvi hakuna angazvinzvenga. Krestu chete

ndiye tariro yevupenyu seri kwebgiro (Vahebheru 2 vs 14 –

15; Johane 11 vs 25; 2 Timotio 1 vs 10).

Pfungwa inoti munhu aching afa ungararamazve

arimunechimwe chipuka irikumemeteka chose mumazuva

ano. Asi inerutsigiro rweBhaibheri here? Muparidzi 9 vs 5 – 6

“… Asi vakafa Havana chavanoziva … kunyangwe

nomubayiro havachina...” asi imwe nzira yaSatani

yokuyengera idzidziso yokuti vakafa vanoramba

varivapenyu. Vazhinji mupasi rino vanoitenda dzidziso

yovupenyu mukufa – inova dzidziso inoti mweya womunhu

haufi asi unoenderera mberi uchirarama munezvimwe

zvipuka munguva dzakasiyana. Mapisarema 104 vs 29;

Muparidzi 9 vs 5 – 6; Mapisarema 146 vs 4; 2 Madzimambo

20 vs 1; Jobo 17 vs 13; 14 vs 1 – 2; Muparidzi 3 vs 18 – 21

Page 27: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

27

Mazano aSatani

Vupenyu murufu, kutaudzana nevakafa, kunamata mweya

yavakafa uyevo dzidziso yemweya isingafi mazano aSatani,

zvinechinangwa chimwechete chokunyengera vanhu kuti

vanoenderera mberi mukurarama kana vachinge vafa. Ipapo

inenge yava, “weya yakaipa inoita zvishamiso”

(Zvakazarurwa 16 vs 14) pamwe nokuzviita sehama dzedu

dzakafa (Eksodo 7 vs 11; 1 Samuere 28 vs 3 – 25; Muprofita

Daniere 2 vs 2; Mabasa 16 vs 16 – 18 and Mateo 24 vs 24).

Makare Mwari vaitsinhidzira kuti masvikiro navamwevo

vanemweya yakangodero vanozviti vanotaurirana navakafa

vaifanira kuvurawa nokutapka namabge (Revitiko 20 vs 27;

Dutoronomio 18 vs 9 – 12; Revitiko 19 vs 28 “vanozvicheka-

cheka” kana kuzvinyora-nyora/ tattoos and vs 31).

Yambiro Inokosha – Pakupedzisira Satani uchaedza chose

zvakare kushadisa zvovun’anga namashavi sezvaaisiita kare

(Zvakazarurwa 18 vs 23). Vun’anga inzira yezvishamiso

namapipi inozviti inowaniswa simba nenjere kubva

kumweya yevakafa.

Kuzviita sevadzidzi vaJesu – kuzviita sevatsvene

vanodikanwa vaMwari avo vakafa, uyevo savaprofeti kana

vadzidzivo navafundisi vaJesu (2 Vakorinte 11 vs 13 – 15).

Vose vanotenda mudzidziso iyi yokuti vakafa vapenyu ndivo

vari vanonyengerwa. (Is 8 vs 19 – 20).

Page 28: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

28

Further study: E.G White GC 546, 549, DA 557-558

MHINDURO KUMIBVUNZO YENYU

1. Ko wani 1 Petro 4 vs 6 inoti Evhangeri yakaparidzirwa

kunevakafa?

Mhinduro: Kwete! Inoti Evhangeri “yaka” paridzirwa kune

avo “vaka-” -fa. Vakafa parizvino, asi Evhangeri yakaparidzwa

kwavari vachivapenyu.

2. Ko inga wani Bhaibheri rinoti Krestu wakainda

akandoparidzira kumweya yakarashika mushure

mokuroverwa norumuko rwake?

Mhinduro: Kwete! Ndima iyi muBhaibheri ndi 1 Petro 3 vs 18

– 20. Kuparidzira kwakaitwa “naMweya” (vs 18) mumazuva

aNoa kuvanhu vairarama nguva idzedzo (vs 19 – 20).

“Mweya yakasungwa” kureva vanhu vairarama pasi

povuranda bgaSatani. (Mapisarema 142 vs 7; Muprofita Isaya

42 vs 6 – 7; 61 vs 1; Ruka 4 vs 18).

3. Ko mweya inochema pasi peartari yomuna Zvakazarurwa

6 vs 9 – 10?

Mhinduro: Kuchema uku kwaingova kufananidzira

sokuchema kweropa raAberi kuna Genesi 4 vs 10. Chirevo

chinoti mweya/ “soul” pano chikureva vanhu vapenyu/

(living beings) avo vakanga vakaurairwa kutenda kwavo.

Hakuna ungadzidzisa kuti vose vanofa vanoradzikwa pasi

peartari, uye kuti vatsvene varikukumbira kuti Mwari

vaparadze mhandu dzavo.

Page 29: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

29

Vatsvene vanotokumbira kuti Mwari vaitire nyasha

kuvavengi vavo, saKrestuvo pamuchinjikwa.

4. Parufu, mweya unodzokera kunaMwari wakaupa uyevo

muviri unodzokavo kuguruva. Ko mweya mupenyu/ soul

unoindepi?

Mhinduro: Hauna kwaunoenda. Munhu anotongoguma

kurarama. Zviviri zvinofanira kuva pamwechete kuti

pagozova nomweya mupenyu; MWEYA WOVUPENYU

noMUVIR WEVHU. Ko paunodzima mwenje chiedza

chinomboinda kupi? Mhinduro inoti hakuna unoenda sezvo

pachifaniravo kubatana zviviri kupa chiedza zvinoti mwenje

uye gwenya. Saizvozvovo nomweya mupenyu, kana

pasinomuviri nomweya wovupenyu haungararami.

(Imbokurukurai/ Discuss).

Kunevo vanoti mweya mupenyu uyu haubatiki kana

kuvonekwa, asi unesimba rokufunga uye ndechisingafi

chirimumunhu. Ivavo vanoti zvakare mweya pakufa

unokwanisa kuvona, kunzwa, kuvenga, kuve nerudo kana

kuvenga; ugorangarirazve zviitiko zvirikumberi. Unofanira

kusiya muviri pakufa woida kudenga kana kunzvimbo

yokutsva zvichienderana nokurarama kwaiita munhu iyewo.

Ukaenda muzvidzidzo zvose zvechimiro chomuviri

womunhu hausongani nedzidziso iyi (books of physiology or

anatomy)

Page 30: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

30

Chii Chinokonzera Kunyengerwa Kunoitika Mumazuva Ano:

Verenga nokunzwisisa.

1 Timotio 4 vs 1: Fungisisa: Iyi mweya nemasvikiro acho

ndeinonyengera. Inoshanda mukunyengera. Inoita vanhu

vasiye kutenda kwavo vachibatirira mudzidziso dzaSatani.

Mweya ioita zviratidzo nezvinoshamisa. Zvishamiso ndiyo

nzira inoshandiswa nemweya iyi mukuzadzisa zano rayo

rokunyengera. (Mateo 7 vs 22 – 23; Mateo 24 vs 24; 2

Vatesaronika 2 vs 9; Zvakazarurwa 13 vs 13 – 14; 16 vs 13 –

14).

Kupedzisa:

Nguva inovuya naiyo vakafa vachararamazve. Nyatsoverenga Jobo 14 vs 14 – 15; 19 vs 25 -2 7. Munhu uchawana kusafa parumuko rwemuna (1 Vakorinte 15 vs 51 – 53). Chigamuchira Krestu mudikani kuti ugowaniswa naye vupenyu bgusingaperi. (Romans 6 vs 23; 2 Timothy 1 vs 9 – 10).

Page 31: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

31

CHIDZIDZO CHEPIRI

Musoro Wenyaya: RUTONGO

Poga poga panoparwa mhosva panototi pave nematare.

Muvushe bgaMwarivo, chivi chinofanira kuenzanisirwa. Dare iri

rigere nokuti Muprofita Danieri unoti “kutonga kukatanga,

bhuku dzikazarurwa” Muprofita Danieri 7 vs 10; Zvakazarurwa

20 vs 12. Zuva iri raswededzwa nairo munhu wese

wakamborarama uchatongwa pameri pechigaro chaMwari vedu

vasingakonewi. 2 Vakorinte 5 vs 10 (2 Timotio 2 vs 19). Kanoita

kana bhuku raZvakazarurwa richitaura pamsoro porutongo

rukuru, rinotiburitsira nyaya inofadza uye inofanira kuti tiipe

kutenda.! Zvakazarurwa 11 vs 16 – 19; 15 vs 2 – 4; 16 vs 5, 7;

19 vs 1 - 2

Mamwezve mabhuku emuBhaibheri anotipawo rungano

rwerutongo munerwakawandisa chose sezvo vanyori vose

vanotaura pamsoro parwo.

Page 32: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

32

MATANHO MATATU ORUTONGO

Danho Rokutanga

Mutumwa Gabrieri wakapa Danieri chiprofita chorutongo

rwekudenga urwu rwakatanga mugore ra1844. Chikamu ichi

chokutanga chorutongo chinotora nzvimbo Jesu asati ovuya

chinonzi Pre-Advent Judgement.

Rutongo Urwu RwePre-Advent Judgement Runobata Vanaani?

Verenga Muprofita Danieri 7 vs 13 – 14. Kuvuya kwaKrestu

kunorega pano hakuzi kuvuya kwake kwepiri munyika. Unovuya

kunoWakakwegura Pamazuva uyo arikudenga kuzopiwa simba,

nokubginya novushe zvisingaperi kuzobata basa soMumiriri.

Uku ndiko kuvuya kunorebga kwete kwapanyika

kwakaprofetwa kuti kuchaitika mushure kwemadekwana

namangwanani anezvuru zviviri zvinamazana matatu/ 2300

days muna 1844. Vachibetserwa navatumwa vokudenga,

muPrista wedu Mukuru vakapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene

kuzobata basa rokupedzisira pamberi paMwari. Basa iri ndiro

rinobata kushandira vanhu nokuvamiririra parutongo uru vose

vanokodzera.

Mubasa romumvuri weTabernikeri raiitwa muneyapasi yekare,

zvivi izvo chete zvaiuisiwa kunzvimbo iyi ndizvo zvoga

zvairegererwa. Ndizvo zvaipinzwa mukati meNzvimbo Tsvene

zvirimuropa regwaiana rechibayiro.

Page 33: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

33

Ivavo vanhu ndivo vaicheneswa pakunatswa kwenzvimbo

tsvene. Sokudaro muzuva rutongo rukuru rokupedzisira,

kunotongwa mhosva dzeavo varivana vaMwari. Basa

rokutongwa kwavasati vari vaMwari nderimwezve basa

richaitika muneimwe nguva iotevera.

Great Cotroversy page 480 na1 Petro 4 vs 17 (1 Timotio 3 vs 15;

Zvakazarurwa 11 vs 1) Kurukurai pamsoro porutongo

rwaMwari kuti “runobata sei kutanga veimba yaMwari.” Ipapo

tinotarisira zita raAdama kutanga kupinda teverere

wokupedzisira kurarama mupasi rino.

Mumiriri wedu murutongo unopinza nyaya dzamarudzi ose

nokutevedzana kwawo ochizopedzesa navapenyu. Zita roga-

roga rinobatwa, uye nyaya yose inotarisiswa, ipapo ndipowo

mazita anogamuchirwa kana kuraswa. Great Controversy page

483. Kune avo (Vapenyu kana vakafa) vanozviti maKrestu, vari

veimba yaMwari – ndivo vachatangirwa basa murutongo uru

rwePre- Advent Judgement, Jesu asati avuya.

Danho Iri ChePre- Advent Judgement Rinoguma Rinhi?

Zvakazarurwa 16 vs 17; 22 vs 11 “ipapo mutsa unopfigwa”.

Runoguma nenguva apo Krestu asati avuya.

Chii Chinoratidza Mhosva Dzavanotongwa

“Kutonga (judgement) kukatanga, bhuku dzikazarurwa”

Muprofita Danieri 7 vs 10; Zvakazarurwa 20 vs 12 (Muprofita

Jeremia 17 vs 13; Early Writing 52; Great Controversy page 666).

Page 34: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

34

Huchapupu hwemumatare hunoratidzwa mumagwaro ayo

anonyorwa zvose zvirimunhu. “Mabasa ose okuvimbika

nokusavimbika anoratidzwa pamberi paMwari kudenga.

Parutivi pezita roga-roga mumagwaro okudenga ndipo

pakanyorwa shoko rimwe nerimwe risakarurama, mabasa ose

echindini, zvakaipa zvose zvakaitwa muchivande, nemabasa

akanaka asina kuzoitwa navanhu. Mutumwa waMwari

asingakonewi, ndiye unonyora ose mabasa okusateerera

yambiro dzose dzedenga, nguva dzakapambadzwa, nehwezvero

yakashandiswa kune zvakanaka kana zvakaipa.” Great

Controversy page 482.

Chitadzo Chokuita Kana Chokusaita

Mutemo waMwari ndiwo uri chiero chaparutongo chezvimiro

zvavanhu pamwe nehupenyu hwavo. (Muparidzi 12 vs 13 – 14;

1 Johane 3 vs 4; Jakobo 2 vs 10 – 12; Zvakazarurwa 14 vs 6 – 7).

Tichatongwa zvichienderana noruzivo rwatakagamuchidzwa

rweShoko raMwari (Johane 9 vs 41; Mateo 11 vs 24. Johane 3 vs

20, 19). Verengazve panezvimwe zvakanangana nebasa

rorutongo muna (Mateo 7 vs 2; 1 Vakorinte 4 vs 5). Nesuwo

tichatongwa nerutongo ruzere nenyasha (Varoma 3 vs 23;

Varoma 6 vs 23; Zvirevo 28 vs 13). “Mwari mukubginya kwavo

vanoratidza rudo rwavo rukuru kunavatadzi avo vanotendeuka.

Ivavo vanosungurwa pamwe nokushambwa kubva muzvivi

zvavo”. Prophets and Kings page 668.

Page 35: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

35

Ivai Nenhaurirano Pano

Zviitiko zvose zvoupenyu zvinoratidzwa muuzere pachikamu

chokutanga chorutongo icho chanzi kumashure iInvestigative

Judgement. (Muparidzi 12 vs 14; Ruka 8 vs 17; 12 vs 2 – 3, Great

Controversy 482; 1 Muprofita Samueri 2 vs 3 Prophets and Kings

639; Mateo 12 vs 36 – 37; Ruka 6 vs 4, Desire of Ages page 323,

Muprofita Jeremia 2 vs22).

Rutongo urwu haruzi rokuzivisa Mwari nokuti ivo vagara

vachitotiziva zvimiro zvedu tose. (2 Timotio 2 vs 19).

Zvakakosha kuziva kuti Mwari vachatitonga isu timene, “Iwe

wayerwa pachiyero….” (Muprofita Danieri 5 vs 27).

Danho Repiri Rorutongo Rwokupedzisira

Nderipi boka richabata basa rokutonga kudenga kwamakore

gumi remazana omuna Zvakazarurwa 20? Ko ndechei chinangwa

chechikamu ichi chepiri chorutongo?

“Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? … Hamuzivi

here kuti tichatonga vatumwa”. 1 Vakorinte 6 vs 2 – 3 “Ipapo

ndakavona zvigaro zvovushe … vakagara pamsoro pazvo

vakapiwa simba rokutonga”. Zvakazarurwa 20 vs 4. Vatsvene

kana kuti vanhu vakarurama vemuupenyu hwose avo

vachakwira naKrestu kudenga pakuvuya kwake ndivo

vanerupandi pakutonga uku kwekudenga.

Page 36: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

36

Tomboti imwe mhuri yourairwa mwana wayo wavanodisisa

zvikuru asi chishamiso chozova chokuzosvikoona mhondi yacho

iriko kudenga asi iye mwana wavo asiko. Zvirokwazvo

vanezenge vachizoda mhinduro pamubvunzo wokuti chii

chinenge chakakonzeresa izvozvo. Rutongo urwu rwepiri ndiro

runozopa mhinduro kuemibvunzo yose inonangana

navakarurama muupenyu. Vupenyu hwavose vacharaswa

kusanganisira naiye Satani navatumwa vake zvichaenzaniswa

navaponeswi avo vachazopupurirana naJesu pamubayiro

hweumwe neumwe wavo. Zvichava pachena kunevose kuti

rutongo rwekudenga harugadziri mhosva dzisipo asi kuti

runotongobata chete sarudzo idzo dzakaitwa navanhu

muchiraramiro chavo chouzvisarudzira kana kurasa Jesu saiye

Mambo wavo kana vamwe vamwari vepasi rino. Verengai

nokukukurukura pamsoro pendima idzi dzinoti (Zvakazarurwa

11 vs 16 – 19; 15 vs 2 – 4; 16 vs 5, 7; 19 vs 1 – 2; Muprofita Danieri

4 vs 36 – 37). Nyatsotarisisa kuti mbiri nerukudzo zvichapiwa

kunaMwari nebasa ravo guru rokutonga.

