takarongwa kuti tiite zvinoda jehovha - jw.orgdownload.jw.org/files/media_books/23/od_ca.pdfke...

228
TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Upload: vohuong

Post on 14-Apr-2018

1.083 views

Category:

Documents


22 download

TRANSCRIPT

od

-CA

15

09

11

TAKARONGWAKUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

TAKARO

NGWA

od-CA

s

od

-CA

15

09

11

TAKARONGWAKUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

TAKARO

NGWA

od-CA

s

TAKARONGWAKUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

‘Ndinofarira kuita zvamunoda,haiwa Mwari wangu.’—Pis. 40:8.

Bhuku iri rapiwa ������������������������������������������������������������������������������������������������������������

Musi ������������������������������������������������������������������������������������

Nzvimbo yawakabhabhatidzirwa ������������������������������������������������������������������

Musi ������������������������������������������������������������������������������������

Printed by WatchTower Bible and Tract Society of South Africa NPC1 Robert Broom Drive East, Rangeview, Krugersdorp, 1739, R.S.A.Made in the Republic of South AfricaRakadhindwa muRepublic of South Africa

Bhuku rino haritengeswi. Nderimwe remabhuku anoshandiswa pabasa rokudzidzisaBhaibheri munyika yose uye basa iri rinotsigirwa nezvipo.Magwaro anobva muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, kunze kwokungepataurwa kuti pane pamwe paatorwa.Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda JehovhaOrganized to Do Jehovah’s WillRakadhindwa muna June 2016Shona (od-CA)� 2005, 2015WATCH TOWER BIBLE AND TRACT SOCIETY OF PENNSYLVANIAVabudisi

CHITSAUKO PEJI1 Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha 62 Ziva Basa raKristu Muurongwa hwaMwari 123 “Yeukai Vaya Vari Kukutungamirirai” 174 Marongerwo Akaitwa Ungano 235 Vatariri Vakapiwa Basa Rokufudza Makwai 296 Vashumiri Vanoshumira Vanoita Basa Rinokosha 507 Misangano Inotikurudzira “Kuva Norudo

Nemabasa Akanaka” 558 Vaparidzi veMashoko Akanaka 679 Nzira Dzokuparidza Nadzo Mashoko Akanaka 8110 Nzira Dzokuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako 9811 Nzvimbo Dzokunamatira 10812 Kutsigira Basa roUmambo Munyika Medu

Uyewo Pasi Rose 11513 “Itai Zvinhu Zvose Kuti Mwari Akudzwe” 12214 Kuita Kuti Ungano Irambe Iine Rugare

Uye Yakachena 13215 Kuzviisa Pasi Pourongwa hwaMwari Kwakanakirei? 14616 Sangano Rehama Dzakabatana 15017 Ramba Uri Pedyo neSangano raJehovha 156Mashoko Okuwedzera 165Indekisi 215

ZVIRI MUKATI

Vadiwa Vaparidzi veMashoko Akanaka:

Chokwadi tine ropafadzo inoshamisa chaizvo yokunama-ta Mwari wechokwadi chete Jehovha, takabatana! Tiri “va-shandi pamwe chete” naye, uye takapiwa basa dzvene rino-ponesa vanhu rokuparidza nokudzidzisa mashoko akanakaeUmambo hwake hwakatogadzwa. (1 VaK. 3:9; Mat. 28:19,20) Kuti tiite basa iri pasi rose murugare uye takabatana, ti-nofanira kuva vanhu vakanyatsorongeka.—1 VaK. 14:40.Bhuku rino richakubatsira kunzwisisa kuti ungano yechi-

Kristu inoshanda sei. Rinotaura nezveropafadzo dzauinadzouye zvaunofanira kuita somuparidzi weungano. Kana uchiko-shesa zvinhu izvozvo, ‘uchasimbiswa pakutenda.’—Mab. 16:4, 5; VaG. 6:5.Nokudaro, tinokukurudzira kuti unyatsodzidza bhuku ri-

no. Tsvaka nzira dzaunogona kushandisa zvauchaverengamubhuku rino. Somuenzaniso, kana uchangobva kugadzwasemuparidzi asati abhabhatidzwa, matanho api aunofani-ra kutora kuti ubhabhatidzwe seChapupu chaJehovha? Uku-wo, kana wakabhabhatidzwa, ungaitei kuti ukure pakuna-mata wowedzera basa rako raunoitira Jehovha? (1 Tim. 4:

4

15) Zvii zvaungaita kuti muungano murambe muine rugare?(2 VaK. 13:11) Tsvaka mhinduro dzemibvunzo iyi mubhukurino.Kana uri munhurume akabhabhatidzwa, ungaitei kuti

ukwanise kushanda somushumiri anoshumira uye wozovamukuru? Sezvo vatsva vakawanda vari kuramba vachiuyamusangano raMwari, hama dzakakodzera dziri kunyanya ku-diwa kuti dzitungamirire. Bhuku rino richakubatsira kuti uo-ne kuti zvii zvinodiwa kuti uite mabasa akadaro.—1 Tim. 3:1.Tinonyengetera nomwoyo wose kuti bhuku rino rikubatsi-

re kuona nzvimbo yako muurongwa hwaJehovha uye woiko-shesa. Mose tinokudai chaizvo uye tinoramba tichinyenge-tera kuti muve pakati pevaya vachafara kunamata Baba ve-du vokudenga Jehovha, nokusingaperi.—Pis. 37:10, 11; Isa.65:21-25.

Hama dzenyu

Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha

5

PASI rose pane masangano akawanda, angava ezvitende-ro, ezvematongerwo enyika, ezvokutengeserana uye anoo-na nezvokugara zvakanaka kwevanhu. Sangano roga rogarine marongerwo aro, zvinangwa zvaro uye maitiro arino-ita zvinhu. Asi sangano reZvapupu zvaJehovha rakasiya-na nemasangano aya nokuti zvarinoita zvinobva muBhai-bheri.

2 Tinofara kuti wabatanawo nesangano raJehovha. Wavakuita zvinodiwa naMwari nokuti wakanyatsozvionera zva-anoda. (Pis. 143:10; VaR. 12:2) Wava mushumiri anoshi-ngaira ari kunamata nehama dzine rudo dziri pasi rose.(2 VaK. 6:4; 1 Pet. 2:17; 5:9) Kuita izvi kunoita kuti ufa-re uye ukomborerwe zvikuru sezvinovimbiswa neBhaibhe-ri. (Zvir. 10:22; Mako 10:30) Kana ukaramba uchiita zvino-diwa naJehovha wakatendeka, uchava netariro yokuzora-rama upenyu husingaperi.—1 Tim. 6:18, 19; 1 Joh. 2:17.

3 Musiki wedu ane sangano rine vanhu vanobva munyi-ka dzose uye ndiye ari kuritungamirira. Tinonyatsovimbanoutungamiriri hwake. Ndiye Mutongi wedu, ndiye Anoti-pa mirayiro uye ndiye Mambo wedu. (Isa. 33:22) Sezvo ariMwari akarongeka, akaronga zvinhu kuti ‘tishande pamwenaye’ pakuzadzisa chinangwa chake.—2 VaK. 6:1, 2.

4 Sezvo nguva yokuti nyika ino iparadzwe iri kurambaichiswedera, ngatirambei tichitungamirirwa naMamboakagadzwa, Kristu Jesu. (Isa. 55:4; Zvak. 6:2; 11:15) Jesundiye akataura kuti vateveri vake vaizoita mabasa maku-

CHITSAUKO 1

TakarongwaKuti Tiite Zvinoda Jehovha

6 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ru kupfuura aakaita paaiva panyika. (Joh. 14:12) Izvi zva-izova zvechokwadi nokuti vateveri vaJesu vaizowanda uyevoparidza munzvimbo dzakawanda. Vaizoparidza masho-ko oUmambo kusvika kumativi mana enyika.—Mat. 24:14;28:19, 20; Mab. 1:8.

5 Izvi ndizvo zviri kuitika, nokuti tinogara tichizviverengamuMabhuku Egore eZvapupu zvaJehovha. Asi sokutaurakwakaita Jesu, basa iri rokuparidza rine nguva yarichagu-ma uye Jehovha ndiye anoziva nguva yacho. Zvinhu zva-kataurwa naMwari zvatiri kuona zvichiitika, zvinonyatsora-tidza kuti zuva rake guru rinotyisa rava pedyo.—Joe. 2:31;Zef. 1:14-18; 2:2, 3; 1 Pet. 4:7.

6 Patinonzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi, uyetichionazve kuti nguva yapera, tinofanira kuwedzera ku-shanda nesimba pakuita zvinodiwa naMwari. Izvi zvinodakuti tinyatsoziva maitirwo ezvinhu musangano raMwari to-bva tanyatsoita zvatinonzi tiite. Zvinhu zvinoitwa musa-ngano raMwari zvinobva pamitemo nemirayiro nedzidzisozviri muShoko rake rakafemerwa.—Pis. 19:7-9.

7 Vanhu vaJehovha pavanotevedzera mirayiro iyi inobvamuBhaibheri, vanogarisana nokushanda vakabatana. (Pis.133:1; Isa. 60:17; VaR. 14:19) Chii chinoita kuti hama dzo-se dzatinonamata nadzo dzibatane? Rudo. Zvose zvatino-ita zvinobva pakuti tinoda hama dzedu. (Joh. 13:34, 35;VaK. 3:14) Kana tikaita zvinhu izvi zvinodiwa naJehovha,ticharamba tichifambirana nechikamu chiri kudenga che-sangano rake.

CHIKAMU CHIRI KUDENGA CHESANGANO RAJEHOVHA8 Muprofita Isaya, Ezekieri naDhanieri vakaratidzwa chi-

kamu chiri kudenga chesangano raJehovha. (Isa., chits. 6;

TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA 7

Ezek., chits. 1; Dhan. 7:9, 10) Muapostora Johani akara-tidzwawo zvachakaita, ndokubva anyora zvimwe zvachomubhuku raZvakazarurwa. Akaona Jehovha agere pachi-garo chaipenya uye akakomberedzwa nengirozi,idzo dzai-ti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene ndiJehovha Mwari, We-masimbaose, akanga aripo uye aripo uye achauya.” (Zvak.4:8) Johani akaonawo Gwayana raMwari, Jesu Kristu, “ri-mire pedyo nechigaro choumambo.”—Zvak. 5:6, 13, 14;Joh. 1:29.

9 Kugara kwakaita Jehovha pachigaro kunoratidza kutindiye Mutungamiriri wesangano iri. Pana 1 Makoronike 29:11, 12 panotaura nezvake uye ukuru hwake pachiti: “Hai-wa Jehovha, ukuru nesimba norunako nouchangamire no-kukudzwa ndezvenyu; nokuti zvinhu zvose zviri kumatenganepanyika ndezvenyu. Haiwa Jehovha, umambo ndohwe-nyu, imi muri kuzviisawo pamusoro kuti muve mukuru we-zvose. Pfuma nokukudzwa zviripo nokuda kwenyu, muno-dzora zvinhu zvose; simba noukuru zviri muruoko rwenyu,uye muruoko rwenyu mune simba rokuita zvinhu zvikurunokupa vose simba.”

10 Sezvo Jesu Kristu achishanda naJehovha, ane chinzvi-mbo chepamusoro uye akapiwa simba rakawanda. Mwari“akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake, akaita kuti iyeave musoro wezvinhu zvose kuungano.” (VaEf. 1:22) Mua-postora Pauro paaitaura nezvaJesu akati: “Mwari akamu-kwidziridza kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zi-ta rinopfuura mamwe mazita ose, kuti muzita raJesu ma-bvi ose apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyi-ka nevaya vari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose rubvu-me pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Baba vaku-dzwe.” (VaF. 2:9-11) Saka tine chokwadi chokuti Jesu Kri-stu anotungamirira zvakanaka.

8 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

11 Muprofita Dhanieri akara-tidzwa Akakwegura Pamazuvaagere pachigaro chake kude-nga uye ngirozi ‘zviuru zvinechiuru dzairamba dzichimu-shumira, uye zviuru gumi zva-kapetwa kane zviuru gumidzairamba dzimire pamberipake.’ (Dhan. 7:10) Bhaibheririnotaura nezveuto iri rengiro-zi kuti “midzimu yebasa rinoi-tirwa vanhu vose, yakatumwakuzoshumira vaya vachagara nhaka yoruponeso.” (VaH. 1:14) Ngirozi dzose idzi dzakarongwa kuva mapoka ‘ezviga-ro zvoumambo, ushe nehurumende.’—VaK. 1:16.

12 Kana tikazvipa nguva yokudzamisa pfungwa nezvezva-kaita chikamu chiri kudenga chesangano raJehovha, ti-nogona kunzwisisa zvakaitwa naIsaya paakaona “Jehovhaakagara pachigaro choumambo chirefu uye chakakwirira,”‘uye maserafi akamira kumusoro kwake.’ Isaya akati: “Ndi-ne nhamo! Nokuti ndangofanana nomunhu aparadzwa,nokuti ndiri munhu ane miromo isina kuchena, uye ndirikugara pakati pevanhu vane miromo isina kuchena; noku-ti maziso angu aona Mambo, iye Jehovha wemauto!” Isayapaakaona zvakaita sangano raJehovha akashamiswa cha-izvo uye akazviona asiri chinhu. Zvaakaona zvakamubata-bata zvokuti paakanzwa inzwi richibva kudenga pachitsva-kwa munhu angatumwa kuita basa rinokosha, Isaya aka-bva angoti: “Ndiri pano! Nditumei!”—Isa. 6:1-5, 8.

13 Kuziva sangano raJehovha uye kunzwisisa mashandiroaro kunoita kuti vanhu vake vaitewo sezvakaitwa naIsaya.

Tinofanirakuwedzerakushanda nesimbapakuita zvinodiwanaMwari. Izvizvinoda kutitinyatsozivamaitirwo ezvinhumusangano raMwari

TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA 9

Sezvo sangano raJehovha riri kuramba richienderera mbe-ri, tinoshanda nesimba kuti tifambirane naro uye zvatino-ita zvinoratidza kuti tinovimba nesangano rake.

SANGANO RAJEHOVHA RIRI KUENDERERA MBERI14 Chitsauko 1 chaEzekieri chinotiudza nezvaJehovha se-

agere pangoro huru yokudenga. Ngoro iyi inopenya inomi-ririra chikamu chisingaoneki chesangano raJehovha. Kuvakwake pangoro iyi kunoratidza kuti ndiye ari kuitungami-rira uye ari kuishandisa kuzadzisa chinangwa chake. Zvo-se izvi anozviita norudo.—Pis. 103:20.

15 Mukati mevhiri rimwe nerimwe rengoro iyi mune rimwevhiri rakachinjika. Izvi ndizvo zvinoita kuti ngoro yachoigone kuenda kumativi mana. (Ezek. 1:17) Mavhiri achoanogona kungoerekana achinja kwaari kuenda. Asi hazvi-revi kuti ngoro iyi inongoita zvayada. Jehovha haasiyi sa-ngano rake richienda chero kwarada. Ezekieri 1:20 inoti:‘Yaienda chero kupi zvako uko mudzimu waida kuenda.’Saka Jehovha ndiye anoshandisa simba rake kuti sanganorake riende kwaanoda. Tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndirikufambirana naro here?’

16 Kufambirana nesangano raJehovha hakungogumiripakuenda kumisangano uye kuparidza. Chinokosha nde-chokuti manzwisisiro atinoita nyaya dzokunamata awedze-re. Tinofanira ‘kuziva zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe’tofambirana neurongwa hwaMwari hwokutidzidzisa. (VaF.1:10; 4:8, 9; Joh. 17:3) Tinofanira kuyeukawo kuti, kuti sa-ngano rifambe zvakanaka panoda kurongeka uye kuteve-dzera zviri kudiwa. Saka kuti tiite basa raJehovha, zvaka-kosha kuti tishandise zvinhu zvose zvatinopiwa musanga-no rake. Upenyu hwedu hunofanira kuenderana neshoko

10 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ratinoparidza uye kuita izvozvo kunoratidza kuti tiri kufa-mbirana nengoro yaJehovha yokudenga.

17 Tiri kuramba tichifambira mberi pakuita zvinodiwa na-Jehovha tichibatsirwa nesangano rake. Usakanganwa ku-ti Jehovha ndiye ari kutungamirira ngoro yake yokude-nga. Saka patinofambirana nengoro yake tinenge tichira-tidza kuti tinomuremekedza uye tinovimba naye. (Pis. 18:31) Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Jehovha achapa vanhu va-ke simba. Jehovha achakomborera vanhu vake norugare.”(Pis. 29:11) Jehovha anokomborera vanhu vake vakaro-ngeka nokuvapa simba uye nokuita kuti vabatane. Sakakuva kweduwo musangano kunoita kuti tiwane makombo-rero aya. Chero bedzi tikaramba tichiita zvinodiwa naJe-hovha ticharambawo tichiwana makomborero.

TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA 11

“PAKUTANGA Mwari akasika matenga nenyika,” uye zvo-se zvaakaita zvakanga ‘zvakanaka chaizvo.’ (Gen. 1:1, 31)Jehovha paakasika vanhu, aida kuti vararame upenyuhwakanaka. Asi hazvina kuzodaro nemhaka yokupandukakwakaitika muEdheni. Zvisinei, Jehovha achazadzisa chi-nangwa chaaiva nacho paakasika pasi uye vanhu. Mwa-ri akaratidza kuti aizonunura vazukuru vaAdhamu vano-teerera. Kunamata kwechokwadi kwaizovapo zvakare uyeMwari aizoparadza vakaipa nemabasa avo. (Gen. 3:15)Zvinhu zvichadzoka kuva zvakanaka sezvaidiwa naMwari.Jehovha achashandisa Mwanakomana wake Jesu Kristukuita izvi. (1 Joh. 3:8) Saka zvakakosha kuti tizive basaraKristu muurongwa hwaMwari.—Mab. 4:12; VaF. 2:9, 11.BASA RAKRISTU NDEREI?

2 Basa raKristu muurongwa hwaMwari rinosanganisirazvakawanda. Jesu ndiye Mununuri wedu, Mupristi Muku-ru, Musoro weungano, uye iye zvino ndiMambo weUma-mbo hwaMwari. Kana tikafunga zvakadzama nezvemaba-sa aanoita, zvichaita kuti tiwedzere kukoshesa kwatinoi-ta urongwa hwaMwari uye kuda kwatinoita Kristu Jesu.Mamwe emabasa ake anotsanangurwa muBhaibheri.

3 Kristu paaiva pano panyika, akaratidza kuti ndiye ai-zoshandiswa kuita kuti vanhu vanoteerera vayananiswenaMwari. (Joh. 14:6) Sezvo Jesu aizova Mununuri, aka-pa upenyu hwake kuti vazhinji vaponeswe. (Mat. 20:28)

CHITSAUKO 2

Ziva Basa raKristuMuurongwa hwaMwari

12 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Saka Jesu haasingori munhu anoteerera Mwari. Ane ba-sa guru pakuzadziswa kwechinangwa chaJehovha. Ndiyeoga anogona kuita kuti tifarirwe zvakare naMwari. (Mab.5:31; 2 VaK. 5:18, 19) Kufirwa kwatakaitwa naJesu uyekumutswa kwake kunoita kuti vanoteerera vawane ma-komborero asingaperi anobva pakutonga kwoUmambohwaMwari.

4 Somupristi Mukuru, Jesu ‘anonzwira tsitsi kusava ne-simba kwedu’ uye anoyananisa zvivi zvevateveri vake va-ri pano panyika. Muapostora Pauro akatsanangura izviachiti: “Tine mupristi mukuru, kwete asingagoni kunzwi-ra tsitsi kusava nesimba kwedu, asi akaedzwa muzvinhuzvose kufanana nesu, asi iye akaramba asina chivi.” Pa-uro akabva akurudzira vose vanotenda muna Jesu Kri-stu kuti vanyatsoshandisa urongwa uhwu kuti vayanani-swe naMwari achiti: “Naizvozvo, ngatiswederei norusunu-nguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usi-na kukodzera kuwanwa, kuti tinzwirwe ngoni uye tiitirwemutsa usina kukodzera kuwanwa kuti tibatsirwe pangu-va yakakodzera.”—VaH. 4:14-16; 1 Joh. 2:2.

5 Jesu ndiyewo Musoro weungano yechiKristu. Vateverivake vokutanga-tanga vakanga vasina munhu wepanyikawavaiti ndiye mutungamiriri wavo, uye nanhasi ndozva-zvichiri. Tinotungamirirwa naJesu achishandisa mudzimumutsvene uye vafudzi vaduku avo vachazozvidavirira ku-na Baba vake nezvemabatiro avanoita makwai. (VaH. 13:17; 1 Pet. 5:2, 3) Achitaura zvaizoitwa naJesu, Jehovhaakati: “Tarirai! Ndakaita kuti iye ave chapupu kumapo-ka emarudzi, kuti ave mutungamiriri nomudzori wemapo-ka emarudzi.” (Isa. 55:4) Jesu akaratidza kuzadzika kwe-uprofita uhwu paakaudza vadzidzi vake kuti: “Musanzi

ZIVA BASA RAKRISTU MUURONGWA HWAMWARI 13

‘vatungamiriri,’ nokuti Mutu-ngamiriri wenyu mumwe che-te, iye Kristu.”—Mat. 23:10.

6 Kuratidza kuti Jesu anoti-da uye anoda kutibatsira,anotikoka achiti: “Uyai kwa-ndiri, imi mose munoshandazvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai.Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri mu-nyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawa-na zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsauye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:28-30) Kutu-ngamirira ungano yechiKristu nounyoro uye zvinozorodzakunoitwa naJesu, kunoratidza kuti iye “mufudzi akanaka”saBaba vake, Jehovha Mwari.—Joh. 10:11; Isa. 40:11.

7 Mutsamba yake yokutanga yaakanyorera vaKorinde,Pauro akatsanangura rimwe basa raJesu Kristu achiti:“Anofanira kutonga samambo kusvikira Mwari aisa vave-ngi vose pasi petsoka dzake. Asi zvinhu zvose pazvine-nge zvaiswa pasi pake, Mwanakomana achabva azviisa-wo pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwariave zvinhu zvose kuvanhu vose.” (1 VaK. 15:25, 28) Asa-ti auya panyika, Jesu aiva “mhizha” yaMwari sezvo ari iyeakatanga kusikwa. (Zvir. 8:22-31) Paakatumwa panyikanaMwari, Jesu aigara achiita zvinodiwa naMwari. Akatsu-ngirira muedzo wakaoma kudarika mimwe yose, uye aka-fa akatendeka kuna Baba vake. (Joh. 4:34; 15:10) Pamu-sana pokuti Mwanakomana wake akaramba akatendekakusvikira pakufa chaipo, Mwari akamumutsa uye akamu-ita kuti ave Mambo kudenga. (Mab. 2:32-36) Saka Kri-stu Jesu ane basa rakakura raakapiwa naMwari rokutu-

Jesu ane basa gurupakuzadziswakwechinangwachaJehovha

14 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ngamirira zviuru zvengirozi kubvisa utongi hwevanhu uyezvose zvakaipa zviri panyika. (Zvir. 2:21, 22; 2 VaT. 1:6-9;Zvak. 19:11-21; 20:1-3) Kana izvi zvaitika, Umambo hwa-Mwari hunotungamirirwa naKristu ndihwo chete hucha-sara huchitonga nyika yose.—Zvak. 11:15.ZVINOREHWA NOKUZIVA BASA RAKE

8 Jesu Kristu haana chivi. Akapiwa basa rokutitarisira.Kuti tibatsirwe nokutitarisira kwake kune rudo, tinofani-ra kuramba takavimbika kuna Jehovha uye tichifambira-na nesangano raJehovha riri kufambira mberi.

9 Vateveri vaJesu vepakutanga-tanga vainyatsoziva ba-sa raKristu muurongwa hwaMwari. Izvi vakazviratidza no-kushanda kwavaiita vakabatana vachitungamirirwa na-Kristu, uye vachiteerera zvaaivaudza achishandisa mu-dzimu mutsvene. (Mab. 15:12-21) Muapostora Pauro aita-ura nezvokubatana kweungano yevaKristu vakazodzwa,paakanyora kuti: “Kutaura chokwadi, isu ngatikurei noru-do muzvinhu zvose muna Kristu, uyo ari musoro. Kubvakwaari, muviri wose uchinyatsobatanidzwa pamwe cheteuye uchiitwa kuti ushandire pamwe chete pachishandiswamapfundo ose anopa zvinodiwa, maererano nokushandakwenhengo imwe neimwe mumwero wakakodzera unoitakuti muviri ukure kuti uzvivake murudo.”—VaEf. 4:15, 16.

10 Ungano yevakazodzwa pamwe chete ‘nemamwe ma-kwai’ ine vanhu vakasiyana-siyana sezvakangoitawo mu-viri wemunhu une nhengo dzakasiyana-siyana. Munhuwoga woga paanoshanda akabatana nevamwe, uye vosevachitungamirirwa naKristu, ungano yacho inokura uyeinova nerudo, urwo rwuri “chisungo chakakwana choku-batana.”—Joh. 10:16; VaK. 3:14; 1 VaK. 12:14-26.

ZIVA BASA RAKRISTU MUURONGWA HWAMWARI 15

11 Zviri kuitika munyika zvichizadzisa uprofita huri mu-Bhaibheri zvinonyatsoratidza kuti Jesu akatanga kutongasaMambo muna 1914. Iye zvino ari kutonga ari pakati pe-vavengi vake. (Pis. 2:1-12; 110:1, 2) Izvi zvinorevei kuva-nhu vari kurarama panyika? Pasina nguva, Jesu achara-tidza kuti ndiMambo wemadzimambo uye Ishe wemadzi-she paachaita basa rake raakapiwa naMwari rokupara-dza vavengi vake. (Zvak. 11:15; 12:10; 19:16) Kana ape-dza kuita izvozvo, vimbiso yakapiwa naJehovha pakapa-nduka vanhu vokutanga yokuti achanunura vanhu vano-teerera avo vachange vari kurudyi rwaKristu ichabva ya-zadziswa. (Mat. 25:34) Tinofara chaizvo kuti tava kuzivabasa raKristu muurongwa hwaMwari. Ngatirambei taka-batana nehama dzedu pasi rose pakuita basa rokushu-mira munyika yose, tichitungamirirwa naKristu mumazu-va ano okupedzisira.

16 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

MUAPOSTORA PAURO ndiye akanyora mashoko aya aripana VaHebheru 13:7. Kubvira paPendekosti ya33 C.E. zvi-chienda mberi, vaapostora vaIshe Jesu Kristu vakatende-ka ndivo vaiva mudare rinotungamirira iro raipa mirayiri-dzo kuungano yechiKristu yakanga ichangotangwa. (Mab.6:2-4) Pakazosvika gore ra49 C.E., dare iri rinotungamiri-ra rakanga rakura uye rava nevamwe vakanga vasiri vaa-postora vaJesu. Nyaya yokudzingiswa kana kuti kucheche-udzwa payaikurukurwa, “vaapostora nevarume vakuru vai-va muJerusarema” ndivo vaiva dare rinotungamirira. (Mab.15:1, 2) Basa ravo rakanga riri rokuona kuti zvinhu zvirikufamba sei muungano dzose dzechiKristu. Vaitumira tsa-mba nemirayiridzo zvaisimbisa ungano zvichiita kuti vadzi-dzi varambe vakabatana pazvose zvavaiita. Ungano dza-cho dzaiteerera uye dzaishandisa mirayiridzo yaibva kuda-re rinotungamirira zvikapedzisira zvaita kuti Jehovha adzi-komborere uye zvinhu zvirambe zvichifamba zvakanaka.—Mab. 8:1, 14, 15; 15:22-31; 16:4, 5; VaH. 13:17.

2 Vaapostora pavakafa, dzidziso dzenhema dzakatangakupinda muungano. (2 VaT. 2:3-12) Sezvakanga zvaga-ra zvataurwa naJesu mumufananidzo wegorosi nemasora,gorosi (vaKristu vakazodzwa) rakavharwa nemasora (va-Kristu vokunyepedzera). Kwemakore akawanda akazote-vera, mapoka aya akaregwa achikura pamwe chete ku-svikira panguva ‘yokuguma kwemamiriro ezvinhu epa-nguva yacho.’ (Mat. 13:24-30, 36-43) Panguva iyi, vaKristu

CHITSAUKO 3

“Yeukai Vaya VariKukutungamirirai”

“YEUKAI VAYA VARI KUKUTUNGAMIRIRAI” 17

vakazodzwa avo vakanga vakaita rumwe rumwe vakara-mba vachitsigirwa naJesu, asi kwakanga kusina dare rino-tungamirira raaishandisa kupa vateveri vake mirayiridzo.(Mat. 28:20) Zvisinei, akanga ataura kuti zvinhu zvaizo-chinja panguva yokukohwa.

3 “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara?”Jesu akabvunza mubvunzo uyu paakanga ava kuda ku-taura chimwe chezvinhu zvaizoumba ‘chiratidzo chokugu-ma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.’ (Mat. 24:3, 42-47) Jesu akaratidza kuti muranda uyu akatendeka aizoitabasa rokupa vanhu vaMwari zvokudya zvokunamata “pa-nguva yakakodzera.” Muranda akatendeka airehwa naJe-su akanga asiri munhu mumwe chete. Raiva boka revaru-me vakazodzwa. Uye nanhasi Jesu ndizvo zvaachiri kuita.MAZIVIRO ATINOITA “MURANDA AKATENDEKA, AKANGWARA”

4 Jesu akagadza ani kuti ape vateveri vake zvokudya?Zviri pachena kuti aizoshandisa vaKristu vakazodzwa varipanyika. Bhaibheri rinovati “upristi hwoumambo” uye va-kagadzwa kuti ‘vazivise kwose kwose kunaka kwouya aka-vadana kuti vabve murima vapinde muchiedza chake chi-noshamisa.’ (1 Pet. 2:9; Mar. 2:7; Zvak. 12:17) VaKristu vo-se vakazodzwa vari pano panyika ndiye muranda akate-ndeka here? Aiwa. Jesu paakaita chishamiso chokupa va-nhu 5 000 zvokudya tisingabatanidzi vakadzi nevana, aka-tanga apa zvokudya zvacho kuvadzidzi vake, vadzidzi ndo-kuzopa vanhu. (Mat. 14:19) Akapa vanhu vakawanda zvo-kudya achishandisa vanhu vashoma. Mazuva anowo arikupa zvokudya zvokunamata achishandisa nzira iyoyi.

5 Saka “muranda akatendeka, akangwara” anoumbwaneboka duku rehama dzakazodzwa dzinoshanda pakuga-dzira uye pakupa zvokudya zvokunamata munguva yoku-

18 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

vapo kwaKristu. (Ruka 12:42)Boka iri rinoshanda pamwechete kumahofisi makuru uyendiro ratinoti Dare Rinotunga-mirira reZvapupu zvaJehovha.

6 Kristu anoshandisa dare irikuti ribudise mashoko anora-tidza kuzadziswa kwouprofitahweBhaibheri uye kupa mirayiridzo yemashandisiro ati-ngaita mazano ari muBhaibheri. Zvokudya zvokunama-ta izvi zvinoendeswa muungano dzeZvapupu zvaJehovha.(Isa. 43:10; VaG. 6:16) Kare munhu ainzi atarisire imbayatenzi wake aiva muranda kana kuti mutariri aivimbwanaye. Mazuva ano muranda akatendeka uye akangwara,akapiwawo basa rokutarisira imba yokutenda. Saka mura-nda akatendeka anotarisirawo pfuma yesangano, basa ro-kuparidza, purogiramu dzemagungano, kugadzwa kweva-tariri musangano uye kugadzirwa kwemabhuku eBhaibhe-ri izvo zvinobatsira ‘veimba yokutenda.’—Mat 24:45.

7 Saka “veimba” ndivanaani? Ndevaya vanopiwa zvoku-dya. Pakutanga, vaiva vaKristu vakazodzwa. Pave paya,veimba vakazosanganisira boka guru ‘remamwe makwai.’(Joh. 10:16) Mapoka acho ose ari maviri anowana zvoku-dya zvokunamata zvinobva kumuranda akatendeka.

8 Jesu paachaparadza nyika ino yakaipa pakutambudzi-ka kukuru, achagadza muranda akatendeka “pazvinhuzvake zvose.” (Mat. 24:46, 47) Vaya vanoumba murandaakatendeka vachapiwa mubayiro wavo wokudenga. Vacha-nobatana neve144 000 vanenge vatoenda kudenga ne-chekare kuti vatonge pamwe chete naKristu. Kunyangezvazvo panyika pachange pasisina muranda akatendeka,

Zvinokoshakuti tizviise pasipevanotitungamirirapanyayadzokunamata

“YEUKAI VAYA VARI KUKUTUNGAMIRIRAI” 19

akangwara, Jehovha naJesu vachashandisa “machinda”kuti ape mirayiridzo vanhu vanenge vachitongwa noUma-mbo hwaMesiya.—Pis. 45:16.NEI TICHIFANIRA ‘KUYEUKA VAYA VARI KUTITUNGAMIRIRA’?

9 Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti ‘tiyeuke va-ya vari kutitungamirira’ uye kuti tiratidze kuti tinovimbanavo. Zvinotibatsirei? Muapostora Pauro akati: “Vari kuri-nda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaiteizvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokuku-vadzai.” (VaH. 13:17) Zvinokosha kuti tizviise pasi uye ti-teerere zvatinorayirwa nevanotitungamirira nokuti vanoti-dzivirira pakunamata uye muupenyu.

10 Pana 1 VaKorinde 16:14, Pauro akati: “Zvinhu zvenyuzvose ngazviitike norudo.” Vatungamiriri ava vanoda va-nhu vaMwari, saka zvose zvavanosarudza zvine rudo mu-kati. Pana 1 VaKorinde 13:4-8 panoti: “Rudo rune mwo-yo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo, haruzvi-kudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, ha-ruzvitsvakiri zvarwo, harutsamwi. Haruchengeti mafi. Ha-rufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runo-shivirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariropazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose. Rudo haru-mboperi.” Nemhaka yokuda kwavanoita vashumiri vaJeho-vha, zvinhu zvavanosarudza zvine rudo mukati uye zvino-batsira, saka zvakanaka kuti tivateerere. Uyezve, izvi zvi-nongoratidza kuti Jehovha anotida.

11 Sezvaingoitika pakatanga ungano yechiKristu, varumevari kushandiswa naJehovha nhasi kuti vatungamirire sa-ngano rake vanhu vanotadzawo sesu. Kubva kare nakare,Jehovha agara achishandisa vanhu vanotadzawo sesu ku-ti vaite zvaanoda. Noa akavaka areka uye akaparidza ne-

20 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

zvekuparadzwa kwaizouya. (Gen. 6:13, 14, 22; 2 Pet. 2:5)Mosesi akanzi atungamirire vanhu vaJehovha kubuda mu-Ijipiti. (Eks. 3:10) Varume vanotadzawo sesu vakafemerwakuti vanyore Bhaibheri. (2 Tim. 3:16; 2 Pet. 1:21) Kushandi-sa kunoita Jehovha vanhu vanotadza kuti vatungamirirebasa rokuparidza nerokudzidzisa hakuiti kuti tisavimba ne-sangano rake. Asi tinotosimbiswa nokuti tinoziva kuti sa-ngano haringamboiti zvose zvarinoita risingatsigirwi naJe-hovha. Zvakasangana nomuranda akatendeka kwemako-re akawanda zvinoratidza kuti ari kutsigirwa nemudzimuwaMwari. Jehovha ari kukomborera zvikuru sangano rake.Saka tinoritsigira nemwoyo wose uye tinovimba naro.

TINORATIDZA SEI KUTI TINOVIMBA NESANGANO?12 Vaya vakapiwa mabasa muungano vanoratidza kuti

vanovimba nesangano nokubvuma mabasa acho uye ku-aita vakatendeka. (Mab. 20:28) Zvatiri vazivisi voUmambo,tinoshingaira kuita basa rokuparidza paimba neimba, ku-dzokera kunoona vanenge vafarira, uye kuitisa zvidzidzozveBhaibheri. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Kuti tinyatsobatsi-rwa nezvokudya zvokunamata zvinobva kumuranda akate-ndeka, tinofanira kuenda kumisangano yechiKristu nema-gungano uye kufanogadzirira zvatichanodzidza ikoko. Ti-nobatsirwa chaizvo nokukurudzirana kwatinoita patinowa-dzana nehama dzedu pamisangano iyi.—VaH. 10:24, 25.

13 Kuvimba kwatinoita nesangano kunoonekawo patino-ritsigira nezvipo zvedu. (Zvir. 3:9, 10) Patinoona kuti ha-ma dzedu dzaomerwa, tinokurumidza kudzibatsira. (VaG.6:10; 1 Tim. 6:18) Tinoita izvi nokuti tinoda hama dzedu,uye tinogara tichitsvaka mikana yokuratidza kuti tinoongaJehovha nesangano rake pamusana pezvakanaka zvava-notipa.—Joh. 13:35.

“YEUKAI VAYA VARI KUKUTUNGAMIRIRAI” 21

14 Tinoratidzawo kuti tinovimba nesangano nokuteererazvarinotiudza. Izvi zvinosanganisira kutevedzera nemwo-yo wose mirayiridzo yatinopiwa nevaya vanotitungamiri-ra, vakadai sevatariri vematunhu uye vakuru vemuunga-no. Hama idzi ndedzimwe dzevaya “vari kutitungamirira,”uye tinofanira kuvateerera uye kuzviisa pasi pavo. (VaH.13:7, 17) Kunyange kana tikatadza kunzwisisa kuti nei tanzitiite zvimwe zvinhu, tinoziva kuti tikavateerera zvinhu zvi-chatifambira zvakanaka. Nemhaka yeizvi, Jehovha anoti-komborera nokuti tinoteerera Shoko rake uye sangano ra-ke. Saka patinoita izvi tinenge tichizviisa pasi paTenzi Je-su Kristu.

15 Chokwadi tine zvikonzero zvakawanda zvokuti tivimbenomuranda akatendeka, akangwara. Satani, mwari wenyi-ka ino, ari kuedza zvose zvaanogona kuti zita raJehovhanesangano rake rizvidzwe. (2 VaK. 4:4) Usabvuma kunye-ngerwa naSatani! (2 VaK. 2:11) Anoziva kuti angosarirwa‘nenguva pfupi’ kuti akandwe mugomba rakadzikadzika,saka ari kuedza chaizvo kutsausa vanhu vaJehovha vaka-wanda. (Zvak. 12:12) Asi isu ngatirambei tichiswedera pe-dyo naJehovha. Ngativimbei naJehovha uye nenzira yaarikushandisa kutungamirira vanhu vake nhasi. Tikadaro ti-chava vanhu vakabatana.

22 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

MUTSAMBA yake yokutanga yaakanyorera vaKorinde,muapostora Pauro akataura chimwe chinhu chinokoshapamusoro paMwari. Akanyora kuti: “Mwari haasi Mwariwenyonganyonga, asi worugare.” Akazotizve nezvemisa-ngano yeungano: “Zvinhu zvose ngazviitike nenzira ya-kakodzera uye zvakarongeka.”—1 VaK. 14:33, 40.

2 Kwokutanga-tanga kwetsamba iyoyo, muapostorawacho akatsiura ungano yeKorinde nokuti hama dzaka-nga dziri kukakavadzana. Pauro akabva avakurudzira ku-ti ‘vataure vachibvumirana,’ uye kuti ‘vanyatsobatani-dzwa mupfungwa imwe chete nomukufunga kumwe che-te.’ (1 VaK. 1:10, 11) Akabva avaudza zvinhu zvakasiyana-siyana zvaiita kuti ungano isabatana. Akashandisa mue-nzaniso wezvakaita muviri wemunhu kuti aratidze kuko-sha kwekubatana uye kushanda pamwe chete. Akaku-rudzira vanhu vose vari muungano yechiKristu kuti va-ratidzirane rudo pasinei nemabasa avanoita muungano.(1 VaK. 12:12-26) Kubatana uku kunoita kuti ungano iveyakarongeka.

3 Asi ungano yechiKristu yaizorongwa sei? Ndiani aizo-ironga? Ndivanaani vaizotungamirira? Tinowana mhindu-ro dzakajeka dzemibvunzo iyi muBhaibheri.—1 VaK. 4:6.YAIVA YAKARONGWA MAERERANO NEZVAIDIWA NAMWARI

4 Ungano yechiKristu yakatangwa paPendekosti ya-33 C.E. Yaiva yakarongwa sei? Yaiva yakarongwa maererano

CHITSAUKO 4

MarongerwoAkaitwa Ungano

MARONGERWO AKAITWA UNGANO 23

nezvaidiwa naMwari. Izvi zvinoratidzwa nemashoko aripana 1 Petro 5:10, 11. Zvakaitika muJerusarema mako-re anoda kusvika 2 000 akadarika zvinonyatsoratidza ku-ti ungano yevaKristu vakazodzwa yakatangwa naMwari.(Mab. 2:1-47) Yaiva chivako chake, imba yake. (1 VaK.3:9; VaEf. 2:19) Marongerwo uye maitirwo ezvinhu muu-ngano yechiKristu yepakutanga-tanga ndiwo anoteve-dzerwa nevaKristu nhasi.

5 Ungano yepakutanga yakatanga iine vanhu vanenge120. Mudzimu mutsvene wakatanga kudururwa pava-ri, zvichizadzisa mashoko ari pana Joeri 2:28, 29. (Mab.2:16-18) Uye musi iwoyo, vamwe vanhu vanenge 3 000vakabhabhatidzwa mumvura vachibva vauya muunganoyevakazodzwa nomudzimu. Vakanga vagamuchira shokopamusoro paKristu ‘ndokuramba vachizvipira kune zva-idzidziswa nevaapostora.’ Izvi zvaitika, “Jehovha akara-mba achiwedzera kwavari zuva nezuva vaya vakanga va-chiponeswa.”—Mab. 2:41, 42, 47.

6 Ungano yemuJerusarema yakakura zvokuti mupristimukuru wechiJudha akanyunyuta kuti vadzidzi vakangavazadza Jerusarema nokudzidzisa kwavo. Asi nokufambakwenguva, vamwe vapristi vakagamuchira Shoko vakavavadzidzi.—Mab. 5:27, 28; 6:7.

7 Jesu akati: “Muchava zvapupu zvangu muJerusaremanomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kuru-tivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Saka vanhupavakatanga kutambudzwa zvikuru muJerusarema Ste-fani afa, vadzidzi vaigara imomo vakapararira muJu-dhiya neSamariya. Asi chero kwavaienda, vakarambavachizivisa mashoko akanaka uye vachitendeutsa va-mwe. (Mab. 8:1-13) Papera nguva yakati, vanhu vasi-

24 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

na kudzingiswa kana kuti ku-checheudzwa, vaisava vaJu-dha vakaparidzirwa mashokoakanaka. (Mab. 10:1-48) Ba-sa rose iri rokuparidza rakai-ta kuti pave nevadzidzi vaka-wanda uye ungano itsva dza-katangwa kunzvimbo dzaivakunze kweJerusarema.—Mab.11:19-21; 14:21-23.

8 Zvii zvakaitwa kuti zvinhu zvirambe zvichifamba ne-gwara uye nenzira inodiwa naMwari muungano idzi dza-inge dzichangotangwa? Mudzimu waMwari wakaita kutipagadzwe vafudzi vaduku vaizofudza makwai. Pauro na-Bhanabhasi vakagadza vakuru parwendo rwavo rwoku-tanga rwoumishinari. (Mab. 14:23) Munyori weBhaibheriRuka akataura nezvemusangano wakaitwa naPauro ne-vakuru veungano yokuEfeso. Pauro akati kwavari: “Zvi-chenjererei imi neboka rose, ramakagadzwa pariri no-mudzimu mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufu-dze ungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakoma-na wake.” (Mab. 20:17, 28) Chakaita kuti vakodzere kuvavakuru ndechokuti vakanga vachiita zvinotaurwa neMa-gwaro. (1 Tim. 3:1-7) Tito uyo aishanda naPauro akapi-wa simba rokugadza vakuru muungano dzokuKrete.—Ti-to 1:5.

9 Sezvo ungano dzakaramba dzichiwanda, vaapostoranevakuru vomuJerusarema vakaramba vachitungamirirasevatariri muungano dzose idzi. Ndivo vaiumba dare ri-notungamirira.

