chidzidzo 10 cha chikumi 6, 2020yakare. semuenzaniso, dombo rechimoabhi rinotaura zvinhu...

9
Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020

Upload: others

Post on 29-Oct-2020

0 views

Category:

Documents


0 download

TRANSCRIPT

Page 1: Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020yakare. Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheri

Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020

Page 2: Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020yakare. Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheri

Pakazopera senjuri yechi18, vanoita zve "kutsoropodza kukuru" vakatanga kunzveraBhaibheri vasingaiti hanya nemashura arimo,uye vachiita mibvunzo pamusoro pekutivanhu nenzvimbo dzakanyorwamo ndezveidi here.

MaKristu vakaramba vakanyarara, vadzidzi venhoroondo kubva mune zvinowanikwazvakasara zvaishandiswa munguva dzakare "vakataura" musenjuri yechi 19. Tingangotipfungwa dzose dzaisvikwa nevaitsoropodza zvikuru zvakatorwa zvisina maturo nezvitsvazvaiwanikwa nevadzidzi venhoroondo vanotarisa zvakasara zvaishandiswa munguvayakare.

Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheridzakanyorwamo: “Ndini Mesha […] mambo wemaMoabhi […] Omri aiva mambo weIsiraeri, akatsikirira vaMoabhi […] Ndikatora kwairi midziyo yaJehovha […] apo veimbayaDhavhita vaigara kuHoronaimi.”

Page 3: Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020yakare. Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheri

“Ɀino ʋaFiristia ʋakakoka hondo dzaʋokuzorwa, ʋakaʋuŋgana paSoko raiʋa raJuda, ʋakaʋaka misasa yaʋo pakati peSoko naAzekapaEfesi‐damimi.” (1 Samueri 17:1)

Madzimambo Dhavidha naSoromoni vaitorwasevanhu vemungano kwenguva yakatirebei.Nekufamba kwenguva,paiva neEfesiDamimi (yave iko zvino Khirbet Qeiyafa), Soko, Azeka neEla (Kamba yaSauro).). Munguva yaSauro, Khirbet Qeiyafa

yaiva ugari hwemautohwakachengetedzwa.Zvinoreva kutikurwa pakati paDhavidha na Goriyatikwakaitika munzvimbo chaiyo chaiyouye pakati pehondo mbiri dzechaidzo.

Zita remumwe wevana vaSauro(Esh-Baal, 1Makoronike. 8:33) rakaonekwa rakanyorwamuhadyana yakagadzirwa kunana 1000 BC. Imba yaDhavidha inotaurwa pachinyorwachaHazaeri, mambo weDhamasiko.

Khirbet Qeiyafa

Hugaro hwakachengetedzeka hweEla

Esh-Baal

ChinyorwachaHazaeri

Page 4: Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020yakare. Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheri

“Ɀino negore regumi namanna ramambo Hezekia, Sanheribi mambo weAsiria, wakandorwa namaguta ose aJuda akakombga namaȿiŋgo, akaakunda.” (Isaya 36:1)

Muna 701 BC, Senheribi akarwisa Judha. Akaparadza Rakishi uyeakakomba Jerusarema. Izvi zvakaonekwa zviri zvechokwadi apomuzinda wake muNinivhe wakawanikwa. Nyaya yekuparadzwakweRakishi yakaonekwa.Pasina izvozvo,matongo eRakishiumbowo hwechiitiko ichi.

"Zviitiko zvaSenheribi zvegore regarega" zvinotaura nezvekutadzakwake kukurira Jerusarema, asi "kana ari Hezekiya muJudhiya, ndakamupfigira muguta make seshiri iri muchizarira cheshiri." Eheka havataure nezvekuti hondo yake yakaparadzwa seinengirozi yaJehovha (Isaya 37:36).

Vanotsigirawo nyayayeBhaibheri yekufakwake. Senheriiakaurayiwa nevamwevaviri vevanakomanavake (Isaya 37:38).

Zviitiko zvaSenheribi zvegore regarega

Chinyorwa chinoratidza kuparadzwa kweRakishi

Page 5: Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020yakare. Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheri

Mudzidzi wenhoroondo wechiGiriki, Herodotus (5th Century BC) aifunga kutiSamuramati aiva mambokadzi weBhabhironi, uye kuti akarivaka rikava rinoshamisa.Aingeasingazivi nezvaNebhukadineza na Bherishaza.

Iko zvino tinoziva kuti Samuramati aivamambokadzi weAsiriya, Nebhukadhinezaakavakazve Bhabhironi,uye kuti Bherishazaaitonga pamwe chete nababa vakeNabhonidhasi.

Suwo reIshita raiva rimwe remasuwo kupinda muguta remukatikati reBhabhironi.Ikozvino rinoratidzwa muMisiyemu yePegamoni muJemeni.