Danho Retatu Rerutongo Uye Rokugumisira

(Muparidzi 8 vs 11 – 13; Mapisarema 37 vs 10 – 11; 50 vs 3, 21)

Rutongo urwu rwokupedzisira ruchaitikira kupiko? Ko nderipi

boka idzva richazovapo pabasa iri rokutongwa kokupedzisira

(Zvakazarurwa 21 vs 12; Muprofita Zakaria, Zvakazarurwa 14 vs

4, 10; uyevo Zvakazarurwa 20 vs 7 – 8)?

Page 37: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

37

Danhu retatu rorutongo ruchavapo pasi pano mushure

memakore gumi ezana omunaZvakazarurwa 20 zvichitevera

kuburuka kwaJesu kunyika neguta idzva. Pakupera kwemakore

gumi rezana, vakaipa venguva dzose vachamutswa

(Zvakazarurwa 20 vs 5). Ipapo Satani uchavanyengera

pakumukira Jesu navaponeswa. Chii chinozotevera?

Zvakazarurwa 20 vs 9. Chii chinozokonesa hurongwa uhwu

pakuzadzikisika uye zvinozodii? (Zvakazarurwa 20 vs12; 2

Vakorinte 5 vs10; Varoma 14 vs 11 – 12).

Ipapo-ipapo zvisina kutarisirwa, Mwari vachazvionesa

nokubginya kukuru varipamsoro peguta. (Zvakazarurwa 19 vs

11 -21; Muprofita Ezekieri 38 vs 14, 17 – 20).

Mweya yose yakarashika kubva pakuvamba kwepasi

kusanganisira naSatani navatumwa vake zvino vonangana

naMwari parutongo.

“Munhu Wose Uchazvivonera Oga Zvokwadi Yovupenyu Hwake”

Mumwe nomumwe ipapo ucharangarira mabasa ake ose

ovupenyu bgake. Mwari vachimudembera kuti atendeuke kuti

agoponeswa; riya inzwi dete iro rainyengerera pakuponeswa,

uyevo nokuramba kwako kugashira. Zvose zvichava pachena.

Zvokwadi yazvo hakuna achaikakavadza. Zvichabuda zvacho

hazvizotadzi kugashirwa.

Page 38: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

38

Mwari vanoda kuti vose vakaipa vagonzwisisa zvose zvokuraswa

kwavo kuti yaingova sarudzo yavo. Magwaro anezenge ariko

kudenga kuva chapupu chokujekesa zvose.

Hakuna Chizovanzika

Mwari havamo mukuvanzwa kwezvimwe zvezvinoitwa

navanhu. Naizvozvo haparadzi kana kuviga kunyangwe

nouchapupu hwemabasa avanhu. Hapana chikonzero chokuviga

chero chinhu. Zvose zvichava pachena uye zvichivonekwa, kuti

munhu wose-wose zvake agozozvionera mabasa esarudzo yake

kunyangwe vatumwa vakanaka kana vasakanaka.

Vakaipa Varaswa Vachazvikandira Pasi Pake Kupupura

Nokururama Kokutonga Kwake:

Ipapo kuchazova neboka kunhivi dzose dzavanhu navatumwa

kunyangwe naSatani, vachazviwisira pasi pamberi paMwari

(Varoma 14 vs 11; Vafiripo 2 vs 10 -11). Ndipo pavacharambira

Zita raMwari parinonzi haribati basa zvakarurama ivo

vachazova zvapupu pakuti Mwari vanerudo, vakarurama uye

vanotonga nenyasha. Vose vachazobva vagashira kuti rutongo

rwavo rwokuparadzwa rwakarurama sezvo ichazova iyo yoga

nzira yokuparadza huipi. Kunavose vachazoraswa ndipo

panozadzikisika kwavari chirevo chinoti, “ndizvo

zvichakuparadzai imi” (Muprofita Hosea 13 vs 9). Zvino Mwari

ipapo ndipo vanopupurirwa navose mupasi rino. Manyepo ose

Page 39: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

39

nokupomera kwaSatani zvabudiswa pachena semabasa omuipi

mukuru wakatindivadzwa. Ipapo moto uchazoparadza chivi

navatadzi vose nokusingaperi panyika. (Zvakazarurwa 20 vs 9 -

10; Malari 4 vs 3; Muprofita yaIsaya 65 vs 17). Uipi hwose

huchaparadzwa nokusingaperi uye nokusazoonekwazve

rwepiri. Nahumi 1 vs 9. Kutonga kwaMwari kuchapupurirwa

kunzi kwakarurama. Ichi ndicho chinangwa chikuru chorutongo

urwu rwokupedzisira. Zvakazarurwa 19 vs 2.

“Ellen G. White … vakareva pamsoro pezvizhinji zvakasiyana

pamsoro porutongo kusanganisira nouvako kwarwo pedosa. (2

Testimonies 355), zvokwadi yarwo (Review and Heralds, Nov

22-1898), Parwakatsamira (i.e sepaMurairo waMwari, Christ

Object Lessons page 314), uyevo nezvipupuriro zvicharatidza

mabasa avanhu (i.e zviitiwa zvavanhu sokunyorwa kwazvo

mumatsamba okudenga 4 Testimonies page 481),

nezvichazobuda parutongo (vupenyu bgusingaperi)

kunavatsvene (kuparadzwa kokusingaperi) kunavakaipa (Great

Controversy page 673 – 674). Chikuru chezvakareva pamsoro

penyaya iyi kutsanangudza nyaya iyi yakabatanidzwa

neyokupikisana kukuru pakati pechakanaka nechakaipa, uyezve

izvi zvakatsamira parudo rwaMwari kuzvisikwa zvavo. (Great

Controversy pages 541, 543, 670 - 671; 4 Testimonies page 165,

naProphets and Kings page 292)” (Handbook of SDA Theology

Vol 12 page 853).

Page 40: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

40

Krestu vanoti kumukundi, munaZvakazarurwa 3:5

“Handingatongodzimi zita rake pabhuku rovupenyu. Mazita

avose vakambozvipira kunaMwari akanyorwa pabhuku

rovupenyu uye zvimiro zvavo zvirikutariswa pamberi paMwari.

Vatumwa vaMwari varikuongorora kodzero dzavanoponeswa.

Varikutarisisa zvimiro zvavarikurarama ikozvino kuti vaone

kana mazita avo anganyorwa pabhuku rovupenyu. Nguva

tichinayo yokuti tishambe nguvo dzedu dzezvimiro zvigochena

muropa reGwaiana. Ndivanaani varikubata basa irero iri? Iye

unozvipatsanisa nechivi pamwe nechindini?” (7 Bible

Commentary page 960).

Mhedzisiro: Tirizvino pamhenderekedzo deupenyu hwenyika

ino munguva yokuguma apo basa rerutongo richitora nzvimbo

kudenga. Tinofanira kutsvagurudza mwoyo yedu nekurevurura

zvitadzo zvedu. Kana tichiita izvozvo, Mwari vanotiregerera. 1

Johane 1 vs 9. Iyi ndiyo nzira yatingatumira nayo zvitadzo zvedu

kunaMwari tisati tasvika parutongo. 1 Timotio 5 vs 24 – 25.

Page 41: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

41

CHIDZIDZO CHECHITATU

Musoro:MACHENGETERWO CHAIWO ESABATA Chomusoro: Eksodo 20 vs 8 – 11

Bhaibheri rinotiratidza kuti Sabata raJehova rakare ndiro

richirazvokwadi kunyange nanhasi. Naizvozvo kunofanira

kuzivikanwa machengeterwo ezuva iroro dzvene. Murairo

wechina unoraira vanhu vose kuti varangarire zuva dzvene

reSabata raMwari (Eksodo 20 vs 8).

TARISISA: Kuchengetwa kweSabata chiitiko chinofanira kutora

nzvimbo kubva vhiki roga-roga richitotanga. Hakufaniri kuti

kuitwe nzendo uye mabasa amaoko ayo anozotikanganisa

pakuchengetedza murairo uyu weSabata. Zvinofanira kugara

mundangariro dzedu mukati memazuva ari matanhatu evhiki.

Kunyangwewo nouyo usingashandi mukati memazuva

matanhatu akatarwa naMwari, arikutorimhura Sabata saiyewo

arikushanda nezuva iri. Kuti Sabata rikwanise kurangarirwa

zvakanaka tinofanira kunge tamboshanda nokuvimbika mukati

memazuva atakapiwa okubata mabasa edu.

Page 42: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

42

“Mukati mebindu reEdeni, Mwari vakagadza chirangaridzo

chavo chokuva Musiki pakuisa chikomborero chavo mukati

mezuva rechinomwe. Sabata rakagamuchidzwa kunaiye Adama,

vanove baba nomumiriri werudzi rwavanhu mupasi rino.

Kurangarirwa kwakanaka kweSabata ndiko kwaizoratidza kuti

munhu unogamuchira Mwari kuti Ndiye Musiki wazvose.

Munavose vagary vepasi rino, Sabata ndiro mucherekedzo

waMwari uyo ariMusiki noWamasimba Ose; uyezve isu tose

tirizvibereko zvamabasa amaoko ake iye…. Mwari ipapo vakaona

kukosha kweSabata kwaari munhu kunyangwe muParadiso”.

Patriarchs and Prophets page 48.

Munyori uyo unonzi James G. Murphy, muchinyorwa chake

chinoti Critical and Exegetical Commentary on the book of

Exodus unoti, “Basa rokusika ndiro rinova mavambo uye

chikonzero chokuti zvisikwa zvose zvive nezvazvinoda

kuremekedza mukati mazvo. Kusikwa uku komunhu

kunocherekedzwa chaizvo mumurairo wechina weMitemo

inegumi. Ndiko kusaka uri murairo wakaputira simba rose

raMwari rokuva Musiki rinofanira kurangarirwa navanhu vose.”

___P144

Page 43: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

43

SABATA, SECHIYERO CHAVANHU CHOKUTEERERA

Sabata rakaitwa chivechiyero chokuteerera kunaAdama uyo

anove iye baba wamarudzi ose avanhu. Kusadya muchero

wokuziva zvakanaka nezvakaipa hachaiva icho chipimo chokuti

vaiteerera Mwari (Genesi 2 vs 17). Saizvozvowo kurangarirwa

kwezuva reSabata ndicho chirichiratidzo chavanhu

chokuteerera kwavo Mwari. Eksodo 16 vs 4 inoti, “Ipapo Jehova

akati kunaMosesi, Tarira ndichakunisirai chingwa chinobva

kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozvivunganidzira

chiyero chinoringana zuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndivone

kana vachida kuteerera murairo wangu kana kwete. verse 5

Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavavuya nazvo,

zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero

chavanosivunganidza zuva rimwe nerimwe …” (Verenga

nokunzwisisa pamsoro pamaverse anoti 19 kusvika 30).

Namazuva okupedzisira murairo weSabata ndiwo ucharatidza

kuti vanhu vanomuteerera here Mwari wavo kana kwete

(Zvakazarurwa 1 vs 17; na 13 vs 15 – 18; na 14 vs 12). Vazhinji

kwazvo muchitendero chamaKrestu nhasi vari vanonyengerwa

kwazvo mukusaziva Sabata rakatarwa naMwari (Zvakazarurwa

14 vs 12). Kuti Mwari pakupedzisira ndivo vachava Mukundi

wazvose ndizvo zvinofanira kuva chinofadza vose

vachamuteerera mukati mezviitiko zvose. Izvi zvinokwanisika

chete nokuvimba munaJesu zvichiratidzwa nokuteerera mirairo

yake yose. Naizvozvo chakavanzika musimba rovupenyu

Page 44: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

44

kuvimba munaMwari uye kumuteerera. Munhu unofanira

kuvimba kunaMwari somukundisi kunyangwe wemiedzo

miduku inowira vanhu mumazuva ari ose. Mwari vanofanira kuti

tivateerere kunyangwe kuita izvi zviri zvinogozhera kana

kunetsa vanhu vazhinji.

KO IRO BHAIBHERI RINODZIDZISA KUTI SABATA RINOVAMBA

RINHI?

Genesi 1 vs 5, 8, 13, 23, 31; Revitiko 23 vs 32; Muprofita Ezekieri

46 vs 1 – 2

TARISISA: Kufamba kwezuva roga-roga richibuda kana richidoka

ndicho chiratidzo chenguva chaiyo. Kare kunyangwe chiratidzo

chenguva chisati chagadzirwa nomunhu, Mwari vakamisa zuva

rive icho chiratidzo chepanotangira kana kumisira kwemazuva.

Zuva rose rinotangira pamadekwana kana madeukazuva. Izvi

zvinoratidzwa pachena panhoroondo yokusika kwaMwari

kunyangwe napamazuva aKrestu mupasi rino. Naizvozvo Sabata

rinotangira pakudoka kwezuva romusi weChitanhatu wevhiki

kana kuti Musi Wegadziriro unova iwo weFriday uyewo

richipera pakudoka kwezuva reMugovera kana Saturday.

HUKAMA HURIPO PAZUVA RESABATA NECHIITIKO CHOKUFA

KWAJESU PAMUCHINJIKWA:

Page 45: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

45

Iroro nairo raiva zuva rechitanhatu revhiki. Nguva yokumuviga

Jesu yakanga isisipo sezvo zuva rakanga rodoka Sabata roda

kutanga sezvinoreva Ruka 23 vs 54 – 56. Sezvo aive apedza

mabasa ose okusika akazorora nomusi wechinomwe weSabata,

naizvozvowo pamuchinjikwa weKarivhari ndipo akadanidzira

kuti, “Zvapera” akazozorora mudgiro nomusi weSabata.

Muchinjikwa waJesu ndiwo wakamisa muraraungu wokubginya

ukapoteredza murairo waMwari weSabata zvikava chiratidzo

chorudo rwake somudzikinuri. Izvi zvinotora nzvimbo panguva

inodarika zvuru zviviri zvamakore apfuvura. Izvi zvinobva

muchinyorwa chinoti (God Speaks to Modern Man chakanyorwa

naA. E. Lickey pg 418 – 419).

“Nomusi weChitanhatu chevhiki kana kuti Friday basa

regadziriro ngaribatwe rose ripere … Kana tichizvitora izvi

somurairo zvinokwanisika nyore. Zuva reSabata harifaniri nairo

kuva rokugadzira zvipfeko, kubika zvokudya kana kuzvitsvagira

zvinotifadza kunyangwe mabasa ose omunyika. Pakudoka

kwezuva iri mabasa ose enyama ngaaiswe padivi. Vabereki vose

vanofanira kudzidzisa vana vavo zvikuru pakugadzirira

napakukosha kwechiito ichi chokurangarira zuva iri kuti naivo

vabatikane pamwechete nemi pakugadzirira

napakuchengetedza Sabata sezvinoreva murairo.” (6

Testimonies page 355).

“Tinofanira kurichengetedza zvinegodo zuva iri reSabata.

Rangarira kuti izuva rose rakaereswa kuti rive dzvene … Sabata

Page 46: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

46

risati ratanga ndangariro nemifungo yose yomunhu ngaibve

munezvomunyika zvose namabasa ayo. Mwari vakagadza Sabata

ravo kuti rivepo mushure mamazuva matanhatu okubata

mabasa enyama kuitira kuti zvive chirangaridzo chomunhu

chezvaanenge awana mumazuva iwayo zvigomugadzirira

umambo hwedenga uyo usikapindwi navakaipa. Tose tinofanira

kunyatsoona kuti zuva iri roga-roga tinowana here

chikomborero chomweya mariri.” (6 Testimonies page 356).

Kurukurai zvizere pamsoro penyaya iyi.

Mwari Havana kutitarira “mabasa ose okuita” kana “mabasa ose

asingafaniri kuitwa” pazuva iri reSabata. Havapambadzi nguva

kutitarira zvose kuyangwe zvidukusa zvirimaringe

nokuchengetwa kweSabata. Vakangotipa chete murairo uzere

wokurichengeta zuva iri kuti zvitibatsire panhoroondo yose

tichirichengeta. Mwari tichivatsvaga nomunyengetero

wokuzvipira mavari, ipapo Mweya Mutsvene anoswededza

pakuchengeta Sabata nenzira yakarurama. (Zvinobva

muchinyorwa chaM. Finley_ When God said Remember page 89).

Ngationgorerei mienzaniso mishoma inobva muBhaibheri

pakuchengetedzwa kweSabata zvizere: Sabata murangaridzo

woushumiri pazvisikwa zvose kusanganisira navatumwavo

Page 47: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

47

vedenga (Zvakazarurwa 4vs 11). Revitiko 23 vs 3 “Mabasa

ngaabatwe namazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata

rokuzorora kwazvo, “ivungano tsvene …, iSabata raJehova

mudzimba dzenyu dzose.” Sabata ivungano tsvene yavanhu

vaMwari nairo vanofanirwa kumunamata nokumurumbidza.