Marongerwouye maitirwoezvinhu muunganoyechiKristuyepakutanga-tangandiwo anotevedzerwanevaKristu nhasi

MARONGERWO AKAITWA UNGANO 25

10 Muapostora Pauro akanyorera ungano yokuEfesoachitsanangura kuti kana ungano ikabvuma kutungami-rirwa nemudzimu waMwari yoziva kuti Jesu Kristu ndiyemusoro, yaigona kuramba yakabatana. Muapostora wa-cho akakurudzira vaKristu ivava kuti vazvininipise vora-mba ‘vakabatana’ nevanhu vose vomuungano. (VaEf. 4:1-6) Akabva azotaura mashoko ari pana Pisarema 68:18paairatidza nezveurongwa hwaJehovha hwokuva nevaru-me muungano vakakodzera kuva vaapostora, vaprofita,vaevhangeri, vafudzi, nevadzidzisi. Varume ivavo, zvipozvinobva kuna Jehovha, vaizokurudzira ungano yose kutiisvike pakukura mune zvokunamata yofadza Mwari.—Va-Ef. 4:7-16.MAZUVA ANO UNGANO DZINOTEVEDZERAZVAIITWA NEVAAPOSTORA

11 Zvaiitwa muungano yepakutanga ndizvo zviri kuteve-dzerwa muungano dzose dzeZvapupu zvaJehovha. Dzo-se dzinoita chinhu chimwe nokuti dzinotungamirirwa ne-muranda akatendeka. (Zek. 8:23) Jesu Kristu ndiye anoi-ta kuti izvi zvikwanisike. Ari kuzadzisa vimbiso yake yoku-ti aizoramba aine vadzidzi vake vakazodzwa “mazuva osekusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu.” Vanhu pava-nogamuchira mashoko akanaka, vanozvitsaurira nemwo-yo wose kuna Jehovha vobhabhatidzwa kuti vave vadzi-dzi vaJesu vobva vabatana neungano. (Mat. 28:19, 20;Mako 1:14; Mab. 2:41) Vanoziva kuti Jesu Kristu, “mufu-dzi akanaka,” ndiye Musoro weboka racho rose rinosa-nganisira vakazodzwa nemamwe “makwai.” (Joh. 10:14,16; VaEf. 1:22, 23) “Boka rimwe chete” iroro rinorambarakabatana nokubvuma kutungamirirwa naKristu uye no-kuzviisa pasi ‘pomuranda akatendeka, akangwara,’ uyo

26 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

akagadzwa naKristu. Ngatirambei tichivimba nemurandaakatendeka uyu.—Mat. 24:45.MASANGANO ANE CHOKUITA NOKUNAMATA

12 Kuti muranda akatendeka akwanise kupa zvokudyazvokunamata panguva yakakodzera uye kuti mashokoakanaka oUmambo aparidzwe mugumo usati wasvika,pane mamwe masangano akaumbwa. Masangano ayaakanyoreswa zviri pamutemo munyika dzakasiyana-siya-na, uye anoshanda pamwe chete.MARONGERWO AKAITWA BAZI

13 Pose panotangwa hofisi yebazi, panogadzwa DareRebazi iro rinoumbwa nevakuru vatatu kana kupfuura ku-ti ritarisire basa rinoitwa munyika yacho kana kuti munedzimwe nyika dzarinenge ranzi ritarisire. Hama imwe che-te inoshanda somurongi mudare iroro.

14 Ungano dzomunyika yacho dzinorongwa kuva matu-nhu. Kukura kwematunhu acho kunosiyana-siyana, zvi-chibva pakuti ungano dzacho ndedzemutauro upi uyedziri panzvimbo ipi uyewo dzakawanda sei. Mutariri we-dunhu anogadzwa kuti ashanyire ungano dziri mudunhuraanenge ari achidzikurudzira. Pano neapo mabasa akeanotsanangurwa mutsamba dzinonyorerwa vatariri ve-matunhu nehofisi yebazi.

15 Ungano dzinobvuma urongwa hwesangano hunoiti-rwa kutibatsira tose. Dzinozviisa pasi pevakuru vanengevanzi vatarisire basa pamapazi, mumatunhu uye muu-ngano. Dzinoziva kuti muranda akatendeka, akangwarandiye anodzipa zvokudya zvokunamata panguva yakako-dzera. Muranda akatendeka anozviisawo pasi paKristu,achitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, uye achibvuma

MARONGERWO AKAITWA UNGANO 27

kutungamirirwa nomudzimu mutsvene. Kana tose tika-shanda takabatana, tichawana makomborero seaya aka-wanikwa nevaKristu vepakutanga. Nhoroondo yacho ino-ti: “Chokwadi, ungano dzakaramba dzichisimbiswa pa-kutenda uye dzichiwedzera vanhu vazhinji zuva nezuva.”—Mab. 16:5.

28 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

JESU paaiva panyika achiita basa rokuparidza akaratidzakuti “mufudzi akanaka.” (Joh. 10:11) Paakaona vanhu va-kawanda vaimutevera “akasiririswa navo, nokuti vaibatwazvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nema-kwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Petro nevamwe vaaposto-ra vakaona kuda kwaaiita vanhu. Jesu akanga akasiyananokure nevafudzi vechiIsraeri avo vakanga vachiregeredzamakwai uye vachiasiya akapararira achiziya nenzara panya-ya dzokunamata! (Ezek. 34:7, 8) Madzidzisiro akanaka aJe-su uye madiro aaita makwai zvokutosvika pakuafira, zva-kadzidzisa vaapostora vake kuti vabatsire makwai anengearasika kuti adzoke kuna Jehovha, ‘mufudzi nomutariri we-mweya yawo.’—1 Pet. 2:25.

2 Mumwe musi paaitaura naPetro, Jesu akasimbisa kuko-sha kwokudyisa uye kufudza makwai. (Joh. 21:15-17) Pe-tro akanzwisisa zvaakaudzwa nokuti pave paya, akazoku-rudzira vakuru vomuungano yechiKristu yepakutanga kuti:“Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugo-mbedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma ino-wanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose;musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asimuchiva mienzaniso kuboka.” (1 Pet. 5:1-3) Mashoko aka-taurwa naPetro anoshandawo kuvatariri muungano ma-zuva ano. Vakuru vanotevedzera Jesu nokufudza makwainomwoyo wose uye vachizvidira, vachiatungamirira paku-shumira Jehovha.—VaH. 13:7.

CHITSAUKO 5

Vatariri VakapiwaBasa Rokufudza Makwai

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 29

3 Tinofara chaizvo kuti muungano tine vafudzi vanoitaizvi vakagadzwa nomudzimu mutsvene. Vane zvakawandazvavanotibatsira. Somuenzaniso, vanotikurudzira uye vano-wanira nguva mumwe nomumwe ari muungano. Vhiki ri-mwe nerimwe vanotidzidzisa pamisangano yeungano uyetose tinobva tasimbiswa pakunamata. (VaR. 12:8) Vano-shanda nesimba kuti vadzivirire ungano kuti isakanganiswanevanhu vanenge vava kutsauka uye izvi zvinoita kuti ti-nzwe takachengeteka. (Isa. 32:2; Tito 1:9-11) Kugara va-chiita basa rokuparidza kunotikurudzira kuti tirambewo ti-chiparidza mashoko akanaka mwedzi nomwedzi. (VaH. 13:15-17) Jehovha anoshandisa “zvipo zviri varume” izvi kutiungano isimbiswe.—VaEf. 4:8, 11, 12.

ZVINHU ZVINODIWA KUTI MUNHU AVE MUTARIRI4 Kuti ungano inyatsotarisirwa zvakanaka, varume vano-

gadzwa kuti vave vatariri vanofanira kunge vaine zvinhuzvinodiwa zviri muShoko raMwari. Chinoita kuti vanzi vaka-gadzwa nomudzimu mutsvene ndechokuti vanenge vachi-ita zvinotaurwa neMagwaro. (Mab. 20:28) Ichokwadi kutipane zvakawanda zvinodiwa neMagwaro kuti murume azo-va mutariri wechiKristu nokuti ibasa rinokosha. Asi hazvire-vi hazvo kuti zvinodiwa zvacho zvakanyanyisa, nokuti mu-rume anonyatsoda Jehovha uye anoda kushandiswa nayeanogona kuzviita. Zvinofanira kuoneka nomunhu wose kutivatariri vanhu vanoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri pa-zvinhu zvavanoita muupenyu hwavo.

5 Muapostora Pauro akataura zvimwe zvinodiwa neMa-gwaro kuvatariri mutsamba yokutanga yaakanyorera Timo-ti uye yaakanyorera Tito. Pana 1 Timoti 3:1-7 anoti: “Kanamurume chero upi zvake achitsvaka kuva mutariri, ari ku-da basa rakanaka. Naizvozvo mutariri anofanira kuva

30 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

asina chaanopomerwa, muru-me ane mudzimai mumwe che-te, ane tsika dzine mwero, anepfungwa dzakanaka, akaronge-ka, anogamuchira vaeni zvaka-naka, anokwanisa kudzidzisa,asiri chidhakwa chinokakava-ra, asingarovi, asi anonzwisisa,asingarwi, asingadi mari, mu-rume anotungamirira imba ya-ke zvakanaka, ane vana vano-zviisa pasi nomwoyo wose; (chokwadi kana murume cheroupi zvake asingagoni kutungamirira imba yake, achatarisirasei ungano yaMwari?) kwete murume achangobva kutende-uka, kuti arege kuzvitutumadza nokudada, akawira mukuto-ngwa kwaDhiyabhorosi. Zvakare, anofanirawo kupupurirwazvakanaka kwazvo nevanhu vari kunze, kuti arege kuzvidzwauye kupinda mumusungo waDhiyabhorosi.”

6 Pauro akanyorera Tito kuti: ‘Ndakakusiya muKrete kutiururamise zvinhu zvakanga zvisina kururama uye kuti uga-dze varume vakuru muguta rimwe nerimwe, sezvandakaku-rayira; kana paine murume asina chaanopomerwa, muru-me ane mudzimai mumwe chete, ane vana vanotenda va-singapomerwi zvakaipa uyewo vasingapomerwi kuti hava-dzoreki. Nokuti mutariri anofanira kuva munhu asina cha-anopomerwa somutariri akagadzwa naMwari, asina nha-ro, asingakurumidzi kuva nehasha, asiri chidhakwa chino-kakavara, asingarovi, asingakari pfuma inowanikwa nenzi-ra dzokusatendeseka, asi anogamuchira vaeni zvakanaka,anoda zvakanaka, ane pfungwa dzakanaka, akarurama,akavimbika, anozvidzora, anobatisisa shoko rakatendekapamusoro pounyanzvi hwake hwokudzidzisa, kuti akwanise

Vakuruvanotevedzera Jesunokufudza makwainomwoyo woseuye vachizvidira,vachiatungamirirapakushumiraJehovha

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 31

kurayira achishandisa kudzidzisa kunopa utano uye kutsi-ura vaya vanopikisa.’—Tito 1:5-9.

7 Kunyange zvazvo zvinhu izvi zvinodiwa neMagwaro zvi-chiita sokunge zvakawandisa, varume vechiKristu havafa-niri kuzeza kuti vave vatariri. Pavanova nounhu uhwu hwa-kanaka hunotarisirwa kune vatariri, zvichatokurudzira va-mwe vari muungano kuti vatevedzerewo. Pauro akanyo-ra kuti “zvipo zviri varume” izvozvo zvinobatsira “kuti va-tsvene varuramiswe, nokuda kwebasa rokushumira, noku-da kwokuvakwa kwomuviri waKristu, kusvikira tose tasvikapakubatana mukutenda nomuzivo yakarurama pamusoropoMwanakomana waMwari, tava munhu akura zvakakwa-na, tava nomwero wokukura kwakazara kwaKristu.”—VaEf.4:8, 12, 13.

8 Vatariri havasi tukomana kana kuti varume vachango-tendeuka. Asi kuti vanhu vava noruzivo pakurarama seva-Kristu, vanonzwisisa Bhaibheri, vanogona kushandisa Ma-gwaro uye vanoda chaizvo ungano. Havatyi kutaura uyekutsiura munhu anenge achiita zvakaipa uye kuita izvi ku-nobatsira kuti ungano isakanganiswa. (Isa. 32:2) Vataririvanooneka zviri nyore neungano yose kuti varume vakaku-ra pakunamata uye vanhu vanoda nemwoyo wose makwaiaMwari.

9 Vaya vanogadzwa kuti vave vatariri vanofanira kurati-dza kuti vanoshandisa zvinotaurwa neMagwaro muupenyuhwavo. Kana aine mudzimai, mutariri anofanira kuita zvi-notarisirwa kumuKristu anemba, zvakadai sokuva murumeane mudzimai mumwe chete uye anotungamirira imbayake zvakanaka. Kana mutariri aine vana vanotenda vasi-ngapomerwi zvakaipa uyewo vasingapomerwi kuti hava-dzoreki, vamwe vari muungano vachanzwa vakasunungu-ka kuuya kwaari kuti vapiwe mazano paupenyu hwemhu-

32 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ri kana kuti pakurarama kwechiKristu. Mutariri anofanirawokuva asina chaanopomerwa uye anopupurirwa zvakana-ka kwazvo kunyange nevanhu vari kunze. Hapana mhosvaine musoro yaanofanira kupomerwa nokuti zvinokanganisakuchena kweungano. Haafaniri kuva munhu anenge acha-ngobva kutsiurwa nemhaka yechivi chikuru chaakaita. Va-mwe vari muungano vanofanira kunzwa vachida kuteve-dzera zvakanaka zvaanoita uye vakasununguka kutarisirwanaye panyaya dzokunamata.—1 VaK. 11:1; 16:15, 16.

10 Varume vakadaro vanokodzera kuti vashumire muu-ngano yechiKristu vachiita mabasa akafanana neevakuruvechiIsraeri avo vainzi “vakachenjera, vakangwara uye va-ne zivo.” (Dheut. 1:13) Varume ava vanhu vanotadzawo se-su, asi vanozivikanwa neungano uye nevanhu vomunharau-nda sevanhu vanotya Mwari uye vava nenguva yakati rebeivachirarama zvinoenderana nezvinodiwa naMwari. Nemha-ka yeizvi vanonzwa vakasununguka kutaura pamberi peu-ngano.—VaR. 3:23.

11 Varume vanogadzwa sevatariri vanofanira kuva netsikadzine mwero pazvinhu zvavanoita uye mabatiro avanoitavamwe. Havasi vanachandagwinyira. Muupenyu hwavo va-noratidza kuti vanozvidzora. Vanooneka kuti vane mweropazvinhu zvakadai sokudya, kunwa uye zvinhu zvavanoitazvinovavaraidza. Vanozvidzora panyaya yokunwa doro uyehavanwi zvinozoita kuti vapedzisire vava kunzi vanodhakwakana kuti zvidhakwa. Munhu anenge adhakwa haakwanisikuzvidzora uye haagoni kuzotarisira makwai muungano.

12 Kuti murume ave mutariri muungano anofanira kuvaakarongeka. Izvi zvinooneka pakushambidzika kwake, zvi-nenge zvakaita musha wake uye maitiro aanoita zvinhumazuva ose. Akaziva kuti pane basa rinoda kuitwa haave-rengeri. Anoita zvinhu maererano nemitemo yaMwari.

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 33

13 Mutariri anofanira kuva munhu anonzwisisa. Anofanirakushanda akabatana nedare revakuru vachitsigirana. Haa-faniri kuzviona seanoziva kudarika vamwe uye haafaniri ku-nyanya kuda kuudza vamwe zvokuita. Mukuru anozvininipi-sa anobvumawo pfungwa dzevamwe vakuru kwete kuvaonasevasingazivi. Vamwe vanogona kunge vaine humwe unhuhwakanaka kana kuti zvimwewo zvavanogona kumudari-ka. Mukuru anoratidza kuti anonzwisisa paanotsigira ne-Magwaro zvaanenge achitaura uye paanoedza kutevedzerazvaiitwa naJesu Kristu. (VaF. 2:2-8) Mukuru haafaniri kuvamunhu anopopota kana anorwa asi anofanira kuremeke-dza vamwe achivaona sevakuru kumupfuura. Haafaniri ku-va nenharo, achida kuti zvinhu zvigare zvichiitwa nenzirayaanoda. Haafaniri kuva munhu asingatani kugumbuka asianofanira kugona kugarisana nevamwe zvakanaka.

14 Saizvozvowo, munhu anogadzwa somutariri muunganoanofanira kuva nepfungwa dzakanaka. Izvi zvinoreva ku-ti anotanga afunga asati amhanyirira kuita zvimwe zvinhu.Anonzwisisa zvinotaurwa neMagwaro uye anogona kunya-tsozvishandisa. Ane pfungwa dzakanaka, anobvuma maza-no aanopiwa uye kutsiurwa. Anofanira kunge asina unye-ngeri.

15 Pauro akayeuchidza Tito kuti mutariri anofanira kuvamunhu anoda zvakanaka. Anofanira kuva akarurama uyeakavimbika. Izvi zvinooneka nemabatiro aanoita vamweuye kutsigira kwaanoita zvinhu zvakanaka uye zvakaru-rama. Akazvipira nemwoyo wose kuna Jehovha uye ano-ramba achiita zvinodiwa naMwari kunyange zvinhu pazvi-nooma. Munhu ane chipfuva. Uyewo anogamuchira vaenizvakanaka, achishandisa zvinhu zvake kuti abatsire vamweasingazogunun’uni.—Mab. 20:33-35.

34 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

16 Kuti mutariri anyatsoshumira ungano anofanira kungeachigona kudzidzisa. Pauro akaudza Tito kuti, mutaririanofanira kubatisisa “shoko rakatendeka pamusoro pou-nyanzvi hwake hwokudzidzisa, kuti akwanise kurayira achi-shandisa kudzidzisa kunopa utano uye kutsiura vaya va-nopikisa.” (Tito 1:9) Anofanira kukurukura nenzira inoitakuti munhu ashandise pfungwa dzake. Anofanirawo kupaumboo, kuratidza mapinduriro atingaita vanhu vanopikisa,uye kushandisa Magwaro zvokuti vamwe vanonyatsoonakuti ichi ndicho chokwadi zvoita kuti vasimbiswe kutendakwavo. Mutariri anofanira kuita izvi, pazvinenge zvakana-ka kunyange pazvinenge zvakaoma. (2 Tim. 4:2) Anofani-ra kuva nomwoyo murefu paanenge achitsiura munhu ane-nge atadza kana kuti paanenge achibatsira munhu anengeasina chokwadi nezvinotaurwa neMagwaro ozomukurudzi-ra kuti aite mabasa akanaka. Kugona kudzidzisa pane chitachevanhu kana kuti munhu mumwe chete chiratidzo cho-kuti mutariri ari kuita zvaanotarisirwa kuita.

17 Zvakakosha kuti vakuru vagare vachiita basa rokupari-dza. Zvinofanira kuoneka nemaitiro avo pabasa iri kuti va-ri kuedza kutevedzera Jesu, uyo aikoshesa basa rokupari-dza mashoko akanaka. Jesu aida vadzidzi vake achivaba-tsira kuti vanyatsogona kuparidza. (Mako 1:38; Ruka 8:1)Vakuru pavanoita basa rokuparidza kunyange zvazvo vai-ne mabasa akawanda okuita, zvinobatsira kuti ungano ishi-ngairewo pakuparidza. Uye vakuru pavanoparidza nemhuridzavo kana kuti nevamwe vomuungano, zvichaita kuti ‘va-kurudzirane.’—VaR. 1:11, 12.

18 Zvinhu zvose izvi zvinotarisirwa kuti mutariri aite zvi-ngaita sokuti zvakawandisa. Chokwadi ndechokuti hapanamutariri anonyatsoita zvose izvi nemazvo. Asi hapafaniri

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 35

kuva nomukuru akagadzwamuungano anobva anyatso-tadza zviri pachena kuita chi-mwe chezvinhu izvi nokuti zvi-kadaro anenge asingachako-dzeri. Vamwe vakuru vane hu-mwe unhu hwakanaka kudari-ka vamwe uye vamwe vanezvimwe zvavanogona kudari-ka vamwe. Kusiyana uku kwe-vakuru kunoita kuti pave ne-dare revakuru rine unhu hwo-se hwakanaka hunodiwa paku-tarisira ungano yaMwari.

19 Dare revakuru parinorumbidza kuti mumwe munhuagadzwe somutariri, rinofanira kuyeuka mashoko omuapo-stora Pauro okuti: “Ndinoudza munhu wose ari pakati pe-nyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira ku-funga; asi kuti afunge kuitira kuti ave nepfungwa dzaka-naka, mumwe nomumwe sokugoverwa kwaakaitwa chiye-ro chokutenda naMwari.” (VaR. 12:3) Mukuru mumwe no-mumwe anofanira kuzviona somuduku. Hapana anofanirakuzviona ‘seakanyanya kururama’ paanenge achiongoro-ra kuti mumwe munhu anokodzera here. (Mup. 7:16) Darerevakuru rinofanira kuyeuka zvinhu zvinodiwa neMagwaropavatariri pavanenge vachifunga nezvemunhu wavari kuru-mbidza kuti agadzwe. Asi havafaniri kubva vanyanya kuo-mesa. Vanofanira kuzivawo kuti iye munhuwo anotadza sa-ivo, saka havafaniri kuita zvounyengeri kana kungofungakuti haakodzeri pasina zvikonzero zvine musoro. Zvavano-ita zvinofanira kuratidza kuti vanoremekedza mitemo ya-karurama yaJehovha uye vari kuzviitira kuti ungano ibatsi-

Kuti unganoinyatsotarisirwazvakanaka, varumevanogadzwa kutivave vataririvanofanira kungevaine zvinhuzvinodiwa zvirimuShoko raMwari

36 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

rwe. Vanotanga vanyengetera voita zvinoenderana nomu-dzimu mutsvene waMwari pavanenge vachiongorora mu-nhu wavanenge vachirumbidza. Iri nderimwe basa guru ra-vanoita, uye vanofanira kuyeuka zvakataurwa naPauro kuti:“Usachimbidza kuisa maoko ako pamunhu chero upi zva-ke.”—1 Tim. 5:21, 22.

CHIBEREKO CHOMUDZIMU20 Varume vakagadzwa vanofanira kuratidza kuti vanotu-

ngamirirwa nomudzimu mutsvene uye vanoratidza chibe-reko chawo muupenyu hwavo. Pauro anotaura zvinhu 9 zvi-noumba chibereko chomudzimu zvinoti “rudo, mufaro, ru-gare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, ku-zvidzora.” (VaG. 5:22, 23) Kuva nevakuru vakadai kunoitakuti hama dzinakidzwe nokunamata uye kunoita kuti unga-no ibatane pakushumira Mwari. Mararamiro avo anoratidzakuti vakagadzwa nomudzimu mutsvene.—Mab. 20:28.VAKURU VANOITA KUTI UNGANO IBATANE

21 Zvakakosha kuti vakuru vabatane kuti ungano ibatane-wo. Vanogona kunge vaine unhu hwakasiyana-siyana, asikana vakaremekedzana vachiteererana pavanenge vachi-kurukura zvichaita kuti varambe vakabatana kunyange ka-na vasiri kuwirirana pane zvimwe zvinhu. Mukuru mumwenomumwe anofanira kubvuma zvinotaurwa nevamwe uyekutsigira zvinenge zvasarudzwa nedare revakuru chero be-dzi pasina mutemo waMwari uri kutyorwa. Kubvuma zvino-taurwa nevamwe chiratidzo chokuti munhu ari kushandisa“uchenjeri hunobva kumusoro,” uhwo hune ‘rugare uye hu-nonzwisisa.’ (Jak. 3:17, 18) Hapana mukuru anofanira ku-ramba ongotaura vamwe vakanyarara kana kufunga kutiari pamusoro pevamwe. Kana vakuru vakashanda vakaba-tana vanenge vari kushanda pamwe chete naJehovha uye

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 37

zvinoita kuti ungano ifambe zvakanaka.—1 VaK., chits. 12;VaK. 2:19.

KUVAVARIRA KUTI UVE MUTARIRI22 Varume vechiKristu vanofanira kuva nechido chokuti

vave vatariri. (1 Tim. 3:1) Asi kuva mukuru kunoda kuti mu-nhu ashande nesimba uye azvipire. Zvinoreva kuti anofa-nira kuwana nguva yokuti ashumire hama, achidzitarisirapanyaya dzokunamata. Kuti uzova mutariri unofanira ku-nge uchiedza kuita zvinhu zviri muMagwaro zvinotarisirwakuvatariri.

UPENYU HWOMUKURU KANA HUKACHINJA23 Hama inenge yashumira yakatendeka kwemakore aka-

wanda inogona kurwara, kuremara kana kuti kukwegurazvokutadza kuita mabasa ayo somutariri. Kunyange izvizvikaitika, hama yacho inofanira kuramba ichiremekedzwauye ichionekwa somukuru chero bedzi ichakagadzwa. Ha-pana chikonzero chokuti ichirega kuva mukuru nemhakayokutadza kwayo kuita zvimwe zvinhu. Ichiri kufanira ku-piwa ruremekedzo rwakapetwa kaviri serwunopiwa vakuruvose vanoshanda nesimba pakufudza makwai.

24 Asi kana ikanzwa sokuti haichakwanisi kuramba iri mu-kuru nemhaka yezvachinja muupenyu hwayo, inogona ku-mbomira kushumira somukuru. (1 Pet. 5:2) Inofanira ku-ramba ichiremekedzwa. Ichiri kukwanisa kuita zvakawandapakubatsira ungano kunyange zvazvo isingachaiti mabasaanopiwa vakuru.

MABASA EVATARIRI MUUNGANO25 Vakuru vane mabasa akasiyana-siyana avanoita muu-

ngano. Kune murongi mudare revakuru, munyori, mutari-ri webasa, muitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi, uye

38 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

mutariri wemusangano Weushumiri Hwedu Uye KuraramakwechiKristu. Vakawanda vanoshumira sevatariri vemapo-ka. Haisi nyaya yokuti kana nguva yakati yasvika vakuru va-nofanira kuchinjwa mabasa avanoita. Asi kana hama ika-tama, kana kuti isingachagoni kuita mabasa ayo nemhakayourwere kana kuti ikabviswa pakuva mukuru nokuti hai-chakodzeri, mumwe mukuru anosarudzwa kuti aite basaracho. Kana muungano musina vakuru vakawanda, muku-ru anogona kuita mabasa maviri kana kupfuura kusvikirapava nevamwe vakuru.

26 Murongi mudare revakuru ndiye anenge ari sachigaropamisangano yedare revakuru. Anofanira kuva munhu ano-zvininipisa paanenge achishanda nevamwe vakuru pakuta-risira makwai aMwari. (VaR. 12:10; 1 Pet. 5:2, 3) Anofani-ra kuva munhu anogona kuronga uye kutungamirira zva-kanaka. (VaR. 12:8) Ndiyewo anoronga hurukuro dzavose,uye kana achida anogona kubatsirwa nomumwe mukurukana kuti mushumiri anoshumira akakodzera.

27 Munyori ndiye anochengeta zvinyorwa zveungano uyeanoita kuti vakuru vazive kana paine nyaya dzinokosha.Kana zvakakodzera, mumwe mukuru kana kuti mushumi-ri anoshumira akakodzera anogona kubatsira nokuita ma-mwe mabasa anogara achiitwa.

28 Mutariri webasa ndiye anoona nezvebasa rokuparidzanezvimwe zvakarerekera ikoko. Izvi zvinosanganisira kuro-nga kuti vanhu vachaunganira kupi pakunoparidza. Anovanechokwadi chokuti ane boka raachashanyira kamwe che-te pamwedzi pakupera kwevhiki. Muungano duku umo mu-nenge muine mapoka mashoma, anogona kushanyira bokarimwe nerimwe kaviri pagore. Paanoshanyira boka, ndiyeanoitisa musangano webasa romumunda, oshanda neboka

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 39

racho pakuparidza, uye obatsira vaparidzi pakudzokera ku-noona vanofarira uye zvidzidzo zveBhaibheri.

VATARIRI VEMAPOKA29 Rimwe basa rinokosha rinoitwa nevakuru nderokuva

mutariri weboka. Basa rake rinosanganisira (1) kushandanesimba kuti munhu wose ari muboka iroro asimbe paku-namata; (2) kubatsira munhu wose ari muboka kuti agareachiita basa rokuparidza, ashingaire, uye anakidzwe noku-paridza; uye (3) kudzidzisawo vashumiri vanoshumira va-ri muboka rake kuti vavavarire kupiwa mabasa muungano.Dare revakuru ndiro rinosarudza kuti ndedzipi hama dzino-nyatsokodzera kuita mabasa aya.

30 Tichitarisa zvakaita basa racho, vatariri vemapoka va-nofanira kunge vari vakuru kana zvichiita. Kana pasina va-kuru, mushumiri anoshumira akakodzera anogona kuitabasa racho kusvikira pazova nomukuru. Mushumiri anoshu-mira anenge achiita basa iri anonzi mushumiri weboka, no-kuti haasi mutariri muungano. Anenge achishanda achiba-tsirwa nevakuru kuti aite basa rake.

31 Basa rinokosha rinoitwa nomutariri weboka nderoku-tungamirira pakuparidza. Vose vari muboka rake vacha-kurudzirwa pavanomuona achigara achienda kunoparidza,achishingaira uye achiratidza kuti ari kunakidzwa nokupa-ridza. Vaparidzi vanokurudzirwa nokushanda pamwe che-te saka zvakakosha kuti mutariri weboka aronge purogira-mu yokuparidza inokwaniswa nevakawanda muboka racho.(Ruka 10:1-16) Mutariri anofanira kuva nechokwadi cho-kuti nguva dzose ndima yokushanda iripo yakakwana. Ka-zhinji ndiye anoitisa musangano webasa romumunda uyekuronga kuti vaparidzi vachafamba sei. Kana akaziva kutiachange asipo, anofanira kuudza mumwe mukuru, mushu-

40 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

miri anoshumira uye kana vasipo oudza mumwe muparidzianokwanisa kuti atarisire basa racho kuitira kuti vaparidzivazoziva zvokuita.

32 Mutariri weboka anofanira kuronga pachine nguva ka-na mutariri webasa ava kuzoshanyira boka ravo. Anofani-ra kuudza vaparidzi vari muboka rake kuti vagadzirire kuzo-kurudzirwa uye kuzobatsirwa nokushanya kwemutariri we-basa. Kana munhu wose ari muboka akaziva, zvichabatsi-ra kuti atsigire urongwa hwacho.

33 Mapoka aya anofanira kugara ari maduku. Izvi zvinoiti-rwa kuti mutariri weboka anyatsoziva munhu wose ari mu-boka rake. Zvichaita kuti abatsire mumwe nomumwe arimuboka iroro. Achavabatsira kana paine zvavanoda uyeachavakurudzira kuti vafarire kuparidza uye kupinda misa-ngano. Anoitawo zvose zvaanogona kuti abatsire mumwenomumwe kuti asimbe pakunamata. Anoshanyira vanengevachirwara kana kuti vanenge vakaora mwoyo. Mashokoaachataura okukurudzira anogona kubatsira mumwe mu-nhu kuti awedzere kushingaira ovavarira kupiwa mabasamuungano uye otobatsirawo dzimwe hama. Mutariri we-boka achapedza nguva yakawanda achibatsira vanhu varimuboka rake. Asi somukuru uye mufudzi, hazvirevi kuti ha-asisina basa nevamwe vari muungano. Anovabatsirawo no-kuvakurudzira.—Mab. 20:17, 28.

34 Rimwe basa rinoitwa nomutariri weboka nderokutoramishumo yevaparidzi vomuboka rake panopera mwedzi.Mishumo yacho inobva yazopiwa munyori. Muparidzi mu-mwe nomumwe anogona kubatsira mutariri weboka no-kukurumidza kuunza mushumo. Muparidzi anogona kuupamutariri weboka panopera mwedzi kana kuti kuuisa mu-bhokisi rinoiswa mishumo riri muImba yoUmambo.

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 41

DARE REBASA REUNGANO35 Pane mamwewo mabasa

anoitwa neDare Rebasa Reu-ngano, iro rinoumbwa nemuro-ngi mudare revakuru, munyo-ri uye mutariri webasa. Dareiri ndiro rinoona nezvemafo-mu anenge achida kusainwa,akadai seokukumbira mabhu-ku, okurumbidza kana kubvi-sa vakuru uye vashumiri vano-shumira uyewo mishumo ye-basa romumunda. Kana vapa-ridzi vakakumbira kuti hurukuro yemuchato kana kuti ye-mariro zviitirwe paImba yoUmambo, dare iri ndiro rinoonakuti rovabvumira here. Uyewo ndivo vanoona kuti vapari-dzi varongwa mumapoka okuparidza. Dare iri ndirozve rino-bvumira vaparidzi vanenge vakumbira kuita upiyona hwe-betsero kana kuti hwenguva dzose kana kuti mamwe ma-basa. Pano neapo hofisi yebazi kana paine zvainoda ino-taura nedare iri. Dare iri rinoshanda richimiririra dare roserevakuru.

36 Mabasa anoitwa nehama idzi kusanganisira romuitisiweChidzidzo cheNharireyomurindi, mutariri wemusanganoWeushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu, nevamwevakuru, anonyorwa pano neapo mutsamba dzinobva kuho-fisi yebazi.

37 Muungano imwe neimwe dare revakuru rine nguva yari-nogara pasi richikurukura kuti zvinhu zviri kufamba sei pa-kunamata muungano yavo. Pagore vanoita misangano 4.Miviri yacho vanoiita panouya mutariri wedunhu uye mi-mwe miviri vanozoiita papera mwedzi mitatu aenda. Kaka-

Patinorambatichizviisa pasipevataririvakagadzwa kutivafudze makwai,tinoswededzwapedyo noMusoroweungano,Kristu Jesu

42 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

wanda, misangano iyi yakakwana kuti pakurukurwe zvosezvinenge zvichida kukurukurwa. Asi kana paine zvimwe zvi-noda kukurumidzirwa, vakuru vanogona kuita mumwe mu-sangano. Kana mukuru mumwe nomumwe akaita mabasaake nomazvo uye murongi mudare revakuru achironga zvi-nhu negwara, hapazovi nemisangano yakawanda-wanda.

ZVIISE PASI PEVAKURU38 Vakuru vanhu vanotadzawo sesu; asi tose tinokurudzi-

rwa kuti tizviise pasi pavo nokuti Jehovha ndiye akaita uro-ngwa uhwu. Vakuru ava vachazvidavirira kwaari pamusa-na pezvavanoita. Zvose zvavanoita vanenge vachimumiri-rira. VaHebheru 13:17 inoti: “Teererai vaya vari kukutunga-mirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyusevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwetenokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.” Jehovha ano-shandisa mudzimu wake kugadza munhu kana kumubvi-sa pakuva mutariri kana munhu wacho akatadza kuratidzachibereko chomudzimu mutsvene, uye kana upenyu hwakehwava kupesana nezvinotaurwa muMagwaro.

39 Hatinzwi tichida kunyatsoonga basa rakaoma uye mue-nzaniso wevakuru veungano here? Paainyorera ungano ye-vaTesaronika, Pauro akavakurudzira kuti: “Tinokukumbirai,hama, kuti muremekedze vaya vari kushanda nesimba pa-kati penyu vachikutungamirirai munaShe uye vachikurayi-rai; uye kuti muvakudze kwazvo murudo nokuda kwebasaravo.” (1 VaT. 5:12, 13) Kushanda nesimba kunoita vataririmuungano ndiko kunoita kuti kunamata Mwari kunakidze.Pauro paakanyorerawo Timoti tsamba yokutanga, akamuu-dza kuti vanhu vari muungano vanofanira kuremekedza va-tariri paakati: “Varume vakuru vanotungamirira nenzira ya-kanaka ngavanzi vakakodzera kukudzwa zvakapetwa kaviri,

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 43

kunyanya vaya vanoshanda zvakaoma pakutaura nepaku-dzidzisa.”—1 Tim. 5:17.

MAMWE MABASA ANOITWA MUSANGANO40 Dzimwe nguva, vamwe vakuru vanosarudzwa kuti va-

ve nhengo dzeMapoka Okushanyira Varwere. Vamwe va-noshanda muMatare Okukurukura Nezvipatara uye vano-shanyira zvipatara navanachiremba vachivakurudzira kura-pa Zvapupu zvaJehovha vachishandisa nzira dzisingasha-ndiswi ropa. Vamwe vatariri vanobatsira kuvaka uye kuga-dziridza Dzimba dzoUmambo neDzemagungano kana kutikushanda muMatare Emagungano. Tose tinotenda chaizvokushanda nesimba uye kuzvipira kunoita hama idzi. Zve-chokwadi ‘tinoramba tichida vanhu vakadaro.’—VaF. 2:29.

MUTARIRI WEDUNHU41 Dare Rinotungamirira rinoronga kuti pagadzwe vaku-

ru vakakodzera kuti vave vatariri vematunhu. Vatariri ve-matunhu vanoudzwa nehofisi yebazi ungano dzavanofani-ra kushanyira uye vanowanzodzishanyira kaviri pagore. Va-nopota vachishanyirawo mapiyona anenge ari kunzvimbodziri kwadzo dzoga. Vanoronga kuti vachatanga kushanyi-ra ungano dzipi uye vodziudza pachine nguva kuti hamadzizonyatsobatsirwa nokushanya kwacho.

42 Murongi mudare revakuru ndiye anotungamirira paku-ronga mafambiro achaita zvinhu pavhiki racho kuti hamadzose dzikurudzirwe. (VaR. 1:11, 12) Paanongonzwa kutimutariri wedunhu ari kuuya, murongi anobva aronga nedzi-mwe hama kuti patsvakwe pokugara uye zvinhu zvichadakushandiswa nomutariri wedunhu nomudzimai wake. Ano-va nechokwadi chokuti vose vaziva nezveurongwa hwachokusanganisira mutariri wedunhu wacho.

44 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

43 Mutariri wedunhu achataura nomurongi mudare reva-kuru nezvemarongerwo achaitwa misangano, uyewo misa-ngano yebasa romumunda. Mirayiridzo yemarongero achoinogona kubva kumutariri wedunhu uye mutsamba dzino-bva kuhofisi yebazi. Vanhu vose vanofanira kufanoudzwanezvenguva nenzvimbo ichaitwa misangano yeungano, ye-mapiyona, yevakuru nevashumiri vanoshumira uye misa-ngano yebasa romumunda.

44 Masikati eChipiri, mutariri wedunhu anoongorora ma-kadhi eChinyorwa Chomuparidzi Cheungano, mushumowekupindwa kwemisangano, zvinyorwa zvendima nemaa-kaunzi. Izvi zvichamubatsira kuti azive paangada kubatsi-ra ungano uye kuti angabatsira sei hama dzinotarisira zvi-nhu izvozvo. Murongi mudare revakuru anofanira kuona ku-ti mutariri wedunhu apiwa zvinhu izvi pachine nguva. Mu-sangano wemanheru eChipiri usati waitwa, mutariri wedu-nhu anoonana nomurongi kana kuti mumwe mukuru kutiabvunze kana paine zvaanoda kujekeserwa kubva pakuo-ngorora kwaanenge aita zvinyorwa.

45 Mutariri wedunhu paanenge ashanyira ungano ano-tsvaka nguva yokuti ataure nehama imwe neimwe kana zvi-chikwanisika pangava pamisangano, pavanenge vachipari-dza, panguva dzokudya kana kuti dzimwewo. Uyewo ano-ita musangano nevakuru nevashumiri vanoshumira, achi-vakurudzira neMagwaro uye achivapa mazano okuti vanya-tsoita mabasa avo nomazvo pakufudza makwai. (Zvir. 27:23; Mab. 20:26-32; 1 Tim. 4:11-16) Anoitawo musanganonemapiyona kuti avakurudzire pabasa ravo uye kuvapa ma-zano kana vaine matambudziko avari kusangana nawo mu-ushumiri.

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 45

46 Kana paine dzimwe nyaya dzinenge dzichida kukuruku-rwa, mutariri wedunhu achaedza kubatsira muvhiki racho.Somuenzaniso, panogona kunge paine chivi chakakura chi-nenge chakaitwa uye vakuru vachida rubatsiro pakubatanyaya yacho. Kana vakatadza kupedza nyaya yacho muvhi-ki iroro, anogona kubatsira vakuru kana kuti munhu wachokuti azosara achitsvakurudza kuti Magwaro anoti kudii. Kanavachida rubatsiro kubva kuhofisi yebazi, mutariri wedunhunevakuru vachafanira kunyatsodonongodza nyaya yacho.

47 Mutariri wedunhu paanenge achishanyira ungano ano-pinda misangano yeungano yevhiki iroro. Misangano ya-cho inogona kugadziridzwa zvichienderana nemirayiridzoinenge yabva kuhofisi yebazi. Achapa hurukuro dzinokuru-dzira, dzinosimbisa nokudzidzisa ungano. Anoedza chaizvokuita kuti vanhu vade Jehovha, Jesu Kristu nesangano.

48 Chimwe chinangwa chokushanya kwomutariri wedunhundechokuti akurudzire vaparidzi kuti vashingaire pakupa-ridza uye kuvapa mazano anovabatsira. Vakawanda muu-ngano vanogona kugadzirisa purogiramu dzavo kuti vawa-ne nguva yakawanda yokuparidza vhiki iroro. Vamwe vano-sarudza kuita upiyona hwebetsero mumwedzi iwoyo. Vosevanoda kuparidzira nomutariri wedunhu kana kuti nomu-dzimai wake vanogona kunyoresa. Kuenda nomutariri we-dunhu kana kuti nomudzimai wake kuvanhu vatinodzidzanavo Bhaibheri kana kuti kudzokera kune vakaratidza kufa-rira kunobatsira chaizvo. Kuwedzera kwauchaita nguva yo-kuti uparidze muvhiki iyi kuchaita kuti udzidze zvakawandakune vamwe uye uchabatsirawo vamwe.—Zvir. 27:17.

49 Pagore panoitwa magungano edunhu maviri mudunhurimwe nerimwe. Mutariri wedunhu ndiye anoona kuti zvi-nhu zviri kufamba sei pamagungano aya. Ndiye achagadzahama dzichatarisira gungano. Pachava nomutariri wegu-

46 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ngano nomubatsiri wake. Vachashanda pamwe chete no-mutariri wedunhu pakuronga gungano racho. Izvi zvicha-batsira mutariri wedunhu kuti awane nguva yokunyatsota-risira purogiramu yegungano. Mutariri wedunhu achatsva-ka dzimwe hama dzinokodzera kuti dzishande mumadhipa-timendi. Anorongawo kuti akaunzi dzedunhu dziongororwepanopera gungano rimwe nerimwe. Rimwe gungano redu-nhu richange riine mukurukuri anoshanya anobva kuBhete-ri. Mamwe matunhu anopinda gungano akapatsanurwa no-kuti nzvimbo dzaanopindira dzinenge dziri duku kana kutidziri kure.

50 Panopera mwedzi, mutariri wedunhu anotumira mu-shumo wake webasa romumunda kuhofisi yebazi. Kanaakashandisa mari yake pazvokudya, pakufamba, pakubha-dhara pokugara kana kuti zvimwewo zvine chokuita nebasarake, uye ungano yaanenge achishanyira yotadza kubha-dhara zvinhu izvi, anogona kuudza hofisi yebazi kuti imu-pe mari yacho. Vatariri vematunhu vanoziva kuti kana va-kaisa zvinhu zvine chokuita noUmambo hwaJehovha paku-tanga, zvimwe zvose zvavanoda vachazviwana sokuvimbi-sa kwakaita Jesu. (Ruka 12:31) Ungano dzinofanira kuzi-va kuti kugamuchira vatariri ava vanozvipira chikomborerochaicho!—3 Joh. 5-8.

DARE REBAZI51 Pasi rose, hofisi yebazi yoga yoga yeZvapupu zvaJeho-

vha ine vakuru vanokodzera vatatu kana vanodarika vano-shanda seDare Rebazi. Dare iri rinoona nezvebasa rokupa-ridza romunyika yacho kana kuti redzimwe nyika dzarine-nge ranzi ritarisire. Hama imwe chete inoshanda somuro-ngi muDare Rebazi.

52 Hama dziri muDare Rebazi dzinotarisira zvine chokuita

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 47

neungano dzose dziri munyika yavanotarisira. Vanorongakuti vose vari muungano vawane mabhuku anosimbisa pa-kunamata anobudiswa nesangano raJehovha. Dare iri rino-va nechokwadi chokuti mashoko akanaka oUmambo apa-ridzwa munharaunda yose yavanotarisira uye kuti unga-no nematunhu zvarongwa nenzira inoita kuti vagone ku-ziva zviri kudiwa munyika yacho yose. Dare Rebazi rinoo-nawo nezvebasa rinoitwa nemamishinari, mapiyona chai-wo, enguva dzose neebetsero. Dare iri ndiro zvakare rinoro-nga magungano uye rinopa hama zvokuita kuitira kuti ‘zvi-nhu zvose zviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.’—1 VaK. 14:40.

53 Kana paine nyika dzisina Dare Rebazi, panotsvakwa ha-ma dzomunyika iyoyo kuti dzitarisire basa. Izvi zvinoita kutibasa ritarisirwe zvakanaka. Vanoona nezvezvinoitwa paMu-sha weBheteri, tsamba nemishumo, uyewo mabasa okupa-ridza. Vakuru ava vanoshanda pamwe chete neDare Reba-zi kuitira kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvifambiremberi.

54 Hama idzi uye dziri muDare Rebazi dzinogadzwa neDa-re Rinotungamirira.

VAMIRIRIRI VEMAHOFISI MAKURU55 Nguva nenguva, Dare Rinotungamirira rinoronga kuti

hama dzakakodzera dzishanyire bazi rimwe nerimwe pasirose. Hama inoita izvi inozivikanwa somumiririri wemahofi-si makuru. Basa rake guru nderokukurudzira mhuri yeBhe-teri uye kubatsira Dare Rebazi kana paine mibvunzo ka-na matambudziko zvine chokuita nebasa rokuparidza. Pa-zvinenge zvichiita, hama iyi inoitawo musangano nevatari-ri vematunhu vanenge vasarudzwa uye nemamishinari ano-tarisirwa nebazi raanenge ashanyira. Kana vaine matambu-

48 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

dziko vanokurukura naye, uye anovakurudzira pabasa ra-vo rinonyanya kukosha rokuparidza.