Zvinhu zvakawanikwapakucherwa pachidzidzwanhoroondo muBhabhironizvinoratidza kuti shumbadzaiva zviratidzo zveguta(Dhanieri 7:4).

Suwo reIshta

Shumba ine mapapiroShumba iri kurwisa munhu

Page 6: Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020yakare. Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheri

Vaitsoropodza zvikuru vaiti Jesu aivako zvedi here.Vaiti hakunamagwaro enhoroondo pamusoro pake kana vairarama panguvaimwe naye (Pontius Pirato, Kefasi, etc.).

Nekufamba kwenguva, chivakwa chekurangarira akafachemusenjuri yekutanga chinoratidza chinyorwa chinoteerachakawanikwa: “Pontius Pirato, mubati weJudhiya.”

Bhokisi raKefasi nemhuri yake zvakaonekwawo.Zviwanikwa izvizvinotsigirana nenyaya dziri mumabhuku mana anotauranezvenhoroondo yaJesu muBhaibheri uyewo nematauriroemudzidzi wenhoroondo Flavius Josephus.

Mamwe matsamba akaonekwawo anotsigira hunhoroondohwaJesu uye nechiKristu munguva yemakore zanaekutanga.Semuenzaniso, a Tacitus' na Pliny the Younger.

BwiroraKefasi

Pontius Pirato, mubati weJudhiya

Zvakare,Bhaibheririnoratidzwa riri reidi

nenhoroondo .

Page 7: Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020yakare. Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheri

“Ndicataurireiko ɀimŋe? Nokuti ndicapererwa neŋguʋa, kanandikataura ɀaGideoni, naBaraki, naSamsoni, naJefta, naDavidi, naSamueri, naʋaprofita.” (VaHebhuru 11:32)

Zvizhinji zviri muBhaibheriinhoroondo.Zvakaitika zvechokwadi uyezvinovimbisika,sezvataona muzvitsaukozvapfuura.

Pane umbowo hwezvakacherwa pachidzidzwanhoroondo hunotsigira kuti Bhaiberirinovimbisika,asi hwazvigoni kuumba hwarohwekutenda kwedu.

Bhaibheri harisi nhoroondo basi.Rine nyayadzevarume nevakadzi vekutenda,avovakatenda munaMwari uye vakateerazvaakaraira.

Zviito zvavo zvekutenda nekuvimbazvinotisunda kuti titeere muenzaniso wavo(VaHebhuru 11).

Bhaibheri rinogona kushandura hupenyuhwedu nerubatsiro rwaMweya Mutsvene.

Inoki Nowa Aburahamhu

Sara Joshua Mozisi

Rahabhu Gidhiyoni Jefuta

Samusoni Samueri Dhavidha

Page 8: Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020yakare. Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheri

Muna 1935, chisimbiso

chaGedhariya

mwanakomana

waPashhurchakaonekwa (Jeremiya

38:1)

Muna 1984, chimwezvechisimbiso

chaMilkomur murandawamambo

wavaAmoniainzi Baalis(Jeremiya

40:14)

Muna 1996, mukombe

wakaonekwa waiva

nechinyorwa “regiHerodi

Iudaico” (kuna

Herodhi, mambo

weJudhiya)

Muna 2009, chisimbisochamambo

Hezekiyachakaonekw

amuJerusare

ma, nyangwepochinyorwaichi chisina

kunzwisiswakusvikira

muna 2015

Mugorerimwero,

chinyorwachakaitwa

nechisimbisochaiti "Isayamuporofita"

chakaonekwamafiti 10

bedzi, (3 m.) kubva

pakawanikwachisimbiso

chaHezekiya.

Page 9: Chidzidzo 10 cha Chikumi 6, 2020yakare. Semuenzaniso, Dombo rechiMoabhi rinotaura zvinhu zvinoenderana nezviri muna 2 Madzimambo chitsauko 3. Vanhu vazhinji nenzvimbo zhinji dzemuBhaibheri

“Mwari akabvumira kuti chiedza chizhinji

chidururwe panyika kubudikidza

nezvinowanikwa uye sainzi nezvinyorwa,asi

vanozviti vesainzi vakadzidzisa nekunyora

pamusoro penyaya idzi sevanhu,zvedi

vachasvika pane zvisizvo. […] Avo

vanokahadzika pamusoro pekuvimbisika

kwezvinyorwa zvemaTesatamende Yakare

neItsva,vachatungamirwa kuti vatore rimwe

danho,vagokahadzika kuti Mwari ariko;

mushure maizvozvo,vachinge vasiya

mutsigiri wavo,vanososara

vasichatendeseki.”E.G.W. (Selected Messages, vol. 3, cp. 38, p. 307)