Jesu akati, “Muchaziva zvokwadi naiyo ichakusunungurai.”

(Johane 8 vs 32). Zvokwadi yenyaya yeSabata iotisunungura

pamabasa ose enyama singaperi. Muchaona kuti kunyangwe

nebasa rokuvunganidza manna rakaperavo nomusi weSabata

(Eksodo 16 vs 22 – 27). “Kubika kose ngakuregwe pazuva

reSabata; asi hazvikodzeri kuti vanhu vadye zvakatonhora

nokukomba. Kunzvimbo dzechando uye panguva yacho, kudya

kunofanira kuti kunge kuchidziyiswa kusati kwadyiwa. Asizve

zvirinani kuzvigadzirira kudya kusingazokombi asiwo

kuchiyevedza nezuva iri zvikuru kumhuri dzinavana. Ministry of

Healing page 308.

Chimwe chezvaifanira kumutsiridzwa panguva yavana

vaIsrayeri wakare kwaiva kuyereswa kweSabata izvo

zvakavapinza muhutapwa kwemakumi manomwe amakore. (2

Makoronike 36 vs 21; Muprofita Nehemia 13 vs 15 – 22; 10 vs 21

Muprofita Jeremia 17 vs 21 – 27).

TARISISA: Muprofita Nehemia haana kumanikidza avo vasati

vaiva vokwaIsrayeri kuti varichengetedze Sabata.

Wakangovaburitsa mukati mavo sechiratidzo chokuti

havazokwanisa kuita zvizere zvaizodiwa pazuva dzvene

Page 48: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

48

raMwari. Kumanikidzira kuchengetedza Sabata hazvisi

pahurongwa hwaMwari. Izvi zvinoonekwa pakuti kurichengeta

chiratidzovo chokuitwa mutsvene.

Mushure movutapwa hweBhabhironi vaJuda vanorangarira kuti

kutadza kwavo pakurangarira zuva reSabata ndizvo

zvakakonzera vatapwe nokuvaunzira nhamo dzose. Asizve,

mushure memazuva omuprofita Nehemia vakatangazve

kurirangarira Sabata sezvinoreva murairo. Ndipo vakatora zuva

iri senzira yokuponeswa kwavo pachinzvimbo chokuva

chiratidzo chokucheneswa kwavo. Pasina zvokwadi yohutsvene

Sabata rinova nhando pakukosha kwaro. Rangarira

munemumwe misangano mikuru yamatumba apo vanotengesa

vokunze vanotenderwa kuvuya kunyangwe nezuva iri.

(Kurukurai).

Jesu ndiye muenzaniso wedu pakuchengetedza Sabata

Isaya wakaprofeta kuti Krestu prophesied “waizofadzwa kwazvo

kukudza murairo nokuurumbidza” (Muprofita Isaya 42 vs 21).

VaJuda vakagadza mimwewo mirairo yavo inezvuru pamurairo

waMwari weSabata. Chidimbu chakakurisa chemirairo iyo

chairatidza kuve yetsika dzavanhu dzinova dziita kuti

kurichengetdza zvive mutoro wirema chose. Krestu

wakazvibvisa zvose izvo akadzoreredza Sabata panzvimbo yaro

sezuva rokunamata nokurangarira zvizere zvaMwari uyevo

Page 49: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

49

sezuva rokubata mabasa akanaka. Basa guru raKrestu raiva

rokushandura machengeterwo eSabata kubva patsika

dzechiJuda asi havana kuribvisa iro zuva reSabata

nokukosheswa kwaro.

Chikomborero chinowanikwa pakuchengetedza Sabata

chinongowanikwa chete nouyo “unozvibatisisa” (Muprofita

Isaya 56 vs 1 – 7). Verenga nokukurukura pamsoro pamabasa

aKrestu nezuva reSabata: Mateo 12 vs 1 – 13; Mako 2 vs 23 – 28;

Ruka 13 vs 10 – 16; Johane 7 vs 21 – 23; Johane 5 vs 1 – 10.

Kuchengetedzwa kwemirairo yaMwari kwakanaka pahupenyu

hwavanhu pamazuva ose szvo kuteerera kuchidarika zivo

(Johane 13 vs 17; Isaya 1 vs 19).

Kufunganya kwedu pamsoro peSabata kwakatikoshera chose

kana zvirizvinotifadza kana kutisuwisa. Hatiwani chikomborero

mariri kana tikaritora sechiito chinotiremera. Muprofita Isaya 58

vs 12 – 14. Prophets and Kings 678.

Kushanya kana Kuva Nenzendo Refu Nezuva ReSabata

Tinofanira kuchengetedza zvizere Sabata kana tichitarisira

kuwana chikomborero mariri. Ndinotyiswa zvikuru kuona

vanhu vachiva vanofamba nzendo dzavo ndefu nezuva iri

kunyangwe izvi vachikwanisa kusazviita … pakurangarira

Sabata, tinofanira kucherekedza mafambiro edu uyevo

nezvinangwa zvokuzviita izvi pazuva irero … zvirinani kuita

gadziriro dzokufamba namamwewo mazuva risati riri

Page 50: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

50

reSabata.Ngatigadzirireiwo kutanga nzendo dzedu ndefu

pachinenguva kuita tisazosvika Sabata ratotanga. (6 Testimonies

page 360).

(Patriarchs and Prophets page 314) Zviratidzo zvakanga

zvatopiwa zvokuvakwa kwenzvimbo yokunamatira Mwari.

Nokudaro vanhu vakafungidzira kuti kuita basa iri kwakanga

kusinei nokuchengetedza Sabata sezvo vairiiitira Mwari.

Vakapiwa yambiro zvinova zvaiitirwa kuvadzivisa kuwira

kuchitadzo. Kunyangwe basa irir rakanga rakakosha kunaMwari

asi haraitendera vanhu kumhura nokusakoshesa zvizere zuva

irir reSabata. (Eksodo 34 vs 21; Patriarchs and Prophets page

307). “Kuneavo vanokurukura nokuva nenhaurirano dzamabasa

avo pazuva iri dzvene reSabata nokuita sokuronga kwavo,

vanotorwa sevanotoita mabasa avo nezuva iri. Naizvozvo kuti

tirichengete zvakakwana zuva reSabata tinofanira kusendeka

kunyangwe mumifungo yedu zvose zvirimabasa edu. Murairo

uyu unosanganisira navose varimumasuvo edu. Navose ivava

tinofanirwa kubatana pakushumira Mwari kwakazara pazuva iri

dzvene raMwari.”

Ndezvipi Zvitadzo Zvinoitwa Navanhu Pazuva ReSabata

Vatumwa vanochengeta nhoroondo dzose dzamabasa avanhu,

naizvozvo apo basa rekutonga richitora nzvimbo muimba

yaMwari, rutongo rweumwe neumwe runonyorwa pazita pake.

Page 51: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

51

Vatumwa vanorairwa kusararamisa vose vasina kuonekwa

varivakatendeka… IT page 197. Rangarira kuti Sabata rinotanga

pakudoka kwezuva reChitanhatu/ Friday, kwete nenguva

dzokuma6 manheru.

Zvitadzo Zvedu Izvo Zvatove Chijairiro Chavanhu Vazhinji:

1. Kuramba tichibika kunyangwe zuva ratodoka nezuva

reFriday (Eksodo 16 vs 23 6 Testimonies page 357)

2. Kupukuta nokuisa shangu mishonga uye kusona zvipfeko

(6 Testimonies page 355 – 356)

3. Kushanda mabasa edu (Eksodo 20 vs 8 – 11, Patriarchs

and Prophets page 307; 4 Testimoies page 146)

4. Kusuka ndiro dzokudyira mudzimba (3 Selected

Messages page 258)

5. Misangano Yokuturira Kubatwa Kwebasa Mumakereke/

Business meetings (Patriarchs and Prophets page 307 –

308)

6. Kufamba Nzendo Dzedu (6 Testimonies page 359 – 360)

7. Mabasa Okutenga Nokutengesa (Muprofita Nehemia 13

vs 15; 10 vs 31)

8. Kuvata Zvakapfurikidza/ Oversleeping (2 Testimonies

page 704)

Zvitadzo Zvinoitwa Mukereke Zvinodzikisira Sabata

Page 52: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

52

Kumweya yose inozvipfavisa ngaiziviswe kuti imba yaJehova

ndiro suvo rokudenga. (5 Testimonies page 49)

1. Kuzevezerana kuchitaurwa mashoko asina maturo

(Habakuk 2 vs 20; Great Controversy page 542, 5

Testimonies page 492)

2. Vaparidzi vanosekesa vanhu panguva dzemharidzo

(Evangelism page 641; Testimonies to Ministers page

142)

3. Kunamata minamato mirefu (Gospel Workers pages 175

– 176)

TARISISA: Muprofita Ezekieri 20 vs 10 – 12. Kunechiratidzo

chikuru pamashoko omuprofita Ezekieri pakuti Sabata

chiratidzo chaMwari mukuita kuti vanhu vave vatsvene.

Kurimhura Sabata chiratidzovo chokumhura yose mirairo

yaJehova. Kurirangariravo ndicho chiratidzo chokuteerera iye

Mwari. (Kurukurai)

Pakupedzisira, nyaya yokuchengetwa kana kusachengetwa

kweSabata ndiyo ichava iyo yakakwirira pahondo huru iyo

inobata vagari vose vomupasi rino … Mwari vanotidanira kuti

timutsiridze murairo uyu weSabata uyo wakaputsirwa pasi

navanhu.

Zvakakosha zvikuru kuti tive mienzaniso yakanaka

pakuchengetedzwa kwakakwana kweSabata. (6 Testimonies

page 352 ne368). Asizve, Mwari vanotivimbisa simba

Page 53: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

53

rinotibatsira pakukura muhupenyu hwemweya kunyangwe

zvigozhero zvakawandisa panzira yokutenda kwedu.

Tinoishuvira chose iyo nguva yokuvapamwe naBaba vedu

vokudenga avo varivanotiita vatsvene nokutikudza munyasha.

We need that distinctive time with the heavenly father.

Muprofita Isaya 66 vs 22 – 24 unotsinhidzira kuti Sabata

rinoreba kubva kuEdeni yakaparadzwa uye richaramba ririko

kudzamara Edeni yadzoreredzwa. Mariri Sabata ndimo

tinowana rudekaro. Munhu wese anoshuvira nguva yakareba

isina kudziviswa kuti awadzane noMusiki wake nokusingaperi-

peri.

CHIDZIDZO CHECHINA

Page 54: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

54

Musoro: KUVUYA KWAJESU KWECHIPIRI Chomusoro: Mapisarema 50 vs 3 uyevo Johane 14 vs 3

Zvichibvira mundima yaGenesi zvichiindirira mberi mushoko

raMwari ndipo tinoona mutsara unorakidza kuzara kworudo

rwavo, zvisimbiso zvevanotenda uye zviprofita zvirimaringe

nokuvuya kukutanga kwaKrestu. Verengai mukurukure. Genesi

3 vs 15; Numeri 24 vs 17; Genesi 49 vs 10; Muprofita Isaya 53 vs

3; 9 vs 6.

Ko Kudzokazve KwaJesu?

Mhinduro izere pamubvunzo uyu inowanikwa kunyangwe

muTestamente Itsva (Mabasa 3 vs 20 – 21). “Chiprofita

chovuyazve kwaJesu chinoitwa kanokwana ka 1, 518

muBhaibheri uye kanoita mazana matatu muTestamente Itsva.

Izvi zvinobva zvatiratidza kuti Mwari vanoda zvikuru kuti iyi ive

dzidziso inonzwisisika uye ichigashirwa navanhu vose.” Great

Controversy page 299.

Chimwe chezvokwadi yakakosha uye inokubginya kwaMwari

inoratidzwa mushoko ravo ndeyokuvuyazve kwaJesu

kuzopedzisa basa rokuponesa vanhu. Naizvozvo iyi inyaya

Page 55: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

55

inofadza chaiyo kunemufambi wose mukati menyika ino izere

nenhamo dzendufu nezvose zvinotishusha.

Dzidziso yokuvuya kwake Krestu ndiwo mwongo wemagwaro

ose uye ndiyo tariro yakasimba kuvagari vose vomunyika

kubvira nenguva iyo chitadzo chakapindira munyika

kuzoparadza zvose kubudikidza naAdama naEva avo vakaita

tidzingwe muEdeni.

Vatsvene vakare vakatarisiravo zvinetariro muzuva guru iri

rokuvuya kwaMuponesi mukubginya kose. Verengai Juda 14, 15;

Jobo 19 vs 25 – 27; Muprofita Isaya 26 vs 19; Muprofita Isaya 25

vs 8 – 9. Cherekedza kudyidzana kurimunaMapisarema 96 vs 11

– 13 naZvakazarurwa 12 vs 12.

Kunyangwe munaZvakazarurwa 12, kuchidanidzirwa kufara

kunavanogara kudenga uye “nhamo” kuavo vagere munyika,

pakuvuya kwaKrestu sezvinoreva Muprofita Hagai 2 vs 7

kuchava norufaro kunaivo vose. Iye Ndiye unotumidzwa “Ari

icho chishuviro chenyika yose/ the Desire of all nations”.

Rangarira mutana Abraham uyo unonzi naKrestu, “Your father

Abrahama, Baba venyu, vakafara vachiti vakavona zuva rangu;

vakarivona vakafara.” (Johane 8 vs 56). Zuva raKrestu

rinosanganisirawo rokuvuya kwake kwechipiri pamwe

nokutonga kwake kunokubgiya. Pauro unonyoravo pamsoro

paiye Abrahama navose varimagamba okutenda.

Page 56: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

56

Kuna VaHebheru 11 vs 10, 13 tinoratidzwa zvizere kutenda

kunotiponesa: Uko kwakavaita vaone kuzadzikiswa

kwezvipikirwa kunyangwe vaizvivonera kure asi nokutenda

vakazvigukuchira kusvikira murufu. (Mapisarema 50 vs 3). Iyi

itariro inofadza chaizvo kuvatendi vose (Tito 2 vs 13). Ndiko

kusaka mushure mechivimbiso chaJesu achiwonekana

navadzidzi vake (Johane 14 vs 1 – 3) kunovuyavo mashoko

avatumwa kwavari achikwidzwa kudenga achiti, “Uyu Jesu,…”

(Mabasa 1 vs 11). Pauro zvino atorindira kugurwa

zvichiteverera mutemo waiye Nero wakadanidzira nenzwi guru

achiti, “Kubva zvino ndakachengeterwa (kudenga)…” (2 Timotio

4 vs 8).

Kunotaurwa kuchinzi iko makare panguva idzedzo dzokuvurawa

kwavatendi, voda kuvurawa pavaishongana vaikwazisana

namashoko okuti, “Maranatha” zvinova zvaireva izvo kuti “Jesu

unovuyazve.” Havana kunge vakazvinzwisisa kuti iwayo

mashoko ndiwo aizova omunongedzero wokutenda muchiitiko

ichocho chikuru. Kunyangwe vasina kuziva zvavo nguva

yokuzadzikiswa kwaicho chiitiko ichi, vakazviona

vakazvirarama nokutenda mukati memwoyo yavo.

Ndezvipi Zvimwe Zvakataurwa Navamwe Vatendi?

Page 57: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

57

Kutenda kwakadzama pakuvuya kwechipiri kwaKrestu kunopa

simba rakawedzerwa uye tariro yakamutsiridzika. Satani

unozviziva izvozvo ndizvo achishandisira vanhu nzira dzake

mbiri mukuedza kutadzisa vatendi kuzviwanira simba irero.

Muneimwe nguva unorerutsa kukosha kwepfungwa iyi

nemabasa okurivadza mifungo yavanhu pazvinyorwa nezvirevo

zveshoko raMwari/ liberal thinking. Zvoreva izvo kuti pfungwa

yokukarira “tariro mhenyu iyo yakakomborerwa” inobva

yashaiswa simba. Chepiri, Satani unoshandisa nzira

dzezvitendero dzechizvino-zvino/ fanaticism mukuita kuti

kurege kunzwisisika chose. Asi kunyangwe zvakadero ndipo

tichiona magamba okutenda vakaita sa:

Martin Luther achinyora kuti, “Ndinetariro mhenyu yokuti ipapo

tirimukati merushusho rwamazuva epasi, Jesu Krestu

uchakurumidzisa zuva rokuvuya kwake.” Wakafunga kuti nguva

iyeyo yaizoita makore anokwana ivo mazana matatu kubva

mumazuva okurarama kwake.” Iyo ino nguva tinorarama isu

ndiyo chaiyo yavaitarisira kuzadzikisika kwamashoko aya.