56 Mumiririri wemahofisi makuru anoda chaizvo kuzivazviri kuitwa mundima yebazi pabasa rokuparidza uye ma-mwe mabasa eungano. Kana nguva iripo, anogonawo ku-shanyira mahofisi eshanduro anenge asiri paBheteri. Paa-noshanyira bazi, anoitawo basa rokuparidza.KUTARISIRA NORUDO

57 Kutarisirwa zvakanaka kwatinoitwa nehama idzi dzaka-simba pakunamata uye kushanda kwadzinoita nesimba ku-notibatsira chaizvo. Patinoramba tichizviisa pasi pevata-riri vakagadzwa kuti vafudze makwai, tinoswededzwa pe-dyo noMusoro weungano, Kristu Jesu. (1 VaK. 16:15-18; Va-Ef. 1:22, 23) Tikaita izvi, mudzimu waMwari uchazara mu-ungano, uye Shoko raMwari richatungamirira basa pasi ro-se.—Pis. 119:105.

VATARIRI VAKAPIWA BASA ROKUFUDZA MAKWAI 49

MUAPOSTORA PAURO akanyorera ungano yaiva muFiripiachiti: “Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvenevose vari pamwe naKristu Jesu vari muFiripi, pamwe chetenevatariri nevashumiri vanoshumira.” (VaF. 1:1) Waona he-re kuti akataura nezvevashumiri vanoshumira? Zviri pache-na kuti varume ava vaiva nebasa rinokosha muungano ro-kubatsira vakuru. Ndizvo zvazviri nanhasi. Vashumiri vano-shumira vanoita mabasa anobatsira vatariri uye anoita ku-ti zvinhu zvirongeke muungano.

2 Vashumiri vanoshumira vari muungano yenyu unovazivahere? Unoziva here basa ravanoita rinoita kuti ungano yo-se ibatsirwe, kusanganisira iwe? Chokwadi, Jehovha anoo-nga zvinoitwa nevarume ava. Pauro akanyora kuti: “Varu-me vanoshumira zvakanaka vari kuzviwanira zita rakanakanorusununguko rukuru rwokutaura pakutenda muna KristuJesu.”—1 Tim. 3:13.

ZVINHU ZVINODIWA KUTI MUNHUAVE MUSHUMIRI ANOSHUMIRA

3 Vashumiri vanoshumira vanotarisirwa kurarama upenyuhwakanaka hwechiKristu, vachiita mabasa avo eungano ne-mazvo uye vakavimbika. Izvi tinozviona mutsamba yaka-nyorerwa Timoti naPauro achimuudza zvinodiwa kuti mu-nhu ave mushumiri anoshumira yaiti: “Vashumiri vanoshu-mira vanofanirawo kuva vomwoyo wose, vasina mashokomaviri, vasinganyanyonwisi waini, vasingakari pfuma inowa-nikwa nenzira dzokusatendeseka, vanochengeta chakava-

CHITSAUKO 6

Vashumiri VanoshumiraVanoita Basa Rinokosha

50 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

nzika chitsvene chokutenda vaine hana yakachena. Uyewo,ivava ngavatange vaedzwa kuti vanokodzera here, vozosha-nda sevashumiri, zvavasina chavanopomerwa. Vashumirivanoshumira ngavave varume vane mudzimai mumwe che-te, vanotungamirira vana nedzimba dzavo zvakanaka kwa-zvo.” (1 Tim. 3:8-10, 12) Kana vashumiri vanoshumira vaka-rarama sezvavanotarisirwa, ungano haizopomerwi kuti ino-gadza varume vasingakodzeri kuti vaite mabasa muungano.

4 Vashumiri vanoshumira vanofanira kuparidza mwedzinemwedzi pasinei nezera ravo. Vanofanira kushingaira mu-ushumiri sezvaiitwa naJesu. Pavanoita izvi, vanoratidza chi-do china Jehovha chokuti vanhu vapone.—Isa. 9:7.

5 Vashumiri vanoshumira vanofanira kuva nomuenzanisowakanaka pamapfekero, pakushambidzika, pamatauriro,pakuzvibata uye pamaonero avanoita nyaya dzokunamatanedzimwewo. Mafungiro avo akanaka anoita kuti vamwe va-varemekedze. Uyewo, vanokoshesa chaizvo ukama hwavonaJehovha uye mabasa avanoita muungano.—Tito 2:2, 6-8.

6 Varume ava ‘vanotanga vaedzwa.’ Vanoratidza kuti ivovarume vakazvipira zvechokwadi vasati vatombogadzwa.Vanenge vatoratidza kuti zvinhu zvine chokuita noUmambondizvo zvinonyanya kukosha muupenyu hwavo, uye kuti varikuvavarira kuwana chero mabasa avangapiwa. Varume avamienzaniso yakanaka yokuti vamwe vari muungano vateve-dzere.—1 Tim. 3:10.

MABASA AVANOITA7 Vashumiri vanoshumira vanoita mabasa akasiyana-siya-

na anobatsira hama nehanzvadzi dzavo, zvoita kuti vatari-ri vave nenguva yakawanda yokuita mabasa okudzidzisa ne-okufudza. Kana paine zvinoda kuitwa muungano, dare reva-kuru rinotanga rafunga kuti mushumiri anoshumira wacho

VASHUMIRI VANOSHUMIRA VANOITA BASA RINOKOSHA 51

anozvigona here risati ramupabasa racho.

8 Mamwe emabasa achondeaya: Mumwe mushumirianoshumira anogona kunziatarisire mabhuku kuitira ku-ti tiwane okushandisa pacheduuye pakuparidza. Mumwe ano-nzi atarisire magazini. Vamwevanonzi vatarisire akaunzi dze-ungano uye makadhi endima.Vamwe vanotarisira mamaiko-rofoni, gudzanzwi, kuva vari-ndiri, uye kuita mamwe maba-sa avanenge vanzi vaite neva-kuru veungano. Pane basa rakakura rinofanira kuitwa pa-kutarisira Imba yoUmambo uye kuichenesa, saka vashumi-ri vanoshumira vanowanzokumbirwa kuti vabatsire pakuitamabasa aya.

9 Mune dzimwe ungano, mushumiri anoshumira anogonakupiwa basa rimwe chete asiwo mune dzimwe, anogona ku-nzi aite akawanda zvichibva pakuti ungano yacho ine va-shumiri vanoshumira vakawanda sei. Kana pasina vashu-miri vanoshumira vanokwana, dare revakuru rinogona ku-ronga kuti hama dzakabhabhatidzwa uye dzine muenzani-so wakanaka dziite mamwe emabasa acho. Kuita mabasaaya kuchaita kuti dzive noruzivo pamabasa anotarisirwa ku-munhu anozova mushumiri anoshumira. Kana pasina ha-ma dzingaita mabasa aya, hanzvadzi ine muenzaniso wa-kanaka inogona kukumbirwa kubatsira kuita mamwe acho,kunyange zvazvo isingazogadzwi somushumiri anoshumira.Munhu ane muenzaniso wakanaka ndeuya ane tsika dzaka-

Vashumirivanoshumiravanoita mabasaakasiyana-siyanaanobatsira hamanehanzvadzi dzavo,zvoita kuti vataririvave nenguvayakawanda yokuitamabasa okudzidzisaneokufudza

52 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

naka, anoda zvokunamata uye vamwe vanogona kumute-vedzerawo. Zvimwe zvakanaka zvaanoita zvinosanganisirakupinda kwaanoita misangano, kubuda muushumiri, mhuriyake, zvinhu zvaanozvivaraidza nazvo, mapfekero ake ne-zvimwewo.

10 Kana ungano iine vakuru vashoma, vashumiri vanoshu-mira vakakodzera vanogona kukumbirwa kuti vakurukuremibvunzo iri mubhuku rino nevanoda kubhabhatidzwa. Mi-bvunzo iyi inowanikwa kuMashoko Okuwedzera, pa“Chika-mu 1—Dzidziso dzeBhaibheri Dzokutanga”; uye “Chikamu 3—Marongerwo Akaitwa Zvinhu naJehovha.” Sezvo “Chika-mu 2—Zvinhu Zvakarurama Zvinodiwa naJehovha,” chiinemibvunzo inobata-bata nyaya dzoupenyu hwomunhu, chi-nofanira kuitiswa nomukuru muungano.

11 Kana paine chikonzero chakanaka, dare revakuru rino-gona kuita kuti vashumiri vanoshumira vanga vachiita ma-mwe mabasa vachinje voitawo mamwe. Asiwo, kurega ha-ma ichiita basa rimwe chete kwenguva yakati rebei kunoba-tsira kuti iwedzere ruzivo rwayo uye unyanzvi pabasa iroro.

12 Zvichienderana nezvakaita ungano yavari, pane ma-mwewo mabasa anopiwa vashumiri vanoshumira vanenge‘vafambira mberi zvinoonekwa nevanhu vose.’ (1 Tim. 4:15) Kana pasina vakuru vanokwana, mushumiri anoshumi-ra anogona kupiwa basa rokubatsira mutariri weboka, kanakuti rokuva mushumiri weboka asi achibatsirwa nevakuru.Kana zvakakodzera, vashumiri vanoshumira vanogona ku-piwa dzimwe hurukuro dzepamusangano Weushumiri Hwe-du Uye Kurarama kwechiKristu, kuitisa Chidzidzo cheBhai-bheri Cheungano uyewo kupa hurukuro dzavose. Vanogonakupiwawo zvakare mamwe mabasa anoitwa nevakuru kanazvakakodzera uye kana vachikwanisa kuaita. (1 Pet. 4:10)

VASHUMIRI VANOSHUMIRA VANOITA BASA RINOKOSHA 53

Pavanenge vachibatsira vakuru, vashumiri vanoshumira va-nofanira kuzviita nomwoyo wose.

13 Kunyange zvazvo basa ravo rakasiyana nerevakuru, ri-nokosha pakushumira Mwari nokuti rinoita kuti zvinhu zvo-muungano zvifambe zvakanaka. Nokufamba kwenguva, ka-na vashumiri vanoshumira vakaita mabasa avo zvakanaka,uye vakagona kushanda sevafudzi nevadzidzisi, vanogonakuzorumbidzwa kuti vashande sevakuru.

14 Kana uri hama yechidiki kana kuti uchangobva kubha-bhatidzwa, uri kuvavarira kuti uzova mushumiri anoshumi-ra here? (1 Tim. 3:1) Varume vakakodzera vari kudiwa kutivaite mabasa eungano nokuti vanhu vakawanda vari kuuyamusangano gore negore. Kuti uzova mushumiri anoshumi-ra unofanira kunge uine chido chokubatsira vamwe. Uno-gona kubatsirwa kuita izvi nokufungisisa muenzaniso wa-kanaka waJesu. (Mat. 20:28; Joh. 4:6, 7; 13:4, 5) Mufarowauchawana pakushandira vamwe uchaita kuti chido cha-ko chiwedzere. (Mab. 20:35) Saka zvipire kubatsira vamwe,kugadzirisa zvinodiwa paImba yoUmambo, kana kuti kupahurukuro pamusangano Weushumiri Hwedu Uye KuraramakwechiKristu kana muridzi wayo asina kuuya. Ivawo nepu-rogiramu yakanaka yokudzidza uri woga kuti uve nounhuhwechiKristu. (Pis. 1:1, 2; VaG. 5:22, 23) Kuwedzera kuneizvi, hama iri kuvavarira kuva mushumiri anoshumira inofa-nira kuratidza kuti inogona kuvimbwa nayo painopiwa ma-basa muungano.—1 VaK. 4:2.

15 Vashumiri vanoshumira vanogadzwa nomudzimu mu-tsvene kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano. Vari mu-ungano vanogona kuratidza kuti vanoonga kushanda nesi-mba kunoitwa nehama idzi nokuita zvadzinenge dzataura.Kuita izvi kunoratidza kuti tinoonga urongwa hwaJehovhauhwu hwokuti ungano irambe yakarongeka.—VaG. 6:10.

54 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

KUBVA kare nakare, vanhu vaJehovha vaiungana zvaka-rongeka. Kana vari vaIsraeri, varume vose vaienda kuJeru-sarema katatu pagore kumitambo mikuru. (Dheut. 16:16)Kubva pakatanga chiKristu, vaKristu vaigara vachiunganapamwe chete mudzimba dzevamwe vavo. (Fir. 1, 2) Ma-zuva ano tinoungana pamisangano nepamagungano. Neivashumiri vaMwari vachiungana? Nemhaka yokuti kuu-ngana kwakadaro kunokosha pakunamata kwedu.—Pis.95:6; VaK. 3:16.

2 Vaya vanopinda misangano vanobatsirwawo nayo. Va-Israeri pavaizoita Mutambo weMatumba wechi7 wega we-ga, vakaudzwa kuti: ‘Vaunganidze vanhu, varume nevaka-dzi nevana nomutorwa ari mukati memagedhi avo, kutivateerere uye kuti vadzidze, nokuti vaifanira kutya Jeho-vha Mwari wavo, vochenjerera kuita mashoko ose omu-temo uyu.’ (Dheut. 31:12) Chikonzero chinokosha pakuu-ngana ndechokuti ‘tidzidziswe naJehovha.’ (Isa. 54:13) Ti-nowanawo mukana wokuzivana, wokukurudzirana uye wo-kusimbisana.MISANGANO YEUNGANO

3 Vadzidzi vakanga vakaungana Pendekosti ya33 C.E.yapera, vainge vakazvipira kune zvaidzidziswa nevaapo-stora, uye “zuva rimwe nerimwe vakaramba vari pate-mberi nomwoyo mumwe.” (Mab. 2:42, 46) Pave paya, va-Kristu pavaiungana kuti vanamate, vaiverenga zvinyorwa

CHITSAUKO 7

Misangano Inotikurudzira“Kuva Norudo Nemabasa Akanaka”

MISANGANO INOTIKURUDZIRA “KUVA NORUDO NEMABASA AKANAKA” 55

zvakafemerwa, zvaisanganisira tsamba dzainge dzanyo-rwa nevaapostora nevamwe vadzidzi vechiKristu. (1 VaK.1:1, 2; VaK. 4:16; 1 VaT. 1:1; Jak. 1:1) Vainyengeterawo se-ungano. (Mab. 4:24-29; 20:36) Dzimwe nguva mamishi-nari airondedzera zvaaisangana nazvo muushumiri. (Mab.11:5-18; 14:27, 28) Vaikurukura dzidziso dzeBhaibheri uyekuzadzika kweuprofita. Paipiwawo mirayiridzo ine chokui-ta nemararamiro echiKristu uye kuzvipira kuna Mwari. Vo-se vaikurudzirwa kuti vashingaire kuita basa rokuparidza.—VaR. 10:9, 10; 1 VaK. 11:23-26; 15:58; VaEf. 5:1-33.

4 Mazuva ano, maitiro atinoita misangano yechiKristuakafanana neaingoitwa nevaapostora. Tinoteerera mura-yiridzo uri pana VaHebheru 10:24, 25 unoti: “Ngatirangari-rane . . . , tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe,asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswede-ra pedyo.” Mumazuva ano okupedzisira akaoma, kuti tira-mbe takavimbika uye takasimba pakunamata, tinofanirakugara tichikurudzirana patinoungana. (VaR. 1:11, 12) Ti-ri kurarama munyika ine vanhu vanoita zvakaipa. Takara-mba zvishuwo zvenyika uye hatidi kuita zvinhu zvisingadi-wi naMwari. (VaF. 2:15, 16; Tito 2:12-14) Pane kumwe he-re kwatingaenda kunze kwekuva musangano raJehovha?(Pis. 84:10) Chiizve chimwe chinogona kutibatsira kupfu-ura kudzidza uye kukurukura Shoko raMwari? Ngationeimisangano yakasiyana-siyana yakarongwa kuti tibatsirwe.

HURUKURO YAVOSE5 Hurukuro iyi yeBhaibheri inowanzoitwa pakupera kwe-

vhiki pamwe chete neChidzidzo cheNharireyomurindi.Inonzi hurukuro yavose nokuti inobatsira munhu wose

56 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

pakunamata kunyange anenge atanga kuuya zuva iroro.—Mab. 18:4; 19:9, 10.

6 Kristu Jesu, vaapostora vake, neshamwari dzavo va-ipawo hurukuro idzi sezvinongoitwawo nevanhu vaJeho-vha nhasi. Kutaura chokwadi, pasi rose hapana munhuanogona kukurukura kupfuura Jesu. Vamwe vakanzwaachitaura vakati: “Hapana mumwe munhu akambotau-ra saizvozvi.” (Joh. 7:46) Jesu aitaura zvine chiremera,uye vanhu vaishamiswa nemadzidzisiro ake. (Mat. 7:28,29) Vaya vainyatsoteerera zvaaitaura vaibatsirwa zviku-ru. (Mat. 13:16, 17) Vaapostora vakatevedzera zvaaiita.Pana Mabasa 2:14-36, panotaura nezvehurukuro yakapi-wa naPetro paPendekosti ya33 C.E. iyo yakabaya mwo-yo yevanhu. Zviuru zvevanhu zvakatendeuka pashure po-kunzwa hurukuro yacho. Vamwe vanhu vakazova vatendipashure pokunzwa hurukuro yaPauro ari muAtene.—Mab.17:22-34.

7 Mazuva ano, vakawanda vanobatsirwawo nehurukurodzinopiwa vhiki rimwe nerimwe muungano uye pamagu-ngano. Hurukuro dzakadai dzinotibatsira kuti tirambe ti-chiyeuka dzidziso dzechiKristu uye takatsiga mubasa re-Umambo. Tikakoka vanhu vanofarira, zvichavabatsira ku-ti vazive zvinhu zvinokosha zvinodzidziswa neBhaibheri.

8 Hurukuro idzi dzinenge dzichitaura nyaya dzakasiyana-siyana. Dzinotaura nezvedzidziso uye uprofita hweBhai-bheri, mazano ari muMagwaro anobatsira mumhuri uyemuwanano, zvinhu zvinosangana nevechiduku, uye tsi-ka dzechiKristu. Dzimwe dzacho dzinotaura nezvezvinhuzvinoshamisa zvakasikwa naJehovha. Dzimwe dzinotauranezvevanhu vomuBhaibheri vaiva nokutenda, noushingi,

MISANGANO INOTIKURUDZIRA “KUVA NORUDO NEMABASA AKANAKA” 57

uye vakaperera kuna Mwari. Tinodzidzawo kuti tingateve-dzera sei vanhu ivavo.

9 Kuti tibatsirwe nadzo, zvinokosha kuti tinyatsoteerera,kana tanzi nomukurukuri tivhure magwaro tovhurawo, to-fambirana naye paanenge achiaverenga uye achiatsana-ngura. (Ruka 8:18) Kana tikanzwisisa zvinenge zvichiku-rukurwa, zvichaita kuti tide kuzvishandisa.—1 VaT. 5:21.

10 Kana ungano iine vakurukuri vakawanda, hurukuro ya-vose ichapiwa vhiki rimwe nerimwe. Dzimwe nguva pano-va nevakurukuri vanobva kune dzimwe ungano. Asi kanamuungano musina vakurukuri vakawanda, hurukuro idzidzinopiwa pazvinenge zvichiita.CHIDZIDZO CHENHARIREYOMURINDI

11 Hurukuro yavose yapera panowanzova neChidzidzocheNharireyomurindi. Pachidzidzo chacho panobvunzwamibvunzo vanhu vopindura. Jehovha anoshandisa Nhari-reyomurindi kuti tirambe tichiwana zvokudya zvine cho-kuita nokunamata zvinoenderana nenguva.

12 Nyaya dzokudzidza dzinonyanya kutaura nezvemasha-ndisiro atingaita mazano eBhaibheri muupenyu. Dzinosi-mbisa vaKristu kuti vasakanganiswa ‘nomudzimu wenyi-ka’ uye nemaitiro asina kuchena. (1 VaK. 2:12) MuNha-rireyomurindi ndimo matinowana kujekeswa kwedzidzisodzomuBhaibheri nouprofita, zvoita kuti tose tirambe tichi-fambirana nechokwadi uye tiri munzira yakarurama. (Pis.97:11; Zvir. 4:18) Kupinda Chidzidzo cheNharireyomuri-ndi uye kupindurawo kunosimbisa tariro yedu yokurara-ma munyika itsva yaJehovha yakarurama. (VaR. 12:12; 2Pet. 3:13) Kuwadzana kwedu kwechiKristu kunotibatsirakuti tive nechibereko chomudzimu tosimbisa chido chedu

58 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

chokushingaira pakushumira Jehovha. (VaG. 5:22, 23) Ti-nosimbiswa kuti titsungirire matambudziko uye kuti tiva-ke “nheyo yakanaka yenguva yemberi” kuitira kuti ‘tibati-sise upenyu chaihwo.’—1 Tim. 6:19; 1 Pet. 1:6, 7.

13 Zvii zvatingaita kuti tinyatsobatsirwa neurongwa uhwuhwekunamata? Semhuri kana kuti tiri toga, tinofanira ku-gadzirira chidzidzo chacho pachine nguva, kuverenga-wo magwaro anenge arimo, uye kuzopindurawo tisingaitizvokuverenga patinenge tava pamusangano. Izvi zvichai-ta kuti chokwadi chinyatsosvika pamwoyo pedu, uye pati-chapindura tichiratidza kutenda kwedu, zvichabva zvaba-tsira vanenge vachiteerera. Kana tikanyatsoteerera mhi-nduro dzevamwe, tichabatsirwa nechidzidzo chacho vhikirimwe nerimwe.USHUMIRI HWEDU UYE KURARAMA KWECHIKRISTU

14 Ungano inosangana vhiki rimwe nerimwe paImba yo-Umambo ichiita musangano unonzi Ushumiri Hwedu UyeKurarama kwechiKristu. Musangano uyu une zvikamu zvi-tatu zvinotibatsira kuti “tinyatsokwanisa” sevashumiri va-Mwari. (2 VaK. 3:5, 6) Mwedzi nemwedzi pachange pa-chibudiswa Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa. Purogiramuiyi inenge iinewo mharidzo dzokuenzanisira dzokuti mu-nhu ashandise muushumiri.

15 Chikamu chokutanga chemusangano uyu chinonziPfuma Iri muShoko raMwari. Chinotibatsira kuti tinzwisi-se zvaiitika painyorwa nyaya dzeBhaibheri, chakaita kutinyaya dzacho dzinyorwe uye zvidzidzo zvatinowana. Mu-sangano wacho unosanganisira hurukuro, kuverenga uyekukurukurirana. Zvose zvichange zvichibva muzvitsauko

MISANGANO INOTIKURUDZIRA “KUVA NORUDO NEMABASA AKANAKA” 59

zveBhaibheri zviri kuverengwa vhiki iroro. Purogiramu iyiichange iinewo zvinhu zvakadai semapikicha, machati ne-mapepa okunyorera zvinobatsira pakudzidza nyaya dzirimuBhaibheri. Kuongorora Bhaibheri uku zvakadzama ku-notibatsira muupenyu hwedu uye pakudzidzisa, kuitira ku-ti ‘tinyatsokwanisa zvizere, tishongedzerwe zvakakwanakuita mabasa ose akanaka.’—2 Tim. 3:16, 17.

16 Chikamu chechipiri chomusangano uyu chinonzi Sha-nda Nesimba Muushumiri, uye chakagadzirirwa kutidzi-dzisa basa rokuparidza. Nyaya dzine chokuita nebasa ro-kuparidza dzichange dzichibva muPurogiramu Yezvokui-ta Uye Zvichadzidzwa uyewo mune mamwe mabhuku ne-mavhidhiyo. Hama nehanzvadzi dzinenge dziri pachikamuichi dzinoenzanisira dzichipa mharidzo, dzichidzokerera,kana kuti dzichiitisa chidzidzo cheBhaibheri. Chikamu ichichinotibatsira kuti tive ‘nerurimi rwevakadzidziswa’ kuiti-ra kuti ‘tigone kupindura munhu akaneta neshoko raka-naka.’—Isa. 50:4.

17 Chikamu chechitatu chinonzi Kurarama kwechiKristu,uye chinoratidza mashandisiro atingaita zvinotaurwa ne-Bhaibheri pakurarama kwezuva nezuva. (Pis. 119:105) Pa-chikamu ichi ndipo patinoita Chidzidzo cheBhaibheri Che-ungano. Pachidzidzo ichi tinongoita sezvatinoita paChi-dzidzo cheNharireyomurindi. Ndima dzinoverengwa, mi-bvunzo yobvunzwa vanhu vachipindura, uye magwaroanoverengwa. Rwiyo rwokupedzisira uye munyengeterozvisati zvaitwa, sachigaro achataura muchidimbu zvatine-nge tadzidza musi wacho uye zvichadzidzwa vhiki rinote-vera.

18 Mwedzi mumwe nomumwe patinowana Purogiramu

60 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa, murongi mudare revakurukana kuti mumwe anomubatsira, anonyatsoiongorora ku-ti aronge kuti ndivanaani vachaita zvikamu zvacho. Ano-fanira kuwana mashoko kubva kumutariri weMusanganoWeushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Vhiki ri-mwe nerimwe, mutariri wemusangano uyu kana kuti mu-mwe mukuru anogona kudzidzisa uye anenge asarudzwanedare revakuru, ndiye achava sachigaro wemusanganowacho. Mabasa ake anosanganisira kuona kuti musanga-no wacho watanga uye wapera nenguva, uye kupa zanovadzidzi.

19 Tinofanira kugadzirira musangano uyu nguva dzose,toupinda uye tovawo nezvatinoita pamusangano wacho.Izvi zvichaita kuti tiwedzere ruzivo rwedu rweMagwaro,toona mashandisiro atingaita zvinodzidziswa neBhaibhe-ri, tova nechivimbo pakuparidza mashoko akanaka uyetowedzera unyanzvi hwedu pakuita kuti vanhu vave va-dzidzi. Vaya vasati vabhabhatidzwa vanobatsirwawo ne-kuwadzana uye kukurudzirana mune zvokunamata kuno-itwa pamusangano uyu. Unogona kushandisa Watchtow-er Library, JW Library, RAIBHURARI YEPAINDANETI ye-Watchtower (kana zvichiwanika mumutauro wako) uye ra-ibhurari yepaImba yoUmambo pakugadzirira musanganouyu nemimwe. Raibhurari yepaImba yoUmambo ine ma-bhuku eZvapupu zvaJehovha akadai seWatch Tower Publi-cations Index, kana kuti Bhuku Rinobatsira Zvapupu zva-Jehovha Pakutsvakurudza uyewo shanduro dzeBhaibheridzakasiyana-siyana, konikodhenzi, duramazwi nemamwe-wo anobatsira pakutsvakurudza. Munhu wese akasunu-nguka kushandisa raibhurari iyi misangano isati yatangakana kuti yapera.

MISANGANO INOTIKURUDZIRA “KUVA NORUDO NEMABASA AKANAKA” 61

MISANGANO YEBASAROMUMUNDA

20 Mukati mevhiki uye paku-pera kwevhiki vaparidzi vano-ungana kuti vaite musanga-no webasa mupfupi vasati va-enda kunoparidza. Misanga-no iyi inoitirwa mudzimba ka-na kuti munzvimbo inenge iripedyo. Imba yoUmambo inogona kushandiswawo pakui-tira misangano iyi. Kuva nemapoka maduku munzvimbodzakasiyana-siyana kunobatsira kuti vaparidzi vasafambazvakanyanya kuenda kunoungana nevamwe uye kuendakwavachange vachizoparidza. Zvichaitawo kuti vaparidzivakurumidze kurongwa vobva vatoenda kunoparidza. Izvizvinobatsirawo mutariri weboka kuti anyatsotarisira vane-nge vari muboka rake. Kunyange zvazvo zvichibatsira ku-ti mapoka aunganire munzvimbo dzakasiyana-siyana, dzi-mwe nguva zvakanaka kuti mapoka maviri kana matatuabatane. Somuenzaniso, kana vaparidzi vashoma vachi-zoenda kunoparidza mukati mevhiki, mapoka maviri ka-na matatu anogona kubatana kana kuti ungano yose yo-unganira paImba yoUmambo kana kuti pane imwe nzvi-mbo inoita. Izvi zvichaita kuti vaparidzi vawane mumwewokushanda naye. Kana zvichiita, ungano yose inogona-wo kuungana paImba yoUmambo pamazororo enyika. Ka-na kuti inogona kuita musangano webasa pavanenge va-pedza Chidzidzo cheNharireyomurindi.

21 Kana mapoka achiungana kwawo oga, mutariri webo-ka ndiye anoitisa musangano webasa. Dzimwe nguva mu-

Mumazuva anookupedzisiraakaoma,tinofanira kugaratichikurudziranapatinoungana

62 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

tariri weboka anogona kukumbira mubatsiri wake kanakuti imwe hama yakakodzera kuti iitise musangano uyu.Panzvimbo pokukurukura rugwaro rwezuva, achakuruku-ra mazano anobatsira uye anoshanda pakuparidza. Acha-ronga kuti vanhu vachafamba sei uye oita kuti imwe ha-ma inyengetere. Kana zvadaro boka rinofanira kuchiendakunoparidza. Musangano uyu unofanira kuita maminitsi 5kusvika ku7 asi kana uchizoitwa kana musangano weu-ngano wapera, unofanira kuva mupfupi. Vachaitisa musa-ngano uyu vanofanira kukurudzira, kupa mazano anosha-ndisika, uye mirayiridzo yemaitirwo ebasa racho. Vatsvakana kuti vanenge vachida kubatsirwa vanogona kunzi va-ende nevaparidzi vagara nebasa kuti vazobatsirwa.MAITIRWO EMISANGANOMUUNGANO ITSVA KANA KUTI DUKU

22 Ungano dziri kuramba dzichiwanda pamusana poku-wedzera kuri kuita vadzidzi. Kazhinji kacho mutariri wedu-nhu ndiye anotumira kuhofisi yebazi mafomu okuti pata-ngwe ungano. Mune dzimwe nzvimbo, zvingava zvakana-ka kuti mapoka maduku abatane neungano iri pedyo.

23 Dzimwe nguva ungano duku dzinogona kunge dzichi-ngova nehanzvadzi chete. Pakadaro, hanzvadzi inofanirakuita zvinotaurwa neMagwaro zvokufukidza musoro wayopainonyengetera kana kuti painoitisa misangano. (1 VaK.11:3-16) Kakawanda kacho, ichange yakagara pasi yaka-tarisana nevateereri. Hanzvadzi hadzifaniri kupa huruku-ro dzakamira. Dzinofanira kuverenga mashoko acho dzo-taura mashandiro awo, uye dzimwe nguva dzinogona ku-ita zvokukurukurirana nevateereri kana kuti kuita muenza-niso. Hofisi yebazi ichaita kuti hanzvadzi imwe chete ione

MISANGANO INOTIKURUDZIRA “KUVA NORUDO NEMABASA AKANAKA” 63

nezvematsamba anobva kuhofisi uye itarisire misangano.Kana pakazova nehama inokwanisa ndiyo inenge yava ku-ita mabasa aya.MAGUNGANO EDUNHU

24 Gore negore panoitwa urongwa hwokuti ungano dzi-nenge dziri mudunhu rimwe chete dziite magungano ma-viri ezuva rimwe chete. Nguva idzi dzinonakidza dzinoitakuti wose anenge aripo awadzane nehama dzatinonama-ta nadzo. (2 VaK. 6:11-13) Sangano raJehovha rinosaru-dza kuti ndeupi uchange uri musoro wegungano uye ku-ti ndezvipi zvichakurukurwa. Panenge paine hurukuro, mi-enzaniso, vanoenzanisira semaitikiro azvakaita, vanoenza-nisira vachitaura vari voga, uye vanobvunzurudzwa. Ma-zano aya anobatsira dunhu racho nevose vanenge varipo.Pamagungano aya, ndipo panobhabhatidzwawo vadzidzivatsva vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha.MAGUNGANO OMUNHARAUNDA

25 Magungano aya anowanzoitwa mazuva matatu ka-mwe chete pagore uye anosanganisira ungano dzomu-matunhu akawanda. Mapazi maduku anogona kuita ku-ti ungano dzose dzavanotarisira dziite gungano panzvi-mbo imwe chete. Mune dzimwe nyika, marongerwo ezvi-nhu anogona kusiyana pamusana pezvimwe zvikonzerokana kuti mirayiridzo inobva kusangano. Dzimwe nguvamune dzimwe nyika munoitwa magungano enyika dzaka-wanda kana kuti magungano makuru omunharaunda uyeZvapupu zvakawanda zvinobva kune dzimwe nyika zvino-uya. Kwemakore, vakawanda vakanzwa mashoko akanakaoUmambo zvichibva pakushambadzirwa kwemagunganomakuru aya.

64 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

26 Magungano aya inguva yokuti vashumiri vaJehovhavanakidzwe vachikurudzirana. Ndiwozve mukana wokuje-keserwa manzwisisiro edu nyaya dzokunamata. Pane ma-mwe magungano panobudiswa mabhuku matsva nezvi-mwewo zvokushandisa semunhu mumwe nomumwe uyeseungano kana kuti pakuparidza. Ndiyozve nguva yokutivadzidzi vatsva vabhabhatidzwe. Magungano ndiyo nguvayokusimbiswa pakunamata. Anoratidza kuti vanhu vaJe-hovha vanhu vakabatana pasinei nokuti vanobva munyikadzakasiyana-siyana. Anoratidzawo rudo rwatiinarwo urworunofanira kuva nevadzidzi vaJesu Kristu.—Joh. 13:35.

27 Kupinda kwatinoita misangano yeungano nemagu-ngano kunotibatsira kuti tirambe tichiita zvinodiwa naJe-hovha. Tinodzivirirwawo pamafungiro akaipa ari munyikaanogona kukanganisa kutenda kwedu. Kuungana uku ku-noita kuti Jehovha akudzwe uye arumbidzwe. (Pis. 35:18;Zvir. 14:28) Tinoda kumutenda nokutipa mikana yakadaiyokuti tisimbiswe pakunamata mumazuva ano okupedzi-sira.KUDYA KWASHE KWEMANHERU

28 Kamwe chete pagore, ungano dzeZvapupu zvaJeho-vha pasi rose dzinoungana kuti dziyeuke zuva rokufa kwa-Jesu Kristu kana kuti Kudya kwaShe Kwemanheru. (1 VaK.11:20, 23, 24) Uyu ndiwo musangano unonyanya kukoshapagore kuvanhu vaJehovha. Utori murayiro kuti tinofani-ra kuyeuka Chirangaridzo.—Ruka 22:19.

29 Musi weChirangaridzo unoenderana nomusi waiitwaPaseka muBhaibheri. (Eks. 12:2, 6; Mat. 26:17, 20, 26)Paseka waiva mutambo waiitwa gore negore wokupe-mberera kubuda kwevaIsraeri muIjipiti muna 1513 B.C.E.

MISANGANO INOTIKURUDZIRA “KUVA NORUDO NEMABASA AKANAKA” 65

Panguva iyoyo, Jehovha akavaudza kuti pazuva rechi14mumwedzi wokutanga vaizofanira kudya gwayana rePase-ka vobuda muIjipiti mavaiva varanda. (Eks. 12:1-51) Musiuyu unowanikwa nokuverenga mazuva 13 kubva panoga-ra mwedzi kuJerusarema.

30 Pana Mateu 26:26-28 Jesu anotaura zvinofanira kui-twa pakuyeuka zuva rokufa kwake. Pachiitiko ichi pano-shandiswa chingwa newaini zvinofananidzira muviri nero-pa raJesu uye chinodyiwa nokunwiwa nevaya vachanoto-nga naye muUmambo kudenga. (Ruka 22:28-30) Asi ru-zhinji rwevaKristu nevamwewo vanhu vanofarira vanoku-rudzirwa kuti vavepo paKudya kwaShe Kwemanheru ku-nyange zvazvo vasingazodyi chingwa nokunwa waini. Ku-vapo kwavo pachiitiko ichi chiratidzo chokuti vanotendazvakaitwa naJehovha Mwari zvokuti Jesu Kristu azotifira.Kana chiitiko ichi chapera, tinozova nerimwe zuva rinoi-twa hurukuro inokosha inokurudzira vanhu kuti varambevaine chido chokudzidza Bhaibheri.

31 Zvapupu zvaJehovha zvinotarisira chaizvo nguva dza-vanoungana ‘vachikurudzirana kuva norudo nemabasaakanaka.’ (VaH. 10:24) Muranda akatendeka neakangwa-ra anogara achitirongera misangano yakadai kuti tisimbi-swe pakunamata. Vashumiri vose vaJehovha kusangani-sira vanofarira vanokurudzirwa kuti vagare vachiungananevamwe. Jehovha anoshandisa sangano rake kuti riro-nge misangano, uye patinoipinda zvinoita kuti tive vanhuvakabatana. Chinokosha kupfuura zvose ndechokuti kuu-ngana kunotipa mukana wokurumbidza nokukudza Jeho-vha.—Pis. 111:1.

66 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

JEHOVHA akatipa munhu akakwana wokutevedzera, Mwa-nakomana wake, Jesu Kristu. (1 Pet. 2:21) Munhu wosepaanova muteveri waJesu, anoparidza mashoko akanakasomushumiri waMwari. Jesu akaratidza kuti kuita basa irikunozorodza nokuti akati: “Uyai kwandiri, imi mose muno-shanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzo-rodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndi-ri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye mucha-wana zororo remweya yenyu.” (Mat. 11:28, 29) Vose va-kaita izvi vakazvionera kuti zvaitaurwa naJesu ndezvecho-kwadi!

2 Sezvo Jesu ari Mushumiri Mukuru waMwari, akakoka va-mwe kuti vave vateveri vake. (Mat. 9:9; Joh. 1:43) Akava-dzidzisa kuparidza achibva avatuma kuti vanoita basa ra-akanga achiita. (Mat. 10:1–11:1; 20:28; Ruka 4:43) Pavepaya, akazotuma vamwe 70 kunoita basa rimwe chete iro-ro rokuparidza nezveUmambo hwaMwari. (Ruka 10:1, 8-11) Paakatuma vadzidzi ava akavaudza kuti: “Anokuteere-rai anonditeererawo. Anokuzvidzai anondizvidzawo. Zvaka-re, anondizvidza anozvidzawo iye akandituma.” (Ruka 10:16) Nemashoko aya, Jesu akaratidza kuti basa raakapa va-dzidzi rakanga risiri rokutamba naro. Vakanga vachizomiri-rira Jesu naMwari Wokumusorosoro. Ndizvo zvimwe che-te mazuva ano kune vaya vanobvuma kunzi naJesu: “Uyauve muteveri wangu.” (Ruka 18:22; 2 VaK. 2:17) Vose va-nobvuma kuva vateveri vaJesu vane basa ravakapiwa na-Mwari rokuparidza mashoko akanaka oUmambo uye kuba-tsira vanhu kuti vave vadzidzi.—Mat. 24:14; 28:19, 20.

CHITSAUKO 8

Vaparidzi veMashoko Akanaka

VAPARIDZI VEMASHOKO AKANAKA 67

3 Kubvuma kwatakaita kuva vateveri vaJesu kwakaita ku-ti ‘tiwane zivo’ pamusoro paJehovha Mwari naJesu Kristu.(Joh. 17:3) Takadzidziswa zvinoda Jehovha. Jehovha aka-tibatsira kuti tichinje mafungiro edu, tive neunhu hutsvauye tirarame upenyu hunoenderana nemitemo yake. (VaR.12:1, 2; VaEf. 4:22-24; VaK. 3:9, 10) Kuda kwatinoita Jeho-vha nemwoyo wose kwakaita kuti tizvitsaurire kwaari uyetibhabhatidzwe mumvura. Patinobhabhatidzwa tinobva ta-va vashumiri vakagadzwa.

4 Gara uchiyeuka kuti kushumira Mwari kunoda kuti ti-ve nemaoko asina mhosva nemwoyo wakachena. (Pis. 24:3, 4; Isa. 52:11; 2 VaK. 6:14–7:1) Kutenda muna Jesu ndi-ko kunotibatsira kuti tive nehana yakachena. (VaH. 10:19-23, 35, 36; Zvak. 7:9, 10, 14) Muapostora Pauro akarayiravaKristu kuti vaite zvinhu zvose kuti Mwari arumbidzwe ku-itira kuti vasagumbura vamwe. Muapostora Petro akarati-dza kuti mararamiro atinoita anogona kukwezva vanhu va-singatendi kuti vanamate Mwari. (1 VaK. 10:31, 33; 1 Pet.3:1) Ungabatsira sei mumwe munhu kuti avewo mushumi-ri wemashoko akanaka?

VAPARIDZI VATSVA5 Kubva musi waunotanga kudzidza nemunhu Bhaibheri,

mukurudzire kuti audzewo vamwe zvaari kudzidza. Anogo-na kuudza hama dzake, shamwari, vaanoshanda navo uyevamwewo vanhu. Iri idanho rinokosha pakudzidzisa vatsvakuti vave vaparidzi vemashoko akanaka sevateveri vaJe-su Kristu. (Mat. 9:9; Ruka 6:40) Mutsva uyu paanorambaachikura pakunamata uye achiva nyanzvi pakuparidza zvi-sina kurongwa, zviri pachena kuti achati anodawo kupari-dza neungano.

68 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ZVINHU ZVINODIWA KUTI MUNHU AVE MUPARIDZI6 Usati waenda nomunhu mutsva kunoparidza paimba

neimba kekutanga, unofanira kuva nechokwadi choku-ti munhu wacho akodzera here. Munhu paanoenda nesukunoparidza, vanhu vanomuona vanenge vachiti ChapupuchaJehovha. Saka zvinotarisirwa kuti ange achitoraramazvinoenderana nemitemo yaJehovha zvoita kuti akwanisekuva muparidzi asati abhabhatidzwa.

7 Paunenge uchidzidza nomunhu Bhaibheri unogona ku-toona kana ari kurarama zvinoenderana nemitemo yaJe-hovha. Asi pane zvimwe zvine chokuita noupenyu hwakeizvo vakuru vangada kukurukura naye iwe uripo.

8 Murongi mudare revakuru acharonga kuti vakuru va-viri (mumwe wacho ari mudare rebasa) vakurukure neweuye nomunhu wauri kudzidzisa Bhaibheri. Kana muunganomuine vakuru vashoma, mukuru nomushumiri anoshumiraanonyatsokwanisa vanogona kuita basa iri. Hama dzine-nge dzanzi dziite basa iri hadzifaniri kunonozeka. Kana va-kaudzwa pamusangano weungano kuti munhu anoda ku-va muparidzi, kana zvichiita vanofanira kubva vatokuruku-ra newe uye nomunhu wacho misangano painopera. Pa-kukurukura kwacho vachaita kuti munhu wose anzwe aka-sununguka. Vasati vabvumira mudzidzi kuti ave muparidzi,vanofanira kukurukura zvinhu zvinotevera:

˘ Anobvuma here kuti Bhaibheri iShoko raMwarirakafemerwa?—2 Tim. 3:16.

˘ Anoziva uye anobvuma here zvinodzidziswa neBhaibherizvokuti kana akabvunzwa anopindura zvinoenderananezviri muBhaibheri, kwete maererano nedzidzisodzezvitendero zvenhema kana kuti zvomusoro wake?—Mat. 7:21-23; 2 Tim. 2:15.

VAPARIDZI VEMASHOKO AKANAKA 69

˘ Anoteerera here murayiro weBhaibheri wokuti aunganenevanhu vaJehovha pamisangano yeungano kanaachikwanisa kuita kudaro?—Pis. 122:1; VaH. 10:24, 25.

˘ Anoziva zvinotaurwa neBhaibheri nezveufeve, upombwe,barika uye ungochani uye ari kurarama zvinoenderananezvaari kudzidza here? Kana achigara nomurume kanakuti mudzimai, vakaroorana zviri pamutemo here?—Mat.19:9; 1 VaK. 6:9, 10; 1 Tim. 3:2, 12; VaH. 13:4.

˘ Anoteerera mutemo weBhaibheri wokurambidzakudhakwa uye haashandisi mishonga inodhakisa nepoasingarwari here?—2 VaK. 7:1; VaEf. 5:18; 1 Pet. 4:3, 4.

˘ Anoziva here chazvakaipira kushamwaridzana nevanhuvane tsika dzakaipa?—1 VaK. 15:33.

˘ Kana aine chechi yaanga achipinda, haasisiri zvachosenhengo yeko here? Haachaendi kuminamato yavo kanakutsigira zvinoitwako here?—2 VaK. 6:14-18; Zvak. 18:4.

˘ Haaiti zvematongerwo enyika here?—Joh. 6:15; 15:19;Jak. 1:27.

˘ Anobvuma zvinotaurwa pana Isaya 2:4 uye anoraramazvinoenderana nezvinotaurwa ipapo here?

˘ Anoda here kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha?—Pis. 110:3.

9 Kana vakuru vasina chokwadi nemanzwisisiro omudzi-dzi, vanofanira kumubvunza zvichida vachishandisa ma-gwaro aripo. Zvinokosha kuti anzwisise kuti vanhu vano-batana neZvapupu zvaJehovha pakuparidza vanofanirakurarama upenyu hunoenderana nezvinhu izvi zvinodzidzi-swa neMagwaro. Zvaachataura ndizvo zvichabatsira vaku-ru kuti vaone kana achinzwisisa zvaanotarisirwa kuti ai-te uye kana achikodzera kuti atange kuparidza neungano.Vakuru havafaniri kubva vanyanya kuomesa.

70 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

10 Vakuru vanofanira kubva vangomuudza kana achiko-dzera kuva muparidzi, uye kazhinji izvi zvinoitwa pavane-nge vapedza kukurukura naye. Kana achikodzera, vaku-ru vachamugamuchira nomufaro somuparidzi. (VaR. 15:7)Vachamukurudzira kuti achitotanga kuparidza uye kutiazounza mushumo wake panopera mwedzi. Vakuru vacha-muudza kuti zvaakodzera kuva muparidzi asina kubhabha-tidzwa uye paachaunza mushumo wake wokutanga, acha-bva agadzirirwa kadhi reChinyorwa Chomuparidzi Cheu-ngano richanyorwa zita rake uye rochengetwa mufayirareungano. Vachamuudza kuti vanoda chaizvo kuramba va-chimubatsira kuti asimbe pakunamata.

11 Kunyatsozivana nomuparidzi wacho uye kufarira zva-aita, zvinogona kumukurudzira. Kuita izvi kunogona ku-mubatsira kuti aite zvakawanda pakushumira Jehovha uyekuunza mushumo wake mwedzi woga woga.—VaF. 2:4;VaH. 13:2.

12 Vakuru pavanenge vangoona kuti mudzidzi anokodze-ra kuti achiparidza neungano, vanofanira kubva vamupabhuku rake raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha. Pa-achaunza mushumo wake wokutanga, ungano ichabva ya-piwa chiziviso chipfupi chokuti ava muparidzi asina kubha-bhatidzwa.

KUBATSIRA VANA VADUKU13 Vana vaduku vanogonawo kuva vaparidzi vemasho-

ko akanaka. Jesu akagamuchira vana vaduku achibvaavaropafadza. (Mat. 19:13-15; 21:15, 16) Kunyange zva-zvo vabereki vari ivo vane basa guru rokudzidzisa vanavavo, vamwe vari muungano vanogona kubatsirawo va-na kuti vaite basa rokuparidza. Kana uri mubereki, ku-shingaira kwaunoita pakuparidza kunoita kuti vana

VAPARIDZI VEMASHOKO AKANAKA 71

vako vakutevedzerewo. Kana mwana akaratidza kuti ano-da Mwari uye ane tsika, zvii zvimwe zvingaitwa?

14 Zvakanaka kuti mubereki audze mumwe mukuru arimuDare Rebasa Reungano kuti vaone kana zvingaita ku-ti mwana wacho ave muparidzi. Murongi mudare revaku-ru acharonga kuti vakuru vaviri (mumwe wacho ari muda-re rebasa) vakurukure nemwana nemubereki wake uyo arichapupu kana kuti nemunhu anomuchengeta. Kana mwa-na wacho achiratidza kuti anoziva zvinotaurwa neBhaibhe-ri uye anoda chaizvo kuparidza, zvinenge zvichiratidza ku-ti ari kuita zvakanaka. Vakuru vachakurukurawo naye zvi-mwe zvezvinhu zvinobvunzwa munhu mukuru uye voonakana zvakakodzera kuti ave muparidzi asina kubhabhati-dzwa. (Ruka 6:45; VaR. 10:10) Kana ari mwana ari kubvu-nzwa, hapana chikonzero chokubvunza zvimwe zvinhu zvi-singashandi kwaari.

15 Vakuru pavanenge vachikurukura nemwana wacho, va-nofanira kumutenda nezvaari kuita uye vomukurudzira ku-ti avavarire kuzobhabhatidzwa. Vabereki vacho vanofani-rawo kutendwa chaizvo nemhaka yebasa guru ravari kui-ta pakudzidzisa mwana wavo. Vakuru vachayeuchidza va-bereki vacho nezvechikamu chakanzi “Mashoko Kuvabere-ki vechiKristu,” chiri pamapeji 165-166 chinoratidza zvava-ngaita kuti varambe vachibatsira mwana wavo.

KUZVITSAURIRA UYE KUBHABHATIDZWA16 Zvawava kuziva Jehovha uye wava kumuda, nokuita

zvaanokuudza uye nokuita basa rokuparidza, unofanirakusimbisa ukama hwako naye. Ungazviita sei? Zvitsaurirekwaari wobhabhatidzwa mumvura.—Mat. 28:19, 20.

17 Kuzvitsaurira kunoreva kuzvipira kuti uite basa dzve-

72 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ne. Kuzvitsaurira kuna Mwari kunoreva kutaura naye uchi-nyengetera uchimuvimbisa kuti wava kuda kuita kuda kwa-ke muupenyu hwako uye wava kurarama zvinoenderananezvaanoda. Zvinorevawo kuti hakuna mumwe wauchana-mata kunze kwake. (Dheut. 5:9) Unoita izvi uri woga. Ha-pana anogona kukuitira.

18 Asi haufaniri kungogumira pakuudza Jehovha kuti wa-va kuda kuita kuda kwake. Vamwe vanofanira kuzviona ku-ti wakazvitsaurira kuna Mwari. Unofanira kubhabhatidzwamumvura sezvakaitwa Jesu. (1 Pet. 2:21; 3:21) Kana wa-sarudza kushumira Jehovha uye uchida kubhabhatidzwa,unofanira kuita sei? Unofanira kuudza murongi mudare re-vakuru. Achataura nevamwe vakuru kuti vazokurukura ne-we kuti vaone kana wakakodzera kubhabhatidzwa. Kanauchida kunzwa zvakawanda nezvenyaya iyi, verenga chi-kamu chakanzi “Mashoko Kumuparidzi Asati Abhabhati-dzwa,” chiri pamapeji 167-169 mubhuku rino, uye “Mibvu-nzo Yevanhu Vanenge Vachida Kubhabhatidzwa,” iri pama-peji 170-208.

KUSHUMA MAFAMBIRO ARI KUITA BASA MUUSHUMIRI19 Tinogara tichikurudzirwa nemishumo inenge ichitaura

nezvekufambira mberi kuri kuita kunamata kwechokwadipasi rose. Kubvira Jesu Kristu paakaudza vadzidzi vake ku-ti mashoko akanaka aizoparidzwa pasi rose, vaKristu ve-chokwadi vakava nechido chokuziva kuti zvaizofamba sei.—Mat. 28:19, 20; Mako 13:10; Mab. 1:8.

20 Vateveri vaJesu vepakutanga vainakidzwa nokunzwamafambiro aiita basa rokuparidza. (Mako 6:30) Muna Ma-basa, tinoudzwa kuti paPendekosti ya33 C.E. mudzimumutsvene wakadururirwa pavadzidzi vanenge 120. Pasina

VAPARIDZI VEMASHOKO AKANAKA 73

nguva, nhamba yavo yakawedzera kusvika ku3 000 ndo-kuwedzerazve kusvika ku5 000. Vaapostora vakabva vazoti“Jehovha akaramba achiwedzera kwavari zuva nezuva va-ya vakanga vachiponeswa” uye ‘boka guru revapristi raka-tanga kutenda muShoko.’ (Mab. 1:15; 2:5-11, 41, 47; 4:4;6:7) Zvechokwadi kuwanda uku kunofanira kunge kwaka-ita kuti vadzidzi vakurudzirwe! Izvi zvinofanira kunge zva-kavasimbisa kuti varambe vachiita basa ravakapiwa na-Mwari, pasinei nokutambudzwa kwakanyanya kwaikonze-rwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha.

21 Munenge muna 60-61 C.E., Pauro akanyora tsambakuvaKorose achiti mashoko akanaka “ari kubereka zvibe-reko achiwedzera munyika yose,” uye ‘aparidzirwa zvisikwazvose zviri pasi pedenga.’ (VaK. 1:5, 6, 23) VaKristu vepa-kutanga vakateerera Shoko, uye mudzimu mutsvene wa-kavapa simba rokuti vaite basa guru rokuparidza, Jerusa-rema risati raparadzwa muna 70 C.E. Chokwadi vaKristuava vanofanira kunge vakakurudzirwa chaizvo pavainzwakufambira mberi kwakanga kuchiita basa!

22 Mazuva anowo, sangano raJehovha rinoedza chaizvokuchengeta mishumo yebasa rinotaurwa pana Mateu 24:14, panoti: “Aya mashoko akanaka oumambo achapari-dzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kuma-rudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” Sevashumi-ri vaMwari vakazvitsaurira, tine basa rinoda kukurumidzakuitwa. Somunhu mumwe nomumwe tinofanira kunyatsoi-ta zvose zvatinogona pakuparidza mugumo usati wasvika.Jehovha achava nechokwadi chokuti basa iri raitwa, uyekana tikashandawo nesimba, tichafadza mwoyo waJeho-vha.—Ezek. 3:18-21.

74 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

MUSHUMO WAKOWEBASA ROMUMUNDA

23 Zvii zvinonyorwa pamu-shumo? Kapepa kakanzi Mu-shumo Webasa Romumundakanoratidza kuti zvii zvinofani-ra kunyorwa. Asi mamwe ma-shoko ari pachikamu chinoanogona kutibatsira kuziva zvi-nonyorwa.

24 Muchikamu chakanzi “Zva-ndakapa Vanhu (Zvakapirindwa uye Zvekuverengera Pama-foni Nepamwewo),” nyora nhamba yezvinyorwa zvawaka-pa vanhu vasiri Zvapupu zvakabhabhatidzwa kana kuti zva-wakavatumira uchishandisa foni kana kuti tablet. Pakanzi“Ndakaratidza Vanhu Mavhidhiyo Ka,” nyora kuti wakarati-dza vanhu mavhidhiyo kangani.

25 Muchikamu chakanzi “Kudzokerera,” nyora kuti wakae-nda kangani kunoona munhu asiri Chapupu chakabhabha-tidzwa uyo akafarira uine chinangwa chokuti muendereremberi nokukurukura Bhaibheri. Kuti uverenge kudzokererakwacho unofanira kunge wakaonana nomunhu wacho pa-wakadzokera. Kana mubereki achiitisa Kunamata Kwemhu-ri paine mwana asati abhabhatidzwa, anofanira kushumakudzokerera kumwe chete pavhiki. Muparidzi anogona ku-verenga kudzokerera kana akaita zvokunyora tsamba, ku-nyora e-mail, akaita zvokufona, kutumira meseji pafoni, uyekana akasiya mabhuku kana magazini. Pose panoitiswa chi-dzidzo cheBhaibheri tinofanira kuverenga kuti tadzokerera.

26 Kana tikadzidza nemunhu Bhaibheri vhiki yoga yoga,panozopera mwedzi tinonyora chidzidzo chimwe chete.-Muparidzi anofanira kunyora nhamba yezvidzidzo zvose

Somunhu mumwenomumwe urikunyatsoita zvosezvaunogona herepakuparidzamugumo usatiwasvika?

VAPARIDZI VEMASHOKO AKANAKA 75

zveBhaibheri zvaakaitisa mumwedzi iwoyo. Kana tikadzidzanemunhu asati abhabhatidzwa tinofanira kumunyora sechi-dzidzo cheBhaibheri. Unogonawo kushuma chidzidzo ka-na uchinge wanzi nemukuru ari mudare rebasa udzidze ne-muparidzi akanga asingachaiti basa kana kuti nemupari-dzi achangobhabhatidzwa asi achiri kudzidza bhuku raBha-ibheri Rinombodzidzisei? kana kuti ra“Rudo rwaMwari.”

27 Zvakakosha kuti tinyore maawa akarurama pachikamuchakanzi “Maawa.” Iyi inguva yaunopedza uchiparidza pai-mba neimba, uchidzokera kunoona vanofarira, uchiitisa zvi-dzidzo zveBhaibheri kana kuti uchiparidza zvisina kurongwakune vamwewo vanhu vasiri Zvapupu zvakabhabhatidzwa.Kana vaparidzi vaviri vachiparidza pamwe chete, vose va-nofanira kushuma nguva yacho asi mumwe chete ndiyeachashuma kudzokerera kana kuti zvidzidzo zveBhaibherizvinenge zvaitiswa. Baba naamai pavanodzidzisa vana va-vo paKunamata Kwemhuri vanogona kushuma awa imwechete pavhiki. Hama dzinogona kushuma nguva yadzinopahurukuro yavose. Vaya vanoturikira vanogonawo kushumanguva yacho. Pane zvinhu zvinokosha zvinoitwa asi hazvi-shumwi nguva yazvo, zvakadai sokugadzirira kuenda kuno-paridza, kupinda musangano webasa rokuparidza, kupfuu-ra uchitenga zvimwe zvinhu mushopu, nokuita zvimwewo.

28 Panyaya yokushuma maawa, muparidzi mumwe nomu-mwe anofanira kushandisa hana yake yakadzidziswa ne-Bhaibheri. Vamwe vanoparidza munzvimbo dzine vanhu va-kawanda asi vamwe munzvimbo dzine vashoma uye mada-ro avanofamba akareba. Nzvimbo dzinoparidzwa hadzifa-nani uyewo maonero atinoita ushumiri anosiyana. Panya-ya iyi, Dare Rinotungamirira haridziki mutemo uye hapa-na munhu anofanira kutonga mumwe.—Mat. 6:1; 7:1; 1 Tim.1:5.

76 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

29 Tinofanira kushuma maawa akazara. Vaparidzi vano-bvumirwa kushuma nguva iri pasi peawa ndevaya vane-nge vasingachakwanisi zvachose kuita zvakawanda ne-mhaka yokukwegura, kurwara kana kuremara. Muparidziakadaro anogona kushuma maminitsi 15. Muparidzi iyeyeachaverengwa somuparidzi anoshuma nguva dzose. Uro-ngwa uhwu hunoshandawo kunyange kune vaparidzi zvi-mwe vanenge varwara zvakanyanya kana kuti vakuvarazvakaipisisa. Dare rebasa ndiro richaona kuti muparidziupi akakodzera kuti abatsirwe nourongwa uhwu.

KADHI RECHINYORWA CHOMUPARIDZI CHEUNGANO30 Mushumo wako wemwedzi nomwedzi unonyorwa pa-

kadhi reChinyorwa Chomuparidzi Cheungano. Makadhiaya anochengetwa neungano. Kana uchida kutamira ku-ne imwe ungano, iva nechokwadi chokuti waudza vaku-ru vomuungano yako. Munyori wekuungano yauri kuta-mira achakumbira kadhi rako reChinyorwa ChomuparidziCheungano uye richabva ratumirwa. Kana munyori weku-ungano yauri kubva achiziva zita reungano yekwauri kue-nda, achabva atoritumira asati akumbirwa uye achatumi-rawo tsamba yokukusuma. Vakuru vokuungano yauri ku-tamira vachafara chaizvo kukubatsira kuti urambe uchifa-mbira mberi pakunamata. Kana ukafamba kwemwedzi isi-ngasviki mitatu, tapota ramba uchitumira mishumo yakokuungano yako.

NEI TICHISHUMA BASA REDU ROMUMUNDA?31 Dzimwe nguva unombokanganwa kushuma here? Ha-

pana mubvunzo kuti tose tinoda kuyeuchidzwa apo nea-po. Asi kana tikanzwisisa kuti zvakakosherei kushuma ti-chagara tichishuma basa redu.

VAPARIDZI VEMASHOKO AKANAKA 77

32 Vamwe vanoti: “Sezvo Jehovha achiziva zvandinengendaita muushumiri, nei ndichifanira kunyora mushumounoenda kuungano?” Chokwadi, Jehovha anoziva zvatirikuita, uye anoziva kuti ndezvemwoyo wose here kana ku-ti tangoita zvokuti zvitibve. Asika, yeuka kuti Jehovha aka-nyora kuti mazuva mangani akapedzwa naNoa ari muare-ka, uye makore mangani akapedzwa nevaIsraeri vari mu-renje. Akanyorawo kuti vangani vaiva vakatendeka kwaariuye vasina kumuteerera. Akanyorawo kukundwa kwaiitwanyika yeKenani uye zvaiitwa nevatongi vakatendeka vechi-Israeri. Saka tinoona kuti Jehovha akanyora zvakawandapamusoro pemabasa evashumiri vake. Kunyora kwaakaitazvinhu izvi kunotibatsira kuti tizive maonero aanoita nya-ya dzokushuma.

33 Nyaya dziri muBhaibheri dzinoratidza kururama kwe-zvinyorwa zvaichengetwa nevanhu vaJehovha. Dzimwenyaya dzirimo hadzikwanisi kunyatsojeka kudai pasina ku-nyorwa manhamba. Ona mienzaniso inotevera: Genesisi46:27; Eksodho 12:37; Vatongi 7:7; 2 Madzimambo 19:35;2 Makoronike 14:9-13; Johani 6:10; 21:11; Mabasa 2:41;19:19.

34 Kunyange zvazvo tisingashumi zvese zvatinoita muku-namata kwedu, mishumo yedu ine basa rakakosha musa-ngano raJehovha. Vaapostora pavakadzoka kunoparidza,vakaudza Jesu “zvinhu zvose zvavakanga vaita uye vadzi-dzisa.” (Mako 6:30) Dzimwe nguva, mishumo yedu inoti-ratidza kana paine patinoda kugadzirisa muushumiri hwe-du. Manhamba anogona kutiratidza kuti kunyange tiri ku-ita zvakanaka pane zvimwe zvinhu, panogona kunge pa-inewo pamwe patingada kugadzirisa pakadai sokusawe-dzera kwevaparidzi. Zvichida vanhu vanenge vachida ku-kurudzirwa kana kuti pane zviri kunetsa zvinoda kugadziri-

78 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

swa. Vakuru vachatarisa mishumo voedza kugadzirisa zvi-ri kutadzisa munhu mumwe nemumwe kana kuti unganokufambira mberi.

35 Mishumo inobatsirawo sangano kuziva nzvimbo dzi-nodiwa vamwe vaparidzi. Ndekupi kune vanhu vakawandavari kufarira uye ndekupi kusina? Mabhuku api ari kudiwakubatsira vanhu kuti vadzidze chokwadi? Mishumo inoba-tsira sangano kuona mabhuku angangodiwa mubasa ro-kuparidza munyika dzakasiyana-siyana, rogara rakagadzi-rira.

36 Vakawanda vedu tinokurudzirwa nemishumo. Hatifarihere patinonzwa nezvebasa rekuparidza riri kuitwa neha-ma dzedu pasi rose? Mishumo yekuwedzera kwevaparidziinoita kuti tinyatsoona kukura kuri kuita sangano raJeho-vha. Zvatinenge tanzwa izvi zvinotipa manyukunyuku zvo-ita kuti tishande nesimba mubasa redu rekuparidza. (Mab.15:3) Kuteerera kwedu panyaya yokushuma kwakakoshauye kunoratidza kuti tinoda kuti hama dzedu dzose dzi-kurudzirwewo. Nokuita izvi, tinoratidzawo kuti tiri kuzvii-sa pasi peurongwa hwesangano raJehovha.—Ruka 16:10;VaH. 13:17.

IVA NEZVINANGWA37 Hapana chikonzero chokuenzanisa zvatinoita mubasa

rokuparidza nezviri kuitwa nevamwe. (VaG. 5:26; 6:4) Ma-miriro edu ezvinhu akasiyana-siyana. Asi kuti tione kufa-mbira mberi kwatiri kuita mubasa rokuparidza tinofani-ra kuva nezvinangwa zvinokwanisika. Tichanzwa kugutsi-kana kana zvatanga takaronga zvikabudirira.

38 Zviri pachena kuti Jehovha ari kuita kuti basa rokuu-nganidza vanhu vaachaponesa “mukutambudzika kukuru”rikurumidze kuitwa. Tiri kurarama munguva iri kuzadzika

VAPARIDZI VEMASHOKO AKANAKA 79

uprofita hwaIsaya hunoti: “Muduku achava chiuru uyeakadukupa achava rudzi rune simba. Ini Jehovha, ndicha-zvikurumidzisa panguva yazvo.” (Zvak. 7:9, 14; Isa. 60:22)Iropafadzo kuva vaparidzi vemashoko akanaka mumazuvaano okupedzisira!—Mat. 24:14.

80 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

JESU aishingaira kuparidza mashoko akanaka uye zva-kaitawo kuti vateveri vake vamutevedzere. Aienda mumi-sha nomunzvimbo dzaiwanika vanhu vakawanda kuti ata-ure navo achivadzidzisa. (Mat. 9:35; 13:36; Ruka 8:1) Dzi-mwe nguva aidzidzisa munhu mumwe chete uye dzimwenguva mapoka evanhu vanosvika zviuru uyewo aimbodzi-dzisa vadzidzi vake vari pavo voga. (Mako 4:10-13; 6:35-44; Joh. 3:2-21) Aishandisa mukana wose unenge wamu-ka wokuti ataure mashoko anokurudzira uye anopa tariro.(Ruka 4:16-19) Kunyange paainge aneta uye achida ku-zorora, haana kurega mikana yokuparidzira vamwe ichi-pfuura. (Mako 6:30-34; Joh. 4:4-34) Patinoverenga ne-zvoushumiri hwaJesu, hatinzwi tichida kumutevedzera he-re? Chokwadi, tinonzwa tichida kumutevedzera sezvakai-twa nevaapostora.—Mat. 4:19, 20; Ruka 5:27, 28; Joh. 1:43-45.

2 Verenga nezvenzira dzokuparidza nadzo dzinogona ku-shandiswa nevaKristu nhasi pakuita basa rakatangwa na-Jesu Kristu makore anenge 2 000 apfuura.

KUPARIDZA PAIMBA NEIMBA3 SeZvapupu zvaJehovha, tinoziva zvakakoshera kupa-

ridza mashoko akanaka oUmambo paimba neimba. Tavanenguva yakareba tichishandisa nzira iyi zvokuti vazhinjivava kutiziva nebasa iri. Kukwanisa kubatsira mamiriyonievanhu munguva pfupi kunoratidza kuti kuparidza paimba

CHITSAUKO 9

Nzira Dzokuparidza NadzoMashoko Akanaka

NZIRA DZOKUPARIDZA NADZO MASHOKO AKANAKA 81

neimba kunoshanda. (Mat. 11:19; 24:14) Nzira iyi inorati-dza kuti tinoda Jehovha uye muvakidzani wedu.—Mat. 22:34-40.

4 Kuparidza paimba neimba hakuna kutangwa iye zvinoneZvapupu zvaJehovha. Muapostora Pauro paaitsanangu-rira vatariri vokuEfeso nezvokudzidzisa paimba neimbakwaakanga aita, akati: “Kubvira pazuva rokutanga randa-kapinda muruwa rweEzhiya, . . . Handina kurega kukuu-dzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai . . . paimbaneimba.” Achishandisa nzira iyi nedzimwewo, Pauro “aka-pupura kwazvo kuvaJudha nevaGiriki pamusoro pokupfi-dza kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.” (Mab.20:18, 20, 21) Panguva yacho, vatongi veRoma vaikuru-dzira vanhu kunamata zvidhori zvokuti vakawanda ‘vaityavanamwari kwazvo.’ Vanhu vaifanira kukurumidza kutsva-ka “Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi,” uyoakanga achiudza “vanhu kuti kwose kwose vose vanofa-nira kupfidza.”—Mab. 17:22-31.

5 Mazuva ano, basa rokuudza vanhu mashoko akanakarava kutonyanya kuda kuitwa nokukurumidza. Mugumowenyika ino yakaipa wava kusvika. Izvi zvinoita kuti tinzwetichida kuwedzera mashandiro atinoita. Hapana imwe nzi-ra inodarika yokuparidza paimba neimba tichitsvaka va-noda kuziva chokwadi. Yakashanda pamazuva aJesu ne-vaapostora uye nanhasi ichiri kushanda.—Mako 13:10.

6 Uri kuita zvose zvaunogona kuti uparidze paimba ne-imba here? Kana uchidaro ziva kuti Jehovha anofadzwanezvaunoita. (Ezek. 9:11; Mab. 20:35) Zvingasava nyorekuti uparidze paimba neimba. Pamwe utano hwako hu-nokutadzisa kuti unyatsoita basa iri kana kuti vakawandavari mundima yako vanoisa zvimiti munzeve. Hurumende

82 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

inogonawo kudzika mitemo inoita kuti zviome kuita ba-sa iri. Zvimwe unonyara uye zvinokuomera kutanga kuta-ura nevanhu vausingazive. Izvi zvinobva zvaita kuti unzweuchitya pose paunoenda paimba neimba. Usaora mwoyo.(Eks. 4:10-12) Hausi woga nokuti hama dzako dziri kwaka-siyana-siyana dziri kusanganawo nezvauri kusangana na-zvo.

7 Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Tarirai! ndinemimazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu.”(Mat. 28:20) Vimbiso iyi inotisimbisa pakuita basa rokui-ta vadzidzi. Tinova nemanzwiro akafanana neaPauro uyoakati: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiyeanondipa simba.” (VaF. 4:13) Nyatsotsigira urongwa hwe-ungano hwokuparidza paimba neimba. Kana ukashandanevamwe, vachakubatsira uye vachakukurudzira. Nyenge-tera kuti ubatsirwe kukunda chero zvipingamupinyi zvau-ngasangana nazvo, uye shanda nesimba pakuparidza ma-shoko akanaka.—1 Joh. 5:14.

8 Paunenge uchiudza vamwe mashoko akanaka, ucha-va nemikana yokuti vaone ‘chikonzero chetariro yaunayo.’(1 Pet. 3:15) Ucharamba uchiwedzerawo kuona musiyanowevane tariro muUmambo nevaya vasina tariro. (Isa. 65:13, 14) Uchagutsikana nokuziva kuti wakateerera murayi-ro waJesu wokuti ‘chiedza chako chivheneke,’ uye unga-ngokwanisawo kubatsira vamwe kuti vazive Jehovha uyevazive chokwadi chichaita kuti vawane upenyu husinga-peri.—Mat. 5:16; Joh. 17:3; 1 Tim. 4:16.

9 Pane urongwa hwokuparidza paimba neimba mukatimevhiki uye pakupera kwaro. Munzvimbo dzakaoma ku-wana vanhu masikati, dzimwe ungano dzinoronga

NZIRA DZOKUPARIDZA NADZO MASHOKO AKANAKA 83

kuparidza manheru. Vamwe vangafarirawo kushanyirwazuva rava kurereka panzvimbo pemangwanani.

KUTSVAKA VAKAKODZERA10 Jesu akarayira vadzidzi vake kuti ‘vatsvake’ vanhu va-

kakodzera. (Mat. 10:11) Asi haana kungoparidza paimbaneimba chete. Aiparidza pose paimuka mukana. (Ruka8:1; Joh. 4:7-15) Vaapostora vakaparidzirawo vanhu va-iva munzvimbo dzakasiyana-siyana.—Mab. 17:17; 28:16,23, 30, 31.

11 Chinangwa cheduwo nhasi ndechokuudza munhu wo-se shoko roUmambo. Kuti tiite izvi tinofanira kuva nemao-nero akafanana neaJesu nevaapostora vake pakuita basarokudzidzisa. Zvinodawo kuti tizive kuti nguva uye mami-riro ezvinhu evanhu vari mundima yedu ari kuchinja, tobvataitawo basa redu zvinoenderana naizvozvo. (1 VaK. 7:31) Saka tinoparidzawo pachena mundima yeungano ye-du. (Mab. 20:20) Vaparidzi vari kubudirira kuparidzira va-nhu vanenge vari kubasa. Munyika dzakawanda vari kupa-ridzawo mumigwagwa, mumapaki, munopakwa motokari,kana chero kupi zvako kunowanika vanhu. Dzimwe unga-no dziri kushandisa matebhuru kana kuti zvingoro mundi-ma yadzo. Hofisi yebazi inogonawo kuronga kuti vapari-dzi vanobva muungano dzakasiyana-siyana vaparidze mu-nzvimbo dzinopfuura nevanhu vakawanda muguta. Sakavaya vanenge vasiri mudzimba vanoparidzirwa mashokoakanaka vari kwavari ikoko.

12 Imwe nzira inobudirira pakuparidza pachena ndeyo-kushandisa Nharireyomurindi neMukai! Tinogona kutau-ra zvakanaka nevanhu vanenge vachidarika tichivaratidzanyaya yavangangofarira inenge iri mumagazini aya. Kana

84 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

kuti tinogona kuvapa mamwe mabhuku uye toronga ku-zovashanyira kudzimba dzavo. Kuparidza munzvimbo dzi-nowanika vanhu vakawanda inzira inonakidza yokuwedze-ra nayo ushumiri hwako.

13 Zvisinei, basa rokuparidza rinoitwa nevaKristu harigu-miri pakuzivisa vanhu mashoko akanaka chete. Kuti ubu-dirire pakubatsira vamwe kuwana chokwadi chinowanisaupenyu husingaperi, unofanira kuramba uchidzokera ku-nobatsira vanenge vakafarira kuti varambe vachifambiramberi kusvika vava vaKristu vakakura mune zvokunamata.KUDZOKERERA

14 Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Muchava zvapupuzvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”(Mab. 1:8) Asi akavaudzawo kuti: “Naizvozvo endai mu-noita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . mu-chivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayi-rai.” (Mat. 28:19, 20) Kudzokera kunoona vanofarira nde-chimwe chezvinhu zvinoita kuti tifare pakushumira Jeho-vha. Vamwe vanhu vanenge vakafarira mashoko akanakapawakatanga kuvashanyira, vachafara pauchadzoka ku-zovaona. Pauchawedzera kuvaudza zvimwe zviri muBhai-bheri, ungangosimbisa kutenda kwavo muna Mwari wova-batsira kuziva kukosha kwokumunamata. (Mat. 5:3) Kanaukanyatsogadzirira uye wovashanyira panguva yakavana-kira, unogona kutotanga chidzidzo cheBhaibheri. Ichi ndi-cho chinofanira kuva chinangwa chako pakushanya zva-kare. Hatingodyari mbeu dzechokwadi chete asi tinodzidi-ridzirawo.—1 VaK. 3:6.

15 Vamwe vanoomerwa nokudzokerera. Zvimwe wavakunyatsokwanisa kupa mharidzo pfupi yemashokoakanaka uye unonakidzwa nokuita izvi. Asi paunofunga

NZIRA DZOKUPARIDZA NADZO MASHOKO AKANAKA 85

nezvokudzokera kunotauranomunhu akaratidza kufari-ra, unotanga kunetseka. Ha-ufaniri hako kutya. Pawakata-nga kumuona, zvimwe waka-musiyira bhuku rinotsanangu-ra Bhaibheri. Wadii kukurukuranaye chimwe chinhu chinotaurwa mubhuku racho? Uno-gona kufanogadzirira zvauchazokurukura naye. Kana zvi-chikuomera, ronga kuenda nomuparidzi ava noruzivo pa-kuparidza.KUITISA ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI

16 Paaitaura nomurume aiverenga Shoko raMwari uyeakanga atendeukira kuchiJudha, Firipi akamubvunza ku-ti: “Unonyatsoziva zvauri kuverenga here?” Murume wa-cho akapindura kuti: “Chokwadi, ndingadaro sei kana mu-mwe asingandirayiridzi?” Nyaya iri muna Mabasa chitsa-uko 8 inotiudza kuti Firipi akatanga noRugwaro rwakangaruchiverengwa nomurume wacho achibva ‘amuzivisa ma-shoko akanaka pamusoro paJesu.’ (Mab. 8:26-36) Hatizi-vi kuti Firipi nomurume uyu vakakurukura kwenguva yaka-reba sei, asi Firipi akanyatsotsanangura mashoko akana-ka zvokuti murume wacho akava mutendi achibva akumbi-ra kubhabhatidzwa. Akava mudzidzi waJesu Kristu.

17 Sezvo vakawanda vasinganyatsozivi zvakawanda ne-zveBhaibheri, zvingada kuti urambe uchinyatsodzidza na-vo kwemavhiki, mwedzi, kana gore chairo kuitira kuti va-ve nokutenda kwakasimba vozokwanisa kubhabhatidzwa.Mwoyo murefu wako uye chido chokubatsira vanhu va-ne mwoyo inoda zvokunamata kuti vave vadzidzi, zvicha-ita kuti ukomborerwe sezvakataurwa naJesu paakati: “Ku-

Chinangwa chedundechokuudzamunhu woseshoko roUmambo

86 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

pa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mab.20:35.

18 Ichokwadi kuti uchada kuitisa chidzidzo cheBhaibhe-ri uchishandisa rimwe remabhuku anoshandiswa pakudzi-dza nevanhu. Kana ukatevedzera zvakaitwa neakakudzi-dzisa, uchaitisa zvidzidzo zvinofambira mberi wobva wa-batsira vamwe kuva vadzidzi vaJesu Kristu.

19 Kana uchida kubatsirwa kutanga uye kuitisa chidzidzocheBhaibheri, sununguka kutaura nemumwe wevataririkana kuti Chapupu chine ruzivo rwokudzidzisa Bhaibheri.Mazano akabuda muPurogiramu Yezvokuita Uye Zvicha-dzidzwa achibva aenzanisirwa pamusangano WeushumiriHwedu Uye Kurarama kwechiKristu anogonawo kukubatsi-ra. Vimba naJehovha womuudza chido chako. (1 Joh. 3:22) Saka kana zvichiita, vavarira kuitisa chimwe chidzidzocheBhaibheri kuwedzera pane chawagara uchiita nemhu-ri yako. Mufaro wako muushumiri uchawedzera kana uka-itisa zvidzidzo zveBhaibheri.KUBATSIRA VANOFARIRA KUTI VAUYEKUSANGANO RAJEHOVHA

20 Patinobatsira vanhu kuziva Jehovha Mwari vova vadzi-dzi vaJesu Kristu, vanobva vabatanawo neungano. Vadzi-dzi veBhaibheri vachafambira mberi pakunamata kana va-kaziva nezvesangano raJehovha votevedzera zvarinodzi-dzisa. Zvakakosha kuti tivadzidzise maitirwe azvo. Mavhi-dhiyo uye bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJe-hovha Mazuva Ano? zvakagadzirirwa kuvabatsira panya-ya iyi. Mamwe emashoko ari muChitsauko 4 chebhuku ri-no anogonawo kubatsira.

21 Uchangotanga kukurukura Bhaibheri nomudzidzi, mu-batsire kuona kuti Jehovha ari kuita kuti basa rokuparidza

NZIRA DZOKUPARIDZA NADZO MASHOKO AKANAKA 87

riitwe achishandisa sangano rake. Muudze zvakanakiramabhuku edu anobatsira pakudzidza Bhaibheri, uye mu-tsanangurire kuti anobudiswa nokuparadzirwa sei pasi ro-se nevashandi vakazvipira kuna Mwari. Mukoke kuti ae-nde newe kumisangano. Mutsanangurire maitirwe emisa-ngano yedu uye mubatsirewo kuzivana nezvimwe Zvapu-pu zvinenge zviripo. Panguva idzi nedzimwewo, ita kutiazvionere kuti vanhu vaJehovha vanoratidza sei rudo, chi-ratidzo chevaKristu vechokwadi. (Joh. 13:35) Munhu ano-farira uyu zvaanowedzera kukoshesa sangano raJehovhaachaswedera pedyo naye.KUSHANDISA MABHUKU ANOTSANANGURA BHAIBHERI

22 VaKristu vepakutanga-tanga vakashingaira kugadzirazvinyorwa zveShoko raMwari. Vaizvigadzira kuti vazvisha-ndise pachavo uye pamisangano yeungano. Vaikurudzira-wo vamwe kuti vaverenge Shoko raMwari. Zvinyorwa zva-vo zvainge zvakaita zvokunyorwa nemaoko uye zviri zvi-shoma saka vaizvikoshesa chaizvo. (VaK. 4:16; 2 Tim. 2:15; 3:14-17; 4:13; 1 Pet. 1:1) Mazuva ano, Zvapupu zva-Jehovha zviri kushandisa michina yemhando yepamusorokudhinda mamiriyoni emaBhaibheri uye mabhuku anoba-tsira pakudzidza Bhaibheri. Maturakiti, mabhurocha, ma-bhuku uye magazini zviri kubudiswa mumazana emitauro.

23 Paunenge uchiudza vamwe mashoko akanaka, sha-ndisa mabhuku anobatsira kutsanangura Bhaibheri aka-budiswa nesangano raJehovha. Mwedzi mumwe nomu-mwe tinopa vanhu mabhuku akasiyana-siyana. Unogona-wo kupa vanhu magazini chero nguva kusanganisira pa-misi yeMigovera. Kubatsirwa kwaunoitwa nokuverengauye kudzidza mabhuku eZvapupu zvaJehovha kuchakuku-rudzira kuapawo vamwe.—VaH. 13:15, 16.

88 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

24 Vakawanda vava kunyanya kushandisa Indaneti kanavaine zvavari kuda. Saka kuwedzera kumabhuku anotsa-nangura Bhaibheri, nzvimbo yedu yepaIndaneti yejw.orginobatsira chaizvo pakuparadzira mashoko akanaka. Pa-si rose, vanhu vanogona kushandisa kombiyuta pakuve-renga kana kuteerera zvakarekodhwa zveBhaibheri kanamabhuku anotsanangura Bhaibheri mumazana emitauro.Vaya vanozeza kutaura nesu kana kuti vanogara munzvi-mbo dzinowanzovatadzisa kutaura neZvapupu zvaJeho-vha vanogona kuongorora zvatinotenda vari mumba ma-vo vachishandisa jw.org.

25 Saka pose pazvinoita, tinoudza vanhu nezvejw.org.Kana munhu akatibvunza nezvezvatinotenda, tinogonakubva tangoshandisa foni kana kombiyuta kumuratidzamhinduro yacho. Kana tikasangana neanotaura mumwemutauro kusanganisira wemasaini, tinogona kumuratidzapaanogona kuwana Bhaibheri nemabhuku anoritsanangu-ra mumutauro wake. Vaparidzi vakawanda vanoshandisamavhidhiyo ari pajw.org kuti vatange kutaura nevanhu ne-zveBhaibheri.KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA

26 Jesu akaudza vanhu vakanga vakamuteerera kuti: “Mu-ri chiedza chenyika. . . . Chiedza chenyu ngachivheneke pa-mberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye va-kudze Baba venyu vari kumatenga.” (Mat. 5:14-16) Vadzi-dzi ivavo vakaratidza mafungiro aMwari nokutevedzera Je-su, uyo akati: “Ndini chiedza chenyika.” Jesu akasiyira va-Kristu muenzaniso paakaita kuti “chiedza choupenyu” chi-penye kuti vose vanoteerera vabatsirwe.—Joh. 8:12.

27 Muapostora Pauro akatisiyirawo muenzaniso wokute-vedzera. (1 VaK. 4:16; 11:1) Paaiva muAtene, aiparidzira

NZIRA DZOKUPARIDZA NADZO MASHOKO AKANAKA 89

mazuva ose vaaisangana navo mumusika. (Mab. 17:17)VaKristu vokuFiripi vakatevedzera muenzaniso wake. Ndo-kusaka Pauro akavanyorera kuti vairarama “pakati pe-chizvarwa chisina kururama, chakamonyana,” uye kuti‘vaipenya pakati pacho sezvinhu zvinovheneka munyika.’(VaF. 2:15) Isu tinogona kuita kuti chokwadi choUmambochipenye nezvatinotaura uye zvatinoita pose panomukamukana wokuti tiudze vamwe mashoko akanaka. Chokwa-di, muenzaniso wedu wakanaka sevanhu vakatendesekauye vakarurama unoita kuti zvioneke kuti takasiyana ne-nyika. Asi patinotaura nevanhu nezvemashoko akanaka,vanobva vaziva kuti nei takasiyana nayo.

28 Vanhu vaJehovha vakawanda vanoparidza masho-ko akanaka kubasa, kuchikoro, muzvifambiso, uye cherokwose kwavanenge vari. Kana tiri parwendo, tinogona ku-wana mukana wokutaura nevatinenge tiinavo. Pose pati-nenge tichitaura nevanhu, tinofanira kutsvaka mikana yo-kuti tigume tava kuvaparidzira. Ngatigarei takagadzirirakutaura nevamwe chero panomuka mukana.

29 Tichanzwa tichida kuita izvi kana tikayeuka kuti tine-nge tichirumbidza Musiki wedu uye tichiita kuti zita rakerikudzwe. Tingangogumawo tabatsira vane mwoyo inodazvokunamata kuti vazive Jehovha zvoita kuti naivowo va-mushumire vova netariro yokurarama nokusingaperi pa-musana pokutenda kwavo muna Jesu Kristu. Patinoita izviJehovha anofara uye anozviona sebasa dzvene.—VaH. 12:28; Zvak. 7:9, 10.NDIMA

30 Jehovha anoda kuti mashoko oUmambo aparidzwepasi rose, mumaguta uye mumaruwa. Saka hofisi yebaziinopa ndima ungano uye vaya vari kuparidza vari munzvi-

90 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

mbo dziri kwadzo dzoga. (1 VaK. 14:40) Izvi zvinoendera-na nourongwa hwaMwari hwaivapo pakatanga ungano ye-chiKristu. (2 VaK. 10:13; VaG. 2:9) Sezvo mumazuva anookupedzisira basa rokuparidza Umambo riri kuramba ri-chikura, tinogona kuparidzira vanhu vakawanda kana uro-ngwa hwekushanda ndima yedu hwakanyatsorongeka.

31 Mutariri webasa ndiye anoronga mashandirwo achai-twa ndima yeungano. Asi mushumiri anoshumira anogo-na kupa vanhu ndima uye oita kuti mafaira endima angeakarongeka. Pane mhando mbiri dzendima, dzimwe dzi-nopiwa muparidzi mumwe nomumwe uye dzimwe dzinopi-wa mapoka. Kana ndima iri duku, vatariri vemapoka va-chapiwa ndima dzokuti vaparidzi vari mumapoka avo va-paridze. Asi kana yakakura, muparidzi mumwe nomumweanogona kupiwa yake.

32 Kana muparidzi aine ndima yake pachake, haashayikwokuparidza kana pasina musangano webasa romumu-nda wakarongwa kana kuti zvisingaiti kuti abude nebo-ka. Somuenzaniso, vamwe vaparidzi vanokumbira ndimairi pedyo nokubasa kwavo kuti vagoparidza ikoko pangu-va yokumbozorora kana kuti vapedza basa. Dzimwe mhu-ri dzinokumbira ndima iri pedyo nekwavanogara uye va-noiparidzira manheru. Kuva nendima iri pedyo kunobatsi-ra muparidzi kuva nenguva yakawanda yokuparidza kwe-te kuti iperere pakufamba. Muparidzi anenge apiwa ndimaanogona kushanda nevamwe vaparidzi mundima yake pa-vanenge vapedza musangano webasa romumunda. Kanauchida kuva nendima yako, kumbira anotarisira ndima.

33 Hazvinei kuti ndima yacho yapiwa munhu mumwechete kana kuti boka, chinokosha ndechokuti inyatso-shandwa. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuedza kuti

NZIRA DZOKUPARIDZA NADZO MASHOKO AKANAKA 91

tionane nevanhu vose vari mundima yatinenge tapi-wa. Tinogona kutaura nevamwe tichishandisa tsamba,foni kana kuti kuparidza mumugwagwa. Mutariri webo-ka kana kuti muparidzi wose anenge akumbira ndimaanofanira kuona kuti aedza kuipedza mukati memwe-dzi 4. Kana ndima yapera kushandwa, anotarisira ndi-ma anofanira kuudzwa nezvazvo kuitira kuti zvinyorwemumafaira endima. Mutariri weboka kana kuti mupari-dzi wacho anogona kuchengeta ndima yacho kuti azoi-shanda zvakare kana kuidzorera kune anotarisira ndima.

34 Kana vose vari muungano vakanyatsoshanda ndimayavo zvichaita kuti pasave nepanosara. Uyewo zvichaitakuti vaparidzi vasadzokorora kushanda ndima yambosha-ndwa nevamwe nokuti zvinogona kugumbura vanasaimba.Saka tinoratidza kuva nehanya nehama dzedu uye neva-nhu vatinoparidzira.KUSHANDIRA PAMWE KUTI TIPARIDZIREVANHU VEMITAURO YOSE

35 Vanhu vose vanofanira kudzidza nezvaJehovha Mwa-ri, Mwanakomana wake, uye Umambo. (Zvak. 14:6, 7) Ti-noda kubatsira vanhu vemitauro yose kudana zita raJeho-vha kuti vaponeswe uye vapfeke unhu hwechiKristu. (VaR.10:12, 13; VaK. 3:10, 11) Ndeapi mamwe matambudzikoatinosangana nawo patinoparidza munzvimbo dzine va-nhu vane mitauro yakasiyana-siyana? Tingaakurira sei kutivakawanda vawane mukana wekunzwa shoko roUmambomumutauro wavanonzwisisa?—VaR. 10:14.