John Knox unonyoravo kuti, “Tinoziva kuti uyo unovuya

uchasvika uye nekukurumidza.”

Page 58: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

58

John Wesley, unozadzisawo achiti, “Chishuviro chomunhu wese

unotenda ndechinoti … chivuya zvino uzopedzesa mabasa ose

amashoko echiprofita ichi.” Zvakazarurwa 22 vs 20:

Moody wakati, “Sangano harinavo zvizhinji zvokutaura pamsoro

penyaya yechiitiko ichi. Zvino ndovona chikonzero zvichidero

imhaka yokuti Satani haadi kuti Kereke isvinudzwe nezvokwadi

iyi.” Tauriranai – Kuti ko isu kangani tinoparidza nyaya iyi

dzokuvuya kwaIshe Jesu mumarusando edu?

Iye Krestu Uchavuya Sei? Mabasa Avapostora 1 vs 10 – 11

Krestu zvino wakakwira kudenga ari muchimiro chomunhu.

Naizvozvo ndiyevo Jesu wakavonekwa achifamba nokunamatira

vanhu; Iye wakavonekwa achiwadzana navo mudzingarava

dzavo zvakare akakwira navo mugomo remiorivi, uchazovuya.

Ndiye Jesu wakakwira kudenga kundogara pamwechete

naMwari Baba pachigaro chake chokutonga. Vatumwa

vakavasimbisa kuti Iye Jesu wavakanga vaona achikwidzwa

kudenga, Ndiye uchazovuyazve rwepiri sokukwira kwake

kudenga: Desire of Ages page 832; Zvakazarurwa 1vs 7; Mateo

24 vs 27. (Nhaurirano)

Page 59: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

59

Kuvuya Kwake Hachizovi Chiitiko Chakavanzika/ Secret Rapture

Nzira yokuvuya kwake Krestu zvinozikanwa kuti chichava

chiitiko chisingazovanziki pameso avanhu vose. Uchazovonekwa

navose vachange vari vapenyu pavagere munyika. “Takatarira

tariro inofadza, nokuvonekwa kwokubginya kwaMwari mukuru,

noMuponesi wedu Krestu Jesu. (Tito 2 vs 13. Verengai muvezve

nenhauriranoe (Vakorose 3 vs 4; 2 Timotio 4 vs 1; 1 Petro 5 vs 4;

1 Johane 2 vs 28; 1 Johane 3 vs 2; Vaheberu 9 vs 28).

Krestu wakatenga pasi rino ndosaka achida kuridzoreredza

pachimiro charo chakanaka chokutanga munhu asati atadza. (2

Petro 3 vs 13: Johane 11 vs 25 -26; Mapisarema 17 vs 15,

Zvakazarurwa 1 vs 18) Kuvuya kwake iye (Muprofita Isaya 52 vs

13 – 15; Zvakazarurwa 19 vs 11 – 16). Iye ndiye oga

ucharuramisira nyika pazvigozhero zvayo munezveupfumi (1

Vatesaronika 4 vs 16 -18; Mapisarema 46 vs 8 – 9; Muprofita

Isaya 2 vs 4; Muprofita Hoseya 2 vs 18; Muprofita Isaya 33 vs 17

– 18; and vs 24; Muprofita Isaya 65 vs 17, 21 – 25).

Mashoko Kubva Muchinyorwa Chakafemerwa

“Nguva chaiyo yokudzokazve kwaJesu ndechakavanzika

chaMwari.” (Desire of Ages page 632).

“Ichi chiitiko chinotevera nguva yakadzikira pavupenyu

hwavagere munyika.” (Christ Object Lessons page 414).

“Ipapo kunovonekwa nechokumabvazuva hore inenge chanza

choruvoko. Iri ndiro gore rinokomberedza Muponesi kunyangwe

Page 60: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

60

nechokure richiita segore dema. Vana vaMwari vachaziva ichi

kuvachiratidzo choMwanakomana Womunhu.” (Great

Controversy page 640).

“Satani unoita seapera simba achivona kubginya kwaIshe. Ipapo

iye aimbova kerubi rechifukidziro chaMwari unorangarira nguva

dzokuwa kwake seserafi rinopenya achibva muvungano

yaaimboremekedzeka asizvino narini akatoburitswamo. Ipapo

unovona pamberi paMwari Baba pamire Mumwe sechidzitiro

Chavo. Unovona korona rokubginya richigadzwa mumusoro

maiye Krestu nomutumwa mukuru obva aziva kuti chaimbova

chigaro chake akatochitorerwa nomumwe. ” (Great Controversy

page 669).

“Kurwisana kuripo pakati paKrestu naSatani kwakapera apo

Krestu akamuka kuvakafa, achizunzira pasi iyo imba yomuvengi

inova tirongo yorufu pamwechete nezvibereko zvokutanga

zvorumuko zvichavapo nokuda kwaAdama wechipiri. Iyi inzwisa

yorumuko ruchazovapo pakupedzisira achivonekwa pakuvuya

kwake kwechipiri.” (3SP239).

“Krestu uchavuya nokubginya kwake nokwaBaba vake uye

nokwavatumwa vatsvene. Gumi rezvuru rinegumi rezvuru

nezvuru zvezvuru zvavatumwa zvichavonekwa naye savakundi

vaMwari.” Ipapo kunaka, kururama nokubginya ndizvo

zvichamuperekedza achivuya. Ipapo vaponeswi kubva mupasi

rose vachavunganidzwa. Nameso ose achamuvona naivo

vakamubaya. Panzvimbo yeminzwa uchapfekedzwa korona

Page 61: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

61

reumambopo -a crown within a crown. Panzvimbo penguvo iya

tsvuku yechiseko unopfekedzwa nguvo chena-chena pasina uyo

pavagere munyika ungaichenesa.’ (Marko 9 vs 3) Pabvi pake

pakanyorwa zita rinoti, “Mambo wamadzimambo, naIshe

wamadzishe. Zvakazarurwa 19 vs 16. (Desire of Ages page 739).

Zvikamu zvokupedzisira zviviri muBhaibheri zvinoratidza nyika

yaponeswa navose vaponeswi varimo. Kuvuya kwaKrestu

kunovhura nzira kuchiitiko ichi chokumiswa kwenyika idzva iyo

ichava chigaro chavana vaMwari nokusingaperi-peri,

“Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.”

Mateo 5 vs 5.

Zvakazarurwa 22 vs 12, 20

Panguva yakadzikira achifa pamuchinjikwa, ipapo Jesu waitaura

kuti, “Ndinovuyazve”. Panguva isipi kunyangwe munyika

yaputirwa nezvisinganzwisiswi, Iye uchadanidzira achiti,

“Tarirai Ini Ndadzokazve.”

- MAGUMO -

Page 62: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

62

CENTRAL ZIMBABWE CONFERENCE

Camp meeting 2019

Theme : Batikanai Kusvika

Ndichivuya

Theme Song : 163

Topic: Mabasa OmuTabernakeri

Chidzidzo Chakagadzirwa

NaPs Lucas Sibanda

Page 63: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

63

Zvirimuchidzidzo Ichi

Magwaro Matsvene

Mweya Wovuprofita neNdima DzomuBhaibheri Dzakakosha

Nguvo dzoMuprista Mukuru nezvokushandisa Zvacho

Rati noMutemo

Tafura yeChingwa

Chiyedza Chomwenje neArtari Yokupisira

Nzvimbo Shanu MuTabernakeri NeAreka Yesungano

Areka Yesungano neMadekwana Namangwanani Anezvuru

Zviviri Namazana Matatu/ 2300 Days

Mweya Wovuprofita neChifunhiro Chokuyananisa

Pfupiso Nekupendera

Magwaro Akashandiswa Muchidzidzo/ Bibliography

Page 64: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

64

ZUVA ROKUTANGA

A. Magwaro Matsvene

Magwaro matsvene ndihwo hwaro /nheyo dzeSangano

rechiSabata.

Magwaro matsvene ndihwo hwaro /nheyo yekunzwisisa

chinangwa neshoko rechisabata. Tinoremekedza

bhaibheri seshoko raMwari rakapiwa kupfurikidza

nevanyori. Kunyangwe chimiro chemagwaro

chichizviratidza kubdikidza nemutauro wevanhu,

nhoroondo, nzvimbo ne nguva zviri mubhaibheri mune

shoko raMwari rakaiswa kuvanhu pasi rose zvikuru

kune vanotenda kuna Mwari.

Pamusoro pezvose misiyano unoonekwa mumitauro

yevanhu pane chokwadi chinobatanidza zvese mushko

raMwari.

Magwaro anotipa chokwadi chisingapikisi pamusoro pa

Mwarimusiki nemabasa ake mukusika kuti nyika ivepo

nezviri mukati mayo. Anopa ruzivo rwemavambo ese,

anopa zvinoreva hupenyu nokuzazanura/ kujekesa

kupetwa kwenhoroondo yeupenyu

Pamusoro pazvese magwaro anopupura Jesu Christu

anova iye Mwari ari pakati pedu (Emmanuel).

Sangano yekare (mu testament yekare) neitsva

(mutestamente itsva) inomupupura. Nekuda

kwezikonzero izvi, magwaro matsvene aripo pakubudisa

chokwadi chisingarambiki pamusana pekuda kwaMwari,

hunhu netsika zvinotarisirwa pamutendi. Chipimo

chezvose zvingararamwa nemunhu, uyezve ndiwo

magwaro anotungamirira vanhu kuruponeso muna

Kristu.

Page 65: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

65

Chirevo ichi chakagamuchirwa nekuvhoterwa nekomiti

yeGeneral Conference ye ma sabata. Chakabudiswa nehofisi ya

President Robert S. Folkenbeg pa session yemusangano

yakaitwa kuUThRECHT kuNetherlands mugore ra1995.

Naizvozvo, Simba re Bhaibheri pamusoro peupenyu hweu,

rakazembera pakutenda kwedu kuti Bhaibheri haringorina

shoko raMwari Chete, asi kuti ritori shoko raMwari rizere

/rakakwana 2 Tim 3:16-17

Bhaibheri haasi mafungiro evanhu kana kuti njere

dzevanhu asi rakafemerwa naMwari pachake 2 Peter

1:19-21

Ndiccho chitubu chevhangeri rachokwadi

Ndiro shoko raMwari riniratidza kuti Ndasangana

naMwari muridzi Weshoko.

I. SOP- Mweya Wechiporofita Great Controversy chapter 37 Magwaro anochengetedza (569-577)

Mwari achava nevanhui panyika vachngetya bhaibheri

ne bahaibheri roga sechipimo chezvinotendwa zvose

nehwaro hweshanduko dzose dzingazovepo

Satani anogara aripabasa rekuda kuedza kuti munhu

atarise kumnhu pachinzvimbo chaMwari

Anotungamirira vanhu kuti vatarise kuma Bhishopi,

vafundisi, kana kuma Godobori edzidzo dzezvitendero

sevatungamiriri vavo, pachinhambo chekunzvera

magwaro kuti vadzidzer pachezvavo

Kubudikidza nekubata mafungiro evatungamiriri ava,

anokwanisa kufurira vanhu vazhinji vavanotungamirira

Kazhinji ndima dziri mumagwaro idzo vanhu

vakadzidza vanoti hadzinzwisisiki vachisiya sedzisina

Page 66: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

66

kukosha dzakazara zvinonyaradza nerairo kune avo

vakadzidziswa kuchikoro chaKristu

Chimwe chezvikonzero vanzveri vemagwaro vazhinji

vanotadza shoko raMwari, vanovhara maziso avo

kuchokwadoi uye havadi kuchirarama

B) Ndima Dzinokosha

Deutronomy 29:29, Romans 15:15, 1corinthians 10:11

Exodus 25:8 Ngavandiitire nzvimbo tsvene kuti

ndigogara pakati pavo

Tabhenekeri inzvimbo inosangana vanhu vamMwari

naMwari mairi naMwari anogara navanhu

Kana takatarisana nekupedza dambuziko rechivi

1) Chibayiro (kushumira)

2) Basa reupristsa rinodiwa kuti pava neruponeso kuvanhu,

kuti pavepo nekuyananisira, kucherura Mwari zvizere

nekupedza Dambudziko rechivi nekugadza Ushe hwaMwari

uye

Page 67: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

67

II. Nhumbi dzechiprista nemidziyo yemu Sanctuary

Nguvo Dzemuprista Exodus 28:2

Nguvo dzeuprista dzaireva ruponeso kuvana vaIsraeri.

Ruvara Zvarunomirira White/Chena Muparidzi 9:8 Zvakazarurwa 7:9

Utsvene hwaKristu upenyu hwake husina zvahunopomerwa hwaanopa kune vanotenda maari

Purple /pepo John 19:2 1 Peter 2:9

Umambo /uye vanhu vakasanagurwa

Goridhe /Gold

Tiri vana vehumambo hwekudenga

Blue / Bhuruu Numbers 15:38-40

Mutemo WaMwari

Red/Rutsvuku VaHebheru 9:21-22

Ropa raKristu rinogeza zvitema zvose

Mapfekero edu anofanira kukudza Mwari.

Mwari paakapfekedza Adam naEva akavafukidza

miviri yavo kufukidza kushama kwavanga vaita

pamweya, avo vachaponeswa

Page 68: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

68

ZUVA REPIRI

Nzvimbo Chivumbwa Ndima Yacho

Ruwazhe

RweTarbenakeri

Artari Yechibayiro

Chokupiswa

Mudziyo

Wekushambidza

Eksodo 38:1-

7

Eksodo 38:8

Nzvimbo Tsvene Tafura Yechingwa

Chigadziko

Chomwenje

Artari Yokupisira

Eksodo 37:

10-16

Eksodo

37:17-24

Eksodo 37:

25-28

Nzvimbo Tsvene-

tsvene

Areka Yesungano/

Chifunhiro chomutsa

Eksodo 37:1-

5

Page 69: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

69

The Artari Yokupisira Eksodo 27:1-8

- Artari sezvairi nechapazasi peTabernakeri,

muchinjikwavo ndiyo nzvimbo tinofanira kusiyavo

zvivi zvedu kuGwaiana raMwari iro rakatifira.

- Artari yaiva nenyanga ina dzichimirira simba rizere

rinowanikwa mazuva ose kubva muchibayiro chinva

Jesu Krestu

- Verenga Vahebheru 9:13 & 14 na 10: 12

Krestu wakazvipa Iye kuva Chibayiro. Ndiko Pauro

achitikumbira zvikuru kunaVaroma 12: 1 kuisa miviri yedu,

chive chibayiro chipenyu. Isu tisu chipo chikuru kuzvipa

kunaMwari wedu. 2 Vakorinte 8:5.

Ruka 14:27 “Aninani usingatakuri muchinjikwa wake, akavuya

shure kwangu, haangavi mudzidzi wangu.”

Page 70: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

70

Mudziyo Wekushambidza Eksodo 30:18-21

Eksodo 35:8 – Mudziyo wekushambidzira wakaitwa nezvivoni-

voni zvakapiwa nevechidzimai. Naizvozvovo kunamata

kwazvokwadi kunofanira kubvisa chindini matiri kuchitisiira

“munhu mutsva matiri” Vaefeso 4:24, Vakorose 3:10.

Mudziyo wekushambadzira waiva mufananidzo wemvura

yorubhabhatidzo (Johane 3:5) “Jesu akapindura kati kwaari;

Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri; kana munhu

asingaberekwi nemvura noMweya haangagoni kupinda

muvushe bgaMwari.”

Page 71: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

71

ZUVA RETATU

TAFURA YEZVINGWA ZVOKURATIDZA Eksodo 25:28-30

Tafura iyi yaiva nomupendero kana kuti vukomba vunoipotedza

,vunovupamhi sobgechanza, uye yakaiitirwa hata yendarama

inopotedza vukomba bgayo. Ichi chaiva chiratidzo chevimbiso

yedenga chokupa rubatsiro runokundisa. Eksodo 34:6 “Jehova

akapfuvura pamberi pake, akadanidzira achiti; “Jehova, Jehova,

Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, unetsitsi

huru nezvokwadi.

Zita iri rokuti retafura yezvingwa zvokuratidza raibvira pabasa

racho rayaiita – kutakura chingwa chokuratidza. Sezvakwaiva

nemarudzi gumi navaviri kureva kuti zvaishandisiwavo

pakubika chingwa ichi zvaifanira kuvunganidzwa zvichibva

kurudzi rumwe nerumwe. Ipapo tinoona kushanda

kwechirongwa cheMunhu Wese Pabasa/ Total Member

Involvement. Sezvo ndudzi dzose dzaifanira kubatikana

Page 72: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

72

kurevawo kuti munhu wese- wese zvake aitofanirawo kunge

aripandima kushanda. Izvi ndizvovo zvinofanira kuitwa

kunyangwe nanhasi kuti munhu wese ngaashandire ruponiso

rwake navazhinjivo.