36 Ungano dzinopiwa ndima zvichienderana nemutaurowadzo. Saka kana munharaunda imwe chete muine unga-no dzemitauro yakasiyana-siyana, ungano dzacho dzino-paridza munharaunda iyoyo. Vaparidzi vanokurudzirwa

92 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

kutsvaka uye kuparidzira vanhu vemutauro weungano ya-vo. Kazhinji, izvi zvinoreva kuti pavanenge vachiparidzapaimba neimba vanopa vanhu mabhuku omutauro weu-ngano yavo bedzi. Vachasiya dzimba dzavanoziva kuti dzi-ne vanhu vanotaura mutauro usiri weungano yavo kuti va-zoparidzirwa neungano yomutauro iwoyo. Izvi zvinosha-ndawo pamishandirapamwe yatinoita gore negore. Paku-paridza pachena kana zvisina kurongwa, vaparidzi vanga-taura nevanhu vose uye vangavapa mabhuku emimwe mi-tauro.

37 Kana ungano iine ndima yakakura zvokuti haikwanisikuipedza, inogona kukumbira ungano dzomumwe mutau-ro dziri mundima iyoyo kuti pavanoparidza vasasiya dzi-mwe dzimba. Vaparidzi vachaita zvose zvavanogona kutivaparidze mashoko oUmambo kuvanhu vemitauro yose.Kana pakawanikwa munhu anofarira, zvakanyanya kuna-ka kuti ungano yomutauro wake iziviswe kuitira kuti ipfu-urire kukurukura naye. Mamiriro ezvinhu anosiyana-siya-na, saka vatariri vebasa veungano idzi vanofanira kutau-rirana kuti vangaparidza sei zvakarongeka mundima yavoyose. Izvi zvichapa vose mukana wekunzwa shoko roUma-mbo uye vaparidzi havazogumburi vanasaimba nokusha-nda ndima yamboparidzwa nevamwe.—Zvir. 15:22.

38 Tinofanira kuita sei kana tikasangana nemunhu anemutauro wakasiyana newedu mubasa repaimba neimba?Hatifaniri kufunga kuti vaparidzi vemutauro wake vacha-zomuparidzira. Saka tinofanira kushandisa kabhuku kano-nzi Good News for People of All Nations kuti tizive mu-tauro wake uye timuparidzire. Vamwe vaparidzi vakadzi-dzira mharidzo iri nyore kuitira vanhu vemumwe mutau-ro vavanowanzosangana navo mundima yavo. Tinogona

NZIRA DZOKUPARIDZA NADZO MASHOKO AKANAKA 93

kuvaratidza mabhuku omutauro wavo ari pajw.org kanakuvaratidza kuti vangaadhaunirodha sei, asi kana tisina ti-nogona kuronga kuzovaunzira.

39 Kana munhu akaratidza kuti anofarira zvechokwadi,tinofanira kuedza kutsvaka mumwe munhu anogona mu-tauro iwoyo kuitira kuti amubatsire. Tinogona kumuudza-wo nzvimbo iri pedyo inopindirwa misangano yemutaurowake kana achida kuti mumwe munhu wemutauro wakeauye kuzodzidza naye, tinogona kumuratidza kuti anga-zviita sei achishandisa jw.org. Hofisi yebazi inobva yatsva-ka muparidzi ari pedyo, boka, kana ungano inogona ku-mubatsira.

40 Tinoramba tichidzokera kumunhu uyu kusvikira vano-shandisa mutauro wake vauya kuzomuona. Dzimwe ngu-va hofisi yebazi inogona kuudza vakuru kuti yashaya mu-paridzi wemutauro uyu. Panoitika izvi, tinofanira kuedzazvose kuti saimba arambe achifarira. Kana zvichiita tino-gona kudzidza naye Bhaibheri tichishandisa bhuku riri mu-mutauro wake. Kana tikanyatsoshandisa mifananidzo uyetikaita kuti averenge magwaro, ane zvaachabatawo zvino-dzidziswa neBhaibheri. Kana aine hama yake inogona ku-turikira tinogona kuikumbira kuti itibatsire.

41 Kuti munhu anofarira auye kusangano raMwari, tino-fanira kumukoka kumisangano kunyange asinganyatso-nzwisisi zviri kutaurwa. Kana Bhaibheri rava kuverengwa,tingamubatsira kuwana rugwaro rwacho muBhaibheri ro-mutauro wake. Kuwadzana nevamwe vari muungano ku-chamusimbisa kwoita kuti afambire mberi mune zvekuna-mata.

42 Kana ndima yeungano iine vanhu vakati wandei va-notaura mumwe mutauro, dare revakuru rinogona kuku-

94 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

mbira hofisi yebazi kuti paitwe kapoka komutauro wacho.Kapoka aka kanenge kaine vaparidzi vanogona mutau-ro wacho asi vasina mukuru kana mushumiri anoshumiraanokwanisa kuitisa misangano yevhiki nevhiki mumutauroiwoyo. Vakuru vachapota vachiona kana zvichiita kuti ka-poka aka kaite musangano wehurukuro yavose kana Chi-dzidzo cheNharireyomurindi kakazvimirira kega kana ku-ti koteerera nepafoni musangano wemutauro wako une-nge uchiitiswa kune imwe ungano.

43 Pane zvinhu 4 zvinodiwa kuti boka riumbwe: (1) Panevanhu vanofarira vomutauro wacho uye panoratidza ku-ti vangangoramba vachiwanda. (2) Pane vaparidzi vasho-ma vanogona mutauro wacho kana kuti vari kuudzidzira.(3) Pane mukuru kana mushumiri anoshumira anokwani-sa kuti atungamirire uye aitise musangano mumwe chetemumutauro wacho. (4) Kana dare revakuru richida kuta-risira boka racho. Kana zvinodiwa izvi zviripo, dare reva-kuru richanyorera hofisi yebazi richiiudza mashoko aka-zara nezveboka iri uye richitaura kuti ungano yavo ndiyoichatarisira boka racho. Mukuru anenge achitungamiriraboka iri anenge achinzi mutariri weboka asi kana ari mu-shumiri anoshumira anenge achinzi mushumiri weboka.

44 Kazhinji kacho boka iri parichaita musangano Weu-shumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu vhiki rimwenerimwe, richatanga nokungoita Chidzidzo cheBhaibhe-ri Cheungano. Chinowanzoitirwa mune imwe kirasi pa-Imba yoUmambo. Asi nokufamba kwenguva rinogona ku-zoitawo zvimwe zvikamu zvemusangano uyu zvinenge zvi-chida vadzidzi kana vava kukwanisa. Hurukuro dzevadzi-dzi dzingaitwa mune imwe kirasi kana paine mukuru ka-na mushumiri anoshumira anogona mutauro wacho uye

NZIRA DZOKUPARIDZA NADZO MASHOKO AKANAKA 95

ndiye achange ari sachigaro. Vakuru vanogona kubvumi-ra kuti vaite mimwe misangano yakadai seHurukuro Ya-vose uye Chidzidzo cheNharireyomurindi. Misangano ye-basa remumunda inogonawo kurongwa. Vose vari mubo-ka racho vanoshanda vachitungamirirwa nedare revaku-ru veungano iri kuvatarisira. Vakuru vacharatidza kunzwi-sisa pakutungamirira boka racho uye vacharipawo maza-no. Mutariri wedunhu paanoshanyira ungano iri kutarisiraboka iri achashandawo nevaparidzi vari muboka, onyore-ra hofisi yebazi mushumo mupfupi nezvokufambira mbe-ri uye zvinodiwa neboka. Nekufamba kwenguva boka ra-cho rinogona kukura rova ungano. Kana vose vari kusha-nda mundima ine mumwe mutauro vakashandisa zvinota-urwa nesangano, Jehovha achafara.—1 VaK. 1:10; 3:5, 6.KUPARIDZA SEBOKA

45 MuKristu wose akazvitsaurira ane basa rokuudza va-mwe mashoko akanaka. Pane nzira dzakawanda dzokuitaizvi, asi vakawanda vedu tinoona kukosha kwazvinoita ku-paridza nevamwe. (Ruka 10:1) Saka ungano dzinoita mu-sangano webasa romumunda mukati mevhiki uye pakupe-ra kwayo. Mazororo anotipawo mikana yakanaka yokupa-ridza seboka sezvo hama dzakawanda dzinenge dzisinga-endi kumabasa. Mutariri webasa anoshanda pamwe ne-dare revakuru achitungamirira pakuronga misangano ye-basa yemangwanani uye yemanheru panguva nenzvimbozvakanakira vaparidzi.

46 Kuparidza seboka kunoita kuti vaparidzi vashande pa-mwe chete uye ‘vakurudzirane.’ (VaR. 1:12) Vaparidzi va-tsva vanogona kushanda nevaparidzi vagara nebasa ku-ti vabatsirwe pamaitirwe ebasa. Dzimwe nzvimbo dzinga-saita kuti muparidzi ashande ari oga. Kunyange uchiro-

96 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

nga kushanda woga mundima, kuenda kumusangano we-basa romumunda kunokukurudzira uye kunokurudzirawovamwe. Kungoziva kuti vamwe vari kushandawo munha-raunda yauri kunoita kuti uve nechivimbo. Hausi mutemokuti mapiyona nevamwewo vavepo pamisangano yose ye-basa romumunda kunyanya kana ichiitwa mazuva ose.

47 Tose ngatitevedzerei muenzaniso watakasiyirwa na-Jesu nevaapostora vake. Tine chokwadi chokuti Jehovhaachatikomborera kana tikaedza kuita zvose zvatinogonamubasa rinokosha rokuparidza mashoko akanaka oUma-mbo.—Ruka 9:57-62.

NZIRA DZOKUPARIDZA NADZO MASHOKO AKANAKA 97

JESU paakatuma vadzidzi vake kunoparidza nezveUma-mbo akavaudza kuti: “Kukohwa kukuru, asi vashandi va-shoma.” Pane basa rakawanda raizofanira kuitwa saka aka-bva awedzera kuti: “Kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumi-re vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:37, 38) Akavaudzamaitiro avaizoita ushumiri hwacho. Paakataura kuti “hamu-ngambopedzi kutenderera maguta aIsraeri Mwanakomanawomunhu asati asvika” zvairatidza kuti basa iri raizofanirakuitwa nokukurumidza.—Mat. 10:23.

2 Mazuva anowo, pane basa guru rinoda kuitwa muushu-miri. Mashoko akanaka oUmambo anofanira kuparidzwamugumo usati wasvika uye hapachisina nguva! (Mako 13:10) Sezvo nyika iriyo munda, basa ratiinaro rakatokura ku-darika rakaitwa naJesu nevadzidzi vake. Tiri vashoma cha-izvo kana tichizvienzanisa nemabhiriyoni evanhu vari pa-nyika, asi tine chokwadi chokuti Jehovha achatibatsira.Mashoko akanaka oUmambo achaparidzwa pasi rose uyeJehovha achabva aunza mugumo panguva yake. TichaisaUmambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwedu here ku-ti tinyatsoita ushumiri hwedu? Panyaya dzokunamata nde-zvipi zvauri kuvavarira kuzoita?

3 Jesu paaitaura zvinofanira kuitwa nevashumiri vaJeho-vha akati: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wosenomweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimbarako rose.” (Mako 12:30) Tinofanira kushumira Mwari ne-mweya wose. Patinoita izvozvo tinenge tichiratidza kuzvi-pira kwakadzama uye kuti tinorevesa. (2 Tim. 2:15) Pane

CHITSAUKO 10

Nzira DzokuwedzeraNadzo Ushumiri Hwako

98 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

mikana yokuratidza nayo izvi, uye zvatinoita zvinosiyana-siyana munhu nemunhu. Ona zvimwe zvaungaita, wosaru-dza zvaungada kuita pakushumira Mwari kuti uzadzise zvi-nangwa zvako.KUSHUMIRA SEMUPARIDZI MUUNGANO

4 Munhu wose anogamuchira chokwadi ane ropafadzoyokuparidza mashoko akanaka. Ndiro basa rinokosha iroJesu akapa vadzidzi vake. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Mudzi-dzi waJesu Kristu anowanzotanga kuudzawo vamwe ne-zvemashoko akanaka paanenge angoanzwa. Ndizvo zvaka-itwa naAndreya, Firipi, Koneriyasi, nevamwe. (Joh. 1:40, 41,43-45; Mab. 10:1, 2, 24; 16:14, 15, 25-34) Zvinoreva herekuti munhu anogona kutotanga kuudza vamwe mashokoakanaka iye asati abhabhatidzwa? Ehe! Munhu paanongo-nzi ava muparidzi asina kubhabhatidzwa, anenge ava ku-tokwanisa kuparidza neungano paimba neimba. Uyewo ka-na achikwanisa anogona kutoparidza achishandisa dzimwenzira dzinoshandiswa pakuparidza.

5 Muparidzi paanenge abhabhatidzwa, zviri pachena kutianoda kuita zvose zvaanogona kuti abatsire vamwe kudzi-dza nezvemashoko akanaka. Basa rokuparidza rinoitwa ne-munhu wose, angava murume kana mukadzi. Tinofara cha-izvo kuita kunyange zvinhu zviduku kuti Umambo hwaMwa-ri huzivikanwe. Chokwadi ani naani anokwanisa kuwedzeraushumiri hwake nokuita zvimwe zvine chokuita nokunama-ta achafara.KUSHUMIRA KUNONYANYA KUDIWA VAPARIDZI

6 Ndima yeungano yako inogona kunge ichishandwa ka-kawanda uye basa rokuparidza richinyatsoitwa. Kana zva-kadaro, ungada kutamira kundima inonyanyodiwa vapari-dzi. (Mab. 16:9) Kana uri mukuru kana mushumiri

NZIRA DZOKUWEDZERA NADZO USHUMIRI HWAKO 99

anoshumira, panogona kunge paine ungano inoda rubatsi-ro rwako. Mutariri wedunhu wenyu anokwanisa kukupa ma-zano okuti ungabatsira sei imwe ungano iri mudunhu re-nyu. Hofisi yebazi inokupa mazano kana uchida kunoshu-mira kune imwe nzvimbo iri munyika yako.

7 Ungada kushumira kune imwe nyika here? Unofanirakutanga wanyatsofunga usati waita izvi. Wadii kukurukuranevakuru veungano yako? Kana ukatamira kune imwe nyi-ka pane mamwe matambudziko aungangonosangana na-wo. (Ruka 14:28) Asi kana usingakwanisi kunogara kuneimwe nyika kwenguva yakareba, zvakanaka kuti ushumireuri munyika yako.

8 Mune dzimwe nyika, hama dziri kushandiswa kutunga-mirira muungano dzinenge dzichiri itsva musangano. Ha-ma idzi dzinoda chaizvo kuti vakuru vane ruzivo vanengevauya vatungamirire muungano. Kana uri mukuru uye uchi-funga zvokuenda kunyika dzakadaro, yeuka kuti chinangwachako hachifaniri kuva chokutorera hama dzeko zvokui-ta muungano. Asi chinofanira kuva chokunoshumira pa-mwe chete navo. Vakurudzire kuti vavavarire kuita mabasamuungano. (1 Tim. 3:1) Kana ukaona zvimwe zvinhu zvisi-ri kunyatsoitwa sezvazvinoitwa kunyika yako, iva nomwo-yo murefu. Shandisa ruzivo rwako somukuru kuti ubatsirehama dzako. Ukadaro zvichaita kuti paunozodzoka kumu-sha, hama dzekwawabva dzisare dzichikwanisa kuita ma-basa omuungano.

9 Hofisi yebazi yekwauri kuda kuenda isati yakuudza ma-zita eungano dzaungaenda kunobatsira, Dare Rebasa Re-ungano yako rinofanira kutanga raitumira tsamba yokuku-rumbidza. Tsamba iyi inodiwa kunyange uchishumira somu-kuru, mushumiri anoshumira, piyona kana kuti muparidzi.Dare rebasa richatumira tsamba yavo yokukurumbidza pa-

100 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

mwe chete neyako yokukumbira kuziva ungano dzingadakubatsirwa.KUPARIDZA UCHISHANDISA MUMWE MUTAURO

10 Kuti uwedzere ushumiri hwako unogona kudzidza mu-mwe mutauro, kusanganisira wemasaini. Kana uchida ku-dzidza mumwe mutauro wokuparidzira nawo, wadii kutauranevakuru uye nemutariri wedunhu? Vanogona kukupa ma-zano uye kukukurudzira. Mamwe matunhu achitungamiri-rwa nehofisi yebazi akaronga makirasi okudzidzisa vapari-dzi nemapiyona kuti vaparidze nomumwe mutauro.KUPAYONA

11 Vaparidzi vose vanofanira kuziva kuti zvii zvinodiwa kutimuparidzi ave piyona webetsero, wenguva dzose uye cha-iye, kunyange mamwe mabasa enguva yakazara. Kuti mu-paridzi ave piyona anofanira kunge akabhabhatidzwa uyeachiita zvakanaka uye achikwanisa kusvitsa maawa aano-tarisirwa kuita pamwedzi pakuparidza mashoko akanaka.Dare Rebasa Reungano ndiro rinogadza vanenge vakumbi-ra kuva mapiyona ebetsero uye enguva dzose, asi mapiyo-na chaiwo anogadzwa nehofisi yebazi.

12 Kuti muparidzi ave piyona webetsero anofanira kungeachida kupayona kwemwedzi mumwe chete kana kuti ya-katevedzana kana kuti kwenguva yakareba zvichienderananezvaanokwanisa. Vaparidzi vakawanda vanonakidzwa no-kuita upiyona hwebetsero panguva dzinokosha dzakadaisemwaka weChirangaridzo, kana kuti mwedzi unoshanyamutariri wedunhu. Vamwe vanopayona panguva yavanengevari pazororo. Vaparidzi vakabhabhatidzwa uye vanoendakuchikoro vanogona kuita upiyona hwebetsero pavane-nge vari pazororo. Vaparidzi vanogona kusarudza kupayo-na vachiita maawa mashoma anenge achidiwa mumwedzi

NZIRA DZOKUWEDZERA NADZO USHUMIRI HWAKO 101

waMarch naApril uye mumwedzi unoshanya mutariri wedu-nhu. Chero bedzi uri muparidzi ane tsika dzakanaka uyeuchigona kuronga zvinhu zvako kuti usvitse maawa anodi-wa pamwedzi, unogona kukumbira fomu rokupayona uyevakuru vachafara chaizvo kufunga nezvechido chako cho-kushumira Jehovha.

13 Kuti ukodzere kuva piyona wenguva dzose, unofanirakunge uchikwanisa kusvitsa maawa anodiwa pagore. Ka-na uri piyona wenguva dzose unofanira kushanda pamwechete neungano yako. Kuva nemapiyona anoshingaira mu-ungano chikomborero chaicho, nokuti anoita kuti vamwevade kuparidza uye anokurudzira vamwe kuti vaitewo ma-piyona. Asi usati wakumbira kuva piyona wenguva dzose,unofanira kunge wakabhabhatidzwa kwemwedzi 6 zvichie-nda mberi.

14 Kazhinji mapiyona chaiwo anosarudzwa kubva pamapi-yona enguva dzose anenge achiva nezvibereko muushumi-ri. Vanofanira kunge vachikwanisa kuenda chero kwavane-nge vanzi nehofisi yebazi vaende. Kazhinji kacho vanoende-swa kunzvimbo dziri kwadzo dzoga dzine vanhu vanofari-ra, vobva vatanga ungano. Dzimwe nguva mapiyona cha-iwo anoendeswa kuungano dzinenge dzichida kubatsirwakupedza ndima yavanoparidza. Mamwe mapiyona chaiwoanenge ari vakuru anogona kuendeswa kunobatsira unga-no duku kunyange ungano yacho isina hayo dambudzikonokuparidza ndima yayo. Mapiyona chaiwo ane kamari ka-anopiwa kokuti awane chokurarama nacho. Mamwe achoanogadzwa kuti ashande kwenguva pfupi.

MAMISHINARI15 Komiti Yebasa yeDare Rinotungamirira ndiyo inogadza

mamishinari. Dare Rebazi rekunenge kwatumirwa mamishi-

102 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

nari richabva raatumira kunzvimbo dzinogara vanhu va-kawanda. Mamishinari aya anoita zvakawanda pakutsigirabasa rokuparidza uye kuita kuti zvinoitwa muungano zvi-nyatsofamba negwara. Kazhinji kuti vanhu vazova mami-shinari, vanopinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUma-mbo kana kuti Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGi-riyedhi. Vanotsvakirwa pokugara uye vanopiwa kamari ko-kuti vawane chokurarama nacho.MUTARIRI WEDUNHU

16 Dare Rinotungamirira ndiro rinogadza vatariri vematu-nhu uye vatariri vematunhu vanodzidziswa basa iri noku-mbofanobata nzvimbo yomumwe mutariri wedunhu. Varu-me ava vanoda chaizvo ushumiri uye hama dzavanonamatanadzo. Ivo mapiyona anoshingaira, anonyatsodzidza Bhai-bheri, uye anogona kukurukura uye kudzidzisa. Vanonyatso-ratidza pachena chibereko chomudzimu, uye vari pakati ne-pakati, vanonzwisisa uye vanoshandisa uchenjeri pane zva-vanoita. Kana hama yacho yakaroora, mudzimai wake ane-nge achipayona anofanira kunge ari munhu anozvibata zva-kanaka uye anogona kugarisana nevamwe. Anofanira kungeaine zvibereko pakuparidza. Anonyatsozviisa pasi pomuru-me wake asingapinduriri murume wake zvese zvese uye asi-ngavi iye anenge achingotaura pane vamwe. Vatariri vema-tunhu nemadzimai avo vane basa rakaoma, saka vaya vano-da kuita basa iri vanofanira kunge vaine utano hwakanaka.Mapiyona haafaniri kunyora tsamba achikumbira kuita ba-sa iri. Asi vanofanira kuudza mutariri wedunhu wavo nezve-chido chavo uye ndiye achavapa mazano.ZVIKORO ZVESANGANO

17 Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo: Pari kudi-wa vazivisi vemashoko oUmambo vakawanda kuti vashande

NZIRA DZOKUWEDZERA NADZO USHUMIRI HWAKO 103

ndima dzisingawanzoshandwa uye kuti vatsigire unganomune zvokunamata. Nokudaro, hama dzisina kuroora, ha-nzvadzi dzisina kuroorwa, uye vakaroorana vanogona ku-nyorera kuti vapinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUma-mbo. Vanenge vabva kuchikoro ichi vanotumirwa kunzvimbodzinonyanya kudiwa vaparidzi munyika yavo kuti vanoshu-mira semapiyona enguva dzose. Zvisinei, vamwe vashoma-nana vanokwanisa vanogona kuendeswa kunoshanda sema-piyona chaiwo kwenguva pfupi kana refu munyika yavo ka-na kuti kune imwe nyika kana kuti kupiwa mamwe mabasa.Mapiyona anenge achida kunzwa zvakawanda nezvechikoroichi anofanira kupinda musangano unoitwa pagungano ro-munharaunda.

18 Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi:Hama dzisina kuroora, hanzvadzi dzisina kuroorwa, uye va-karoorana vanosarudzwa kuti vapinde chikoro ichi ndeva-ya vanogona kutaura Chirungu uye vari kushumira sema-piyona chaiwo, mamishinari, vatariri vematunhu kana kutivashandi vepaBheteri. Vanokwanisa kusimbisa uye kubatsi-ra kuti zvinhu zvifambe negwara mundima kana kuti pa-bazi. Vakatoratidza kuti vanofarira kushumira hama dzavouye vanogona kunyatsobatsira vamwe kudzidza nokuteve-dzera mirayiridzo inobva muMagwaro uye yesangano. DareRebazi ndiro rinosarudza vanhu vangaenda kuchikoro cha-cho. Kana vapedza chikoro vanoendeswa kunoita basa ro-kuparidza kana kuti kunoshanda pahofisi yebazi kune imwenyika kana munyika yavo.

BASA REPABHETERI19 Chikomborero chaicho kushanda paBheteri. Zita ro-

kuti Bheteri rinoreva kuti “Imba yaMwari,” uye rakanya-tsokodzera nokuti panzvimbo idzi ndipo panoitwa maba-

104 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

sa akawanda esangano. Hamanehanzvadzi dzinoshanda pa-Bheteri dzinoita basa rinoko-sha pakutsigira basa rokusha-ndura, kugadzirwa nokupara-dzirwa kwemabhuku eBhaibhe-ri. Basa ravo rinokosheswa zvi-kuru neDare Rinotungamirira,iro rinotarisira nokupa mirayi-ridzo kuungano pasi rose. Vashanduri vakawanda vepa-Bheteri vanogara uye vanoshandira munzvimbo dzinotau-rwa mutauro wavanoshandurira. Izvi zvinoita kuti vakwani-se kunzwa mutauro wacho uchitaurwa zuva nezuva. Vano-gonawo kubva vazvionera kana vanhu vachinzwisisa zva-vanenge vashandura.

20 Basa rakawanda rinoitwa paBheteri rinoda vanhu va-ne simba. Ndokusaka paBheteri pachinyanya kushevedzwahama dzechiduku dzakabhabhatidzwa, dzakazvipira uyedzine utano hwakanaka. Kana bazi rinotarisira nyika ye-nyu richida vanhu vanozoshanda paBheteri uye iwe uchida,unogona kunzwa zvakawanda kana ukapinda musanganowevanoda basa repaBheteri unoitwa pagungano romunha-raunda. Unogonawo kubvunza mutariri wedunhu nezveba-sa iri.

BASA ROKUVAKA21 Kuvaka zvivako zvekunamatira ibasa dzvene rakafana-

na nerakaitwa pakavakwa temberi yaSoromoni. (1 Madz. 8:13-18) Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinozvipira kusha-ndisa nguva yadzo nezvinhu zvavo kuti vaite basa iri.

22 Unokwanisa kubatsira here? Kana wakabhabhatidzwa,uchida kuitawo basa iri, hama dzinotungamirira basa

Ukava nezvinangwapakunamatazvichakubatsirakuti ushandisenomazvo simbarako nepfuma

NZIRA DZOKUWEDZERA NADZO USHUMIRI HWAKO 105

rokuvaka kwaunogara dzichatenda chaizvo rubatsiro rwa-ko uye dzinoda nemwoyo wose kukudzidzisa maitirwe eba-sa racho kunyange usingazivi. Wadii kuudza vakuru vemuu-ngano yenyu kuti unoda kubatsira? Vamwe vaparidzi vaka-bhabhatidzwa vanokodzera vakatozvipira kuita basa iri ro-kuvaka mune dzimwe nyika.

23 Pane mikana yakawanda yokuitawo basa rokuvaka. Va-paridzi vanoita zvakanaka uye vane karuzivo nezvema-mwe mabasa vanogona kuzvipira kutsigira mabasa oku-vaka anenge achiitwa pedyo nekwavanogara. Vaya vane-nge vazvipira vanonzi maLocal Design/Construction volun-teer. Hofisi yebazi inogadza vamwe vanokwanisa kunosha-ndira kunzvimbo dziri kure kwevhiki mbiri kusvika kumwe-dzi mitatu uye vanonzi maconstruction volunteer. Vaya va-nogadzwa kuti vashande kwenguva yakareba vanonzi ma-construction servant. Asi kana vakanzi vanoshandira kuneimwe nyika vanenge vava kunzi maexpatriate constructionservant. Boka Rokuvaka rinosanganisira maconstructionservant nemaconstruction volunteer ndiro rinotungamiri-ra basa rinenge richiitwa uye rinobatsirwa nemaLocal De-sign/Construction volunteer pamwe chete nevaparidzi ve-muungano dziri kuvakirwa Imba yacho. Kana rapedza rino-bva raenda kune imwe nzvimbo inenge ichida kuitwa rimwebasa mundima yebazi iroro.

NDEZVIPI ZVAUNOVAVARIRA KUZOITA?24 Kana wakazvitsaurira kuna Jehovha, chido chako nde-

chokumushumira nokusingaperi. Asi ndezvipi zvaunovava-rira kuzoita? Ukava nezvinangwa pakunamata zvichakuba-tsira kuti ushandise nomazvo simba rako nepfuma. (1 VaK.9:26) Kuva nezvinangwa zvakadaro kunokubatsira kukurapakunamata uye kuti uise pfungwa pazvinhu zvinonyanya

106 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

kukosha paunenge uchivavarira kuwedzera zvaunoita pa-kushumira Jehovha.—VaF. 1:10; 1 Tim. 4:15, 16.

25 Muapostora Pauro akatisiyira muenzaniso wakanakawokutevedzera pakushumira Mwari. (1 VaK. 11:1) Pauro ai-shanda nesimba pakushumira Jehovha. Akaona kuti Jeho-vha aiva amupa mikana yokuita zvakasiyana-siyana paku-namata. Akanyorera hama dzokuKorinde kuti: “Ndakazaru-rirwa suo guru rebasa.” Handizvowo here kuti tine mikanayakawanda musangano yokuti tishumire Jehovha, kunya-nya pakuparidza mashoko akanaka oUmambo? Asi sezva-kangoitika kuna Pauro, kuti tipinde ‘nepasuo guru’ iroro ti-notofanira kurwisana ‘nevashori vazhinji.’ (1 VaK. 16:9) Pa-uro akanga akazvipira kurasikirwa nezvimwe zvinhu. Aka-ti: “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiuita somuranda.”(1 VaK. 9:24-27) Ndizvo zvatinoitawo here?

26 Munhu wose anokurudzirwa kuti ave nezvinangwa pa-kunamata zvichienderana nezvaanokwanisa. Vakawandavari mubasa renguva yakazara vakatanga vachiri vadukukuva nezvinangwa zvokunamata. Vakakurudzirwa nevabe-reki vavo nevamwe kuti vaite basa iri. Saka havazvidembiuye vanonakidzwa zvikuru nokuita basa raJehovha. (Zvir.10:22) Zvimwe zvinangwa zvinokosha kuparidza vhiki ne-vhiki, kutanga uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, kana ku-ti kuzvipa nguva yakawanda yokugadzirira misangano. Chi-nhu chinokosha ndechokuti tirambe takatendeka tichiitaushumiri hwedu zvizere. Kana tikaita izvi, tichakudza Jeho-vha tozadzisa chinangwa chedu chikuru chokumushumiranokusingaperi.—Ruka 13:24; 1 Tim. 4:7b, 8.

NZIRA DZOKUWEDZERA NADZO USHUMIRI HWAKO 107

VANAMATI vechokwadi vaJehovha vakarayirwa kuunganakuti vapiwe mirayiridzo uye vakurudzirane. (VaH. 10:23-25) Nzvimbo yokutanga yakashandiswa nevaIsraeri paku-namata, yaiva “tebhenekeri yetende rokusanganira.” (Eks.39:32, 40) Pave paya, Soromoni mwanakomana waDha-vhidhi akavaka imba, kana kuti temberi, yokunamatiraMwari. (1 Madz. 9:3) Temberi yacho payakaparadzwa mu-na 607 B.C.E., vaJudha vakatanga kunamatira muzvivakozvainzi masinagogi. Nokufamba kwenguva, temberi yaka-vakwa zvakare, ichibva yavazve nzvimbo yokunamata kwe-chokwadi. Jesu akadzidzisa ari mumasinagogi uye mute-mberi. (Ruka 4:16; Joh. 18:20) Akaitawo musangano mu-gomo.—Mat. 5:1–7:29.

2 Jesu paakazofa, vaKristu vaiungana mudzimba dzeva-vainamata navo kuti vadzidzise zviri muMagwaro uye va-wadzane. (Mab. 19:8, 9; VaR. 16:3, 5; VaK. 4:15; Fir. 2) Dzi-mwe nguva vaKristu ava vaifanira kuungana munzvimbodzakahwanda kuti vasavhiringidzwa nevanhu vaivatambu-dza. Zvechokwadi, vashumiri vaMwari vakatendeka vekarevaida nemwoyo wose kuungana munzvimbo dzokunama-tira kuti ‘vadzidziswe naJehovha.’—Isa. 54:13.

3 Mazuva ano, vaKristu vanopindirawo misangano mu-nzvimbo dzinoungana vanhu vakawanda uye mudzimbadzehama. Dzimba dzehama dzinowanzoshandiswa kuitiramisangano yebasa romumunda. Vaya vanozarura mishayavo kuti ishandiswe vanozviona sechikomborero uye va-kawanda vavo vakabatsirwa zvikuru pakunamata.

CHITSAUKO 11

Nzvimbo Dzokunamatira

108 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

IMBA YOUMAMBO4 Imba yoUmambo ndiyo nzvimbo inonyanya kushandi-

swa neZvapupu zvaJehovha pakunamata. Kakawanda ka-cho, vanotenga nzvimbo yokuvaka Imba yacho kana kutivanogadziridza chivako chinenge chiripo. Pazvinenge zvi-chiita ungano dzakati kuti dzinoshandisa Imba yoUma-mbo imwe chete kuitira kuchengetedza mari. Asi kune dzi-mwe nharaunda, vamwe vanohaya pokunamatira. KanaImba yoUmambo ikavakwa kana kuti ikagadziridzwa zvi-nhu zvakawanda, zvakakodzera kuitsaurira. Asi kana zvi-chingova zvinhu zvishomanana zvinenge zvagadziridzwa,haifaniri kutsaurirwa.

5 Imba yoUmambo haifaniri hayo kuva yemaoresa. Ku-nyange zvazvo mavakirwo adzo angasiyana, chinokoshandechokuti ishandisike pakunamata. (Mab. 17:24) Inofani-ra kunge yakanakira kupindira misangano yechiKristu zvi-noenderana nenzvimbo yacho.

6 Ungano dzose dzinoshandisa Imba yoUmambo dzino-bvisa mari yokuitarisira. Hatifambisi ndiro yokukumbi-ra mari asi muImba yoUmambo munenge muine bhoki-si remupiro rokuti vanoda vaise mari inozoshandiswa.Havaiti zvokumanikidzwa asi vanopa zvichibva pamwoyo.—2 VaK. 9:7.

7 Munhu wose ari muungano anoiona seropafadzo ku-tsigira Imba yoUmambo nemari uye kuzvipira kuichenesakuitira kuti zvinhu zvose zvigare zvakanaka. Kazhinji mu-kuru kana kuti mushumiri anoshumira ndiye anonzi aro-nge nezvebasa iri. Kakawanda kacho, basa rokuchenesarinoitwa nemapoka ebasa romumunda, uye mutariri webo-ka kana kuti mubatsiri wake ndiye anotungamirira. Imba

NZVIMBO DZOKUNAMATIRA 109

yoUmambo zvose nechivanze chayo zvinofanira kunyatso-miririra Jehovha nesangano rake.

8 Kana Imba yoUmambo ichishandiswa neungano dza-kawanda, vakuru veungano dzacho vanosarudza hamadzichava muDare Rinoona Nezvokushandiswa kweImbayoUmambo yacho. Matare evakuru anosarudza imwe ha-ma iri mudare racho kuti ive sachigaro. Dare iri richitu-ngamirirwa nematare evakuru, rinoona nezvokucheneswakweimba yacho, richiva nechokwadi chokuti inonyatsota-risirwa uye kuti zvokushandisa zviripo. Saka izvi zvinodakuti ungano dzacho dzishandire pamwe.

9 Kana ungano dzakawanda dzichishandisa Imba yo-Umambo imwe chete, dzingafanira kuchinjana nguva yo-kupinda misangano. Vakuru pavanenge vachikurukura izvivanofanira kuremekedzana. (VaF. 2:2-4; 1 Pet. 3:8) Hapa-na ungano inofanira kurongera dzimwe, kunyange zvazvoungano imwe chete iri iyo inenge iine mapepa ouridzi. Mu-tariri wedunhu paanoshanyira imwe ungano inoshandisaImba yacho, dzimwe ungano dzichafanira kuchinja nguvayadzinoita misangano yadzo vhiki iyoyo.

10 Imba yoUmambo inogona kushandiswa pakupa huru-kuro yemuchato uye yemariro kana Dare Rebasa Reunga-no razvibvumira. Vakuru ava vanonyatsofunga zvinengezvakumbirwa vosarudza zvichienderana nemirayiridzo ino-bva kuhofisi yebazi.

11 Vaya vanenge vabvumirwa kushandisa Imba yoUma-mbo vanotarisirwa kuti vazvibate nenzira inoratidza kutivaKristu vechokwadi. Hapana chinofanira kuitwa paImbayacho chinogumbura ungano kana kuti chinoita kuti Je-hovha uye ungano zvizvidzwe. (VaF. 2:14, 15) Hofisi ye-bazi inogona kuronga kuti Imba yoUmambo ishandiswe-

110 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

wo kuitira Chikoro Choushumiri hwoUmambo uye ChikoroChebasa Roupiyona.

12 Nguva dzose ungano inofanira kuremekedza nzvimboyainonamatira. Mapfekero, kushambidzika uye kuzvibatazvinofanira kuratidza kuti tinonamata Jehovha. (Mup. 5:1;1 Tim. 2:9, 10) Tikashandisa mazano aya, tinoratidza ku-ti tinokoshesa misangano yedu yechiKristu.

13 Zvinokosha kuti pamisangano parambe paine runyara-ro. Zvinokurudzirwa kuti vana vagare nevabereki vavo. Va-bereki vane vana vaduku vanogona kukumbirwa kuti vaga-re pavasingavhiringidzi vamwe, kuitira pavanenge vava ku-fanira kubuda panze nemwana zvimwe kunomuranga ka-na kuti kunotarisira zvimwe zvaanenge achida.

14 Hama dzakakodzera dzinonzi dziite varindiri pamisa-ngano. Dzinofanira kunge dzakachangamuka, dziine usha-mwari uye dzichinzwisisa. Basa ravo rinosanganisira ku-kwazisa vatsva voita kuti vanzwe vakasununguka, kutsva-gira pokugara vanenge vanonoka, kuverenga vanenge va-pinda misangano, uye kuita kuti mumba macho musa-nyanya kutonhora kana kupisa. Pazvinenge zvakakodze-ra, varindiri vachayeuchidza vabereki kuti vanyatsotarisiravana vavo kuitira kuti vasangomhanya-mhanya misanga-no isati yatanga uye yapera kana kuti kutambira pachi-kuva. Kana paine mwana ari kuvhiringidza vateereri, mu-rindiri anogona kukumbira zvakanaka-naka mubereki wa-cho kuti abude naye. Basa rinoitwa nevarindiri rinoita ku-ti munhu wose anakidzwe nemisangano. Zvakanaka kutivarindiri vave vashumiri vanoshumira, kunyanya vaya va-nogona kugadzirisa matambudziko anongoerekana amu-ka.—1 Tim. 3:12.

NZVIMBO DZOKUNAMATIRA 111

KUVAKA DZIMBA DZOUMAMBO15 Muungano yepakutanga,

vamwe vaKristu vaiva vapfumiuye vamwe vari varombo, sa-ka muapostora Pauro akanyo-ra kuti: ‘Kuti zvinhu zvienza-ne, zvinhu zvenyu zvakawandakupfuura zvamunoda iye zvinongazvizadzise zvavanoshayi-wa uye kuti zvinhu zvavo zva-kawanda kupfuura zvavanodazvizozadzisawo pane zvamu-noshayiwa, kuti muve nezvi-nhu zvakaenzana.’ (2 VaK. 8:14) Mazuva ano tiri kuitawozvakaudzwa vaKristu ava. Mari inobviswa neungano pasirose inounganidzwa kuti ishandiswe pakuvaka uye kuga-dziridza Dzimba dzoUmambo. Sangano uye ungano dzi-nenge dzabatsirwa vanotenda chaizvo rupo rwehama dzo-se pasi rose.

16 Zvichienderana nourongwa hwemunyika yacho, hofisiyebazi ndiyo inoronga kuti Imba yoUmambo yakati isha-ndiswe neungano dzipi. Bazi rinoonawo kuti ndekupi ku-nofanira kuvakwa kana kugadziridzwa Dzimba dzoUma-mbo uye kuti zvinofanira kuitwa riini. Kana pakaitika njo-dzi, urongwa hunoitwa hwokugadzirisa Dzimba dzoUma-mbo uyewo pane dzimwe nguva, dzimba dzehama.

17 Bazi rinoshandisa hama dzinozvipira kuti dzitarisirekutengwa kwenzvimbo, kugadzirwa kwemapurani eImbayoUmambo, kupiwa mvumo nezviremera, kuvaka uye ku-gadziridza zvivako zvacho. Sezvo munyika dzakawandamuchidiwa Dzimba dzoUmambo, pari kudiwa vanhu vaka-

Munhu woseari muunganoanoionaseropafadzokutsigira ImbayoUmambo nemariuye kuzvipirakuichenesa kuitirakuti zvinhu zvosezvigare zvakanaka

112 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

wanda vanozvipira kuita basa iri. Vaparidzi vose vakabha-bhatidzwa vanoda kubatsira uye vanokodzera, vanokuru-dzirwa kuzadza fomu revanoda kuita basa rokuvaka vori-pa Dare Rebasa Reungano yavo. Kunyange vaparidzi va-sati vabhabhatidzwa vanogona kubatsira kuvaka kana ku-ti kugadziridza Imba yavo yoUmambo.

DZIMBA DZEMAGUNGANO18 VaKristu vepakutanga vaiwanzoungana vari mapoka

madiki. Asi dzimwe nguva vaiungana riri “boka guru.”(Mab. 11:26) Mazuva ano vanhu vaJehovha vanoungana-wo vakawanda pamagungano edunhu neomunharaunda.Nzvimbo dzokupindira dzinowanzohayiwa, asi kwazvisi-ngaiti kana kuti kwadzisingawaniki, Imba Yemagunganoingavakwa.

19 Dzimwe nguva panotengwa chivako, chogadziridzwachobva chashandiswa seImba Yemagungano. Asi kakawa-nda, imba yacho inoita zvokuvakwa. Dzimba Dzemagunga-no dzakakura zvakasiyana-siyana zvichienderana nezvi-nenge zvichidiwa. Hofisi yebazi ndiyo inosarudza kuti yo-tenga chivako here kana kuti yoita zvokuvaka, zvichiende-rana nokuti zvingazotora marii uye kuti chichashandiswanevanhu vakawanda zvakadini.

20 Sezvo dzimwe Dzimba Dzemagungano dzakakura, ba-zi rinosarudza hama dziri mubasa renguva yakazara dzi-nozoshanda dzichitarisira imba yacho. Panoitwa urongwahwokuti matunhu agare achichenesa imba yacho uye ku-ona kuti zvinhu zvose zviri kushanda zvakanaka. Kuzvipi-ra kuita basa iri kunoita kuti tikomborerwe. Saka unganodzinokurudzirwa kutsigira urongwa uhwu nemwoyo wose.—Pis. 110:3; Mar. 1:10.

NZVIMBO DZOKUNAMATIRA 113

21 Pane dzimwe nguva, Imba Yemagungano ingashandi-swawo kuitira zvikoro zveBhaibheri uye misangano inoko-sha yevatariri vematunhu. Imba Yemagungano inzvimboyakatsaurirwa kunamata sezvakangoita Imba yoUmambo.Patinenge tiri paImba Yemagungano kuzvibata kwedu,mapfekero, uye kushambidzika zvinofanira kunge zvaka-ngofanana nezvatinoita patinoenda kunonamata paImbayoUmambo.

22 Vatsva vakawanda vari kudirana vachiuya musanganoraMwari mumazuva ano okupedzisira. Izvi zvinoratidza ku-ti Jehovha ari kutikomborera. (Isa. 60:8, 10, 11, 22) Sezvozuva raJehovha rava kuswedera pedyo, zvivako izvi zvi-notibatsira kuti tiwane mukana wokukurudzirana nehamadzedu. Saka kuti tiratidze kutenda kwedu, tinoda kutsigi-ra urongwa hwokutenga nzvimbo idzi uye kudzichengete-dza dzakachena.

114 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zviri kuzadzisa uprofita hwaJesuhune chokuita nemazuva okupedzisira hwokuti masho-ko akanaka aizoparidzwa “kusvikira kurutivi ruri kure kwa-zvo rwenyika.” (Mab. 1:8; Mat. 24:14) Kuti vakwanise kuitaizvi vari kuzvipira kushandisa nguva yavo nesimba va-singabhadharwi. Vanoramba vachiisa Umambo hwaMwaripakutanga muupenyu hwavo nokuti vanoziva kuti zvavarivashandi pamwe naJehovha, iye achavapa zvavanoda pa-kurarama. (Mat. 6:25-34; 1 VaK. 3:5-9) Kubudirira kuri ku-ita basa iri kunoratidza kuti Jehovha ari kufara uye ari ku-tikomborera.

KUTARISIRA ZVINHU ZVINE CHOKUITANOUMAMBO PASI ROSE

2 Vamwe pavanoona nzira dzatinoshandisa pakuparidzauye kuti tinopa vanhu maBhaibheri nemabhuku tisingabha-dharisi, vanobvunza kuti: “Munozvigona sei zvose izvi?”Ichokwadi kuti zvinoda mari kuprinda uye kugadzira ma-Bhaibheri nemabhuku. Zvinodawo mari kuvaka uye kutari-sira misha yeBheteri iyo inogarwa nevanoshandisa michinayokudhindisa, vanotarisira basa rokuparidza uye vanoi-ta zvimwe zvinhu zvinotsigira basa racho. Kuwedzera ku-ne izvi, vatariri vematunhu, mamishinari, mapiyona chaiwo,nevamwe vari mubasa chairo renguva yakazara vanopiwa-wo kamari kanovabatsira kuti vawane chokurarama nachopavanenge vachiita basa ravo. Zviri pachena kuti basa ro-kuparidza rinoda mari yakawanda. Mari yacho inobva kupi?

CHITSAUKO 12

Kutsigira Basa roUmamboMunyika Medu Uyewo Pasi Rose

KUTSIGIRA BASA ROUMAMBO MUNYIKA MEDU UYEWO PASI ROSE 115

3 Vakawanda vanofarira basa rokudzidzisa Bhaibheri ri-noitwa neZvapupu zvaJehovha pasi rose uye vanoritsigiranemari. Asi Zvapupu ndizvo zvinonyanya kuritsigira nemariyemipiro yavanotumira kuhofisi yebazi yomunyika yavano-gara. Vanopa nemwoyo wose sezvakaitwa nevashumiri va-Mwari vekare pavaivaka imba yokunamatira Jehovha. (Eks.35:20-29; 1 Mak. 29:9) Zvimwe zvipo zvinobva kune vane-nge vanyora mawiri vachitaura kuti kana vafa zvinhu zvavozvipiwe kusangano, asi zvimwe zvinobva kune vanhu vaka-siyana-siyana, ungano, nematunhu. Kana zvose izvi zvasa-nganiswa, zvinoita kuti pave nemari inozoshandiswa kutibasa rokuparidza rifambire mberi.

4 Zvapupu zvaJehovha zvinoona seropafadzo kushandisakwazvinoita mari uye zvinhu zvavo kuti vatsigire basa ro-kuparidza. Jesu nevadzidzi vake vaiva nebhokisi ravaiche-ngetera mari yavaishandisa. (Joh. 13:29) Bhaibheri rinoti-udza nezvevakadzi vaibatsira Jesu nevadzidzi vake. (Mako15:40, 41; Ruka 8:3) Muapostora Pauro aitenda kubatsirwakwaiitwa nevamwe vaida kutsigira basa rokuparidza ma-shoko akanaka. (VaF. 4:14-16; 1 VaT. 2:9) Zvapupu zvaJe-hovha zvinoshingairawo pabasa razvo uye zvinopa nemwo-yo wose sezvaiitwa nevashumiri vaMwari kare. Izvi zvinoitakuti vanhu vose vanoda zvokunamata vawane ‘mvura you-penyu vasingatengi.’—Zvak. 22:17.

MARI DZINOSHANDISWA MUUNGANO5 Mari dzinoshandiswa muungano imwe neimwe dzino-

bvawo kuvanhu vanozvipira. Hapafambiswi ndiro yokuisamari, kana kunzi nhingi ngaabvise mari yakati uye hatifa-mbi tichikumbira mari. Panzvimbo dzose dzatinonamatirapane mabhokisi okuti anoda akande mari imomo “sezvaa-kasarudza kuita mumwoyo make.”—2 VaK. 9:7.

116 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

6 Mari inenge yaiswa mumabhokisi inotanga kushandiswapakubhadhara zvinodiwa kutarisira Imba yoUmambo. Darerevakuru rinogona kusarudza kuti imwe mari itumirwe ku-hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yavari, ku-ti basa rokuparidza rienderere mberi. Ungano inofanira ku-tanga yabvumirana kuti imarii ichatumirwa kuhofisi. Sakaungano dzakawanda dzinogara dzichitsigira basa rokupa-ridza nemari. Kana vose vakagara vachiziva zvinhu zvino-da kuzobhadharwa, zvichaita kuti zviziviso zvemari zvisa-gara zvichingopiwa nguva dzose.MACHENGETERWO EMARI YEMIPIRO

7 Panopera musangano woga woga, hama mbiri dzakasa-rudzwa nedare revakuru dzinotora mari mumabhokisi emu-piro dzobva dzanyora kuti imarii. (2 Madz. 12:9, 10; 2 VaK.8:20) Dare revakuru rinoronga kuti mari iyi ingachengete-dzwa sei kusvikira yazotumirwa kuhofisi yebazi kana kutiyashandiswa neungano. Izvi zvingada kuti pavhurwe aka-undi yokubhengi yeungano. Hama inotarisira akaunzi dze-ungano inonyora mushumo wemamiriro akaita mari yeu-ngano mwedzi woga woga, ungano yobva yaziviswa, uyepashure pemwedzi mitatu yoga yoga, murongi mudare re-vakuru anoronga kuti akaunzi dzacho dziongororwe.MARI DZINOSHANDISWA PAMAGUNGANO EDUNHU

8 Mari dzinoshandiswa pakubhadhara zvinodiwa pamagu-ngano edunhu dzinobva kuZvapupu zviri mudunhu racho.Panzvimbo dzinoitirwa magungano panoiswawo mabhokisiemupiro kuti vanhu vanokwanisa vatsigire dunhu ravo ne-mipiro. Mutariri wedunhu ndiye anosarudza hama inotari-sira akaunzi dzedunhu.

9 Saka, dunhu roga roga rinozvibhadharira zvinhu zva-rinenge rashandisa, uye kana pakasara imwe mari inobva

KUTSIGIRA BASA ROUMAMBO MUNYIKA MEDU UYEWO PASI ROSE 117

yachengetwa muakaundi yedunhu. Kana gungano raperaasi zvoonekwa kuti mari yaunganidzwa haisi kukwana ku-bhadhara zvose zvashandiswa, iya yakachengetwa muaka-undi inobva yashandiswa, saka ungano hadzifaniri hadzokunyorerwa dzichiudzwa kuti mari haina kukwana. Asi ka-na mari iri muakaundi ikatadza kukwana kubhadhara zvo-se zvinenge zvashandiswa kana kuti ikatadza kubhadharazvinhu zvakadai sedhipoziti yenzvimbo ichazoitirwa gunga-no, mutariri wedunhu anogona kuronga kuti ungano dzizi-viswe kuti dzine ropafadzo yokupa mipiro. Dare rimwe neri-mwe revakuru richakurukura nyaya yacho robva raona kutiungano yavo ingakwanisa kuendesa marii kuakaundi yedu-nhu. Saka vachabva vaita kuti ungano isarudze kuti inodakubvisa marii.

10 Vakuru pavanoungana kuti vakurukure zvegungano,vanosarudza kuti zvii zvingaitwa nemari yedunhu inengeyasara. Vanoita zvisarudzo zvine chokuita nemari inodiwakutarisira nzvimbo yemagungano, inodiwa pakutenga mi-dziyo yedunhu, uye mari inenge yashandiswa nomutaririwedunhu kana nomumiririri webazi. Vanogona kusarudzakuti mari yacho ishandiswe mubasa rokuparidza romunyi-ka yose kana kuti rokuvakwa kweDzimba dzoUmambo, ku-vakwa kweImba Yemagungano, kana kuti zvimwewo.

11 Kana paine zvimwe zvinenge zvichidiwa mudunhu zvisi-ri zviya zvinogara zvichibhadharwa kana kutengwa, vakuruvachafanira kusarudza kuti voshandisa marii pane chimwenechimwe. Nguva dzose, chimwe nechimwe chinofanira ku-nyorwa pasi nemari yachiri kunyatsoda, vakuru vobva va-ziviswa nezvacho kuti vaone kana vachibvumirana nazvo,mari yedunhu isati yashandiswa. Mari yedunhu inogona ku-tumirwa kuhofisi yebazi kuti ichengetwe kusvikira dunhurava kuda kuishandisa. Mutariri wedunhu acharonga kuti

118 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

akaunzi dzedunhu dziongoro-rwe kana gungano redunhu ri-mwe nerimwe rapera.

KUBATSIRA VAROMBO12 Mari yaichengetwa mubho-

kisi naJesu nevadzidzi vake ya-ishandiswawo kubatsira varo-mbo. (Mako 14:3-5; Joh. 13:29) Nanhasi vaKristu vano-batsirawo varombo nekuti Je-su akati: “Varombo munogaramuinavo.” (Mako 14:7) Zvapu-pu zvaJehovha zvinovabatsira sei?

13 Dzimwe nguva, vamwe vashumiri vakatendeka vari mu-ungano vanogona kuda rubatsiro nekuti vanenge vache-mbera, vava noutano husina kutsarukana kana kutivawirwa nedambudziko. Izvi zvinoita kuti voukama uye va-mwewo vade kuvabatsira. Kuita izvi kunoenderana nezva-kataurwa nomuapostora Johani kuti: “Munhu ane zvoku-tsigira upenyu zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa,iye oramba kumunzwira tsitsi kwazvo, kuda Mwari kunora-mba kuri maari sei? Vana vaduku, ngatiregei kudanana ne-shoko kana norurimi, asi nemabasa nechokwadi.” (1 Joh.3:17, 18; 2 VaT. 3:6-12) Kunamata kwechokwadi kunosa-nganisirawo kubatsira hama dzedu dzakatendeka dzinengedzichitambura.—Jak. 1:27; 2:14-17.

14 Mutsamba yake yokutanga kuna Timoti, muapostoraPauro akatsanangura kuti rubatsiro rwungapiwa sei ku-ne vakakodzera. Unogona kuverenga zvaakataura zviri pa-na 1 Timoti 5:3-21. MuKristu mumwe nomumwe ane ba-sa rokutarisira vomumhuri yake. Vaya vanenge vakura kana

ZvapupuzvaJehovhazvinoonaseropafadzokushandisakwazvinoita mariuye zvinhu zvavokuti vatsigire basarokuparidza

KUTSIGIRA BASA ROUMAMBO MUNYIKA MEDU UYEWO PASI ROSE 119

kuti vane utano husina kutsarukana vanofanira kuchenge-twa nevana, vazukuru kana kuti vamwe voukama. Dzimwenguva panogona kunge paine masangano anopa ruyamu-ro, saka voukama nevamwe vanogona kumubatsira kutiawane ruyamuro rwacho. Asi dzimwe nguva ungano ino-gona kuona zvakakodzera kuti ipe rubatsiro kuhama ne-hanzvadzi dzinotambura asi dzava nenguva yakareba dzi-chishumira Jehovha dzakatendeka. Kana pasina voukamavanogona kubatsira kana kuti pasina rubatsiro runobva ku-hurumende, dare revakuru rinogona kuona kana zvichiitakuti ungano ibatsire. VaKristu vanoona seropafadzo kuba-tsira vaya vanenge vachitambura.

15 Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinogona kusiyiwadzisisina chokubata pamusana pokutambudzwa, hondo,kudengenyeka kwenyika, mafashamo, nzara kana mamwematambudziko anowira vakawanda mumazuva ano okupe-dzisira. (Mat. 24:7-9) Ungano dziri pedyo dzinogona kungedzisina chokuvapa, saka Dare Rinotungamirira rinoita uro-ngwa hwokuti hama dziri kune dzimwe nyika dzibatsire. Izvizvakafanana nezvakaitwa nevaKristu vokuAsia Minor va-kabatsira hama dzavo dzokuJudhiya nezvokudya munguvayenzara. (1 VaK. 16:1-4; 2 VaK. 9:1-5) Kana tikaita izvi, ti-noratidza kuti tinoda hama dzedu uye kuti tiri vadzidzi ve-chokwadi vaJesu Kristu.—Joh. 13:35.

MABHUKU16 MaBhaibheri uye mabhuku zvinoita basa rinokosha pa-

kuparadzira shoko roUmambo. Kakawanda dare revaku-ru rinosarudza mushumiri anoshumira kuti aone nezvema-bhuku eungano uye mumwe aonewo nezvemagazini. Hamadzinotarisira mabhuku kana magazini aya dzinoita basa ra-dzo nemwoyo wose. Vanonyora kuti ungano iri kutora ma-

120 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

bhuku kana magazini akawanda sei kuti vazive kuti vozo-kumbira akawanda sei.

17 SevaKristu vakazvitsaurira, tinoziva kuti zvose zvatina-zvo zvakadai senguva, utano, pfungwa, matarenda, kunya-nge upenyu, zvipo zvinobva kuna Mwari uye zvinofanirakushandiswa pakumushumira. (Ruka 17:10; 1 VaK. 4:7) Ti-kashandisa zvakanaka zvose zvatiinazvo, tinenge tichira-tidza kuda kwatinoita Jehovha. Chido chedu ndechokuku-dza Jehovha tichishandisa zvinhu zvinokosha zvatiinazvo,tichiziva kuti anofadzwa nechero chatinomuitira chinorati-dza kuti takazvipira kwaari nomweya wose. (Zvir. 3:9; Mako14:3-9; Ruka 21:1-4; VaK. 3:23, 24) Jesu akati: “Makaga-muchira pachena, ipai pachena.” (Mat. 10:8) Patinozvipirauye patinoshandisa zvatiinazvo pakushumira Jehovha, ti-nobva tanyanyawo kufara.—Mab. 20:35.

KUTSIGIRA BASA ROUMAMBO MUNYIKA MEDU UYEWO PASI ROSE 121

SEVASHUMIRI vakazvitsaurira kuna Mwari, tinofanira kuitakuti zvose zvatinotaura nezvatinoita zvikudze Jehovha. Mu-apostora Pauro akatiudza zvatinofanira kuita paakanyorakuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita cherochimwe chinhu chipi zvacho, itai zvinhu zvose kuti Mwariakudzwe.” (1 VaK. 10:31) Izvi zvinosanganisira kuramba ti-chiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha izvo zvinoratidzaunhu hwake hwakakwana. (VaK. 3:10) Tinofanira kuva va-tevedzeri vaMwari sevanhu vatsvene.—VaEf. 5:1, 2.

2 Achida kuti vaKristu vazive nezveizvi, muapostora Pa-uro akanyora kuti: “Sevana vanoteerera, regai kuzvienza-nisa maererano nokuchiva kwamaimbova nakwo kare pa-kusaziva kwenyu, asi, maererano noMutsvene akakudanai,imi ivaiwo vatsvene pamufambiro wenyu wose, nokuti zva-kanyorwa kuti: ‘Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini ndi-ri mutsvene.’ ” (1 Pet. 1:14-16) Sezvaitarisirwa kuvaIsraeri,vanhu vari muungano yechiKristu vanofanira kuramba va-ri vatsvene. Izvi zvinoreva kuti vanofanira kuramba vaka-chena, vasina kusvibiswa nechivi uye nenyika. Saka vano-bva vakodzera kuita basa dzvene.—Eks. 20:5.

3 Kuti tirambe tiri vatsvene tinofanira kuramba tichitee-rera mitemo nemazano aJehovha zvinotaurwa zvakajekamuMagwaro Matsvene. (2 Tim. 3:16) Kudzidza kwatakaitanezvaJehovha uye nzira dzake muBhaibheri kwakaita ku-ti timude. Kwakaitawo kuti tione kukosha kwokutanga ku-tsvaka Umambo hwaMwari uye kuita zvaanoda. (Mat. 6:33;

CHITSAUKO 13

“Itai Zvinhu ZvoseKuti Mwari Akudzwe”

122 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

VaR. 12:2) Saka zvinoda kuti tipfeke unhu hutsva.—VaEf.4:22-24.

MANAMATIRO UYE TSIKA ZVAKACHENA4 Kuita zvinodiwa naJehovha hakusi nyore nguva dzose.

Muvengi wedu, Satani Dhiyabhorosi anoda kutibvisa pa-chokwadi. Dzimwe nguva zvakaipa zviri munyika uyewo chi-do chokutadza chiri matiri zvinotivhiringidza. Tinofanira ku-rwa hondo yokunamata kana tichizorarama zvinoendera-na nokuzvitsaurira kwatakaita. Magwaro anotiudza kuti ti-sashamisika kana tikashorwa kana kuti tikasangana nemi-edzo. Kana tichiita zvakarurama, tichatofanira kutambura.(2 Tim. 3:12) Tinogona kufara patinenge tichiedzwa, noku-ti tinoziva kuti miedzo iyoyo inoratidza kuti tiri kuita kudakwaMwari.—1 Pet. 3:14-16; 4:12, 14-16.

5 Kunyange zvazvo Jesu aiva akakwana, kutambura kwa-akaita kwakamudzidzisa kuteerera. Hapana paakambokuri-rwa nemiedzo yaSatani kana kuti paakanzwa achida kui-ta zvinodiwa nenyika. (Mat. 4:1-11; Joh. 6:15) Haana ku-mbobvira ava nekapfungwa kokusateerera Mwari. Kunya-nge zvazvo kutendeka kwake kwakaita kuti avengwe nenyi-ka, akaramba achiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha.Ava pedyo nokufa, akanyevera vadzidzi vake kuti nyika ya-izovavengawo. Kubvira panguva iyoyo, vateveri vaJesu va-katanga kusangana nematambudziko, asi vakava noushi-ngi nokuti vaiziva kuti Mwanakomana waMwari akanga aku-nda nyika.—Joh. 15:19; 16:33; 17:16.

6 Kuti tisave venyika saTenzi wedu, tinofanira kuramba ti-chiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha. Kuwedzera paku-sapindira munyaya dzenyika, tinofanirawo kusiyana netsikadzakaora dzazara pasi rose. Tinonyatsoteerera zano riri pa-na Jakobho 1:21 rinoti: “Bvisai tsvina yose nechinhu chiya

“ITAI ZVINHU ZVOSE KUTI MWARI AKUDZWE” 123

chisingadiwi, ihwo uipi, uye gamuchirai nounyoro kusimwakweshoko rinokwanisa kuponesa mweya yenyu.” Kudzidzakwatinoita uye kupinda misangano ‘kunosima shoko’ re-chokwadi mumwoyo nemupfungwa dzedu, zvoita kuti tisa-mbofa takachiva zvinhu zvenyika. Jakobho akanyora kuti:“Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengananaMwari? Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwariyenyika anozviita muvengi waMwari.” (Jak. 4:4) Ndokusa-ka Bhaibheri richitinyevera zvakasimba kuti tirambe tichii-ta zvakarurama zvinodiwa naJehovha toramba takapara-dzana nenyika.

7 Shoko raMwari rinotinyevera kuti tisaita mabasa ano-nyadzisa uye asina unhu. Rinotiudza kuti: “Ufeve nezvinhuzvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara ngazviregekumbotaurwa nezvazvo pakati penyu, sezvinokodzera va-nhu vatsvene.” (VaEf. 5:3) Saka hatifaniri kuramba tichi-funga zvinhu zvinonyadzisa uye zvakaipa kana kuzvitaura.Tikadzivisa zvinhu izvi tinenge tichiratidza kuti tinoda ku-va netsika dzakachena uye dzakarurama dzinodiwa naJe-hovha.

UTSANANA8 Kuwedzera kumanamatiro uye tsika zvakachena, vaKri-

stu vanoziva kuti zvinokosha kugara vakachena mumuviri.Sezvo Mwari ari mutsvene, aida kuti misasa yevaIsraeri iga-re yakachena. Isuwo tinofanira kuva vakachena kuitira kutiJehovha “arege kuona chinhu chisina kunaka” patiri.—Dhe-ut. 23:14.

9 MuBhaibheri, utsvene hunofambidzana noutsanana.Somuenzaniso, Pauro akanyora kuti: “Vadiwa, zvatiine zvi-pikirwa izvi, ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisanyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.”

124 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

(2 VaK. 7:1) Saka varume ne-vakadzi vechiKristu vanofani-ra kugeza uye kugara vachiwa-cha mbatya dzavo kuti vaga-re vakachena. Upenyu hunosi-yana nyika nenyika asi sipo ne-mvura hazviwanzoshayiki ku-ti tichengete miviri yedu yaka-chena uye kuti vana vedu va-gare vakashambidzika.

10 Kazhinji vanhu vomunharaunda yatinogara vanonya-tsotiziva pamusana pebasa redu rokuparidza. Kugara dzi-mba dzedu dzakachena kunze nomukati kunoparidza ku-vavakidzani vedu. Mhuri yose inofanira kubatsirana panya-ya iyi. Hama dzinofanira kuona nezveimba uye chivanze,nokuti musha wakachena uchaita kuti zita raMwari risazvi-dzwa. Kuita izvi uye kutungamirira panyaya dzokunamatachiratidzo chokuti misoro yemhuri iri kutungamirira mhurizvakanaka. (1 Tim. 3:4, 12) Hanzvadzi dzinewo basa roku-ona kuti mumba makachena uye makarongedzwa. (Tito 2:4, 5) Kana tikanyatsodzidzisa vana vedu, zvichaita kuti va-garewo vakachena uye vatsvaire nokurongedza mudzimbadzavanorara. Nokuita izvi mhuri inenge ichidzidzira zvai-chazoita munyika itsva ichaunzwa noUmambo hwaMwari.

11 Zvapupu zvakati wandei zvinoshandisa mota pakuendakumisangano. Mune dzimwe nzvimbo hazviiti kuenda kuno-paridza pasina mota. Mota yacho inofanira kugara yaka-chena uye ichishanda zvakanaka. Mota uye dzimba dzeduzvinofanira kuratidza kuti tiri vanhu vaJehovha vakachenauye vatsvene. Bhegi redu rokuuchapupu uye Bhaibheri zvi-nofanirawo kunge zvakachena.

Sevashumirivakazvitsaurira kunaMwari, tinofanirakuita kuti zvosezvatinotauranezvatinoitazvikudze Jehovha

“ITAI ZVINHU ZVOSE KUTI MWARI AKUDZWE” 125

12 Mapfekero edu uye kushambidzika zvinofanira kuende-rana nezvinodiwa naMwari. Hatiendi kunoona munhu anechinzvimbo takapfeka zvisingaite kana kuti tiine mbatyadzepamba. Kana tisingadaro, ko kuzoti tiri mubasa romu-munda kana kuti pachikuva patinenge tichimiririra Jeho-vha! Mbatya dzatinopfeka uye kushambidzika zvinoita ku-ti vanhu varumbidze kana kuzvidza manamatiro atinoitaJehovha. Zvakanaka kuti tiite zvinhu zvine mwero uye ti-fungewo vamwe. (Mika 6:8; 1 VaK. 10:31-33; 1 Tim. 2:9, 10) Saka patinenge tichigadzirira kuenda kuushumiri, ku-misangano nokumagungano, tinofanira kufunga zvinotau-rwa neMagwaro nezvemapfekero uye kushambidzika zvinemwero. Tinoda kugara tichiremekedza uye kukudza Jeho-vha.

13 Izvi zvinoshandawo patinoshanyira mahofisi ebazieZvapupu zvaJehovha. Yeuka kuti zita rokuti Bheteri rinore-va kuti “Imba yaMwari.” Saka tinofanira kupfeka uye kuzvi-bata sezvatinoita kana tiri pamisangano paImba yoUma-mbo.

14 Kunyange patinenge tichitandara, tinofanira kupfekauye kushambidzika zvine mwero. Tinogona kuzvibvunza ku-ti, ‘Ndinonyara here kuzoparidza zvisina kurongwa pamu-sana pezvandakapfeka?’

KUZORORA UYE KUITA ZVINOTIVARAIDZA15 Kuti tive noutano, zvinoda kuti timbova nezvinotivara-

idza uye tizorore. Pane imwe nguva Jesu akaenda nevadzi-dzi vake kune imwe nzvimbo yakanyarara kuti ‘vazorore zvi-shoma.’ (Mako 6:31) Zvakanaka kumbowana nguva yoku-zorora kana kuitawo zvimwe zvinotivaraidza. Izvi zvinogo-na kuzotipa simba rokuenderera mberi nemabasa edu.

16 Zvinotivaraidza zvazvawanda, vaKristu vanofanira ku-

126 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

sarudza uye kushandisa uchenjeri hwaMwari mune zvava-noita. Nepo kuzvivaraidza kuchidiwa, hakusi chinhu chino-nyanya kukosha muupenyu. Tinonyeverwa kuti “mumazuvaokupedzisira,” vanhu ‘vachada mafaro panzvimbo pokudaMwari.’ (2 Tim. 3:1, 4) Zvakawanda zvinonzi nenyika zvino-varaidza hazvikodzeri vaya vanoda kuramba vachiita zva-karurama zvinodiwa naJehovha.

17 VaKristu vepakutanga vairarama pakati pevanhu vaidamafaro, saka ivo vaifanira kuramba zvinhu zvakadaro. Pa-mitambo yeRoma, vanhu vainakidzwa nokuona vamwe va-chitambudzwa. Chisimba, kuteura ropa, uye unzenza zvai-itwa munhandare dzacho zvichinakidza voruzhinji, asi va-Kristu vaisaenda kunzvimbo idzodzo. Zvinhu zvakadai ndi-zvowo zvazara muzvinovaraidza zvanhasi, uye vanhu varikuzvifarira. Tinofanira “kunyatsochenjerera” mafambiro ati-noita, tosiyana nezvinovaraidza zvakaipa. (VaEf. 5:15, 16;Pis. 11:5) Kunyange kana zvinovaraidza zvacho zvisina ku-ipa, vanhu vanenge varipo vanogona kunge vasina kunaka.—1 Pet. 4:1-4.

18 Pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvakanaka zvinogonakuitwa nevaKristu pakuzvivaraidza. Vakawanda vakabatsi-rwa nokuteerera zvinotaurwa neMagwaro uye mazano ano-wanika mumabhuku edu.

19 Dzimwe nguva, mhuri dzevaKristu dzinogona kuunga-na pamba pemumwe wavo dzichitandara. Hama nehanzva-dzi dzinogonawo kukokwa kuzviitiko zvakadai somucha-to. (Joh. 2:2) Anenge akoka vanhu ndiye ane basa rokuo-na kuti zvinhu zviri kufamba sei pakuungana kwacho. Zvi-ri pachena kuti kana pachizova nevanhu vakawanda pa-ne zvinoda kungwarirwa. Sezvo vanhu vanenge vakafa-ranuka, vamwe vangatadza kuzvibata sevaKristu, vogumavava kudyisa kana kunyanya kunwa kana kutoita zvimwe

“ITAI ZVINHU ZVOSE KUTI MWARI AKUDZWE” 127

zvakaipisisa. Kuti izvi zvisaitika, vaKristu vakachenjera va-noronga kuti paungane vanhu vashoma uye kuti chiitikochacho chisatora nguva yakarebesa. Kana pachizova ne-doro, rinofanira kunwiwa zvine mwero. (VaF. 4:5) Kana va-nhu vakaungana kuti vafare uye vachisimbisana pakuna-mata havazonyanyi kukoshesa kudya nokunwa.

20 Kukoka vamwe chinhu chakanaka. (1 Pet. 4:9) Patino-koka vamwe vaKristu kudzimba dzedu kuti vazodya kanakutandara, hatidi kukanganwawo vanoshaya. (Ruka 14:12-14) Kana tirisu takokwa, tinofanira kuzvibata zvinoendera-na nezano riri pana Mako 12:31. Tinofanirawo kutenda ka-na taitirwa zvakanaka nevamwe.

21 VaKristu vanopiwa zvipo zvakawanda naMwari, uye izvizvinoita kuti ‘vadye, vanwe, uye vafadzwe nezvinhu zvaka-naka pabasa ravo rose rakaoma.’ (Mup. 3:12, 13) Kana to-se, vanokoka nevanokokwa ‘tikaita zvinhu zvose kuti Mwa-ri akudzwe,’ hatizokanganwi kuungana kwatakaita tichiku-rudzirana mune zvokunamata.

ZVINHU ZVINOITWA KUCHIKORO22 Vana veZvapupu zvaJehovha vanobatsirwa nedzidzo

yokuchikoro. Chinonyanya kukosha pavanoenda kuchiko-ro ndechokuti vagone kuverenga uye kunyora. Zvimwewozvidzidzo zvavanowana ikoko zvinovabatsira pakuzozadzi-sa zvinangwa zvavo pakunamata. Panguva yavanenge va-ri kuchikoro, vachada chaizvo kuita zvose zvavanogona ku-ti ‘vayeukewo Musiki wavo Mukuru’ nokuisa zvokunamatapakutanga.—Mup. 12:1.

23 Kana uri muKristu ari kuenda kuchikoro, ngwarira kutiusapedza nguva yakawanda nevanhu vokuchikoro vasinga-namati Jehovha. (2 Tim. 3:1, 2) Tine zvakawanda zvatino-piwa naJehovha zvinotibatsira kuti tisanyengerwa nenyika.

128 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

(Pis. 23:4; 91:1, 2) Saka kuti uzvidzivirire, shandisa zvau-nopiwa naJehovha.—Pis. 23:5.

24 Zvapupu zvakawanda zvinoenda kuchikoro zvinosaru-dza kusaita zvemitambo nezvimwewo zvakangodaro kutizvirambe zvakaparadzana nenyika. Vamwe vokuchikoro uyevadzidzisi vangaomerwa kunzwisisa izvi. Asi kufadza Mwa-ri ndicho chinhu chinokosha. Kuti uite izvi, unofanira ku-shandisa hana yako yakadzidziswa neBhaibheri uye kutsu-nga kusaita zvemakwikwi kana zvenyika. (VaG. 5:19, 26)Ucharamba uchiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha ka-na ukateerera zviri muMagwaro zvaunoudzwa nevaberekivako vanotya Mwari uyewo ukashamwaridzana nevaya va-ri muungano vari kuita zvakanaka.

KUBASA UYE VATINOSHANDA NAVO25 Magwaro anopa misoro yemhuri basa rokuriritira mhu-

ri dzavo. (1 Tim. 5:8) Kunyange zvakadaro, sevashumiri va-Mwari vanoziva kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvi-nouya pokutanga, basa rova rechipiri. (Mat. 6:33; VaR. 11:13) Kuzvipira kuna Mwari uye kugutsikana nezvokudya ne-zvokupfeka kunoita kuti vasagare vachityira ramangwanakana kuwira mumusungo wokunyanya kuda zvinhu.—1 Tim.6:6-10.

26 VaKristu vose vakazvitsaurira vanoenda kubasa vano-fanira kuyeuka zvinotaurwa neMagwaro. Tinofanira kui-ta zvinhu zvakatwasuka, tisingatyori mitemo yaMwari ka-na yenyika. (VaR. 13:1, 2; 1 VaK. 6:9, 10) Tinofanira kura-mba tichiyeuka kuti kushamwaridzana nevanhu vasina ku-naka kune ngozi. Sevarwi vaKristu, hatiiti zvokutengese-rana zvinopesana nezvinodiwa naMwari, zvinotsigira zve-matongerwo enyika, kana zvinotikanganisa pakunama-ta. (Isa. 2:4; 2 Tim. 2:4) Uye hatina chatinoita chinotsigira

“ITAI ZVINHU ZVOSE KUTI MWARI AKUDZWE” 129

“Bhabhironi Guru,” muvengi waMwari.—Zvak. 18:2, 4;2 VaK. 6:14-17.

27 Kuita zvakarurama zvinodiwa naMwari kuchaita kuti ti-saona nguva dzokuungana kwedu somukana wokusha-mbadza zvebhizinesi redu kana zvimwe zvakada kudaro.Chinangwa chokuungana nevamwe pamisangano yechiKri-stu uye pamagungano ndechokungoti tinamate Jehovha.Tinonakidzwa nokudyira patafura yezvokunamata ‘tichi-kurudzirana.’ (VaR. 1:11, 12; VaH. 10:24, 25) Hapana zvi-mwe zvinofanira kuitwa pakuungana uku kunze kwezvoku-namata.

KURARAMA TAKABATANA SEVAKRISTU28 Zvimwe zvinodiwa naJehovha ndezvokuti vanhu vake

‘vachengete kubatana kwomudzimu muchisungo choruga-re.’ (VaEf. 4:1-3) Panzvimbo pokufunga zvakatinakira che-te tinofanira kufungawo zvinodiwa nevamwe. (1 VaT. 5:15)Wakatoona kuti izvi ndizvo zviri kuitika muungano yauri.Tose tinotarisirwa kubatana pasinei nokuti tiri vedzinza ri-pi, tiri venyika ipi, takadzidza kusvika papi kana kuti taka-rerwa sei. Kunyange vaya vari kunze vanoona kuti vanhuvaJehovha vakabatana.—1 Pet. 2:12.

29 Muapostora Pauro akataurawo zvinhu zvinoita kuti ti-batane pakanyora kuti: “Kune muviri mumwe chete, no-mudzimu mumwe chete, sokudanwa kwamakaitwa mutari-ro imwe chete yamakadanirwa; Ishe mumwe chete, kute-nda kumwe chete, rubhabhatidzo rumwe chete; Mwari mu-mwe chete uye Baba vevanhu vose, vari pamusoro pavoseuye kuna vose uye muna vose.” (VaEf. 4:4-6) Kuti tiratidzekuti tinoremekedza Jehovha sachangamire, zvinoda kuti ti-ve nemanzwisisiro akafanana edzidziso dzeBhaibheri, dzi-ngava dziri nyore kana dzakadzama. Zvechokwadi, Jeho-

130 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

vha ari kuita kuti vanhu vake vataure mutauro wakachena,zvoita kuti vamushumire vakabatana.—Zef. 3:9.

30 Vose vanonamata Jehovha vanozorodzwa nokubata-na uye rugare zviri muungano yechiKristu. Tiri kuona ku-zadzika kwezvakavimbiswa naJehovha zvokuti: “Ndichava-isa mudanga vakabatana, seboka rezvipfuwo.” (Mika 2:12)Tinoda kuramba takabatana nokuramba tichiita zvinodiwanaJehovha.

31 Vanofara vaya vakagamuchirwa muungano yakachenayaJehovha! Tinoita zvose zvatinogona kuti tidaidzwe nezi-ta raJehovha. Sezvatinoramba tiine ukama hwedu hunoko-sha naJehovha, tichaedza kuramba tichiita zvaanoda, uyetichizviudzawo vamwe.—2 VaK. 3:18.

“ITAI ZVINHU ZVOSE KUTI MWARI AKUDZWE” 131

GORE negore zviuru zvevanhu zvinodirana zvichiuya kui-mba yaJehovha yokunamata kwechokwadi, zvichizadzisazvakaprofitwa muBhaibheri. (Mika 4:1, 2) Tinofara chaizvokuvagamuchira ‘muungano yaMwari’! (Mab. 20:28) Vanofa-rawo kushumira Jehovha pamwe chete nesu uye kuva mu-paradhiso yezvokunamata. Mudzimu mutsvene uye maza-no ari muShoko rake zvinotibatsira kuti ungano irambe iinerugare uye yakachena.—Pis. 119:105; Zek. 4:6.

2 Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunoita kuti tive‘neunhu hutsva.’ (VaK. 3:10) Hatinyanyi kugumburiswa ne-tunyaya tuduku kana kuti kusanzwisisana kwatingava na-ko nevamwe. Kuva nemaonero aJehovha kunotibatsira ku-ti tisaita mapoka asi kuti tishande takabatana sesanganorimwe chete rinowanikwa pasi rose.—Mab. 10:34, 35.

3 Asi dzimwe nguva panogona kuitika zvinhu zvinokanga-nisa rugare uye kubatana kweungano. Zvinokonzerwa nei?Kazhinji kacho vanhu vanenge vatadza kushandisa zvino-taurwa muBhaibheri. Tose tichiri kukanganisa nokuti tinechivi. (1 Joh. 1:10) Mumwe angatadza kuzvibata kana ku-ti kutsauka pakutenda izvo zvinogona kusvibisa ungano.Tinogona kugumbura mumwe munhu nokutaura tisina ku-funga kana kuti nokuita chimwe chinhu, kana kuti ndisu ti-ngagumburwa. (VaR. 3:23) Pakadai tinofanira kuita sei ku-ti tigadzirise zvinhu?

4 Jehovha anoziva kuti zvinhu zvakadai zvinogona kuiti-ka. Shoko rake rine mazano okutibatsira kana izvi zvichinge

CHITSAUKO 14

Kuita Kuti Ungano IrambeIine Rugare Uye Yakachena

132 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

zvaitika. Vafudzi kana kuti vakuru vane rudo varipo kuti vati-batsire. Kana tikashandisa mazano avo omuBhaibheri, zvi-chaita kuti tiwirirane zvekare nehama dzedu toramba tiineukama hwakanaka naJehovha. Kana tikatsiurwa kana kura-ngwa nemhaka yezvakaipa zvatinenge taita, tinofanira ku-ziva kuti kutsiurwa ikoko chiratidzo chokuti Baba vedu vo-kudenga vanotida.—Zvir. 3:11, 12; VaH. 12:6.

KUGADZIRISA KUSANZWISISANA KUDUKU5 Dzimwe nguva vanhu vari muungano vanogona kutadza

kunzwisisana uye nyaya yacho iri dukuduku. Nyaya yachoinofanira kugadziriswa nokukurumidza uye murudo. (VaEf.4:26; VaF. 2:2-4; VaK. 3:12-14) Kakawanda kacho uchaonakuti kusanzwisisana kwaungaita nomumwe munhu womuu-ngano kunogona kugadziriswa nokushandisa zvakataurwanomuapostora Petro ‘zvokudanana kwazvo, nokuti rudo ru-nofukidza zvivi zvizhinji.’ (1 Pet. 4:8) Bhaibheri rinoti: “To-se tinokanganisa kazhinji.” (Jak. 3:2) Kana tikaitira vamwezvatinoda kuti ivo vatiitirewo, zvinova nyore kuzovakanga-nwira uye kukanganwa kusanzwisisana kuduku kwatinengetinako.—Mat. 6:14, 15; 7:12.

6 Kana ukaziva kuti mumwe munhu akagumburwa nezva-wakataura kana kuti zvawakaita, unofanira kukurumidzakugadzirisa nyaya yacho. Yeuka kuti kusawirirana kwau-noita nehama yako kunogona kukanganisa ukama hwakonaJehovha. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Zvino, ka-na uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri iko-ko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chakoipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve no-rugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.”(Mat. 5:23, 24) Zvimwe panenge pasitorina nyaya hombe.Saka haufaniri kunyararira munhu wacho. Kana vanhu vose

KUITA KUTI UNGANO IRAMBE IINE RUGARE UYE YAKACHENA 133

muungano vakagara vachitaurirana vakasununguka, kusa-nzwisisana kunoita kushoma uye kana kukamuka zvinovanyore kukugadzirisa.

KUPA ZANO REMUMAGWARO7 Dzimwe nguva vatariri vanoona zvakakodzera kupa mu-

nhu zano kuti achinje maitiro ake. Asi hazvisi nyore nguvadzose. Muapostora Pauro akanyora tsamba kuvaKristu vo-kuGaratiya achiti: “Hama, kunyange mumwe munhu akada-rika asati azviziva, imi mune zvinodiwa zvomudzimu edzaikururamisa munhu akadaro nounyoro.”—VaG. 6:1.

8 Kana vatariri vakafudza boka, ungano ichadzivirirwa ku-ti isakanganiswa pakunamata uye hapazovi nematambu-dziko akakura. Vakuru vanoedza kuti basa ravo rienderanenezvakataurwa naJehovha achishandisa Isaya kuti: “Mu-mwe nomumwe achava senzvimbo yokuvanda mhepo ne-nzvimbo yokuvanda dutu rine mvura, sehova dzemvura pa-nyika isina mvura, somumvuri weibwe guru panyika yafanenyota.”—Isa. 32:2.

KUCHERECHEDZA VASINGAFAMBI ZVAKAKODZERA9 Muapostora Pauro akanyevera kuti paizova nevanhu va-

izokanganisa vamwe muungano. Akati: “Tiri kukurayirai . . .kuti mubve pahama imwe neimwe inofamba zvisina kuko-dzera uye zvisingaenderani netsika yamakagamuchira kwa-tiri.” Akajekesa mashoko aya paakati: “Kana paine munhuasingateereri shoko redu riri kuuya netsamba ino, rambaimuchimucherechedza, regai kushamwaridzana naye, kutianyare. Regai kumuona somuvengi, asi rambai muchimu-rayira sehama.”—2 VaT. 3:6, 14, 15.

10 Dzimwe nguva munhu anogona kunge asiri kuita chivichakanyanya kukura chingaita kuti adzingwe muungano asi

134 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

achiratidza pachena kusare-mekedza mitemo yaMwari ino-fanira kutevedzerwa nevaKri-stu. Izvi zvinosanganisira kuvanyope yemakoko, kungoshorazvose zvose kana kuti ucha-pa. Anogona kunge ‘achipindi-ra mune zvisinei naye.’ (2 VaT.3:11) Kana kuti anenge achi-ronga kuwana zvinhu kune va-mwe zvechitsotsi kana kuti achivaraidzwa nezvinhu zviripachena kuti hazvina kukodzera. Maitiro ake anenge akai-pa zvokuti anozvidzisa ungano uye kukanganisa vamwe va-Kristu.

11 Vakuru vachatanga vaedza kubatsira munhu akadarovachishandisa Magwaro. Asi kana akaramba achiomesamusoro achiita zvinhu zvinopesana neMagwaro nepo aba-tsirwa kakawanda, vakuru vangaona zvakakodzera kuti va-pe hurukuro yokunyevera. Vakuru vachashandisa uchenjerikuti vaone kana nyaya yacho yakanyanya kukura uye ichi-kanganisa ungano zvokuti hurukuro yokunyevera inofanirakupiwa. Mukurukuri wacho achaonesa zvinotaurwa neMa-gwaro nezvemufambiro wacho asi haazotauri zita romunhuwacho. Vanoziva nyaya yacho iri kutaurwa muhurukuro va-charamba vachiita zvinhu zvine chokuita nokunamata na-ye, ‘vachimurayira sehama’ asi havazoshamwaridzani naye.

12 Ungano inotarisirwa kuti itevedzere zvinenge zvatau-rwa muhurukuro nokuti zvinobatsira anenge arasika ku-ti anyare nemaitiro ake obva achinja. Kana munhu wachoanyatsoratidza kuti asiya maitiro ake, panenge pasisinachikonzero chokuti arambe achionekwa seane muchere-chedzo.

Tikaita kuti unganoirambe iine rugareuye yakachena,tinoramba tichiitakuti chokwadichoUmambochipenye

KUITA KUTI UNGANO IRAMBE IINE RUGARE UYE YAKACHENA 135

ZVINGAITWA KANA VANHU VATADZIRANA13 Kusangoti nangananga nekukanganisirwa kwatinenge

taitirwa hazvirevi kuti hatitomborina kana hanya nazvo.Hatifaniri kupomera chivi pazvose zvinokanganiswa; uyehazvina kunaka kuti hama kana kuti ungano ifuratire zva-kaipa zvinenge zvaitwa. (Revh. 19:17; Pis. 141:5) Mutemowakapiwa vaIsraeri wairatidza kuti mhosva dzinosiyana-si-yana kukura kwadzo uye ndizvowo zvinoitika muunganoyechiKristu.—1 Joh. 5:16, 17.

14 Jesu akataura matanho atinofanira kutora kuti tigadzi-rise kana tatadzirana nomumwe muKristu. Matanho achondeaya: “Kana hama yako ikatadza, [1] enda ubudise pa-chena mhosva yake iwe naiye muri moga. Kana ikakutee-rera, wawana hama yako. Asi kana ikasateerera, [2] endanomumwe kana vamwe vaviri, kuti nyaya imwe neimwe isi-mbiswe kana papupurirwa nezvapupu zviviri kana zvitatu.Kana ikasavateerera, [3] taura neungano. Kana ikasatee-rera kunyange ungano, ngaive kwauri somunhu wemamwemarudzi uye somuteresi.”—Mat. 18:15-17.

15 Kana tikatarisa muenzaniso wakazotaurwa naJesu pa-na Mateu 18:23-35, zvinoratidza kuti chimwe chezvivi zvi-notaurwa pana Mateu 18:15-17 chinosanganisira nyayadzemari, dzakadai sokutadza kubhadhara chikwereti kanakuti kutsotsa munhu. Inogonawo kunge iri nyaya yokuche-ra mumwe zvokuti zvinogona kutosvibisa zita rake.

16 Kana uine uchapupu hwokuti mumwe munhu ari mu-ungano akakutadzira zvakadaro, usakurumidza kuendakunoudza vakuru, uchivakumbira kuti vapindire munyayayako. Jesu akati tanga wataura nomunhu wacho akaku-tadzira. Edzai kugadzirisa nyaya yacho muri vaviri musi-ngabatanidzi mumwe munhu. Yeuka kuti Jesu haana kuti‘enda kamwe chete wobudisa pachena mhosva yake.’ Sa-

136 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ka kana munhu wacho asingabvumi mhosva yake uye asi-ngadi kukumbira ruregerero, zvinganaka kuzodzoka paneimwe nguva wotaurazve naye. Kana nyaya yacho ikagadzi-risika, munhu wacho achafara chaizvo kuti hauna kuudzavamwe nezvenyaya yake kana kusvibisa zita rake muunga-no. Unenge “wawana hama yako.”

17 Kana mutadzi wacho akabvuma mhosva yake, akaku-mbira ruregerero, otora matanho okugadzirisa nyaya ya-cho, panenge pasisina chikonzero chokutora rimwe danho.Kunyange zvazvo nyaya yacho yanga iri hombe, nyaya dzo-rudzi urwu dzinogona kugadziriswa nevanhu vatadziranapachavo.