1 Samueri 21:6, 1 Makoronike 9:82 naJohane 6: 48-50

Krestu Ndiye arichingwa. Naizvozvo munaKrestu ndimo muzere

kuzara kwazvose zvatingashuvira kunyangwe zvinogara kanavo

zvapachinguvana zvinotikundisa pahondo dzokudenga.

PaSabata roga-roga vanhu vaiita chirangaridzo ichi

sezvatinofanirwavo kuita kuti tigashidzwe simba idzva rinobva

kunaJesu.

“Chingwa chokuratidza chaigadzwa pamberi paMwari nguva

dzose somupiro wemazuva ose/ a perpetual offering. Ipapo

zvaiuitavo chimwe chezvibayiro zvamazuva ose/ the daily

sacrifice. Ichi chaiva chirangaridzo chokuti munhu anofanira

kugara akatsamira kuna Mwari pakuwaniswa zvose

zvezvishuviro zvake kana zviri zvenguva pfupi kana refu. Izvi

zvinogashidzwa kubudikidza nokureverera kwaKrestu

(Patriarchs and Prophets 354.1)

Vafiripi 4:19: “Zvino Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa

kwenyu kwose pafuma yake, mukubginya munaKrestu Jesu.”

Page 73: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

73

CHIGADZIKO CHOMWENJE WENDARAMA Eksodo 25:31-39

Eksodo 30:7-8, Eksodo 27:20

Johane 15:5

Krestu Ndiye aridzinde seromwenje, isu tirimadavi uyevo

Mweya Mutsvene Ndiye arimafuta.

Mwenje sezvayaizadzwa namafuta rungwanani namanheru oga-

oga, nesuvo tinofanira kuzadzwa nomweya waMwari,

rungwanani nemanheru oga- ogavo.

Kwaifanira kuva nemidziyo yokudzimisa mwenje uye kuibvirisa

(wick cutting tool). Izvi ndizvozvaishandiswa pakuita kuti

mwenje ugare uchibvira moto nguva dzose pakunge

wazadzwavo namafuta. Mwarivo kana vachitendera nhamo

nezvinetswa kutiwira, tinoshandirwa nokuzadzwa noMweya

wake kuti tirambe tichingobvira maari.

Page 74: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

74

ARTARI YEZVINONHUWIRA Eksodo 30:1-10

Inenyanga dzinomiririra simba redenga

Hata yendarama inomirira kuratidza kukunda/

victory

Moto waiera zvinova zvaimirira Mweya Mutsvene.

Hapazaifanirwa kushandiswa zvinonhuwira

zvisingazikanwi. Ichi chiratidzo chokuti hakunazve

mumwe mumiriri anofanira kuvapo pakati pomunhu

naMwari, kunze kwake Krestu.

“Zvinonhuwira pazvaipiswa hutsi huchikwira kudenga

neminamato yvana vaIsrayeri zvaimirira humiriri

nokunyengeterera kwaKrestu. Patriarchs and Prophets 353.2.

Page 75: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

75

Pfupiso Yezvomukati MeTabernakeri Zvishanu

Nzvimbo Chishandiswa/ Artefact

1 Artari yokupisira Ndinofanira kumira

pamuchinjikwa kuisa

zvivi zvangu panaJesu

mumiririri wangu.

2 Mudziyo

Wekushambidza/Laver

Mufananidzo

werubhapatidzo

3 Tafura yezvingwa

zvokuratidza

Kutenda muna Jesu uyo

unopa zvose

4 Chigadziko chomwenje Isu tinova zviyedza

zvenyika kana tazadzwa

noMweya waMwari

rungwanani nemanheru.

Mwari vanotendera

nhamo nezvinetswa kuti

zvitigadzirise

5 Artari yezvinonhuwira Krestu ndiye aripakati

pedu naMwari. Iye oga

ndiye anoita tikwanise

kumira pamberi

paMwari nokusatya. 8T.

178.2

Page 76: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

76

ZUVA RECHINA

AREKA YESUNGANO Ex 25:10-16

Exksodo 25:16 Zvino unofanira kuisa mukati meareka

chipupuriro chandichakupa.

Mwari vanodumidza Mutemo kuti chipupuriro. Chipupuriro

chii?

Ndicho chitsinhidziro chinoratidza kuti munhu arikutaura

chokwadi kana kuti huchapupu kana humbowo

Muna Zvakazarurwa 11:19 Johane unodumidza Mutemo

waMwari testamende.

Page 77: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

77

Zvinoratidza kuti Mutemo waMwari muAreka Yesungano

ndiwo waimirira sungano kana chibvumirano pakati pavo

navanhu vavo.

Revitiko 16:29 Unofanira kuva murairo usingaperi kwamuri;

Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira

kuchema pamweya yenyu nokusabata mabasa ose, kana ari

munhu wakaberekwa pamberi penyu, kana ari mutorwa ugere

pakati penyu. (Verse 33). “uchayananisira nzvimbo tsvene, vuye

unofanira kuyananisira tente rokusongana neartari; vuye

unofanira kuyananisira vaprista navanhu vose vevungano.

Mukati meNzvimbo Tsvene-tsvene.

Mukati mepamberi pechidzitiro chechipiri munongopinda chete

Muprista Mukuru kamwe pagore.

Nokuda kokufa kwaKrestu pamuchinjikwa kureva kuti

mhando dzose dzezvipiriso dzakaguma

Iye Krestu achikwira kudenga ndipo panotanga basa rake

somuPrista muchikamu chokutanga/ nzvimbo tsvene.

Mugore ra1844, Krestu unova Muprista wedu Mukuru

wakatanga basa rake mukati menzvimbo tsvene-tsvene chiri

chikamu chepiri muTabernikeri (Most Holy Place).

Page 78: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

78

Kubva MuMweya Wovuporofita/ S.O.P

Tsanangudzo izere nokunzwisisika yokubatwa kwebasa

muTarbenikeri yokudenga ndiro hwaro nenheyo yokutenda

kwedu “Evangelism p 221.

Kumiririra kwaKrestu zvichiitirwa munhu kudenga

zvakafanira pakuzadzisa zano raMwari roruponeso. The

Great Controversy p489.

Chose chaiitiwa muTarbenikeri yapasi pano waiva

mufananidzo wezvinoitwa kuTarbenikeri yokudenga. The

Great Controversy, p.420.

Page 79: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

79

CHIFUNHIRO CHOKUYANANISA/ THE MERCY SEAT. Eksodo 25:

17&21

Chifunhiro ichi chokuyananisa chaigadzwa pamsoro peareka

yesungano.

Izvi zvaireva kuti soMutemo waMwari uyo wainge

wadarikwa navanhu uchida vupenyu womudariki

somuripo aibva achiregererwa.

Mutemo waMwari wakaputirwa mukati meareka ndicho

chiyero chamabasa edu parutongo. Kureva kuti rutongo

rwemutemo rwadarikwa ndirwo rufu. Asiwo nokuda

kwechifunhiro chokuyananisa, mutemo achitendeuka

aibva aregererwa pamberi paMwari. Basa raKrestu

somumiriri wedu rinoratidzwa mumabasa ose

omuTarbenikeri. Ipapo nyasha nezvokwadi zvinosongana;

Page 80: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

80

uyevo kururama norunyararo zvinotsvodana.” ps85.10

Patriarchs and Prophets p349.

Pfupiso NeMhedzisiro

Tarbenikeri chaiyo yechokwadi ndiyo irikudenga

(Vahebheru 8:1-2).

Ipapo ndipo panechigaro chokutonga chaMwari

pavanoyanana nezvisikwa zvavo. Ivo vanomunamata

Iyevo achivanzwira pamwe nokuregerera.

Tarbenikeri yokudenga inzvimbo chaiyo yokunamatira

uye ichiratidzawo zvishuviro zvaMwari kuvanhu.

(Mapisarema 103:19-22).

Mutabernikeri ndimo munobva rutongo uye ruponeso

rwavanhu. (Mapisarema 18:14-19) Zvakazarurwa 6:9-10

Zviviri zvinoti mubayiro uye ushandiri hwomuprista

ndizvo zvinobatirana kuunza ruponeso kuvanhu, kupa

ruregerero, uyevo kuti Mwari vachipedzisa dambudziko

rinokonzerwa nechivi nokudzika umambo wavo

usingaperi.

Zviviri zvinoti kuzvipira nohuprista zvinozadzikiswa

munaKrestu Jesu (Johane 1:29) (Vahebheru 7:23-27)

Page 81: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

81

Kupendera

Tabernikeri iri maererano naMwari Musiki wenyika uyo

unoswedera kuvanhu nokuzviyananisa navo munaKrestu. Iyi

inyaya inotibatsira chose kuti tinzwisise kuti Mwari vedu

vanobatikana chose munezvese zvinotiwira kunyange

varivakurusa. NdiMwari vanehanya, kubginya pamwe norudo

rusingaenzaniswe.

Page 82: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

82

Mashandisirwo Emari

OMusangano reSeventh-day

Adventist Church

Vanyori veChidzidzo Ichi Vanoti: Mufundisi T. C.

Rukuni, Mufundisi M. Choga and, NaElder P. Moyo

Kuzarura (Zuva Rokutanga) Zvirimuchidzidzo Chino

___________________________________________ Mashandisirwo edzimari muSangano rino reSeventh-day Adventist Church akarongeka kudarika mamwe masangano. Nzira iyi inoshamisa pakuti basa reEvhangeri mupasi rose rinotsigirwa nemari inobva zvakare kunyika dzose-dzose. Nhengo imwe neimwe yeSangano inerutsigiro rwainopa Sangano mukubata basa rekuparidzira vanhu vose, marudzi ose, nenyika dzese zvisinei

Page 83: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

83

EGW

kwairi uye chimiro chayo panezvemari. Izvi hazvingagoneki kana basa iri ringangoitiwa navanhu vashoma chete vari panzvimbo imwechete. Mari inobata basa muSangano inobva kunhengo muzvegumi nemipiro yavo. ___________________________________________ “Jehova vakafemera vanhu vavo mazano

okuvunganidza mari dzakakwanira kutsigira basa

rake. Zano raMwari kubudikidza nezvegumi

rakakosha zvikuru kunyangwe ringatarisirwa pasi.

Vanhu vose ngavasimbe muzano iri nokutenda

sezvo rakafemerwa naMwari mukuvambwa kwaro.

Izano rakaputira hudzamu hwekubata kwaMwari

hunonzwisisika kuvanhu vese-vese.” {PH166 3.3}

___________________________________________

Chegumi

Chii Chinonzi Chegumi?

_____________________________________________ Chegumi ndicho chimwe kubva pagumi rezvese-zvese zvatinowana kana kukohwa, zvatinotsaura uye kudzosa kunaMwari sechirangaridzo chekuti Ndiye Muridzi uye Mupi uye Muwanisi (Genesi 14:19-20; 28:20-22; Revitiko 27:30-33). Maererano nehutsvene hwechegumi, kwenenzvero yaRodriguez inechidzidzo chakakosha:

Page 84: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

84

Zvakanangana nechegumi

“Chegumi ndechaMwari naizvozvo chitsvene. Hachitsveneswi kwete nemhiko yeuyo unochidzosera. Asi chegumi chitsvene pakuitwa kwacho; pakungoti ndechaMwari somuridzi wacho. Hakunazve mumwe kunze kwaMwari angati chegumi ndechake. Hapanazve angati anoita chegumi chive chaMwari asi kutoti chakatongogara chitori chake kubva pasikirwo yacho. Hachisiri mudziyo yavanhu.

Munemamwe mafungiro, chegumi chakafanana neSabata. Zvose zvitsvene kunaMwari (qodesh laYHWH; Eksodo 16:23; Revitiko 27:30). Mwari wakapa Sabata nechegumi hutsvene naizvozvo ndihwo hunovumba zvimiro zvazvo. Zviri zviviri ndizvo zviratidzo zvokutenda kwedu kunaMwari nechisimbiso chake kwake kwatiri. Hazvina kubva papfungwa dzavanhu asi kuna iye Mwari.” (Rodriguez, 1994).

_____________________________________________ Zvichibva pachizvarirwo chavanhu, ivo vanotoda kuzvishandisira hupfumi hwavo uye kuziva kuti hunoshandiswa sei. Sezvatatoona kuti chegumi ndechaMwari, zvinoreva kuti ndiye unesimba pamusoro pokushandisiwa kwacho. Mwari vakapa chegumi kuvaRevi somungava wekusava nomugove womunda wakapihwa mamwe marudzi (Numeri 18-21).

Page 85: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

85

NB. VaIsrayeri vakanga vasikabhadhari vaRevi pabasa ravaiita. Vaitongopa zvegumi zvavo kunaMwari kubudikidza nezvipo. Iye Mwari ndiye waizoronga mashandisigwo azvo. Mwari vaizozvipa kuvaRevi. Kukosha kwechiito icho kunoratidzwa pakukosha kwebasa raiitiwa navaRevi kuvaIsrayeri. Izvi zvaioekawo nemadzoserero aiitiwa zvegumi nemipiro navaIsrayeri. Vaidzosa zvegumi zvavo kunaMwari Iye wozvipa kuvaRevi. Iyi ipfungwa inodzokorodzwa katatu muchikamu ichi chaNumeri (mumaverse anoti 21, 24, 25). Nzira iyoyo yaishandisiwa zvakare maringe nezvegumi zvaitsaurirwa maprista (maverse anoti 28, na29). VaRevi vaikumikidzwa kudzorera chegumi kunaMwari kubva pachegumi chavaipihwa navaIsrayeri. Zvakare Mwari vaironga mashandisigwo acho. Chegumi chavaRevi chaiva chaiye Mwari kwete mubhadharo webasa raishandwa navaprista : “Munofanira kupa Jehova chegumi chezvegumi izvo chive chipiriso chinotsaurwa.” (verse 25). Kuchengetwa kwavaprista raisava basa ravaRevi asi rake iye Mwari. Chegumi ichi ndechaitsaurwa kubva kuchikamu chakanakisa chechegumi chaibva kuvana vaIsrayeri (verse 29), izvi zvaibva zvabatsira kuti parege kuti chishandisiwe nenzira isati iri yakanaka naivo vaRevi. Sezvinoreva Numeri 18, chegumi chaipihwa naMwari kuvaRevi navaprista somubayiro wavo wokuzvimisira pakubatira vaIsrayeri basa mutabernakeri yake Jehova. Naizvozvo zvinoreva kuti chegumi chaiuya kunaMwari iye wozochipa

Page 86: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

86

kuvaprista navaRevi kwete kuti chaiindisiwa navanhu pachavo kuvaRevi. Hachizaiva somubhadhara webasa waiindiswa navanhu kuvaRevi navaprista. (Rodriguez, 1994) Iyi ipfungwa inotibatsira zvikuru pakutipa tsanangudzo izere kuti basa chairo rechegumi nderei. Hachishandiswi sezvinofunga vamwe kubva makare-kare kuti ndechinobhadhara vafudzi. Asi tsanangudzo izere iyi inotendekera vanhu kunaMwari anova Iye arimupi wezvinhu zvose zvatinazvo. Izvi zvinozobva zvareva kuti uyo anodzorera chegumi chake ndiye anobva atora basa rokuva muwanisi wevafudzi mibayiro yavo (salaries) pakushanda mwedzi woga-woga. Ndiye zvakare anoshandira kutsigira Sangano nepfuma yake.” Mufungo uyu zvakare unoita kuti pave nedzidziso dzisizvo dzinosanganisira kuti: Zvimiso zvohutariri hwakanaka zvinofanira kuparidzwa nezvazvo kashoma, uye kuti poga-poga panoparidza vafudzi, vanenge vachizviitira homwe dzavo. Izvi zvinobva zvaita kuti basa iri ripesane nezvarinotarisirwa kuti ringe ririzvariri. “Zvakare nhengo dzeSangano dzinomira kudzorera zvegumi zvavo kana kaita kusashandidzana zvakanaka nehutungamiriri. Izvi vanogona kuzviita senzira yokuratidzira kusafara kwavo.” (Maxson et. al., 2006) Chinhu chinokosha kudzidzisa Sangano kuti chegumi hachizi chokubhadhara vafundisi mubhadharo wavo wokupera kwemwedzi. Chegumi inzira yokuratidza rudaviro kunaMwari pakumushumira uye tichitenda kuti ndiye muridzi nomupi wazvose. Ko ndepapi panonzi neBhaibheri vafundisi ndivo zvakare vanonzi vaRevi?