18 Kana watadza kuwana hama yako “iwe naiye muri mo-ga,” unogona kuita sezvakataurwa naJesu ‘zvokuenda no-mumwe kana vamwe vaviri,’ wotaurazve nehama yako. Va-unoenda navo vanofanira kuvawo nechinangwa chokutiuwane hama yako. Zvingava zvakanaka kuti vave zvapupuzvinonyatsoziva nezvenyaya yacho, asi kana pasina anozi-va, unogona kukumbira munhu mumwe chete kana vavirikuti vave zvapupu pamunenge muchikurukura nyaya yacho.Vangava noruzivo panyaya dzakada kufanana neiri kuku-rukurwa uye vangagona kuona kana munhu wacho aka-kanganisa zvechokwadi. Vakuru veungano vanenge vasa-rudzwa kuti vave zvapupu munyaya yacho vanenge vasirikumiririra ungano nokuti havana kutumwa nedare reva-kuru.

19 Kana waedza kugadzirisa nyaya yacho nokutaurirananaye muri moga, waenda nemumwe kana vaviri asi zvora-mba uye uchiri kungonzwa kuti haugoni kungoisiya yaka-daro, unofanira kutaurira vakuru veungano. Yeuka kuti chi-nangwa chavo ndechokuita kuti ungano irambe iine rugareuye yakachena. Kana waudza vakuru, chisiya nyaya yacho

KUITA KUTI UNGANO IRAMBE IINE RUGARE UYE YAKACHENA 137

mumaoko avo wovimba naJehovha. Usambofa wabvumi-ra kuti zvinoitwa nemumwe munhu zvikutadzise kunama-ta kana kukushayisa mufaro pakushumira Jehovha.—Pis.119:165.

20 Vafudzi vachaongorora nyaya yacho. Kana zvikaone-kwa kuti munhu wacho akakutadzira zvechokwadi uye ha-asi kuda kupfidza uye kuedza kugadzirisa nyaya yacho, zvi-ngava zvakanaka kuti dare revatariri ridzinge muunganomutadzi wacho asingapfidzi. Nokuita izvi vanodzivirira ma-kwai voita kuti ungano irambe yakachena.—Mat. 18:17.

KUGADZIRISA MHOSVA DZAKANYANYA KUKURA21 Zvivi zvakakura zvakadai seunzenza, upombwe, ungo-

chani, kumhura, kutsauka pakutenda, kunamata zvidhorinezvimwewo zvakadaro hazvingopereri pakuti anenge ata-dzirwa akanganwire mutadzi. (1 VaK. 6:9, 10; VaG. 5:19-21) Sezvo manamatiro uye kuchena kweungano zvichigo-na kuzokanganiswa, vakuru vanofanira kuudzwa zvivi zva-kakura kudaro vozvigadzirisa. (1 VaK. 5:6; Jak. 5:14, 15)Vamwe vanoreurura zvivi zvavo kuvakuru kana kuti vano-taura zvevamwe. (Revh. 5:1; Jak. 5:16) Pasinei nokuti vaku-ru vachaudzwa sei nezvemhosva dzakanyanya kukura dzi-nenge dzaitwa nemuparidzi akabhabhatidzwa, vakuru vavirivachatanga kuongorora nyaya yacho. Kana vakaona kutizvavakaudzwa ichokwadi uye kuti pane uchapupu hunora-tidza kuti chivi chakakura chakaitwa, dare revakuru richa-ronga kuti pave nedare rinotonga nyaya yacho rine vakuruvasiri pasi pevatatu.

22 Vakuru vanotarisira makwai, vachiedza kuadzivirira pa-ne zvose zvinogona kuakanganisa pakunamata. Vanoe-dzawo kushandisa Shoko raMwari zvine unyanzvi paku-tsiura vose vanenge vatadza voita kuti vavezve noukama

138 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

hwakanaka naMwari. (Jud. 21-23) Izvi zvinoenderana ne-mirayiridzo yakanyorerwa Timoti nomuapostora Pauro ku-ti: “Ndinokurayira kwazvo pamberi paMwari naKristu Je-su, achatonga vapenyu nevakafa, . . . tsiura, ranga, rayira,nomwoyo murefu nounyanzvi hwokudzidzisa.” (2 Tim. 4:1, 2) Kuita izvi kungada nguva yakawanda, asi ndiro ri-mwe remabasa anokosha anoitwa nevakuru. Ungano ino-tenda chaizvo zvavanoita uye inovati “vakakodzera kuku-dzwa zvakapetwa kaviri.”—1 Tim. 5:17.

23 Pose vakuru pavanoona kuti zvechokwadi munhu aka-para mhosva, chinangwa chavo chikuru ndechokuti mu-tadzi wacho avezve noukama hwakanaka naMwari. Kanaakanyatsopfidza uye vachikwanisa kumubatsira, kumutsiu-ra kwavanomuita ari oga kana kuti pamberi pevanhu va-nenge vauya kuzopupura nezvenyaya yacho mudare, ku-chamubatsira uye zvichaita kuti vamwe vatye kuzoitawozvakafanana. (2 Sam. 12:13; 1 Tim. 5:20) Pose panotsiu-rwa munhu nedare, pane zvaanonzi ambomira kuita. Sakamutadzi wacho anobatsirwa kugadzirira tsoka dzake “nzi-ra dzakarurama.” (VaH. 12:13) Nokufamba kwenguva, ka-na zvichioneka kuti munhu wacho ava kuita zviri nani pa-kunamata, anozonzi achiita zvaanga ambomiswa.

CHIZIVISO CHOKUTSIURA24 Kana dare rinotonga rikaona kuti munhu apfidza asi

zvimwe nyaya yacho ichazivikanwa muungano kana mu-nharaunda kana kuti kana ungano ichifanira kunyeverwanezvake, chiziviso chipfupi chichapiwa pamusangano We-ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Chinofanirakuti: “[Zita romunhu wacho] atsiurwa.” Murongi mudarerevakuru anofanira kutanga aona chiziviso chacho chisatichapiwa.

KUITA KUTI UNGANO IRAMBE IINE RUGARE UYE YAKACHENA 139

KANA PAKASARUDZWA KUTI ADZINGWE25 Dzimwe nguva, mutadzi anenge anyura muchivi chake

zvoita kuti atadze kuteerera zvinenge zvichiitwa kuti aba-tsirwe. ‘Mabasa akakwana anokodzera rupfidzo’ anogonakusaoneka panguva yaanenge achitongwa. (Mab. 26:20)Saka zvofambiswa sei? Pakadaro, zvakakodzera kudzingamutadzi asingapfidzi muungano, zvoita kuti arege kuwa-dzana nevanhu vaJehovha vakachena. Kana mutadzi aka-bviswa muungano zvichaita kuti ungano irambe yakache-na pakunamata uye patsika. (Dheut. 21:20, 21; 22:23, 24)Paakaziva nezvemabasa anonyadzisa emumwe munhu ai-va muungano yomuKorinde, muapostora Pauro akarayiravakuru kuti ‘vaise munhu akadaro kuna Satani, kuitira ku-ti mudzimu weungano uchengetedzwe.’ (1 VaK. 5:5, 11-13)Pauro akataurawo nezvokudzingwa muungano yechiKristuyepakutanga kwevamwe vakanga vapandukira chokwadi.—1 Tim. 1:20.

26 Kana zvikaoneka kuti mutadzi asingapfidzi anofanirakudzingwa, dare rinotonga rinofanira kumuudza nezva-zvo, richinyatsomutaurira zvikonzero zviri muMagwaro zva-ita kuti adzingwe. Dare racho rinofanira kumuudza ku-ti kana achifunga kuti pane zvakakanganiswa pakutongauye achida kukwidza nyaya yake, anofanira kunyora tsa-mba achinyatsotaura zvikonzero zvaari kukwidzira nyayayake. Anopiwa mazuva 7 okuita izvi kubva pamusi waanou-dzwa zvinenge zvasarudzwa nedare racho. Kana dare reva-kuru ragamuchira tsamba yake richabva rataura nomutaririwedunhu, uyo anozosarudza vakuru vanokwanisa kuti va-tongezve nyaya yacho. Vachaedza zvose zvavanogona ku-ti vatonge nyaya yacho vhiki imwe chete isati yapera kubvapavanogamuchira tsamba iyi. Pakadai chiziviso chokudzi-nga chinombomira kupiwa. Panguva iyi, munhu wacho ari

140 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

kupomerwa achambonzi arege kupindura kana kunyenge-tera pamisangano kana kuita zvimwe zvinhu kunze kweku-paridza.

27 Zvinoratidza mutsa kubvumira munhu kuti akwidzenyaya yake zvoita kuti ataure mafungiro ake. Saka kanamutadzi akarega nemaune kuuya kudare racho, chizivisochokudzinga chinofanira kupiwa pashure pokunge vambo-edza zvose zvavanogona kuti vataure naye.

28 Kana mutadzi asingadi kukwidza nyaya yake, dare ri-notonga richamutsanangurira kukosha kwokupfidza uyewomatanho aanogona kutora kuti nokufamba kwenguva azo-dzorerwa. Izvi zvinobatsira uye zvinoratidza mutsa uye zvi-nofanira kuitwa pachitarisirwa kuti achachinja maitiro akezvokuti anozodzorerwa musangano raJehovha.—2 VaK. 2:6, 7.

CHIZIVISO CHOKUDZINGA29 Kana zvakakodzera kudzinga mutadzi asingapfidzi, chi-

ziviso chipfupi chinopiwa, chichiti: “[Zita romunhu wacho]haasisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Hapana zvi-mwe zvinofanira kutaurwa. Izvi zvichaita kuti ungano iregekuwadzana naye. (1 VaK. 5:11) Murongi mudare revakuruanofanira kutanga aona chiziviso chacho chisati chapiwa.

KUZVIBVISA MUSANGANO30 Munhu anonzi ‘azvibvisa musangano’ anenge ari mu-

nhu akabhabhatidzwa asi ozoramba kuva muKristu achi-taura kuti haachadi kunzi Chapupu chaJehovha. Kana kutianenge ava kuita zvinhu zvakadai sokuva nhengo yesanga-no renyika rine zvinangwa zvinopesana nezvinodzidziswaneBhaibheri uye risingadiwi naJehovha Mwari.—Isa. 2:4;Zvak. 19:17-21.

KUITA KUTI UNGANO IRAMBE IINE RUGARE UYE YAKACHENA 141

31 Muapostora Johani akanyora nezvevanhu vomunguvayake vakasiya kutenda kwavo kwechiKristu achiti: “Ivo va-kabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu; nokuti kudaivakanga vari vamwe vedu, vangadai vakaramba vari pa-mwe chete nesu.”—1 Joh. 2:19.

32 Kana munhu azvibvisa musangano, Jehovha anengeava kumuona zvakatosiyana nemuKristu asingachaiti ba-sa, uya asingachaendi kunoparidza. Munhu anogona kure-ga kuita basa pamusana pokuti haagari achidzidza ShokoraMwari. Kutambudzwa kana kuti matambudziko aari ku-sangana nawo zvinogonawo kuita kuti arege kushingairapakushumira Jehovha. Vakuru pamwe chete nevamwe va-ri muungano vacharamba vachimubatsira mune zvokuna-mata.—VaR. 15:1; 1 VaT. 5:14; VaH. 12:12.

33 Asi kana muKristu akasarudza kuzvibvisa musangano,ungano inopiwa chiziviso chipfupi chinoti: “[Zita romunhuwacho] haasisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Munhuakadaro anobatwa sezvinongoitwa akadzingwa. Murongimudare revakuru anofanira kutanga aona chiziviso chachochisati chapiwa.

KUDZORERWA34 Munhu akadzingwa kana kuti akazvibvisa musangano

anogona kudzorerwa kana akaratidza kuti zvechokwadiapfidza uye kuti asiya maitiro ake akaipa. Anenge ava kura-tidza kuti ava kuda kuva noukama hwakanaka naJehovha.Vakuru vanofanira kupa munhu wacho nguva yakakwanayokuratidza kuti anyatsopfidza. Vanogona kumupa mwedziyakawanda, gore kana kuti makore. Dare revakuru parino-gamuchira tsamba yokukumbira kudzorerwa, kana zvichi-ita dare rakatanga kutonga nyaya yacho ndiro rinofanirakutaura nomunhu wacho. Dare racho richaongorora kuti ri-

142 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

one kana achiratidza “mabasa anokodzera rupfidzo” rosa-rudza kuti odzorerwa here kana kuti kwete.—Mab. 26:20.

35 Kana munhu akadzingwa akatamira kune imwe unga-no uye okumbira kudzorerwa, dare rinotonga romuunganoyaava rinofanira kuonana naye ronzwa chikumbiro chake.Dare racho rinobva razotaura nedare revakuru veunganoyaakadzingirwa, richivaudza maonero avari kuita. Matareaya achashanda pamwe chete kuti ave nechokwadi cho-kuti ajekerwa nezvavanoda kuziva zvoita kuti vazoita chi-sarudzo chakarurama. Asi dare rakatanga kutonga nyayayacho ndiro rinosarudza kuti adzorerwe. Kana vamwe va-kuru vaimbova mudare racho vakatama kana kuti vasisirivakuru, vamwe vakuru vomuungano iyoyo vanogona kusa-rudzwa kuti vavatsive.

CHIZIVISO CHOKUDZORERWA36 Kana dare rinotonga rikaona kuti munhu akadzingwa

apfidza zvechokwadi uye anofanira kudzorerwa, unganoyaakadzingirwa inopa chiziviso chokudzorerwa. Kana mu-nhu wacho ava kune imwe ungano, chiziviso chacho chi-nopiwawo zvakare kuungano iyoyo. Chinofanira kungoti:“[Zita romunhu wacho] adzorerwa kuti ave mumwe weZva-pupu zvaJehovha.” Murongi mudare revakuru anofanira ku-tanga aona chiziviso chacho chisati chapiwa.

VANA VADUKU VAKABHABHATIDZWA PAVANOITA CHIVI37 Vakuru vanofanira kuudzwa nezvechivi chakakura chi-

noitwa nemwana muduku akabhabhatidzwa. Pavanotongamhosva yakakura inobatanidza mwana, zvinenge zvakana-ka kuti vabereki vomwana wacho vavepo kana vakabha-bhatidzwa. Vanofanira kushandira pamwe nedare rinoto-nga, vasingavharidziri mwana wacho kuti asarangwa. Dare

KUITA KUTI UNGANO IRAMBE IINE RUGARE UYE YAKACHENA 143

racho rinoedza kutsiura uye kubatsira mwana wacho kutiadzoke sezvinongoitwawo munhu mukuru anenge aita chi-vi. Asi kana mwana wacho asingapfidzi anodzingwa.VAPARIDZI VASATI VABHABHATIDZWAPAVANOITA CHIVI

38 Ko kana muparidzi asati abhabhatidzwa akaita chi-vi chakakura? Sezvo asati abhabhatidzwa, haagoni kudzi-ngwa. Anogona kunge asiri kunyatsonzwisisa mitemo ye-Bhaibheri, asi akanyatsobatsirwa, anogona kugadziriratsoka dzake “nzira dzakarurama.”—VaH. 12:13.

39 Kana muparidzi asati abhabhatidzwa asingapfidzi asivakuru vaviri vamboedza kumubatsira, ungano inofanirakuziviswa. Chiziviso chipfupi chinopiwa chichiti: “[Zita ro-munhu wacho] haasisiri muparidzi asina kubhabhatidzwa.”Ungano ichabva yaona mutadzi wacho somunhu wenyi-ka. Kunyange zvazvo munhu wacho asingadzingwi, vaKri-stu vanofanira kungwarira pakuwadzana naye. (1 VaK. 15:33) Mishumo yake yebasa romumunda haizogamuchirwi.

40 Nokufamba kwenguva, munhu asati abhabhatidzwa(mwana kana kuti munhu mukuru) anenge akabviswa pa-kuva muparidzi angazodazve kuva muparidzi. Pakadaro,vakuru vaviri vachataura naye voona kana afambira mbe-ri pakunamata. Kana vakaona zvakakodzera, chiziviso chi-pfupi chinopiwa, chichiti: “[Zita romunhu wacho] avazvemuparidzi asina kubhabhatidzwa.”JEHOVHA ANOKOMBORERA KUNAMATAKUNE RUGARE UYE KWAKACHENA

41 Vose vari muungano yaMwari vanofara nokuti vari mu-paradhiso yezvokunamata yavakagadzirirwa naJeho-vha. Mafuro edu ezvokunamata akanyatsosvibirira uye tinemvura yakawanda yechokwadi inotizorodza. Jehovha ano-

144 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

tidzivirirawo achishandisa sangano rake rinotungamirirwanaKristu. (Pis. 23; Isa. 32:1, 2) Kunyange tichirarama mu-mazuva ano okupedzisira ane matambudziko, kuva kwedumuparadhiso yezvokunamata kuri kuita kuti tinzwe taka-chengeteka.

42 Tikaita kuti ungano irambe iine rugare uye yakache-na, tinoramba tichiita kuti chokwadi choUmambo chipenye.(Mat. 5:16; Jak. 3:18) Kuuya kucharamba kuchiita vanhuvakawanda musangano vachizoshumira Mwari kunoratidzakuti Jehovha ari kutikomborera.

KUITA KUTI UNGANO IRAMBE IINE RUGARE UYE YAKACHENA 145

KANA tichizova vanhu vakarongeka pakuita zvinoda Je-hovha, tinofanira kuzviisa pasi pake sezvo ari iye Cha-ngamire wezvose. Tinofanirawo kuzviisa pasi poMwana-komana wake Jesu, nokuti ndiye musoro weungano ye-chiKristu. Uye zvakakosha kuti tiremekedze urongwa hwo-kuzviisa pasi mune zvimwewo zvinhu zvakasiyana-siyanamuupenyu. Kana tikaita izvi, zvinhu zvinotifambira zvaka-naka.

2 Nyaya yokuti vanhu vazviise pasi yakatangira mumu-nda weEdheni. Tinoona izvi pamirayiro yaMwari iri panaGenesisi 1:28 na2:16, 17. Mhuka dzaifanira kuzviisa pa-si pevanhu, uye Adhamu naEvha vaifanira kuzviisa pasipaMwari vachiita zvaanoda. Kuita izvi kwaizoita kuti pavenorugare uye zvinhu zvifambe zvakanaka. Nyaya iyi yoku-zviisa pasi inobuda zvakare pana 1 VaKorinde 11:3. Mu-apostora Pauro akanyora kuti: “Ndinoda kuti muzive ku-ti musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro wo-mukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” Izvizvinoratidza kuti kunze kwaJehovha, munhu wose ane wa-anofanira kuzviisa pasi pake.

3 Mazuva ano vanhu vakawanda havazviisi pasi. Nemha-ka yei? Dambudziko racho rakatangira muEdheni AdhamunaEvha pavakasarudza kuti havadi kuzviisa pasi paMwa-ri. (Gen. 3:4, 5) Asi pane kuti vawane rusununguko rwa-vaifungidzira, vakatozviisa pasi pechisikwa chisingaonekiuye chakaipa, Satani Dhiyabhorosi. Kupanduka kwavakai-

CHITSAUKO 15

Kuzviisa Pasi PourongwahwaMwari Kwakanakirei?

146 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ta uku ndiko kwakaita kuti vanhu vaparadzaniswe naMwa-ri. (VaK. 1:21) Izvi ndizvo zviri kuita kuti vanhu vakawa-nda varambe vachitongwa neakaipa.—1 Joh. 5:19.

4 Kudzidza chokwadi chiri muShoko raMwari uye kuitazvarinotiudza ndiko kunoita kuti tirambe kutongwa na-Satani. Sezvo takazvitsaurira tikabhabhatidzwa seZvapu-pu, tinobvuma kuti Jehovha ndiye Changamire wedu. Ti-nobvuma kuti Jehovha ndiye “mukuru wezvose” sezvaka-itwa naMambo Dhavhidhi. (1 Mak. 29:11) Tinotaura pa-chena kuti: “Zivai kuti Jehovha ndiMwari. Ndiye akatisika,kwete isu pachedu. Isu tiri vanhu vake nemakwai emafu-ro ake.” (Pis. 100:3) Tinobvuma kuti Jehovha mukuru uyekuti akakodzera kuti tinyatsozviisa pasi pake, nokuti ndi-ye akasika zvinhu zvose. (Zvak. 4:11) Sevashumiri vaMwa-ri wechokwadi, tinotevedzera Jesu Kristu uyo akaratidzazvakakwana kuti kuzviisa pasi paMwari kunoitwa sei.

5 Jesu akadzidzei nokutambura kwaakaita pano panyi-ka? VaHebheru 5:8 inoti: “Kunyange zvazvo akanga ariMwanakomana, akadzidza kuteerera pazvinhu zvaakata-mbura.” Akaramba achizviisa pasi paBaba vake vokude-nga kunyange pazvaiva zvakaoma. Uyezve, haana kumbo-ita kana chinhu chimwe chete chaakazvitangira oga. Ha-ana kumbotaura zvake oga, uye haana kutsvaka kuti aku-dzwe. (Joh. 5:19, 30; 6:38; 7:16-18) Muushumiri, aifadzwanokuita kuda kwaBaba vake kunyange zvazvo aipikiswauye aitambudzwa. (Joh. 15:20) “Akazvininipisa” kusviki-ra afa “padanda rokutambudzikira.” Kuzviisa pasi kwakekwakabatsira mune zvakawanda, uye kwakaita kuti vanhuvawane upenyu husingaperi, iye wacho akwidziridzwe, uyeBaba vake vakudzwe.—VaF. 2:5-11; VaH. 5:9.

KUZVIISA PASI POURONGWA HWAMWARI KWAKANAKIREI? 147

PATINOFANIRA KUZVIISA PASIMUURONGWA HWAMWARI

6 Kana tikabvumira Mwarikutitungamirira hatizonyanyikuzvidya mwoyo kana kurwa-dziwa nezvinoitika muupenyusezvinoita vaya vanorambakutongwa naJehovha. Muve-ngi wedu Dhiyabhorosi, ano-ramba achiedza kutiparadza. Asi kana tikamurwisa, tozvi-ninipisa pamberi paJehovha, iye achatinunura kuti tisa-kundwa naDhiyabhorosi.—Mat. 6:10, 13; 1 Pet. 5:6-9.

7 Tinobvuma kuti Kristu ndiye musoro weungano, uye ku-ti akapa “muranda akatendeka, akangwara” simba. Kuzi-va izvi kunoita kuti tiremekedzane uye tibatane zvakana-ka. Kuzviisa pasi paMwari muungano kunoita kuti titeerereShoko raMwari pazvinhu zvose zvine chokuita nokunama-ta. Zvinhu zvacho zvinosanganisira ushumiri hwedu, kupi-nda misangano uye kuva nezvatinoita pamisangano yacho,kuzviisa pasi pevakuru, uye kufambirana nourongwa hwe-sangano.—Mat. 24:45-47; 28:19, 20; VaH. 10:24, 25; 13:7, 17.

8 Kuzviisa pasi paMwari kunoita kuti pave norugare, ti-nzwe takachengeteka uye kuti zvinhu zvifambe zvakanakamuungano yechiKristu. Unhu hwaJehovha hunooneka mu-vanamati vake. (1 VaK. 14:33, 40) Pamusana pokuva mu-sangano raJehovha, mumwe nomumwe wedu ane zvaaka-ona muupenyu hwake zvinoita kuti ataure mashoko akafa-nana neaMambo Dhavhidhi. Pashure pokuona musiyano uripakati pevashumiri vaJehovha nevakaipa, nomufaro Dha-vhidhi akati: “Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jeho-vha!”—Pis. 144:15.

Kuzviisapasi paMwarikunobata zvinhuzvakasiyana-siyanamuupenyu hwedu

148 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

9 Kana muri mumhuri, “musoro womukadzi murume.” Va-rume vanofanirawo kuzviisa pasi paKristu ukuwo Kristuachizviisa pasi paMwari. (1 VaK. 11:3) Madzimai anofanirakuzviisa pasi pevarume vawo uye vana vanofanira kuzviisapasi pevabereki vavo. (VaEf. 5:22-24; 6:1) Kana munhu wo-se akaremekedza urongwa uhwu, mhuri inova norugare.

10 Murume anofanira kutungamirira mhuri yake norudo,achitevedzera Kristu. (VaEf. 5:25-29) Asi kana murumeachidzvinyirira mhuri yake kana kuti asingaichengeti, mhu-ri yake ichaomerwa nokuzviisa pasi pake. Basa romudzimainderokubatsira murume wake. (Gen. 2:18) Kana akamu-tsigira nokumuremekedza, murume wake achawedzera ku-muda uye izvi zvichaita kuti Mwari akudzwe. (1 Pet. 3:1-4)Varume nemadzimai pavanotevedzera zvinotaurwa neBha-ibheri panyaya yokuzviisa pasi, vanenge vachidzidzisa va-na vavo kuteerera Mwari.

11 Kuzviisa pasi paMwari kunoitawo kuti tiremekedze “va-ne masimba makuru” nokuti “vakaiswa munzvimbo dzavodzine mwero naMwari.” (VaR. 13:1-7) VaKristu vanoteereramitemo yomunyika yavanogara nokubhadhara mitero. Pa-vanodaro vanenge vachipa “zvinhu zvaKesari kuna Kesari,asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mat. 22:21) Kuzviisa pa-si uye kuteerera vane masimba pazvinhu zvose zvisinga-tyori mitemo yaJehovha yakarurama, kunoita kuti tishandi-se simba redu rakawanda pabasa rokuparidza.—Mako 13:10; Mab. 5:29.

12 Kuzviisa pasi paMwari kunobata zvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu hwedu. Nokutenda, tinogona kuona ra-mangwana apo munhu wose anenge ava pasi paMwari.(1 VaK. 15:27, 28) Jehovha achakomborera chaizvo vayavanobvuma kutonga kwake uye vanoramba vachizviisa pa-si pake!

KUZVIISA PASI POURONGWA HWAMWARI KWAKANAKIREI? 149

KWEMAKORE anenge 1 500, Jehovha Mwari akasarudzavaIsraeri kuti vave vanhu vake. Pave paya “akafunga ne-zvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.”(Mab. 15:14) Vanhu ivavo vaizova zvapupu zvake uye vai-zova vakabatana mukufunga nezvavaiita pasinei nekwavai-gara. Kuti vanhu ivavo vazobatana, vateveri vaJesu vaifani-ra kuita basa ravakapiwa rokuti: “Endai munoita kuti vanhuvemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzitaraBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, mu-chivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mat. 28:19, 20.

2 Pawakazvitsaurira ukabhabhatidzwa wakabva wava mu-dzidzi waJesu Kristu. Wava pakati pesangano rakabatanarevaKristu vasingabvumi kuparadzaniswa nekusiyana kwe-marudzi, madzinza, kana upfumi. (Pis. 133:1) Izvi zvinoi-ta kuti ude uye uremekedze hama dzako dzechiKristu dzi-ri muungano. Zvichida kare waimbovatarisira pasi nokutindeverimwe dzinza, ndevokune imwe nyika kana kuti va-ne dzidzo yakaderera pane yako. Asi iye zvino munodana-na zvechokwadi uye ukama hwenyu hwakasimba kupfuu-ra chero ukama hupi zvahwo.—Mako 10:29, 30; VaK. 3:14;1 Pet. 1:22.

KUCHINJA MAFUNGIRO3 Kana vamwe vachiona zvakavaomera kubvisa kapfu-

ngwa kekusarura vamwe, vanogona kubatsirwa nokufungazvakaitwa nevaKristu vechiJudha avo vaimbovawo neda-mbudziko iri. Petro paakaudzwa kuti aende kumba kwemu-

CHITSAUKO 16

Sangano Rehama Dzakabatana

150 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

kuru weuto reRoma, Koneriyasi, Jehovha ane zvaakaita ku-ti amubatsire.—Mabasa, chitsauko 10.

4 Mumutemo wevaJudha pane mhuka dzaisafanira kudyi-wa nokuti dzaionekwa sedzakasviba, asi Petro pane zvaa-karatidzwa akaudzwa kuti auraye uye adye dzimwe dzacho.Paakaramba, akanzwa inzwi richibva kudenga richiti: “Regakuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” (Mab. 10:15) Kupindira kwakaita Mwari ndiko kwakabatsira Petro ku-gadzirisa mafungiro ake kuti akwanise kuenda kumba kwe-munhu akanga asiri muJudha. Petro akateerera zvaaka-nga audzwa naJehovha, achibva audza vanhu vaivapo kuti:“Munonyatsoziva kuti hazvisi pamutemo sei kuti muJudhaabatane kana kuti aswedere kune mumwe munhu werimwedzinza; asi Mwari akandiratidza kuti hapana munhu wandi-nofanira kuti akasviba kana kuti haana kuchena. Nokudarondauya, ndisingamborambi, pandashevedzwa.” (Mab. 10:28, 29) Pashure paizvozvo, Petro akaona uchapupu hwo-kuti Jehovha aida Koneriyasi nemhuri yake.

5 Sauro wokuTaso aiva muFarisi akadzidza zvikuru asi ai-fanira kuzvininipisa kuti atange kuwirirana nevanhu vaa-imboshora. Pane dzimwe nguva aitofanira kudzidziswawonevanhu ivavo. (Mab. 4:13; VaG. 1:13-20; VaF. 3:4-11) Fu-ngidzira kuchinja kwakaita mafungiro evanhu vakadai sa-Segiyo Paurosi, Dhiyonisiyo, Dhamarisi, Firimoni, Onesimo,nevamwewo pavakagamuchira mashoko akanaka vakabvavava vadzidzi vaJesu Kristu.—Mab. 13:6-12; 17:22, 33, 34;Fir. 8-20.

KURAMBA TAKABATANA MUSANGANO6 Zviri pachena kuti rudo rwawakaratidzwa nehama ne-

hanzvadzi muungano rwakakubatsira kuti uve pedyo na-Jehovha nesangano rake. Wakanyatsoona rudo ruri pakati

SANGANO REHAMA DZAKABATANA 151

pevadzidzi vechokwadi vaJe-su Kristu sezvaakataura paa-kati: “Ndiri kukupai murayiromutsva, kuti mudanane; soku-da kwandakakuitai, kuti nemi-wo mudanane. Vose vachazi-va kuti muri vadzidzi vangu ne-izvi, kana muine rudo pakatipenyu.” (Joh. 13:34, 35) Uyewakatowedzera kuda Jehovhanesangano rake pawakaonakuti rudo ruri muungano ino-ngova nzwisa kana tichienzanisa nerudo ruri musanganorehama pasi rose. Kuva kwako musangano raJehovha ku-notova kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri hwokuunga-nidzwa kwevanhu mumazuva okupedzisira kuti vanamateJehovha murugare uye vakabatana.—Mika 4:1-5.

7 Kana tichifunga nezvezvinhu zvakawanda zvinopara-dzanisa vanhu mazuva ano, ndiani aimbofungidzira kutizvaizoita kubatanidza vanhu “vanobva kumarudzi ose ne-madzinza nevanhu nendimi”? (Zvak. 7:9) Imbofunga ku-siyana kwakaita vanhu vanogara munzvimbo dzinonyanyakushandiswa zvigadzirwa zvemazuva ano nevaya vachirikuita zvechinyakare. Tarisa uone kurwisana kunoita vanhuvezvitendero kunyange vari verudzi rumwe chete. Nemhakayokukoshesa kunoita vanhu nyika yavo, vakawanda vari ku-paradzaniswa nenyaya dzezvematongerwo enyika. Pasineinezvose izvi, kubatana uye rudo rwechokwadi zvatinoonamusangano raJehovha rinoumbwa nevanhu vanobva mu-marudzi akasiyana-siyana, chishamiso chaicho chinogonakungoitwa naMwari Wemasimbaose chete.—Zek. 4:6.

Uri pakati pesanganorakabatana revaKristuvasingabvumikuparadzaniswanekusiyanakwemarudzi,madzinza, kanaupfumi

152 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

8 Kubatana uku wakakuona pawakazvitsaurira ukabha-bhatidzwa seChapupu chaJehovha. Sezvo uri kubatsirwanakwo, unofanira kuvawo nezvaunoita kuti kurambe kuri-po. Unogona kudaro kana ukaita zvakataurwa nemuapo-stora Pauro pana VaGaratiya 6:10 zvokuti: “Chero bedzi ti-ine nguva yakakodzera nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zva-kanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.”Tinoteererawo zano iri: ‘Musaita chinhu nokukakavara ka-na kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifungakuti vamwe vakuru kwamuri, musaramba muchiva nehanyanezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi muve nehanya ne-zvinhu zvinodiwawo nevamwe.’ (VaF. 2:3, 4) Kana tikadzi-dza kuona hama nehanzvadzi dzedu semaonerwo adzino-itwa naJehovha kwete nemaonero edu, ticharamba tiine ru-gare neukama hwakanaka nadzo.—VaEf. 4:23, 24.

KUVA NEHANYA NEVATINONAMATA NAVO9 Muapostora Pauro akataura muenzaniso unonyatsora-

tidza kuti vanhu vari muungano vakabatana uye vanoda-nana. (1 VaK. 12:14-26) Kana vamwe vedu vakawirwa ne-dambudziko, tose sesangano zvinotibata-batawo. Kunya-nge zvazvo vamwe vacho vachigara madaro ari kure ne-su, izvozvo hazvititadzisi kuva nehanya navo. Kana dzimwehama dzedu dzichitambudzwa, tose tinoshungurudzika.Kana vamwe vachishayiwa chokubata, vakawirwa nenjo-dzi, kana kuti nhamo dzakasiyana-siyana, tinotsvaka nziradzokuvabatsira nadzo uye kuvasimbisa mune zvokunama-ta.—2 VaK. 1:8-11.

10 Tose tinofanira kunyengeterera hama dzedu mazuvaose. Vamwe vari kutarisana nemiedzo yokuita zvakai-pa. Matambudziko evamwe anooneka asi evamwe ano-gona kunge asingazivikanwi nevanhu vakawanda. Vamwe

SANGANO REHAMA DZAKABATANA 153

vanoshorwa nevavanoshanda navo kana nevemumhuri va-siri Zvapupu. (Mat. 10:35, 36; 1 VaT. 2:14) Patinoziva izvitinorwadziwa nokuti tiri hama dziri musangano rimwe che-te. (1 Pet. 5:9) Pakati pedu pane vamwe vari kushanda ne-simba kutungamirira basa rokuparidza uye mabasa anoi-twa muungano imwe neimwe. Uyewo vamwe vari kutunga-mirira basa rinoitwa pasi rose. Vose ava vanoda kuti tiva-nyengeterere uye patinodaro tinenge tichiratidza kuti tino-vada uye kuti tine hanya navo kunyange zvazvo tisina zvi-nhu chaizvo zvatinokwanisa kuita kuti tivabatsire.—VaEf. 1:16; 1 VaT. 1:2, 3; 5:25.

11 Nemhaka yematambudziko anogara achiitika mumazu-va ano ekupedzisira, vanhu vaJehovha vanofanira kugaravakagadzirira kubatsirana. Dzimwe nguva, matambudzikoakadai sekudengenyeka kwenyika nemafashamo zvingato-da kuti vaite mabasa okuyamura akakura uye kuronga ku-ti pave nezvinhu zvakawanda zvokubatsira vamwe. VaKristuvokutanga vakatisiyira muenzaniso wakanaka panyaya iyi.Vadzidzi vaiva kune dzimwe nzvimbo vakayeuka zvakatau-rwa naJesu vachibva vatumira zvipo kuhama dzavo dzaivakuJudhiya munguva yenzara. (Mab. 11:27-30; 20:35) Mua-postora Pauro akaronga kuti zvinhu zviitwe zvakarongekapakuunganidza ruyamuro rwaidiwa. (2 VaK. 9:1-15) Mazu-va ano, hama dzedu padzinowirwa nematambudziko, sa-ngano uye vaKristu vatinonamata navo vanokurumidza ku-batsira nezvinenge zvichidiwa.

TAKASARUDZWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA12 Sangano redu rakabatana rakarongwa kuti riite zvino-

da Jehovha. Panguva ino Mwari anoda kuti mashoko aka-naka oUmambo aparidzwe pasi rose kuti ave uchapupu ku-marudzi ose. (Mat. 24:14) Patinenge tichiita basa iri, Je-

154 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

hovha anoda kuti tizvibate zvinoenderana nemitemo yake.(1 Pet. 1:14-16) Tinofanira kuremekedzana nemwoyo wo-se toshanda tiine chinangwa chokuti basa rokuparidzamashoko akanaka rienderere mberi. (VaEf. 5:21) Ino haisinguva yokuti titsvake zvakangotinakira asi ndeyekuti tiiseUmambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwedu. (Mat. 6:33) Kuramba tichifunga izvi sezvatinoshanda pamwe che-te kuti mashoko akanaka aparidzwe kuchaita kuti tifare uyetizowana makomborero asingaperi.

13 SeZvapupu zvaJehovha, takasiyana nevamwe vanhuvose vari munyika nokuti takachena uye tinoshingairiramabasa akanaka. (Tito 2:14) Kushumira kwatinoita Jeho-vha ndiko kunotisiyanisa nevamwe. Tinoshanda takabatananehama dzedu pasi rose, tinotaura mutauro mumwe che-te wechokwadi uye tinorarama zvinoenderana nezvatinopa-ridza. Jehovha akagara ataura izvi achishandisa muprofi-ta Zefaniya paakati: “Ndichaita kuti marudzi achinjire ku-mutauro wakachena, kuti ose zvawo adane zita raJehovha,kuti amushumire akabatana.”—Zef. 3:9.

14 Jehovha akabva aita kuti Zefaniya arondedzere zvaize-nge zvakaita sangano raMwari ratinoona nhasi nemasho-ko aya: “Vachasara vaIsraeri havazoiti zvisina kururama,kana kutaura nhema, uyewo mumiromo yavo hamuzowa-niki rurimi runonyengera; nokuti ivo vachadya, vozvamba-rara, uye hapana angazovadederesa.” (Zef. 3:13) Zvapu-pu zvaJehovha zvinokwanisa kushanda zvakabatana noku-ti zvakanzwisisa Shoko raJehovha rechokwadi zvikachinjamafungiro nemararamiro azvo kuti aenderane nezvinodiwanaJehovha. Vanhu vari munyika pavanoona zvatinoita va-noshamiswa. Zviri pachena kuti tiri vanhu vaMwari, takasi-yana nevamwe uye tinoita kuti akudzwe pasi rose.—Mika2:12.

SANGANO REHAMA DZAKABATANA 155

MUDZIDZI Jakobho akanyora kuti: “Swederai pedyo naMwa-ri, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jak. 4:8) Kunyangezvazvo tiri vanhu vane chivi, Jehovha haana kunyanya ku-kwirira uye haasi kure nesu zvokutadza kutinzwa patinonye-ngetera. (Mab. 17:27) Tingaswedera sei pedyo naMwari? No-kunyatsova noukama hwepedyo naye uye nokunyengeterazvinobva pamwoyo. (Pis. 39:12) Tinoswederawo pedyo nayepatinogara tichidzidza Shoko rake, Bhaibheri. Patinoita izvi,tinosvika pakunyatsoziva Jehovha Mwari, zvinangwa zvakeuye zvaanoda kuti tiite. (2 Tim. 3:16, 17) Izvi zvichaita ku-ti tidzidze kumuda uye titye kuita zvinhu zvisingamufadzi.—Pis. 25:14.

2 Hatikwanisi kuswedera pedyo naJehovha pasina Mwana-komana wake, Jesu. (Joh. 17:3; VaR. 5:10) Hapana mumwemunhu anogona kutiudza mafungiro aJehovha kunze kwa-Jesu. Ainyatsozivana naBaba vake zvokuti aigona kutaurakuti: ‘Hapana anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwa-Baba; uye hapana anoziva kuti Baba ndiani kunze kweMwa-nakomana, uye munhu uyo Mwanakomana anenge ada ku-zarurira.’ (Ruka 10:22) Saka patinodzidza nyaya dziri mu-mabhuku eEvhangeri dzinoratidza mafungiro aJesu uye ma-nzwiro ake, tinenge tichitodzidza mafungiro uye manzwiroanoita Jehovha. Izvi ndizvo zvinoita kuti tiswedere pedyonaMwari.

3 Tichitungamirirwa neMwanakomana waMwari, tinova no-ukama hwepedyo naJehovha kana tikaramba tiri pedyo ne-chikamu chinooneka chesangano rake chinotibatsira kudzi-

CHITSAUKO 17

Ramba Uri PedyoneSangano raJehovha

156 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

dza kuita zvaanoda. Sezvakafanotaurwa pana Mateu 24:45-47, Jesu Kristu saTenzi, akagadza “muranda akatende-ka, akangwara” kuti ape veimba yokutenda ‘zvokudya pa-nguva yakakodzera.’ Mazuva ano muranda akatendeka ano-tipa zvokudya izvi zvakawanda achishandisa mabhuku uye-wo magungano. Jehovha anoshandisa muranda akatendekaiyeye kutikurudzira kuverenga Shoko rake zuva nezuva, ku-pinda misangano yedu yechiKristu nguva dzose, uye kushi-ngaira mubasa rokuparidza “mashoko akanaka oumambo.”(Mat. 24:14; 28:19, 20; Josh. 1:8; Pis. 1:1-3) Hatimbofani-ri kukanganwa kuti muranda akatendeka ari kutungamirirwanaMwari. Tinofanira kuedza kuramba tiri pedyo nechikamuchinooneka chesangano raJehovha uye kuita zvatinenge ta-udzwa kuti tiite. Tikadaro, tichaswedera pedyo naMwari we-du Jehovha, uye tichasimbiswa, todzivirirwa kunyange tika-sangana nemiedzo.

NEI MIEDZO IRI KUWEDZERA?4 Zvimwe wava nemakore akawanda uri Chapupu. Saka

unonyatsoziva zvinorehwa nokutsungirira miedzo inovaponemhaka yokuva muKristu. Asi kunyange uine nguva pfu-pi uri Chapupu, unoziva kuti Satani Dhiyabhorosi anosho-ra munhu wose anozviisa pasi pouchangamire hwaJehovha.(2 Tim. 3:12) Ungave wakatsungirira miedzo yakawanda ka-na kuti mishoma, hapana chikonzero chokuti utye kana kuo-ra mwoyo. Jehovha anovimbisa kuti achakutsigira uye acha-kukomborera nokukununura uye nokukupa upenyu mungu-va yemberi.—VaH. 13:5, 6; Zvak. 2:10.

5 Tose zvedu tinogona kusangana nemiedzo mumazuvaano okupedzisira enyika yaSatani. Kubva pakagadzwa Uma-mbo hwaMwari muna 1914, Satani haana kuzombobvumi-rwa kudzokera kudenga. Iye nengirozi dzake dzakaipa vaka-kandwa pasi pano uye havakwanisi kudzokera kudenga.

RAMBA URI PEDYO NESANGANO RAJEHOVHA 157

Kuwedzera kuri kuita nhamo pano panyika, uye kutambu-dzwa kunoitwa vashumiri vaJehovha zviri kukonzerwa nokutiSatani akatsamwa uye zviri kuratidza kuti tiri kurarama mu-mazuva okupedzisira okutonga kwake kwakaipa.—Zvak. 12:1-12.

6 Satani akatsamwa nokukandwa kwaakaitwa pano panyi-ka uye anoziva kuti nguva yake ipfupi. Iye nemadhimoni akevanoita zvose zvavanogona kuti vavhiringidze basa rokupa-ridza Umambo uye kuti vakanganise kubatana kwevashumirivaJehovha. Saka tiri muhondo yezvokunamata inorondedze-rwa ichinzi, “hatirwi neropa nenyama, asi nehurumende, ne-vanhu vane masimba, nevatongi venyika verima rino, nema-simba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.”Kana tichizokunda tiri kudivi raJehovha, tinofanira kurambatichirwa uye toramba takapfeka nhumbi dzose dzokuzvidzi-virira nadzo pakunamata. Tinofanira ‘kumira takasimba pa-kurwisana nemanomano’ aDhiyabhorosi. (VaEf. 6:10-17) Izvizvinoda kuti titsungirire.

ZVATINGAITA KUTI TITSUNGIRIRE7 Kutsungirira kunoreva “kukwanisa kushingirira nhamo

kana kuti dambudziko.” Panyaya dzokunamata, kutsungirirakunoreva kushinga kuita zvinhu zvakarurama patinenge ti-ri panguva yakaoma, tichishorwa, tichitambudzwa kana ku-ti tichisangana nezvimwe zvinhu zvingatibvisa pakushumiraMwari takavimbika. Kuti utsungirire somuKristu hazvingoe-rekani zvaitika asi unotofanira kushanda nesimba uye zvi-notora nguva. Kufambira mberi mune zvokunamata kunoitakuti tikwanise kuwedzera kutsungirira. Patinotanga kushumi-ra Jehovha, kutsungirira miedzo midiki inouya nemhaka yo-kuva muKristu, kunotisimbisa kuti titsungirire mimwe yaka-nyanya kuoma inozouya. (Ruka 16:10) Tinofanira kugara ta-

158 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

tsidza mumwoyo kuti hatizombosiyi Mwari kunyange miedzoyooma sei, kwete kumirira kuti miedzo yacho itange yavapo.Muapostora Petro akaratidza kuti kutsungirira pamwe chetenohumwe unhu hwechiKristu zvinofanira kushandirwa. Aka-ti: “Nokushingaira kwenyu nomwoyo wose wedzerai kuna-ka pakutenda kwenyu, pakunaka kwenyu zivo, pazivo yenyukuzvidzora, pakuzvidzora kwenyu kutsungirira, pakutsungiri-ra kwenyu kuzvipira kuna Mwari, pakuzvipira kwenyu kunaMwari kudanana kwazvo sehama, pakudanana kwazvo kwe-nyu sehama rudo.”—2 Pet. 1:5-7; 1 Tim. 6:11.