Page 87: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

87

Uyu mubvunzo wakanyanya kupfumbira poga-poga panotaurwa nyaya yezvegumi mukati mesangano redu. Asi uyu mubvunzo usingafaniri kunyanyonetsa chose sezvo mhinduro yawo ichiwanikwa mushoko raMwari. Nyaya iripo ndeyekuti kudzorwa kwezvegumi kunemavambo arishure kwenguva yavaRevi (Genesi 14:19-20; 28:20-22), naizvozvo izvi hazvisi zviitiko zvingabatanidzwa. Kana zvichipupurwa kuti nyaya iyi yezvegumi yakatangira nguva yokuvapo kwavaRevi, kurevawo kuti ichangogarawo ichingovapo shure kwaivo vaRevi. Asi ngazvicherekedzwe kuti chirevo ichi chitongori choga hachina kukwana pakupindura zvizere mibvubzo yezvegumi. Pakupindura zvizere nyaya iyi, panotoda kucherekedzwa nyaya yaPauro achitsigira nyaya yokutsigirwa kwavafundisi neSangano. Muna 1 Vakorinde 9:7-14 kunyanya vv13 na 14 panoburitswa pachena muenzaniso unobva parutsigiro rwavabati venguva yeTestamende yekare. Tarisisa vv14, iyo inoti “Vazvodziwa. Vara iri mururimi rwechiGiriki rinoti diatassō, zvichireva “kurongedza,” “kugadza,” “kuraira.” Mwari vakaraira kuti vafundisi havafaniri kubatikana mumabasa avo okuzviraramisa panguva iyo vachishandira Mwari muvhangeri. Jesu achituma vadzidzi vake kundoparidza, akavaraira kusatakura chinhu chipi zvacho chokuvararamisa. Izvi wakazviita achireva kuti “kuti rutsigiro rwomushandi runobva mubasa rake raanobata” (Mateo 10:10; cf 10:9-11; Ruka 10:7). Kubva mutsanangudzo dzarehwa idzi tinoona kuti zvegumi muTestamende yakare zvaishandiswa kuraramisa vaRevi pamwechete navaprista avo vaiva vazvipira kushandira Mwri paupenyu hwavo. MuTestamende idzva, Pauro unoshandisa pfungwa

Page 88: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

88

iyoyo zvakare pakutsanangudza nyaya inobata rutsigiro rweavo vanozvipira kubata basa raMwari kweupenyu hwavo hwose. Dutoronomio 12: 6, 11, 17; 14:22‑29; 26: 12‑15. Panowanikwa mutsauko mukuru chose pamirairo yekudzora zvegumi inowanikwa munaDutoronomio neinowanikwa kunaRevitiko pamwechete naNumeri.

a. Muna Dutoronomio zvgumi zvaingodiwa chete kubva muzvirimwa, goho rewaini uye neramafuta. Zvegumi zvaitemiwa zvakare kubva muzvipfuwo.

b. Kunyange Mwari varivo vakatema murairo wechegumi womunaDutoronomio, unofanira kucherekedzwa kuti waisava wokubatsira mumwe munhu kunze kwemhuri iyoyo yaichidzora. Ukuwo kunaRevitiko naNumeri tinoonawo kuchibatwa pfungwa yezvegumi zvaitongozosara zviri zvake iye Mwari chete. Izvi ndizvo Mwari zvaaizoti zvichienda kunavaRevi pamwe navaprista vake.

c. Chegumi chomunaDutoronomio chaishandiswa nedzimhuri dzavaIsrayeri munnguva nenzvimbo dzokunamatira. Ukuwo mumwe womurairo warehwa waisazvibvumira izvozvo kuti chidyiwe nomumwe munhu kunze kwavaRevi navaprista pamwe nemhuri dzavo.

Pfungwa huru yatingapedzisira nayo inoputira zvose zvatadzidza ndeinoti kwaiva nemhando mbiri dzezvegumi zvakasiyana. Tsika yeChirabhi/Rabbinic tradition yatumidza zvegumi zvavaRevi sechegumi Chokutanga/ First Tithe ukuwo munaDutoronomio tinoona pfungwa yeChegumi Chepiri/ Second Tithe. Muna Dutoronomio 14:28, 29 na 26:12‑15

Page 89: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

89

tinorakidzwa kuti mushure megore retatu roga-roga chegumi chaivunganidzirwa muguta. Izvi zvaiitirwa kuti “vaRevi…..nevaeni, nenherera pamwe neshirikadzi dzomuguta imomo kuti vagowana zvokuvagutsa nokuvararamisa.” (14:29). Chegumi chepiri ichi zvakare chaibva papfungwa yokugashira dzidziso yokuti aiva Mwari ainge akomborera rudzi rwavaIsrayeri (12:6, 7). Asiwo, chinagwa chikuru chechegumi ichi chaiva chokudzidzisa kukosheswa kwezvinoera zvaMwari (14:22) uye kubatsira vanoshaya (26:12). Chegumi ichi chingafananidzwa “nechegumi chorubatsiro” mukati memhuri yavaIsrayeri. Imba yaMwari Yekuchengetera Zvegumi/ Storehouse Irikupi? Maraki 3:10 inotikurudzira kuunza zvegumi zvedu zvose mumba yaMwari yokuchengetera. Imomo ndimo maichengetwa nokushandisirwa chegumi navaRevi (cf. Muprofita Nehemia 13:12-13). Kana tichitarisa pfungwa iyi muBhaibheri, tinogutsikana kuti Conference ndiyo imba yaMwari yokuchengetera zvegumi zvevanhu vose vari imomo. Mari yose zvayo yechegumi inozoshandiswa mubazi rimwe nerimwe romudunhu imomo mainenge yabvisiwa. Chidimbu chihombe

Page 90: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

90

chonozonoshandiswa muSangano makare machinenge chabva kubudikidza norutsigiro rwachinozopa mufundisi weSangano iroro pamwewo nevabati vevhangeri. (Izvi zvinobva zvapedza mufungo unoti chidimbu chihombe chechegumi chinokwidzwa kuConference chisingazobatsiri Sangano racho rachibvisa. Asi tinoona kuti chinotoshanda imomo machabva kudarika kumwe kose. Chinokwidza kuConference zvinenge zvisina mwero asi chozodzoswa chave nomwero unenge wakanangana neSangano iroro. Ipapo ndipo panozoendeswa chimwewo chidimbu chechikamu kumsoro kuConference. Munda weLocal conference Kubva mumunda weConference kana kuti muimba yokuchengetera mari yaMwari, chidimbu chihombe chechegumi chinoshandiswa semuhoro wavafundisi, navashandiri vose pamwe nemiripo yemabasa ose anobatwa navanhu ava. Kupfuura ipapo chegumi chinoshandiswa zvakare kuvunganidzira vashandi mari inozovachengeta kana vachinge vamira basa nokukura/ Retirement Benefits. Chimwezve chidimbu chechegumi chinozoshandiswa semari yokuripira misangano, basa rinobatwa mumahofisi nemidziyo yamo, pamwewo nepakuronga kuparidzwa kwevhangeri. Panewo chimwe chidimbu chishandiswa kutsigira basa revavhangeri navafundisi vemagwaro/ the Literature Evangelist Benefit Fund. Chegumi chinodzorerwa nenhengo dzose dzeSangano kusanganisira nemabazi ose eSangano anotochidzorerawo. Izvi zvinongowanikwa chete muSangano reSeventh-day Adventist Church, zvinozoita kuti pavenerutsigiro rwakazara kuSangano rose pasi tenderere. Munda weLocal Union

Page 91: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

91

Pachidimbu chechegumi chinobva kumunda weConference ndipo panoripwa vashandi veko, kubatsira maConference maduku, kuparidzwa kwevhangeri, kuindisa vhangeri kunzvimbo dzisati dzariziva, pamwe nokutsigira zvikoro zveUnion iyoyo. Kupfuura ipapo, Union inobvisawo chegumi chayo chainoindisa kumunda weDivision. Munda weDivision Semashandisiro anoitwa chegumi kuUnion ndiwo zvakare magamuchirirwo nemashandisirwo achinoitwa kuDivision. Chinoshandiswa pakutsigira maUnion maduku, kuparidzira nzvimbo dzisati dzaziva vhangeri, pamwewo nokumisa zvivakiwa zveDivision. Munda weDivision yokuAmerica unonzi North America Division unoendesa chidimbu chesere pazana chechegumi chawo/ 8% of the tithe, kunyangwe mamwe maDivision achiendesa chikamu zvikamu zviviri pazana/ 2% chete kumunda wokumsoro-soro weThe General Conference.

Dzidziso yeSangano Munezvegumi (Zuva Repiri) Kuunganidzwa kwechegumi

_____________________________________________

1. MunaNumeri 18 v 26 – vaRevi ndivo vaitumwa kundovunganidza chegumi (zvichireva chidimbu chegumi pazana pagoho). Kuyangwe nanhasi tinoona vafundisi vedu kubudikidza nevabati vehomwe mumaSangano vari ivo vakatumwa kubata basa iri. Vafundisi, vatungamiriri vemaSangano pamwe neboka guru reSangano reChurch ndiro rinofanira kuzokurudzira

Page 92: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

92

nhengo dzeSangano panyaya dzokuvimbika mukudzorera

“Sangano ngarisarudze vafundisi uye vatungamiriri vakazvipira chose munaIshe Jesu, kuti vasarudzewo vanhu vachazozvimisira pakuvunganidzira zvegumi zvose muimba yaMwari. Kana vafundisi vangarikoniwa basa iri kuriita namazvo, vanenge vachizvipinza munjodzi huru sezvo basa iri riri rinoita kuti pave nechikomborero kana chituko kumaSangano. Vanofanira chose kutorerwa mabasa iwayo kuti apiwe kuneavo vanoakodzera.” {RH, December 1, 1896 par. 26}

2. Muna Muprofita Nehemia 13 verse 13 –

Tinoona kuti Sangano rimwe nerimwe rinofanira kuzvisarudzira vabati vehomwe dzezvegumi vakavimbika. Kubudikidza navafundisi vavo, vabati vehomwe ava vanozovunganidza uye kuindisa mari yoe yaunganidziwa kubazi reConference rinochengetawo mari. Ipapo ndipo painezenge yavekunzi maTrust Funds uye inongoshandwa chete navanhu vakaridzidzira basa iroro.

“Mubati wehomwe yeSangano / Treasurer ndiye muchengeti wemari yose —

Page 93: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

93

Mari idzi dzinosanganisira (1) yemundaweConference/ Conference Funds, (2) Mari yemumaSangano/ local Church Funds uye (3) mari yemabazi anotsigira basa rinoitwa mumaSangano. Mari dzose (dzinosanganisira yekuConference, yekuSangano/ local church, uyewo mabasa anotsigira basa/ local church auxiliary) dzinoendeswa kumabhanga dziri muzita reKereke racho rapa. Zvinogonekawo kuti Conference ione zvakafanira kushandisa imwezve nzira yokuchengetedza mari yeSangano.” Church Manual (2015: 83)

TARISISAI-Mari dzakanangana neConference dzinochengeterwa kuzita reConference iyoyo ukuwo yeKereke ichiindiswawo kuzita reKereke iyoyo.

“Zvichitevera kukosha kwebasa remubati wehomwe muSangano, kunokurudzirwa kuti kusarudzwe wakakodzera kuzoramba aripo kwenguva yakati rebei kuitira kufambisirwa mberi kwebasa iroro kunyanya zviri maererano nokuchengetedzwa kwemiviko yezvemari nemashandisirwo ayo. MaKereke akati kurei anokurudzirwa kusarudza vabatsiri vevabati vedzihomwe dzavo. Izvi zvinozosiira Mubati wehomwe

Page 94: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

94

yeSangano mukana wakakura wokukwanisa kukurudzira nhengo dzake pakuvimbika nokunzwira vanoshaya. Kana chidzidzo ichi chikauya nomutoo wokusundwa noMweya waTenzi zvinopa kuti chigashirwe nenhengo zvinova zvinozopa kuti dzivimbike pazvegumi zvose kunyangwe muchimiro chinenge chisina kugadzikana munezvemari munyika.” Church Manual (2015: 82)

3. Muprofita Nehemia 13 verse 12 – inodzidzisa kuti chegumi chinovuyiswa kuimba yemari kuchireva bhanga ririmuzita reConference.

Mafambiro Chaiwo Emari YeSangano:

Page 95: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

95

Basa rechegumi

“Nzira chaiyo yokubhadharwa kwemari nenhengo—

Mubati wehomwe yeSangano anofanira kukurudzira nhengo kudzosa mari dzose

dzakanangana neSangano dzirimumamvuropu ezvegumi nemipiro.

Izvi zvinogona kuva kunze kwokuva painedzimwewo nzira dzingange

dzakatarwa neConference pakuita izvi.”

“Nhengo dzinofanira kureva izvo dzadzirikuda kupira mari yose zvayo inenge iri muhamvuropu. Vanofanira

zvakare kuva nechokwadi chokuti mari yavanenge vanyora pahamvuropu

inokwaniranawo nemari yacho yavanenge vaaisamo. Vanozofanirazve kunyora

mazita avo pamwe nemakero avo.

Page 96: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

96

Vanozoisa mahamvuropu aya mundiro dzemipiro kana kupa kuvabati vehomwe

avo vanodzichengetedza sehumbowo hwekuti pakabviswa mari idzedzo

kunavaongorori vedzimari vekuConference/ Conference Auditors.”

Church Manual (2015: 84-85)

4. Mari dzose dzakanangana neSangano dzinochengetwa nomubati wehomwe wemuSangano iroro. Kunofanira kushandiswa bhuku rakakodzera uye rakapiwa neConference chete pakunyora mareceipts avanenge vabhadhara mari dzavo. Munhu wese anenge adzorera chegumi anekodzero yokuwana receipt rake kubva kumubati wehomwe yeSangano.

5. Bhuku romubati wehomwe yeSangano rakakamurwa munzvimbo nhatu dzinoti yomunhu wapa, iyo inoendeswa kuConference neinozosara mubhuku imomo kuitira mangwana. Iyo inoendeswa kuConference ndiyo inoperekedza mari dzacho dzose dzinoendeswa ikoko.

“Kuenda KwemaReceipt Kunhengo —

Mareceipt ose anofanirwa kuendeswa kuvaridzi vawo zvisinei huduku kana hukuru hwemari yakabviswa. Tsanangudzo dzizere dzedzimari dzeSangano dzinofanirawo kunge dziripo kunevanobata basa irero. Imwewo mipiro isiri chegumi inobva kunhengo inofanirwa kuverengwa nomubati wehomwe achibatsirana nomumwewo mubati weSangano kunyanya muDhikoni

Page 97: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

97

uyo anozopiwa receipt remari iyoyo.” Church Manual (201:85)

Note : Vabatiri vose vanosarudzwa mumaKereke vanofanira kunge vakavimbika pakudzorera zvegumi zvavo. “Kupa muenzaniso wekudzora zvegumiSetting — Vabati vose vanofanira kudzorera chegumi chavo somuenzaniso wavo wakanaka kuSangano. Aninani zvake asingazviiti izvi haakodzere kupiwa basa muKereke.” Church Manual (2010: 72) _____________________________________________ Kubva kunaNumeri 18 vesi 21, 24 ; Muprofita Nehemia 10 vesi 37

Chegumi chinoshandiswa pakuraramisa vaRevi avo vari vafundisi nhasi muSangano reSeventh Day Adventist Church.

Muprofita Nehemia 10 vesi 37 unoti, “... vaRevi vachavunganidza zvegumi zvose kubva kumaguta avo. Zvegumi zvemirimo zvaiuiswa kuJerusarema panguva iyoyo. Panguva ino zvegumi zvose zvinobva kumaKereke zvichiuiswawo kuConference inova nzvimbo yaMwari yekuchengetra mari dzose dzeSangano. Iyi ipfungwa inobva mukati meBhaibheri. Kune avo vasingakwanisi kuendesa zvegumi zvavo kumaKereke nezvikonzero zvakasiyana-siyana zvinobatika, nzira dziripo dzokuti vakadaro vaendese zvegumi zvavo kuConference vachibatsirwa navabati vehomwe vekuConference.

Page 98: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

98

Bumbiro Rinotungamirira Basa reSID/ SID Working Policy regore ra2003 papapeji 446, “Conference / kana kuti Mission ichagashira zvegumi zvose muuzere kubva kuvanhu vose namaKereke ose ari munzvimbo dzainotungamirira.”

Bumbiro reSDA Church rinopa pfungwa yokuti vafundisi uyewo vashandiri vevhangeri ndivo vachabatsirikana kubva muzvegumi izvozvo sokupiwa kwazvinoitwa kubva kumaConference avo.

Kudzora Chegumi Kunobva Pamurairo Nzira ioonekwa yokudzora zvegumi yakaberekwa pamurairo wakatsamira paMurairo waMwari. Nzira iyi yaiva nechikomborero kuvaJudha sokuipiwa kwayakaitwa kwavari naMwari. Naizvozvo inofanirawo kuva chikomborero kunavosewo vachaitevedzera kusvikira kumigumo yenyika. Baba vedu varikudenga havana kuita kudzowa kwezvegumi senzira yokuzvipfumisa asi kuti vanhu vakomborerwe nayo. Mwari vakange vazviona kuti ndizvo chaizvo zvinoda kuti munhu aane chikomborero chinobva kwavari. {PH166 4.3} Chegumi Chechegumi/ The tithe of tithe Kubva kunaNumeri 18 vesi 26 ; naMuprofita Nehemia 10 vesi 38

Kana mufundisi aching agamuchidzwa muhoro wake anofanira kudzorera chegumi chake.

Kanawo Conference yavunganidzirwa zvegumi kubva kuvanhu vayo, inozofanirawo

Page 99: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

99

kudzorera chegumi chayo kumunda uripamsoro payo weUnion Conference.

SID Working Policy regore ra2003 mupeji ra 446, inoti “Munda weUnion Conference/kana Mission ichagashira chidimbu chegumi pazana chemari kubva kuConference yayo.” Inoenderera mberi ichiti, Southern Africa-Indian Ocean Division ichatara chiyero chemari ichabviswa nemaConference ayo mari inova irikunze kweyezvegumi zvinobva kumaUnion.

Naizvozvo somuenzaniso kana Conference ichigamuchidzwa mari ingaita $10 000 iri yezvegumi, Conference iyoyo inobvisa zvikamu gumi pazana/ 10% zvemari iyoyo kuUnion. Kunozoti kana chiyero chokuwedzera mari yakatarwa chiri chegumi nezvitatu pazana/ 13% kureva kuti Conference inobvisa zvakare mari inoita $1300 kuUnion seChegumi chakawedzerwa kana kuti Special Tithe.

Kudzorera Chegumi Senzira Yokuva Muenzaniso Wokuvimbika “Vashandi Vose VomumaKereke uye kuConference Ngavave Muenzaniso — Vakuru veSangano/ Elders kusanganisirawo namufundisi navamwe vabati veConference vanofanira kuva mienzaniso wakanaka pakuvimbika pakudzorwa kwezvegumi. Hapana uchasarudzirwa basa romuKereke iye ari asingavimbiki munyaya iyi.” Church Manual (2010:131) “Kusimbisa Nyaya Yokudzorwa Kwezvegumi –

Page 100: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

100

Vatungamiri veSangano vanopa muenzaniso wakanaka uye wakasimba kunhengo pavanenge vachivimbika mukudzorera zvegumi zvavo. Vatungamiri vangasimbisa izvi nokupa zvidzidzo zvohutariri, pamwe nokushanyira nhengo ukudzikurudzira kuvimbika. Izvi vanofanira kuzviita nenzira inoburitsa pachena mimwe yemibayiro kana munhu aching avimbika kunaMwari muzvegumi.”Church Manual (2010: 74)

Zvinofanira kuzikanwa kuti kuve wakavimbika ndizvo zvinodikanwa kuti munhu akodzere kusarudzirwa mabasa omuKereke anosanganisira kuvemutungamiriri upi zvake zvichisanganisira navafundisiwo.

Nyaya dzose dzinechekuita nemari yeSangano nevanoibvisa vacho, inofanira kuva nyaya inongonangana navo chete inonzi muchirungu Confidentiality

Church Manual (yegore ra2010: papeji ra74) inoti “Vatungamiriri veSangano/ Elders vanofanira kubata nyaya dzose dzemari kusanganisira nenhengovo muchiero chakakwirira uye chisina kufumurana mukati muvanhu vasingakodzeri nyaya idzi.”

Zvinoshandisirwa Chegumi Bhaibheri kusanganisirawo nezvinyorwa zvaEllen G White zvinoburitsa pachena mashandisirwo ezvegumi. Izvi zvichabatsira zvikuru Sangano pakuparura bumbiro rakasimba iro richaratidza kubatirana pamwe kwarinoita pakushandisa sezvarakazarurirwa neShoko raMwari.

Page 101: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

101

1. Kuraramisa Vafundisi nevashadiri vose

Vesangano – Chegumi chichashandiswa pakutsigira vose vanokodzera kuwana muhoro weSangano pakubata kwavo kwose mabasa eSangano. Zvimwe zvinobatwa ndezvinoti:

Muhoro Wevafundisi “Chegumi chifanira kubata basa rimwe – kuraramisa avo vakadanwa naMwari kuita basa rake. Chinofanira kushandisirwa avo vakadanirwa kuparidzira vanhu mashoko ehupenyu uye vanotakurira vanhu zvose zvinovaremera.” E.G. White, M82,1904).

2. Basa Revhangeri Mupasi Rose – Chegumi chinofanirawo kubatsirawo kunze kwemaConference edu kusanganisira nedzimwewo nyika. Izvi ndizvo zvinoshandwa neChegumi cheChegumi/ Tithe of tithe uyewo the Special Tithe kuminda mikuru yeSangano inosanganisira maConference, Union Conference uyewo maDivision eGeneral Conference. Naizvozvo munhu muwe zvake kana achidzorera chegumi chake, anenge achitobatsira kufambiswa kwevhangeri mupasi rose tenderere.

3. Vanoshandira Kuwanikwa Kwemweya –

Iri iboka rinosanganisira vabati vemapazi/ departmental directors, pamwe nevanoshadamo zvikuru vanenge vachibatikana mukupaidzwa kwevhangeri. Kunosanganisirawo Mutungmiri weConference, Munyori mukuru weConference, Mubati mukuru wehomwe/ CFO nevatungamiriri vose pamwe nevashandi.

Page 102: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

102

4. Mari Inodikwa NeConference/Mission Mukushanda Kwayo Mazuva Ose/ Operating Expenses –

Izvi zvinosanganisira mari dzokufambisa, nedzokufambiswa kwemashoko zvikuru nevanhu avo vatorehwa nechakare pamsoro kuti vakatarirwa mari iyoyo.

5. Rubatsiro Rwevafundisi Vemagwaro/

Literature Evangelist Benefit fund – Chegumi chinoshandiswa zvakare pakutsigira basa uye vabati veboka rinoshanda kufambisa vhangeri kubudikidza nezvinyorwa zveSangano.

6. Rutsigiro Rwezvirongwa ZveSangano – Izvi zvirongwa zvinosanganisira vungano dzevana/ Youth Camps, misangano yematumba sebasa revhangeri iro rakakumikidzwa kuSangano rino. Mari idi pavungano idzi ndidzo dzinoshandiswa pakufambisa vaparidzi, uyewo zvose zvose zvingada mari zvichienderana nekuvapo kwayo mari yacho.

7. Midziyo Inoshandiswa Kuparidza Evhangeri

Uyewo Midziyo yemuhofisi meConference – Izvi zvinosanganisira midziyo yakafanana nemaPA System, generator pamwe nembatya dzemuhofisi dzinosanganisira zvigaro, matafura pamwe nezvimwewo. Zvimwe zvinoda mari zvinogona kushandisirwawo mari isati iri yechegumi.

8. Vadzidzisi veBhaibheri Nevamwewo Vashandi Vomuzvikoro ZveSangano –

Page 103: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

103

Tichitarisa yambiro yaEllen G. White pakushandiswa kwechegumi “mumabasa omuzvikoro” anoti tsigiro yezvikoro zvedu ngaiwanikwe ichibva kumwewo asi zvichizozadziswa nechidimbu chinozobva mune iyi yechegumi. “Chegumi ngachishandisirwe chete avo vanoshanda kuparidza Evhangeri chete kungava kuzvikoro kana kupi zvako zvinova zvinotsigira zviri pachena basa ramufundisi.” These include the Chaplain at our schools

9. Vashandi Vakarega Basa Nokukura/ Retired

Employees – Chegumi chingashandisirwa zvakare kuraramisa avo vaimboshandira Sangano muzvikamu zvaro (kunze kweizvo zvinosanganisira zvehutano). Zvisingakodzeri Kushandisirwa Chegumi

1. Mari Dzezvinovakwa ZveSangano Mabasa akanangana nekuvakwa

nezvimwewo zvakadaro anofanirwa kuripirwa nemari isati iri yechegumi.

Izvi zvinosanganisira mahofisi eConference, midziyo yemisangano yamatumba, magungano evechidiki, zvikoro zvevana, zvakanangana nezvefundo yemabasa emaoko, zvivakwa zvemaKereke, nzvimbo dzezvokupira vanhu rubatsiro, nezvikoro zvedzidzo yepamusoro.

2. Midziyo yokushandisa – midziyo yose zvayo kusiya kweinoshanda mumisangano yamatumba uye inoshandiswa pakuparidzwa kwevhangeri.

Page 104: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

104

3. Mari Yokuripira Zvinonangana NeKereke /

Local fund operating expenses Mai dzinoripira zvakaita

sokugadziridza ruwazhe rweKereke, miripo yevanyori, vatyairi nevamwewo inobviswa pahomwe yapaKereke ipapo.

“Chegumi hachifaniri kushandisirwa miripo yezvinongomuka. Iroro ibasa renhengo dzeSangano kuona kuti dzatsigira nezvipo uye mipiro yavo.” ( NaEllen G. White, Tsamba 81,1897)

Chegumi chose chinofanira kuendeswa kuConference. Hachifaniri kushandiswa pamabasa epaKereke chisati chasvitswa kuConference.

4. Mari Dzinoshandiswa Kuripira Basa Rinobatwa Muzvikoro ZveSangano/ School Operating Expenses –

Mabasa anosanganisira kutsvaira nokuvakurudza zvikoro zvevachirikukura uye zvevakura inofanira kubva kusati kurikuchegumi.

NB- Pfungwa idzi dzinobva kuSID Working policy (2003) page 448-450) Tinofanira kucherekedza zvakare kuti chegumi chose chinofanira kusvitswa kuConference iyo ichaendesa

Page 105: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

105

chimwe kuUnion, inova inokwidzawo kuDivision kozogumisidza kuGeneral Conference. _____________________________________________

Offerings (Day 3)

Kuzarurira

_________________________________________ Nzira yechipiri ingapinza mari muSangano ndeyezvipo pamwe nemipiro. Nguva zhinji mipiro inopiwa mushure mokunge paitwa rukoko zvinova zvinopa kuti nhengo dzeSangano dzipe somurairo kana kuti sebasa ravanotarirwa kuita. Kana tichitevera muenzaniso uri muBhaibheri, kana munhu angadzora mupiro wakaenzanirana nokupiwa kwaanenge aitwa naMwari, zvinobva zvaratidza kugashira kwake dzidziso inoti Mwari ndiye Mupi Mukuru wazvose. _________________________________________

Mitemo Yakanangana Nemipiro

1. Mubvunzo. Ndechipi chakakoshesa kudarika chimwe pakati pezvinhu zviviri zvinoti chegumi kana mupiro?

Mhinduro. Zvose chegumi kana kuti mupiro zvakaezana pakukosha Maraki 3:8.

1. Mubvunzo. Munhu angazvisarudzira here pakati pokudzosera chegumi kana kupa mupiro?

A. Chegumi chinhu chakasiyana nomupiro mupiro Malachi 3:8. Murairo wedzimari wakatarwa mumabhuku aMosesi maererano nedzidziso yezvegumi zvavaRevi wakatongosiyana nezvinodzidziswa pakupa mipiro.

Page 106: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

106

2. Mubvunzo. Mipiro inopiwa riini?

Mhinduro. Kuti munhu azopa mupiro wake anenge asundwa negoho rake rakawedzerwa (Deutoronomio 16:17, Zvirevo 3:9). Poga - poga panowedzereka goho panofanirawo kunge kuchipiwa mupiro. Hatifaniri kuti tiite zvokukokerwa asi “mupiro ngaupiwe pasina kutsutsumwa” (2 Vakorinde 9:7). “Chindini ndiyo hosha hurusa kuvanhu vose . . . mumabasa edu ose nemuzvipo zvemabasa aMwari hatifaniri kunge tichisundwa nesimba remafungiro edu. Kushanda kana kupa zvichisundwa nokunzwira ngoni uye kurega kupa nemhaka yokushaiwa hanya, ipfungwa isina huchenjeri panyaya yohutariri.” Counsels on Stewardship 25.

3. Mubvunzo. Ndingapa sei mupiro

wangu? Mhinduro. Mupiro unofanira kupiwa sezvakatarwa mumurairo. “[Pakupa] SemaKrestu tinofanira kutevedzera murairo wacho wokupa, sezvakaratidzwa NaKrestu achizviramba nokuzvipira.” Counsels on Stewardship 25.

“Nyaya iyi yokupa haina kusiirwa kumifungo yedu. Mwari vakatipa mirairo inotibetsera panyaya iyi. Vakapa tsanangudzo izere yokuti kudzorerwa

Page 107: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

107

kwechegumi nezvipo ndicho chiero chohukama hwedu naMwari. Naizvozvo tinofanira kupa Mwari zvakarongeka uye nguva dzose.” Counsels on Stewardship 73.

“Nguva dzose” zvinoreva kuti tinofanira kupa mupiro wedu nguva dzose dzatinowana goho rakawedzerwa. “Systematically” zvinoreva kuti mupiro unofanira kuenderana nechikomborero chegoho chinenge chawanikwa panguva iyoyo. Pakuronga kwaMwari, murombo anogona kupa mupiro wakakura kudarika womupfumi kwete pahuwandu asi pakuenderana kwazvo nekukomborerwa. (Ruka 21:1-3).

“Muchiero chomuTabernakeri, mupiro wavarombo hauverengerwi pakuwanda kwaho asi pakuti rudo rwasunda chiitiko ichi nderwakadini..... Mwari vakaparura nokuronga zano rose rokupa kwakarongeka kuti zvibatsire vanhu.” Counsels on Stewardship 180.

4. Mubvunzo. Chiero chakadini chemuhoro wangu chandingapa somupiro?

Mhinduro. Munhu mumwe nomumwe ngazviitire sokufunga kwake. (2 VaKorinde 9:7). Muenzaniso Unobva MuTestamende Yekare,

Page 108: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

108

“Zvivunganidzwa zvaidikwa kuvaHebheru zvichiva zvainangana nemabasa okubatsira varombo uye okutenda zvaisvika kuchikamu chimwe pazvina zvepagoho ravo. Mutero unoripirwa kuvateresi ukakurisa, unoita kuti vanhu vavevarombo; Asiwo neimwe nzira kuvimbika pakutevedzera mirairo iyi zvaiita pave nekubudirira.” Patriarchs and Prophets 527.

Murairo wokupa wakamiswa naiye Krestu ndewokuti mupiro unofanirwa kuenzaniswa nechiedza uye mikanawo yakawanikwa. "Kunaani naani wakapiwa zvizhinji kunotarisirwavo kuti ape zvinoenzanirana." Ruka 12:48. Jesu akati achitaura kuvadzidzi vake achivatuma, "Makapiwa pachena naizvozvo ipaiwo pachena." Mateo 10:8.

Panowedzerwa zvikomborero nemikana yedu inokwirawo –

Page 109: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

109

Sezvatinemubayiro usingaenzaniswe nechimwe chiro unova iye Krestu Jesu Mwanakomana waMwari – mufaro wedu unofanirawo kunge urimukuru kuneavo vasati varigamuchidzwa Evhangeri. Basa reEvhangeri, apo richipararira, rinoda rutsigiro rwakakura ikozvino kupfuvura mazuva ekare; izvi ndizvi zvinoita kuti kutarwa kwomurairo wezvegumi nemipiro zvive zvinofanira kukosheswa kupfuvura nguva yavaHebheru. Deno kwaisavapo dzimwe nzira dzokuvunganidza nadzo mari yeSangano dzisati dziri dzapamurairo, Mwari vaizokudzwa zvikuru uye vazhinji vaizoponeswa munaKrestu.”

Patriarchs and Prophets 528.

Page 110: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

110

Special (Project) Offerings (Day 4)

Kuzarura Rutsigiro rweBhaibheri Panyaya YoMupiro Wakatsanangurika/Special Project Offering

__________________________________________ Munedzimwe nguva mari yechegumi nemipiro yenguva dzose inogona kusakwanira mabasa adzinotarisirwa pakuvamba mabasa matsva kana kusimudza zvimwe zvivakiwa. Ipapo panogona kudiwa mari inovunganidzirwa kuvamba mabasa matsva. Asizve mari iyi ingabuda sei muCombined Offering Plan? Zano iri ndiro rinozoita kuti homwe yomupiro ivandudzike. Mari idzi dzinozouya pamsoro pemipiro inozivikanwa dzinofanira kutongotorwa dzirizvadziri kuti ‘ndedzokuwedzerwa’. Izvi zvakadero sezvo pasina Kereke ringamisa basa rokuvaka kwovupenyu bgaro bgose. Mienzaniso yamabasa akakosha eSangano anogona kusanganisira maKereke, mahofisi eConference idzva yekuMasvingo, kuvandudzwa kwechivakwa chehofisi yeCentral Zimbabwe Conference, kuvandudzwa kwenzvimbo dzemisangano yematumba, kucherwa kwemigodhi muzvikoro, Save Boarding School, Mundondo Boarding School, Kirinika yekuMasivamele pamwe neyeGatawa Clinic. __________________________________________ Panguva dzakatarwa, mupiro weSpecial Offering waiuyiswa kunaMwari zvichiitirwa chinangwa chaive chakatsanangurika muTestamende Yekare. Muenzaniso wakanaka mupiro waibisirwa kuvakwa kwetabernakeri. Mwari vakati mupiro uyu waifanira kubva kunemunhu wese zvake.

Page 111: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

111

(Eksodo 25:2), asi waifanira kuva mupiro wokuzvisarudzira (36:3). Kupa mupiro inzira yaifanira kuratidza zvinova zvaitora nzvimbo mukati memwoyo wemunhu. Mupiro uyu waifanira kubva chete kune avo “vaisundwa pamwoyo pavo” (nādab = “kurudzira, ipa usikasundwi”) (Exodus 25:2; 35:5). Chiratidzo chokuti kupa kunotangira mukati memunhu chinoonekwazve pachirevo chinoti “vaisimudzirwa pamwoyo pavo” (Eksodo 35:21) kana “vaishushikana pamwoyo” (verse 29). Chainyanyotsvagwa naMwari kuona kuti vanhu vanogamuchira here mumwoyo mavo rukoko rwaMwari. Saizvozvo vanhu ndipo pavanounza nerudavoro zvinhu zvaisanganisira izvi; ndarama, siriveri, dare, mabge akakosha, machira, matebge emhuka, mafuta emiorivi, pamwe nemishonga. (Eksodo 25:2-7). Munhu wese, varume navakadzi vaiunza zvimwe zvepfuma yavo (Eksodo 35:5); Vaitodaridza pavaipimirwai pane zvaidikanwa. (Eksodo 36:6-7). Boka rokutanga renhapwa rakanga zvino roda kudzoka kuJerusarema mugore ra539BC, ipapo vaiva vavakidzani vavo ndipo pavakavapa zvipo nokusazvisunda/ freewill offerings, zvaizoshandiswa pakuvakurudzwa kwerusvingo rwetemberi (Ezra 1:6). Mugore ra457 BC Muprofita Ezra akadzoka pamwe nerimwe reboka kubva kuvutapwa. Parizvino tinoona mambo, namachinda ake, pamwe namaJudha vachipa zvipo (terûmāh = “gift”) zvokutsigira mabasa omutembere (8:25). Muprofita Ezra wakachengetedza zvinyorwa zvinenhoroondo yemupiro iwoyo. (8:26-30).

Page 112: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

112

Kuvunganidzwa KwemupiroweSpecial Project

Poga poga paifanirwa kuti temberi rivakurudzwe mupiro waivunganidzwazve mumaKereke? Ndipo mari yaifaira kuti ibve kuvanhu vose zvichiitirwa kuvunganidza mupiro iwoyo. Muna 2 Vakoronike 24:6, 9 mupiro uyo wainzi muchiHebheru maś’ēth. Iri ivara rinobva munerechiito nāsā’ zvichireva “kutakura” zvobva zvareva kuti mupiro ungaenzaniswa nechinhu chinotakurirwa Mwari. Panguva yamambo Joash, apo tembere rakanga richivakurudzwa, ndiro yamupiro yaigadzwa pachivanze chetembere. Bhaibheri rinotaura kuti kuti vanhu vaiunza mupiro pasina aivasunda uye vachifara zvikuru (2 Vakoronike 24:10). Paizonamatirwa tabernakeri nerati, Mwari vaizodazve mumwe mupiro wainangana nebasa iroro (Numeri 7). Rudzi rupi nerupi rwaiuyisa zvipo zvaro (qorbān, paverse 3) nomuriri warwo. Zvaisanganisira mhuka dzokupirisa, midziyo yendarama nesiriveri, gorosi zvose zvaidiwa muimba yaMwari. VaIsrayeri ndivo vaiva nebasa rokupa zvose zvishandiswa zvomuimba yaMwari. Izvozvo vaizviita nemipiro yavo. Mupiro wepaMusangano Wematumba/ The Campmeeting offering unopindawo muchikamu chemipiro iyoyo (Dutoronomio 16:16-17). __________________________________________

Basa rakakosha iri reSpecial Project rinogona kunge riri rapaKereke kana kuConference. Kuti mupiro webasa iri uvunganidzike zvirinyore, uyo unopa mupiro uyu unofanira kureva chaicho chakanangana nomupiro wake.

Page 113: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

113

Mari dzose dzinogashirwa dzakanangana

nebasa reConference dzinotumirwa ikoko kuConference dzirimuzita rapiwa neConference iyoyo.

Kunotiwo mari idzo dzapiwa kubata basa rapamusha zvichireva Kereke, dzinochengetwawo dziri muzita reKereke irero.

Munda weCentral Zimbabwe Conference

yakaparura homwe yemupiro wayo weSpecial Project Fund. Kana maKereke angatsigira homwe iyi, hapanazve mari ingazodiwa yakanangana nemabasa akadaro. Munhu nomunhu anopa nokusundwa kwake noMweya waMwari.

Mavunganidziro omupiro uyu weSpecial

Project Fund neFreewill Offering

zvinovunganidzwa sezvakamboratidzwa

kumashure. Munhu nomunhu ngaape

nokusasundwa nomumwe munhu asi

sezvinoreva mwoyo wake.

Vanhu vanogona kunyora zvivimbiso zvavo

zvokupa/ pledges izvo vanofanira

kuzozadzisa

__________________________________________

Yambiro yaEllen G. White

Page 114: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

114

“Mwari vanoda zvipo panguva dzakatarwa, zvakarongwa nenzira yokuti kupa kunofanirwa kuva chijairiro uye basa romuKrestu ose-ose. Munhu kana aching azarurirwa panyaya yokukosha kokupa Mwari, haazovizve nedambudziko rechindini Izvi unozotoramba achizviita nguva dzose dzeupenyu hwake zvinova zvinovumba vukama naMwari.” {FLB 245.3}

“The contributions required of the Hebrews for religious and charitable purposes amounted to fully one fourth of their income. So heavy a tax upon the resources of the people might be expected to reduce them to poverty; but, on the contrary, the faithful observance of these regulations was one of the conditions of their prosperity.” {FLB 245.4} or Patriarchs and Prophets page 527 para2

Page 115: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

115

Policy

“Nemazuva aIsrayeri chegumi nemupiro yaidirwa kuchengetedza zvose zvainangana nebasa remuimba yaMwari. Vanhu havaizofanira kurega kupa mipiro iyeyo nguya iyeyo kunyangwewo nanhasi.” Patriarchs and Prophets page 528

Mhuri yaIsrayeri panguva yakare vaipa chidimbu chimwe pazvina chemugove wavo somupiro. Ko isuwo takatarisirwa kupavo zvakadini nhasi savanhu vatoswededzwa munguva dzokuvuya kwaJesu.

10% Chegumi chako 10% Mupiro wako 5% Special project yako

Page 116: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

116

Ko Mupiro wepaMusangano Wamatumba/ Camp – Meeting Offering?

Kana vanhu vangatevera nzira yaMwari yokupa nayo, taizofadzwa nechikomborero chinowanikwa pakupa.

“The principle laid down by Christ is that our offerings to God should be in proportion to the light and privileges enjoyed. “Unto whomsoever much is given, of him shall be much required.” Luke 12 verse 48

Mateo 10 verse 8 inoti, “Pachea wakagashidzwa, pachena chipawo.”

“Basa reEvhangeri sezvaririkukura rinoda rutsigiro runodarika zvaitarisirwa mumakare-kare; Izvi zvinobva zvareva kuti mirairo yakangana nokupa Mwari ngaichengetedzwe zvikuru mumazuva iwo ano kudarika zvaiitwa munguva dzavaHebheru.

Deno vanhu vaMwari vangatsigira basa rake kubudikidza nezvipo izvo vanopa nokusasundwa, mari hadzaizotsvagwa nenzira dzisati dzakarongeka. Mwari vaizokudzwa namazvo uye vazhinji vaizoponeswa munaKrestu.” PP page528 -529

Page 117: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

117

“Pakushandidzana NeConference – Mufundisi navabati vose veSangano vanotarisirwa kubatsirana pakushanda navabati vose vekuConference pakuita basa ripi zvaro rakarongwa. Vanokurudzirwa kugara vachiyeuchidza maSangano panyaya yokuvimbika pakupa zvegumi uyevo mipiro pamwe nokutsigira Conference yavo muhurongwa hwayo hwose.” Church Manual (2015: 76) Dutoronomio 16 verse 10, na16 kusvika 17 – Musangano wamatumba mutambo waizikanwa seFeast of the Tabernacles.

Mupiro wapamusangano wamatumba uchapiwa senzira yokutenda Mwari pane zvaakuitira mukati megore rose. Unopa zvakare zvichienderana sokupiwawo kwako.

Kubva mukunyora kwaEllen G. White muManuscript Releases, izvi ndizvo zvinoitirwa Mwari navamwe:

“Ndakapa mari inokwana chiuru chimwe chamadhora pamusangano wapfuvura wamatumba kuti itenge nzvimbo yechikoro, ndikazodzorerawo chegumi chakadarika muhoro wangu wegore rose. Kudarika izvozvo, ndakabatsira varombo, ndikapa rutsigiro rwemari kumaKereke, ndikazopawo mupiro wangu wemisangano yamatumba kunyika yeNew Zealand

Page 118: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

118

neAustralia. Ndakazotiwo mumakore a1893 uye 1894, ndakapambadza mari ingakwana zviuru zviviri zvamadhora pakupa zvokudya kuvarombo.” {8MR 141.1}

Mupiro weCamp-Meeting Offering unoendeswa kuConference kunobatsira zvimwe zvezvirongwa seEvhangeri, kuvakwa kwamaSangano nezvivakiwa zvimwewo. Mari dzose idzedzo dzinofanira kuwanirwa humbowo hwekuripirwa kwadzo kubva kuConference kana paKereke._____________________________

Page 119: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

119

Kuchengetedzwa Kwemari DzepaKereke/Local Church Fund – Muprofita Nehemia 13 paverse 13 (Zuva Reshanu )

Chinangwa Key Passages

_____________________________________________

1. Mubati wehomwe yepaKereke ndiye muchengeti wemari dzose kusanganisira dzakanangana nemapazi aipapo/ departmental funds uyevo dzokuvakisa Church Building Funds.

2. Ziso reSangano/ Church Board kana iro Sangano muBusiness Meeting rinotendera kushandiswa kwemari dzose dzeSangano irero.

3. Mubati wehomwe ndipo anozoshandisa mari idzi sokutenderwa kwazvo kubva muhomwe yakanangana naizvozvo.

“Mari yeKereke/ Local Church Funds—Iyi inosanganisira yokushandisa mazuva ose, dzokuvakisa, dzezvokubatsira varombo nevanoshaiwa. Mari idzi ndedzepaKereke ipapo uye dzinoshandiswa nomubati wehomwe wepaSangano irero zvichibva pakutenderana kweChurch Board uyevoBusiness Meeting.” Church Manual (2015: 83)

Page 120: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

120

4. Kana kwatenderanwa kuti mari dzibudiswe,

mashandisirwo adzo anofanira kuratidza musangano wacho wakapa mvumo/ minute number for the action. Kungashandiswawo zvakare bepa rokukumbira naro mari nguva dzose/ Voucher. Zvose izvi zvinofanira kuchengetedzwa zvakanaka.

“Kuchengetedzwa Kwemagwaro Edzimari DzeSangano/ Financial Documents- Aya anosanganisira mapepa ose zvawo anobata mari yeSangano, anofanira kurongedzwa zvakanaka uyewo kuendeswa kwakafanira panguva ipi zvayo yaanodiwa.” Church Manual (2015; 85) “Mubati wehomwe yeSangano anozopa mareceipts kuratidza kugashirwa kwemari dzose dzauya. for all funds received.” Church Manual (2015:84)

5. Miviko yose yekushandiswa kwedzimari inopiwa kuSangano pamwedzi/ Monthly Reports kanawo mushure kwemwedzi mitatu/ Quarterly Reports.

“Miviko yakanangana nemari dzose dzakagamuchirwa uye kushandiswa ngadziziviswe Sangano panguva nenguva. Kunotiwo kana kwaziviswa avo vakavimbika pakudzorwa kwezvegumi paKereke vakaverengwa, kunoverengwawo avo vasingawani muhoro panguva yose-yose. Church Manual (2015 ; 85)

Page 121: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

121

6. Mari dzemabazi anotsigira mabasa akasiyana-

siyana eSangano/ Auxiliary Organisation dzinokwanisa kuvunganidzwa kuchishandiswa nzira dzakaita seBudget Allocation kubva kumara yeSangano.

“Mari Dzakanangana Nemabazi Maduku/ Funds of Auxiliary Organizations—

Idzi dzinosanganisa dzekuparidza, misangano yevachirikukura, dzokusimudzira matunhu/ Community Services nedzemadzimai eDorcas Society, Sabbath School Expense, dzemabasa ezvohutano, uyevo dzezvikoro. Mari idzi dzose ngadziendeswe kuvabati vehomwe yeSangao kubva kuvanyori vose vemapazi aya. Pakushandiswa zvinobva pasimba remapazi iwayo.” Church Manual (2015: 84)

7. Gore rimwe nerimwe, Sangano ripi zvaro rinofanira kuongororwa mashandisirwo nemamiriro emari dzaro neConference/ Audit. Basa iri rinobata mari dzose dzakaenda kuConference pamwe nepaKereke ipapo.

Page 122: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

122

“Mabhuku Anofanira Kuongororwa/ Audited—

Mubati mukuru wehomwe kuConference, kana vamwewo vakasarudzwa neConference Committee, vanoongorora mamiriro edzimari dzeSangano pagore roga- roga. Zvakare ngakuzikanwe kuti zvinechekuita nemari yeSangano hazvifanire kushambadzirwa kuvanhu vose zvavo kuze kwamufundisi navakuru veSangano.” Church Manual (2015; 85)

8. Kunokurudzirwa kumaSangano kuva nenhengo dzakavimbika pakupa mipiro. Kana zvadaro maSangano ngaarongeke pakushandiswa kwedzimari kuchiitwa “Church Budget system”. Iyi inzira yokushandisira mari panezvayakarongerwa pakutanga kwegore roga-roga. Church Manual” (2015: 139)

9. Hurongwa uhu hunoperekwa kuSangano

kunyanya panguva dzeChurch Business Meeting kuti kugokurudziranwa pakuvimbika. Church Manual (2015:139)

10. MaKereke ose uyewo matunhu

anokurudzirwa kushandisa mabhanga pakuchengetedzwa kwemari dzose dzakanangana neSangano. MaKereke ngaaendesewo mari kudunhu/ District kuti izobatsira pakubatwa kwemisangano uyevo zvirongwa zvakanagana nematunhu iwayo

Page 123: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

123

seBig Sabbath. Ndizo dzokuripira nzvombo dzokuvunganirwa/ venue, kushongedza, uyewo kufambisa vaparidzi nezvimwewo.

Mashoko Okupedzisira: Sangano raMwari rinoda rubatsiro rwedzimari kuti rigokwanisa kuita mabasa aro. Mwari ngakukomborerei pamunovimbika muzvegumi, nemipiro yenyu kuti zvigotsigira zvirongwa zvose zveSangano. _____________________________________________

Page 124: Batikanai Kusvika Jesu Achivuya...3 Chiripo chekuti munhu wese abatikane. Mweya wese unotenda muchokwadi ngauchimubatira basa iye wakachireva. Ngatibatikanei kusvika achivuya. Maererano

124

References

General Conference of Seventh-day Adventists. Seventh-day Adventist Church Manual. Silver Spring, MD: General Conference of Seventh-day Adventists, 2015. Nichol, Francis, ed. Seventh-day Adventist Bible Commentary. Rev. ed. Washington, DC: Review & Herald, 1976-1980. Rodríguez Angel, Stewardship Roots. Silver Spring, MD: General Conference of Seventh-day Adventists, 1994.

Southern Africa-Indian Ocean Division of the General Conference of the Seventh-day Adventists. Working Policy of the Southern Africa Indian Ocean Division of the General Conference of the Seventh-day Adventists, 2015 -2016 ed. Pretoria, South Africa: SID, 2015. White, Ellen G. Complete Published Ellen G. White Writings [CD ROM]. Silver Spring, MD: Ellen G. White Estate, 1999.