8 Jakobho akatiyeuchidza kuti kutsungirira kunokosha pa-akanyora kuti: “Hama dzangu, pamunosangana nemiedzoyakasiyana-siyana, farai kwazvo, zvamunoziva kuti kutendakwenyu uku kwakaedzwa kunoita kuti pave nokutsungirira.Asi kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vaka-kwana uye vakanaka muzvinhu zvose, pasina chamunosha-yiwa.” (Jak. 1:2-4) Jakobho anoti sevaKristu tinofanira ku-fara patinosangana nemiedzo nokuti inotibatsira kutsungi-rira. Wakambofunga saizvozvo here? Jakobho anobva ara-tidza kuti kutsungirira kune basa rakunoita pakunatsiridzaunhu hwedu hwechiKristu uye pakuita kuti tifarirwe naMwa-ri. Zvechokwadi kutsungirira kwedu kunowedzera zuva ne-zuva patinosangana nemiedzo toikurira. Kutsungirira ikokokunoitawo kuti tive nohumwe unhu hwakanaka hwatinoda.

9 Jehovha anofadzwa nokutsungirira kwedu uye izvi zvi-chaita kuti atipe mubayiro weupenyu husingaperi. Jakobhoakatizve: “Anofara munhu anoramba achitsungirira mue-dzo, nokuti paanotenderwa achagamuchira korona youpe-nyu, yakapikirwa naJehovha kune vaya vanoramba vachimu-da.” (Jak. 1:12) Chokwadi, kufunga nezvoupenyu huri mbe-ri kunotibatsira kuti titsungirire. Kana tikasatsungirira, ha-tikwanisi kuramba tiri musangano raJehovha. Tikakundwa

RAMBA URI PEDYO NESANGANO RAJEHOVHA 159

nemiedzo iri munyika, ticha-dzokerazve kunyika. Saka kanatisingagoni kutsungirira hazvii-ti kuti tirambe tiine mudzimuwaJehovha uye hatizogoni ku-va neunhu hunoumba chibere-ko chomudzimu.

10 Kana tichida kuramba tichi-tsungirira mumazuva ano akaoma, tinofanira kunzwisisa kutikana tiri vaKristu tichatotambura. Yeuka kuti Jakobho akati:“Farai kwazvo.” Izvozvo zvingasava nyore nokuti pamwe ti-nenge tichirwadziwa kana kushungurudzika. Asi yeuka ku-ti kuzowana kwedu upenyu husingaperi kunobva pakuti ta-tsungirira here. Zvakasangana nevaapostora zvinotibatsirakuona kuti tingafara sei patinenge tichitambura. Nyaya ya-cho iri mubhuku raMabasa, uye inoti: “Vakashevedza vaapo-stora, vakavarova, vakavarayira kuti varege kutaura pamuso-ro pezita raJesu, vakavarega vachienda. Naizvozvo, ava va-kabva zvavo pamberi peSanihedrini, vachifara nokuti vaka-nga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake.” (Mab. 5:40,41) Vaapostora vacho vakanzwisisa kuti kutambura kwava-iita kwairatidza kuti vaiteerera murayiro waJesu uye kuti Je-hovha aivafarira. Pashure pemakore akawanda nyaya yoku-rohwa kwevaapostora yaitika, Petro paainyora tsamba ya-ke yokutanga, akataura kuti kutambura kwakadaro nokudakwekururama kwakakosherei.—1 Pet. 4:12-16.

11 Pauro naSirasi ndevamwe vaitofanirawo kutsungirira.Pavaiita basa ravo roumishinari muFiripi, vakasungwa ndo-kupomerwa kuti vaikanganisa guta uye vaiparidza tsika dza-kanga dzisingabvumirwi nomutemo. Saka vakarohwa zvaka-simba ndokubva vakandwa mujeri. Bhaibheri rinotiudza ku-ti pavakanga vari mujeri vasati varapwa maronda avo, ‘pa-

Kutsungirira kwedukunowedzerazuva nezuvapatinosangananemiedzo toikurira

160 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

nenge pakati pousiku Pauro naSirasi vakanga vachinyenge-tera vachirumbidza Mwari norwiyo, uye vamwe vasungwavakanga vachivanzwa.’ (Mab. 16:16-25) Kuramba kwakaitaPauro naSirasi vakaperera kuna Mwari kwakaonekwawo ne-vamwe vanhu zvichibva zvabatsira vaya vaida kunzwa ma-shoko akanaka. Usiku ihwohwo chaihwo murindi wejeri ne-mhuri yake vakateerera vakava vadzidzi. (Mab. 16:26-34)Pauro naSirasi vakavimba naJehovha, nesimba rake uye va-iziva kuti aida kuvatsigira pakutambura kwavo. Jehovha aka-vatsigirawo zvechokwadi.

12 Mazuva anowo, Jehovha anotipa zvose zvatinoda ku-ti atitsigire panouya muedzo. Anoda kuti titsungirire. Aka-tipa Shoko rake rakafemerwa kuti tive nezivo yakaruramaine chokuita nechinangwa chake. Zivo iyoyo inotisimbisa pa-kutenda. Tine mukana wokuwadzana nevatinonamata navouye kumuitira basa dzvene. Uyewo kunyengetera kuna Jeho-vha ndeimwe ropafadzo yatiinayo yokuramba tiri pedyo na-ye. Anoteerera patinonyengetera tichimurumbidza uye pati-nokumbira nemwoyo wose kuti atibatsire kuramba tichiitazvinomufadza. (VaF. 4:13) Uyewo hatifaniri kukanganwa ku-simbiswa kwatinoitwa patinofungisisa tariro iri mberi kwe-du.—Mat. 24:13; VaH. 6:18; Zvak. 21:1-4.

KUTSUNGIRIRA MIEDZO YAKASIYANA-SIYANA13 Miedzo yatinosangana nayo yakafanana neyakasanga-

na nevadzidzi vokutanga vaJesu Kristu. Mazuva ano, vamwevanhu vanotaura nhema pamusoro peZvapupu zvaJehovhazvobva zvaita kuti titukwe uye tirohwe. Sezvaingoitika mu-nguva yevaapostora, izvi zvinowanzokonzerwa nevanhu ve-zvitendero zvine dzidziso dzenhema dzinofumurwa neShokoraMwari. (Mab. 17:5-9, 13) Pane dzimwe nguva, vanhu va-Jehovha vanobatsirwa nekodzero dzepamutemo dzakaiswa

RAMBA URI PEDYO NESANGANO RAJEHOVHA 161

nehurumende. (Mab. 22:25; 25:11) Asi vamwe vatongi vano-gadza mitemo inorambidza basa redu, nechinangwa chokutitirege kuparidza. (Pis. 2:1-3) Pakadaro, tinotevedzera zvaka-itwa nevaapostora vakatendeka avo vakati: “Tinofanira ku-teerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mab. 5:29.

14 Nemhaka yokuti vanhu pasi rose vava kunyanya kuko-shesa nyika dzavo, vaparidzi vemashoko akanaka vanowa-nzomanikidzwa kusiya basa ravo ravakapiwa naMwari. Va-shumiri vose vaMwari vanonyatsonzwisisa nyevero iri panaZvakazarurwa 14:9-12 inotaura ‘nezvechikara nomufanani-dzo wacho.’ Tinoziva zvinorehwa nemashoko aJohani anoti:“Pano ndipo panoda kuti vatsvene vatsungirire, vaya vano-chengeta mirayiro yaMwari uye vanotevera kutenda kwaJe-su.”

15 Hondo, kupandukirwa kwehurumende, kutambudzwauye kurambidzwa kwebasa redu nezviremera zvingaita kutizvikuomere kunamata Jehovha wakasununguka. Zvingasavanyore kuti mupinde misangano seungano uye kutaura neho-fisi yebazi. Kushanya kwevatariri vematunhu kungavhiringi-dzwa. Munogona kutadza kuwana mabhuku enyu. Kana chi-mwe chezvinhu izvi chikaitika, unofanira kuitei?

16 Mhinduro ndeyokuti, ita zvose zvaunokwanisa kuita mu-mamiriro ezvinhu anenge avapo. Unogona kudzidza uri wo-ga. Munogona kusangana muri mapoka maduku mudzimbadzehama. Mungashandisa mabhuku akambodzidzwa kareuye Bhaibheri pakuita misangano yacho. Usanyanya kune-tseka zvokutadza kugadzikana. Dare Rinotungamirira richa-ita zvose zvarinokwanisa kuti rikurumidze kupa mirayiridzokuhama dzinenge dzichitungamirira.

17 Kunyange kana ukaparadzaniswa nehama dzako dzo-se dzechiKristu, yeuka kuti Jehovha neMwanakomana wa-ke, Jesu Kristu vanewe. Tariro yako inogona kuramba yakasi-

162 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

mba. Jehovha anenge achiri kunzwa minyengetero yako uyeanogona kukusimbisa nomudzimu wake. Tsvaka kutungami-rirwa naye. Yeuka kuti uri mushumiri waJehovha uye mudzi-dzi waJesu Kristu. Naizvozvo, edza kuparidza pose pauno-wana mukana. Jehovha achakomborera zvaunoedza kuita,uye vamwe vangazopedzisira vabatana newe pakunamatakwechokwadi.—Mab. 4:13-31; 5:27-42; VaF. 1:27-30; 4:6, 7;2 Tim. 4:16-18.

18 Asi kana ukatarisana nerufu sezvakaita vaapostora ne-vamwe, isa chivimbo chako muna “Mwari anomutsa vakafa.”(2 VaK. 1:8-10) Kutenda kwaunoita kuti achamutsa vakafakunogona kukubatsira kuti utsungirire kunyange kushorwakwakakura zvikuru. (Ruka 21:19) Kristu Jesu akaramba aka-tendeka paaiedzwa achiziva kuti izvozvo zvaizosimbisa va-mwe kuti vatsungirirewo. Kana iwe ukatsungirira paunota-risana nemiedzo, unogonawo kusimbisa hama dzako.—Joh.16:33; VaH. 12:2, 3; 1 Pet. 2:21.

19 Pane zvimwewo zvinhu zvaungafanira kutsungirira ku-nze kwekutambudzwa uye kushorwa. Somuenzaniso, vamwevakaora mwoyo nemhaka yokusafarira kwevanhu vomundi-ma yavo. Vamwe vari kutsungirira zvirwere zvakasiyana-si-yana uye vamwe vari kutsungirira dambudziko ravainaro ro-kutadza kuita zvavanenge vachida nemhaka yechivi chati-inacho. Muapostora Pauro aifanirawo kutsungirira muedzowaivhiringidza basa rake uye dzimwe nguva waiita kuti ao-merwe nokuriita. (2 VaK. 12:7) Uyewo, Epafrodhito, mumwemuKristu wepakutanga wekuFiripi, ‘akasuruvara nokuti sha-mwari dzake dzakanzwa kuti akanga arwara.’ (VaF. 2:25-27) Nemhaka yokuti tose zvedu tine chivi, zvingaita kuti pa-ve nematambudziko akaoma kutsungirira. Tingatadza kuwi-rirana nevamwe vatinonamata navo kana kuti kunyange ne-vemumhuri medu. Asi tinogona kutsungirira uye kukunda

RAMBA URI PEDYO NESANGANO RAJEHOVHA 163

matambudziko akadaro chero bedzi tichiteerera mazano arimuShoko raJehovha.—Ezek. 2:3-5; 1 VaK. 9:27; 13:8; VaK.3:12-14; 1 Pet. 4:8.

TSUNGA KURAMBA WAKATENDEKA20 Tinofanira kuramba takanamatira pana Jesu Kristu, uyo

akagadzwa naJehovha kuti ave Musoro weungano. (VaK. 2:18, 19) Tinofanirawo kuita zvatinoudzwa ‘nemuranda akate-ndeka, akangwara’ uye nevaya vakagadzwa sevatariri. (VaH.13:7, 17) Tikanyatsotevedzera zvatinoudzwa naJehovha toi-ta zvatinoudzwa nevaya vari kutungamirira, tichava vanhuvakarongwa kuti tiite zvinoda Jehovha. Tinofanira kunyenge-tera nguva dzose. Yeuka kuti kunyange kuiswa mujeri kanakuti kupfigirwa mako wega, hakutadzisi munhu kutaura na-Baba vedu vokudenga vane rudo kana kuvhiringidza kuba-tana kwedu nevatinonamata navo.

21 Ngatitsungei kuita zvose zvatinogona kuti tiite basa ro-kuparidza ratakapiwa naJesu Kristu paakati: “Naizvozvoendai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, mu-chivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana ne-romudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhuzvose zvandakakurayirai.” (Mat. 28:19, 20) Ngatitsungirirei-wo sezvakaitwa naJesu. Ngatirambei tichifunga nezvetariroyoUmambo neyoupenyu husingaperi. (VaH. 12:2) SevadzidzivaKristu vakabhabhatidzwa, tine basa rokuzadzisawo upro-fita hwaJesu hune chokuita ‘nokuguma kwemamiriro ezvi-nhu.’ Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwamunyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose;uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mat. 24:3, 14) Kana ti-kashanda nemwoyo wose pakuita basa iroro panguva ino,tichafara patichawana upenyu husingaperi munyika itsva ya-Jehovha yakarurama!

164 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Sevabereki, munoda chaizvo kubatsira vana venyu kuti va-de Jehovha uye kuti vazvitsaurire kwaari. Zvii zvamungai-ta kuti vakodzere kuzobhabhatidzwa? Mungaziva sei kuti va-va kukodzera kubhabhatidzwa? Jesu akarayira vateveri vakekuti: ‘Itai kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchiva-bhabhatidza.’ (Mat. 28:19) Kubva pane zvakataurwa naJesu,chinonyanya kukosha ndechokuti munhu ave mudzidzi. Izvizvinosanganisira kunzwisisa uye kutenda dzidziso dzaKristuuye kunyatsodzitevedzera. Kunyange mwana muduku anogo-na kuzviita.Ratidzai muenzaniso wakanaka kuvana venyu, uye rovere-

rai zvinodzidziswa naJehovha mavari. (Dheut. 6:6-9) Muno-gona kuita izvi nokushandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzi-dzisei Chaizvo? uye ra“Rambai Muri Murudo rwaMwari” ku-ti muvadzidzise zvinhu zvinokosha zvinotaurwa neBhaibhe-ri movabatsira kuona mashandisiro avangaita zvavari kudzi-dza. Batsirai vana venyu kuti vagone kutsanangurira vamwezvavanotenda. (1 Pet. 3:15) Kuvadzidzisa uye kuvakurudzi-ra kwamunoita, kudzidza kwavanoita vari voga, kupinda mi-sangano yeungano, uye kuva neshamwari dzinovaka zvicha-vabatsira kuti vazokodzera kubhabhatidzwa voramba vachi-rarama sevaKristu. Garai muchivaudza kuti vave nezvinangwazvine chokuita nokunamata.Zvirevo 20:11 inoti: ‘Mwana anoratidza kana basa rake ra-

kachena uye kana rakarurama nezvaanoita.’ Ndezvipi zvinga-ratidza kuti mwana, angava mukomana kana musikana, avamudzidzi waJesu Kristu uye akodzera kuti abhabhatidzwe?

MASHOKOOKUWEDZERA

MashokoKuvabereki vechiKristu:

MASHOKO OKUWEDZERA 165

Mwana anenge achifambira mberi kuti azobhabhatidzwaanofanira kuteerera vabereki vake vechiKristu. (VaK. 3:20)Jesu paaiva nemakore 12, Bhaibheri rinoti: ‘Akaramba achi-zviisa pasi pevabereki vake.’ (Ruka 2:51) Yeukai kuti mwa-na wenyu munhu anotadzawo semi. Asi mwana anoda ku-bhabhatidzwa anofanira kuedza chaizvo kutevedzera zvaiitwanaJesu uye vanhu vanofanira kuzviona kuti anoteerera vabe-reki vake.Anofanirawo kuratidza kuti ane chido chokudzidza zvinhu

zviri muBhaibheri. (Ruka 2:46) Mwana wenyu anoda here ku-enda kumisangano uye kupindurawo? (Pis. 122:1) Ane chidohere chokugara achiverenga Bhaibheri uye kudzidza ari oga?—Mat. 4:4.Mwana ari kufambira mberi kuti abhabhatidzwe anoisa zvi-

nhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwake. (Mat. 6:33)Anoziva kuti semuparidzi asati abhabhatidzwa, anofanira ku-enda kunoparidza asingaiti zvokumanikidzwa uye anofarirakutaura nevanhu paanenge achiparidza. Anoparidza achisha-ndisa nzira dzakasiyana-siyana uye haanyari kuudza matichaake uye vaanodzidza navo kuti iye Chapupu chaJehovha. Ka-na akapiwa hurukuro pamusangano Weushumiri Hwedu UyeKurarama kwechiKristu anoigadzirira zvakanaka.Anoedzawo kuramba aine tsika dzakanaka uye asingata-

mbi neshamwari dzisina kunaka. (Zvir. 13:20; 1 VaK. 15:33)Izvi zvichaoneka pazvinhu zvaanofarira zvakadai senziyo,mafirimu, zvinhu zvinobuda paTV, mavideo game, uye ma-shandisiro aanoita Indaneti.Vakawanda vakateerera zvavakadzidziswa nevabereki va-

vo uye vakazvisarudzira kutevedzera zvinotaurwa naJehovhavachibva vabhabhatidzwa vachiri vaduku. Dai Jehovha aka-kukomborerai sezvamunoedza kubatsira vana venyu kuti va-ite danho iri rinokosha rokuva noukama hwakanaka naye.

166 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Chikomborero kushumira muungano somuparidzi asatiabhabhatidzwa. Tinokutenda nokufambira mberi kwawaitapakunamata. Wava kuziva Mwari nemhaka yokudzidza kwa-wakaita Shoko rake uye wava kutenda zvinhu zvaanovimbi-sa.—Joh. 17:3; VaH. 11:6.Usati watanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha, zvimwe

waipinda chimwe chitendero kana kuti wanga usitorina cha-waipinda. Kana kuti une zvimwe zvawaiita zvinopesana ne-zvinotaurwa neBhaibheri. Asi iye zvino wakapfidza zvivizvako uye wakazvidemba nemararamiro awaiita. Wakabvawasiya mararamiro iwayo kuti uite zvinodiwa naMwari kutiuratidze kuti watendeuka.—Mab. 3:19.Kana kuti wakafanana naTimoti pakuti, “kubvira pauche-

che wakaziva zvinyorwa zvitsvene,” zvichibva zvakudziviri-ra kuti usaita zvinhu zvisiri zvechiKristu uye zvivi zvakaku-ra. (2 Tim. 3:15) Wakadzidza kuti ungaramba sei kufurirwakuita zvinhu zvakaipa zvinovengwa naJehovha. Wakarati-dza kutenda kwako nokutsigira kunamata kwechokwadi uyenokuudza vamwe zvaunotenda. Wakadzidziswa kuita basarokuparidza. Iye zvino wasarudza kuti ushumire Jehovhasemuparidzi asati abhabhatidzwa.Pasinei nokuti wakadzidziswa zvinodiwa naJehovha uchi-

ri muduku kana kuti wakura, zvimwe wava kufunga mamwematanho maviri anoratidza kufambira mberi kwako paku-namata, kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa.Kuzvitsaurira kuna Jehovha kunoitwa nokunyengetera uriwoga uchimuudza kuti wava kuda kumushumira iye ogakwoupenyu hwako hwose. (Mat. 16:24) Kuti uratidze pa-chena kuti wakazvitsaurira kuna Jehovha uchafanira ku-bhabhatidzwa mumvura. (Mat. 28:19, 20) Kana wazvitsauri-ra kwaari uye wabhabhatidzwa ndipo pauchange wagadzwa

MashokoKumuparidzi Asati Abhabhatidzwa:

MASHOKO OKUWEDZERA 167

kuva mushumiri waJehovha Mwari. Iropafadzo yakakurachaizvo iyoyo!Kubva pakudzidza Bhaibheri kwawakaita wakaona kuti

unogona kusangana nemiedzo yakawanda. Yeuka kuti pa-shure pokunge abhabhatidzwa, “Jesu akatungamirirwa no-mudzimu kuti apinde murenje kunoedzwa naDhiyabhorosi.”(Mat. 4:1) Iwewo ziva kuti pauchabhabhatidzwa somudzi-dzi waKristu uchasangana nemimwe miedzo. (Joh. 15:20)Ichauya nenzira dzakasiyana-siyana. Voukama vanogonakukupikisa. (Mat. 10:36) Ungasekwa nevaunodzidza navo,vaunoshanda navo kana kuti vawaimbotamba navo. Garauchiyeuka mashoko aJesu ari pana Mako 10:29, 30 anoti:“Chokwadi ndinoti kwamuri, hapana munhu akasiya imbakana vanun’una kana hanzvadzi kana amai kana baba ka-na vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwema-shoko akanaka asingazowani zvine zana zvino munguva ino,dzimba nevanun’una nehanzvadzi navanaamai nevana nemi-nda, nokutambudzwa, uye upenyu husingaperi mumamiriroezvinhu epanguva inouya.” Saka shanda nesimba kuti ura-mbe uri pedyo naJehovha uye uchiita zvinoenderana nemi-temo yake.Kana wava kuda kubhabhatidzwa udza vakuru veungano.

Mibvunzo iri panoperera chikamu chino ndiyo ichashandi-swa nevakuru pavanenge vachikurukura newe kuti vaonekana wakakodzera kubhabhatidzwa. Unogona kupota uchi-verenga mibvunzo yacho paunenge uchidzidza uri woga.Paunenge uchigadzirira kuzokurukura nevakuru, nyatso-

zvipa nguva yokuverenga Magwaro arimo uye kuafungisisa.Kakawanda Magwaro acho haakupi mhinduro yakazara, asianokubatsira kuona zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyayayacho. Kana usiri kujekerwa nemhinduro yacho unofanirakutsvakurudza uchishandisa Bhaibheri nemabhuku akabu-diswa ‘nomuranda akatendeka, akangwara.’ (Mat. 24:45) Ka-na uchida unogona kunyora manotsi mubhuku rino kana ku-ti chero pawada. Vakuru pavanenge vava kukurukura neweunogona kushandisa manotsi acho wakavhura bhuku rino.

168 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Kana paine mibvunzo yaunenge usiri kunzwisisa, wakasu-nunguka kubvunza munhu ari kukudzidzisa Bhaibheri kanakuti vakuru.Vakuru pavanenge vachikurukura newe haufaniri hako

kupa mhinduro dzakareba uye kutsanangura zvakawanda-wanda. Mhinduro pfupi yaunopa usingaiti zvokuverengainenge yakatokwana. Kuti mhinduro yako iratidze kuti ino-tsigirwa neBhaibheri, zvakanaka chaizvo kuti uibatanidzenevhesi imwe chete kana kuti mbiri.Kana vakuru vakaona kuti ruzivo rwako nezvedzidziso

dzeBhaibheri dzokutanga ruchiri rushoma, vacharonga ku-ti ubatsirwe kuitira kuti zvikujekere uye wozokodzera kutiubhabhatidzwe.[Mashoko kuvakuru veungano: Mirayiridzo yezvamuno-

fanira kuita pakukurukura nevanhu vari kuda kubhabhati-dzwa iri pamapeji 211-214.]

MASHOKO OKUWEDZERA 169

MibvunzoYevanhuVanenge Vachida Kubhabhatidzwa

CHIKAMU 1 DZIDZISO DZEBHAIBHERI DZOKUTANGA

Kudzidza Bhaibheri kwawakaita neZvapupu zvaJehovhakwakaita kuti uzive chokwadi. Hapana mubvunzo kuti zva-wakadzidza zvakakubatsira kuva noukama hwakanaka na-Mwari, zvakakupa tariro youpenyu hweramangwana uyemakomborero muparadhiso pasi pano anounzwa noUma-mbo hwaMwari. Kutenda kwaunoita Shoko raMwari kwaka-simbiswa uye wakatowana makomborero akawandakuburikidza nokuwadzana neungano yechiKristu. Wava ku-nzwisisa kuti Jehovha anoshanda sei nevanhu vake.—Zek.8:23.Sezvo wava kugadzirira kubhabhatidzwa, kudzokorora

dzidziso dzeBhaibheri dzokutanga uchibatsirwa nevaku-ru kuchakubatsira. (VaH. 6:1-3) Jehovha ngaarambe achi-komborera zvaunoedza kuita kuti umuzive, uye ngaakupemubayiro waakavimbisa.—Joh. 17:3.

170 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

1. Mwari wechokwadi ndiani?“Unonyatsoziva nhasi, uye unofanira kuyeuka nomwoyo

wako kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi kumatengaari kumusoro nepanyika iri pasi. Hakuna mumwe.”—Dheut.4:39.“Kunyange variko vanonzi ‘vanamwari,’ kungava kudenga

kana panyika, zvakuine ‘vanamwari’ vazhinji ne‘madzishe’mazhinji, chokwadi kwatiri kuna Mwari mumwe chete ivoBaba, zvinhu zvose zvinobva kwaari, uye isu tiri vake; uyekuna Ishe mumwe chete, iye Jesu Kristu, zvinhu zvose zvi-ripo naye, nesu tiripo naye.”—1 VaK. 8:5, 6.Mamwe magwaro: Pis. 83:18; Isa. 43:10-12.

2. Ndehupi humwe unhu hwakanaka huna Jehovha?“Mwari rudo.”—1 Joh. 4:8.“Iye iDombo, basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake

dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina ku-saruramisira; Iye akarurama uye akatendeseka.”—Dheut.32:4.“Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama

sei! Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nziradzake hadzigoni kurondwa sei!”—VaR. 11:33.“Maiwe, haiwa, Changamire Ishe Jehovha! Tarirai maka-

ita matenga nenyika muchishandisa simba renyu guru no-ruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Chinhu chacho hachi-na kukuomerai.”—Jer. 32:17.

3. Bhaibheri rinoshandisa mashoko api kuti ritibatsirekunzwisisa ukuru hwaJehovha?“Jehovha ndiye Mutongi wedu, Jehovha ndiye Mupi we-

mirau yedu, Jehovha ndiye Mambo wedu; iye achatipone-sa.”—Isa. 33:22.“Hausati waziva here kana kuti hauna kunzwa here? Je-

hovha, Musiki wemigumo yenyika, ndiMwari nokusingagu-mi. Haaneti kana kupera simba. Kunzwisisa kwake hakugo-ni kuongororwa.”—Isa. 40:28.

MASHOKO OKUWEDZERA 171

4. Kuzvipira zvakazara kuna Jehovha kunorevei?Nei tichifanira kungozvipira kwaari iye oga?“Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomwe-

ya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rakorose.”—Mako 12:30.“Jesu akati [kuna Satani]: ‘Zvakanyorwa kuti, “Jehovha

Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ogawaunofanira kuitira basa dzvene.”’”—Ruka 4:8.“Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamu-

chire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasi-ka zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapouye zvakasikwa.”—Zvak. 4:11.Mamwe magwaro: Eks. 20:4, 5; Mab. 17:28.

5. Tinofanira kuona sei zita Mwari?“Ndichakukudzai, haiwa Mwari wangu Mambo, ndicharu-

mbidza zita renyu nokusingagumi, kunyange nokusingape-ri. Ndichakurumbidzai zuva rose, ndicharumbidza zita renyunokusingagumi, kunyange nokusingaperi.”—Pis. 145:1, 2.“Saka, munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari

kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.’”—Mat. 6:9.Rumwe rugwaro: Eks. 20:7.

6. Nei zvichikosha kuti tishandise zita raMwaripakunamata?“Simiyone akarondedzera kwazvo kuti Mwari kwenguva

yokutanga akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore ma-ari vanhu vezita rake.”—Mab. 15:14.“Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”

—VaR. 10:13.Mamwe magwaro: Pis. 91:14; Joe. 2:32.

7. Jehovha Mwari achatsvenesa sei zita rake? Zviizvatingaitawo kuti ritsveneswe?“Ndichazviita mukuru, ndozvitsvenesa, ndoita kuti ndizi-

vikanwe pamberi pemarudzi mazhinji; uye vachaziva kutindini Jehovha.”—Ezek. 38:23.

172 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

“Ivo ngavanyadziswe vavhunduke nguva dzose, ngava-tsveruke vaparare; kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita ro-kuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusorokwenyika yose.”—Pis. 83:17, 18.“Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo

wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.”—Zvir.27:11.Mamwe magwaro: Ezek. 36:16-18; 1 Pet. 2:12.

8. Nei tisingafaniri kugadzira mufananidzo waMwarikana kuedza kumunamata tichishandisa mifananidzo?“Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, chero mufa-

nanidzo upi zvawo wakaita sechinhu chero chipi zvachochiri kumatenga ari kumusoro kana kuti chiri panyika iripasi kana kuti chiri mumvura iri pasi penyika. Usazvikota-mira kana kuti kuitwa kuti uzvishumire, nokuti ini JehovhaMwari wako ndiri Mwari anoda kuzvipira kwakazara.”—Dhe-ut. 5:8, 9.“Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; handizopi kukudzwa

kwangu kune mumwe munhu, nokurumbidzwa kwangu ku-mifananidzo yakavezwa.”—Isa. 42:8.“Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kuna-

mata nomudzimu nechokwadi.”—Joh. 4:24.“Tinofamba nokutenda, kwete nokuona.”—2 VaK. 5:7.

9. Zvinorevei kuti munhu azvitsaurire kuna Jehovha?Wakazvitsaurira kuna Jehovha here uchinyengetera?“‘Tarirai! Ndauya . . . kuzoita zvamunoda, haiwa Mwari.’

. . . ‘Tarirai! Ndauya kuzoita zvamunoda.’”—VaH. 10:7, 9.“Jesu akabva ati kuvadzidzi vake: ‘Kana munhu achida

kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambu-dzikira, arambe achinditevera.’”—Mat. 16:24.

10. Jesu Kristu ndiani?“Achipindura, Simoni Petro akati: ‘Ndimi Kristu, Mwana-

komana waMwari mupenyu.’”—Mat. 16:16.

MASHOKO OKUWEDZERA 173

“Iye ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki, dangwerezvisikwa zvose; nokuti pachishandiswa iye zvimwe zvi-nhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika,zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki, pasinei nokutizvingava zviri zvigaro zvoumambo here kana ushe kana hu-rumende kana vanhu vane masimba. Zvimwe zvinhu zvosezvakasikwa pachishandiswa iye uye nokuda kwake.”—VaK.1:15, 16.Mamwe magwaro: Joh. 1:1, 2, 14; Mab. 2:36.

11. Ndeipi nzvimbo yaJesu kana achienzaniswanaJehovha Mwari, uye Jehovha akamupa simba rei?“Ndiri kuenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kwandiri.”

—Joh. 14:28.“Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu, uyo, kunya-

nge zvazvo aivapo saMwari, haana kufunga nezvokubvuta,kureva kuti ave akaenzana naMwari. Aiwa, asi akazviduru-ra, akava somuranda, akava akafanana nevanhu. Kupfuu-ra izvozvo, paakazviwana ava somunhu, akazvininipisa,akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda ro-kutambudzikira. Nokuda kwechikonzero ichochiwo Mwa-ri akamukwidziridza kunzvimbo yepamusoro, akamupanomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose, kuti muzitaraJesu mabvi ose apfugame, evaya vari kudenga nevaya va-ri panyika nevaya vari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwoserubvume pachena kuti Jesu Kristu ndiIshe kuti Mwari Ba-ba vakudzwe.”—VaF. 2:5-11.Mamwe magwaro: Dhan. 7:13, 14; Joh. 14:10, 11; 1 VaK. 11:3.

12. Jesu akauyirei panyika?‘Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshumirwa,

asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuromukutsinhana nevazhinji.’—Mat. 20:28.“Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakoma-

na wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu woseanotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husi-ngaperi.”—Joh. 3:16.

174 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

“Akaona Jesu achiuya kwaari, uye akati: ‘Onai, GwayanaraMwari rinobvisa chivi chenyika!’”—Joh. 1:29.‘Izvi ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire

chokwadi.’—Joh. 18:37.

13. Nei tichida kudzikinurwa, uye iwe unobatsirwa sei?“Tinosunungurwa norudzikinuro neropa rake pachisha-

ndiswa iye, chokwadi, iko kukanganwirwa kwokudarikakwedu.”—VaEf. 1:7.“Rudo runa Kristu runotigombedzera, nokuti izvi ndizvo

zvatakaziva, kuti munhu mumwe chete akafira vose; nai-zvozvo, vose vakanga vafa; zvino akafira vose kuti vanora-rama varege kuzviraramirazve, asi vararamire iye akavafi-ra, akamutswa.”—2 VaK. 5:14, 15.Mamwe magwaro:VaR. 3:23; 1 Joh. 4:11.

14. Mudzimu mutsvene chii, uye zvii zvakaitwapachishandiswa mudzimu mutsvene?“Simba raMwari rinoita basa raifamba-famba pamusoro

pemvura.”—Gen. 1:2.“Hakuna uprofita hwoRugwaro hunobva chero mukudu-

dzirwa kwezvinhu chero kupi zvako kwakazvimirira. Noku-ti uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayonevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezva-vaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.”—2 Pet. 1:20, 21.“Vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene, vakatanga ku-

taura nedzimwe ndimi, sokupiwa kwavakanga vachiitwanomudzimu kuti vataure.”—Mab. 2:4.

15. Mudzimu mutsvene unotibatsira sei mazuva ano?“Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvi-

ka pamuri, uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremanomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutiviruri kure kwazvo rwenyika.”—Mab. 1:8.

MASHOKO OKUWEDZERA 175

“Zvichenjererei imi neboka rose, ramakagadzwa paririnomudzimu mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufu-dze ungano yaMwari.”—Mab. 20:28.“Mwari akazvizarurira isu achishandisa mudzimu wake,

nokuti mudzimu unoongorora zvinhu zvose, kunyange zvi-nhu zvakadzama zvaMwari.”—1 VaK. 2:10.“Chibereko chomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo

murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Ha-pana mutemo unorambidza zvinhu zvakadai.”—VaG. 5:22, 23.Mamwe magwaro:Mat. 10:19, 20; Joh. 14:26.

16. Umambo hwaMwari chii?“Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga

achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambohwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwa-nya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchami-ra nokusingagumi.”—Dhan. 2:44.“Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe

panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mat. 6:10.Mamwe magwaro: Isa. 9:7; Joh. 18:36.

17. Umambo huchaita kuti vanhu vanenge vari panyikavawane makomborero api?“Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu harucha-

zovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwa-dziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvak. 21:4.“Mwana anoyamwa achatamba pamwena wemhungu; uye

mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake muburi rinopi-nza chiedza mumwena wenyoka ine uturu. Hazvizombo-kuvadzi kana kumboparadza pagomo rangu rose dzvene.”—Isa. 11:8, 9.Mamwe magwaro: Isa. 26:9; 65:21, 22.

176 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

18. Zvinorevei kutanga kutsvaka Umambo?“Regai kuzviunganidzira pfuma panyika . . . Asi, zviunga-

nidzirei pfuma kudenga . . . Hapana munhu anogona ku-shandira vanatenzi vaviri . . . Hamungagoni kushandiraMwari pamwe chete nePfuma. . . . Naizvozvo musambo-zvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanwei-ko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhuzvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose.”—Mat. 6:19-32.“Umambo hwokumatenga hwakafanana nepfuma yaka-

vanzwa musango, yakawanikwa nomunhu akaivanza; uyenokuda kwomufaro waainawo anoenda otengesa zvinhuzvaainazvo otenga sango iroro. Zvakare umambo hwoku-matenga hwakafanana nomunhu aifamba achitengesa, ai-tsvaka maparera akanaka kwazvo. Paakawana parera ri-mwe chete raikosha kwazvo, akaenda, akakurumidzakutengesa zvinhu zvose zvaakanga ainazvo, akaritenga.”—Mat. 13:44-46.Mamwe magwaro:Mat. 16:24; 19:27-29.

19. Tinoziva sei kuti tava munguva yokuguma uye kutiUmambo hwaMwari hwava kutonga?“Paakanga agere paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakasvika

kwaari vari voga, vachiti: ‘Tiudzei, Zvinhu izvi zvichaitikarini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu ne-chokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?’”—Mat.24:3.“Ziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa

dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vacha-va vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozviku-dza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, va-sina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo,vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasinga-zvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vaka-oma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, va-noda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo

MASHOKO OKUWEDZERA 177

wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama ma-ererano nesimba rakwo; usiyane naivava.”—2 Tim. 3:1-5.Mamwe magwaro:Mat. 24:4-14; Zvak. 6:1-8; 12:1-12.

20. Satani Dhiyabhorosi ndiani? Iye nemadhimoni akevakabva kupi?“Dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga,

iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yo-se inogarwa.”—Zvak. 12:9.“Iye akanga ari muurayi paakatanga, uye haana kumira

zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari.Paanotaura nhema, anotaura maererano nemafungiro ake,nokuti iye murevi wenhema nababa venhema.”—Joh. 8:44.“Ngirozi dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga

asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera, aka-dzichengeta dzakasungwa nezvisungo zvisingagumi muri-ma gobvu nokuda kwokutongwa kwepazuva guru.”—Jud. 6.Mamwe magwaro: Job. 1:6; 2:1.

21. Mumunda weEdheni, zvii zvakataurwa naSataniachishora kutonga kwaJehovha? Satani akazopomeraJobho kuti kudii?“Nyoka . . . yakati kumukadzi: ‘Ichokwadi here kuti Mwa-

ri akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?’ Muka-dzi akati kunyoka: ‘Tingadya hedu michero yemiti yomu-munda. Asi kana kuri kudya muchero womuti uri pakatipomunda, Mwari akati, “Musaudya, kana kuubata kuti mu-rege kufa.”’ Nyoka ikati kumukadzi: ‘Chokwadi hamungafi.Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyuachasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchi-ziva zvakanaka nezvakaipa.’”—Gen. 3:1-5.“Satani akapindura Jehovha, akati: ‘Jobho anotya Mwari

pasina here? Imi hamuna kumupoteredza noruzhowa, iyeneimba yake nezvinhu zvose zvaainazvo kumativi ose he-re? Makakomborera basa remaoko ake, uye zvipfuwo zvakezvakapararira kwose kwose panyika. Asi ndapota, chimbo-

178 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

chinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, mugunzve zvinhuzvose zvaainazvo muone kana asingazokutukii pamberi pe-nyu chaipo.’”—Job. 1:9-11.“Satani akapindura Jehovha, akati: ‘Ganda rinotsiviwa

neganda, uye munhu achapa zvose zvaainazvo nokudakwomweya wake. Ndapota, chimbochinjai, mutambanudzeruoko rwenyu, mugunzve kusvikira papfupa rake nenyamayake, muone kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo.’”—Job. 2:4, 5.

22. Ungaratidza sei kuti unotsigira utongi hwaJehovhauye woratidza kuti zvinopomerwa vashumiri vaMwarinaSatani ndezvenhema?“Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo

wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.”—Zvir.27:11.‘Handingambofungi zvakadaro kuti nditi varume imi ma-

karurama! Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!’—Job. 27:5.Mamwe magwaro: Pis. 26:11; Jak. 4:7.

23. Kubva pamutongo uyo Jehovha akapa Sataninemadhimoni ake, chii chichazoitika kwavari?“Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi nepakati pe-

vana vako nomwana wake. Iye achakupwanya musoro uyeiwe uchamupwanya chitsitsinho.”—Gen. 3:15.“Zvino Mwari anopa rugare achakurumidza kupwanya

Satani pasi petsoka dzenyu. Mutsa usina kukodzera kuwa-nwa waShe wedu Jesu ngauve nemi.”—VaR. 16:20.“Ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga iine kiyi yegomba

rakadzikadzika uye cheni huru iri muruoko rwayo. Yakaba-ta dhiragoni, nyoka yepakutanga, iye Dhiyabhorosi uye Sa-tani, ikamusunga kwemakore ane chiuru.”—Zvak. 20:1, 2.“Dhiyabhorosi akanga achivatsausa akakandwa mugu-

ngwa romoto nesarufa, makanga muchitova nechikara no-muprofita wenhema.”—Zvak. 20:10.

MASHOKO OKUWEDZERA 179

24. Ndedzipi tsika dzokuita zvemidzimu dzisingafanirikuitwa nevaKristu?“Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anopinza

mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, mu-nhu anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anote-nda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwenezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kanaanobvunza vakafa.”—Dheut. 18:10, 11.“Kana dziri mbwende nevaya vasina kutenda nevanonya-

ngadza mutsvina yavo nemhondi nezvifeve nevaya vanoitazvemidzimu nevanonamata zvidhori nevarevi venhema vo-se, mugove wavo uchava mugungwa rinopfuta moto nesa-rufa. Iri rinomirira rufu rwechipiri.”—Zvak. 21:8.

25. Mweya chii? Unofa here?“Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva re-

vhu akafuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpe-nyu, munhu akava mweya mupenyu.”—Gen. 2:7.“Tarirai! Mweya yose—ndeyangu. Mweya wababa nomwe-

ya womwanakomanawo—ndeyangu. Mweya unotadza—ndi-wo uchafa.”—Ezek. 18:4.

26. Chii chinonzi chivi? Tose takava sei vatadzi?“Munhu wose ane tsika yokuita chivi ari kuvawo netsika

yokusateerera mutemo, naizvozvo chivi kusateerera mute-mo.”—1 Joh. 3:4.“Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete

uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwaka-pararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”—VaR.5:12.Rumwe rugwaro: Pis. 51:5.

27. Unofanira kuitei kana ukaita chivi chakakura?“Ndakazoreurura chivi changu kwamuri, uye handina ku-

fukidza kukanganisa kwangu. Ndakati: ‘Ndichareurura ku-darika kwangu kuna Jehovha.’”—Pis. 32:5.

180 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

“Pane munhu anorwara pakati penyu here? Ngaasheve-dze varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere,vachimuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha. Mu-nyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovhaachamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwi-rwa. Naizvozvo reururiranai pachena zvivi zvenyu munye-ngetererane, kuti muporeswe. Kuteterera kwomunhu aka-rurama, kune simba guru.”—Jak. 5:14-16.“Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi

anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.”—Zvir. 28:13.

28. Tinofanira kuona sei chivi?“Musarega chivi chichiramba chichiva mambo mumiviri

yenyu inofa kuti muteerere kuchiva kwayo. Nokuti chivi ha-chifaniri kuva tenzi pamuri, zvamusiri pasi pomutemo asipasi pomutsa usina kukodzera kuwanwa.”—VaR. 6:12, 14.

29. Chii chinoitika kana munhu afa?“Uchadya zvokudya zveziya rechiso chako kusvikira wa-

dzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruvauchadzokera kuguruva.”—Gen. 3:19.“Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana ka-

na chavanoziva, havasisina kana mubayiro, nokuti zvosezvingayeukwa nezvavo zvakanganwika.”—Mup. 9:5.Mamwe magwaro: Pis. 146:4; Mup. 3:19, 20; 9:10; Joh. 11:

11-14.

30. Nei vanhu vachifa?“Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete

uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwaka-pararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”—VaR.5:12.“Mubayiro wechivi ndirwo rufu.”—VaR. 6:23.

31. Tine tariro yei kana munhu akafa?“Ndine tariro kuna Mwari, tariro iyo varume ava vanayo-

wo, kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina ku-rurama.”—Mab. 24:15.

MASHOKO OKUWEDZERA 181

“Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vayavose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwirake, vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upe-nyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira ku-tongwa.”—Joh. 5:28, 29.

32. Vangani vachamutswa kuti vaende kudenga?“Ndakaona, uye, tarira! Gwayana rimire paGomo reZiyo-

ni, riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvi-na vakanga vaine zita raro nezita raBaba varo rakanyorwapahuma dzavo. Vaiimba rwaiita sokunge kuti rwiyo rutsvavari pamberi pechigaro choumambo nepamberi pezvisikwazvipenyu zvina nepevakuru; uye hapana akakwanisa kunya-tsodzidza rwiyo irworwo kunze kwevaya vane zviuru zvinezana nemakumi mana nezvina, vakatengwa vachibva panyi-ka.”—Zvak. 14:1, 3.

33. Vanhu vachaenda kudenga vachanoitei?“Makaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu,

uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.”—Zvak.5:10.“Ndakaona zvigaro zvoumambo, uye pakanga paine va-

ya vakanga vakagara pazviri, uye vakapiwa simba rokuto-nga. . . . Vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo naKri-stu kwemakore ane chiuru. Munhu ane mugove pakumukakwokutanga anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri haru-na simba pana ivava, asi vachava vapristi vaMwari nevaKri-stu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore achoane chiuru.”—Zvak. 20:4, 6.Rumwe rugwaro: Zvak. 22:5.

34. Ruzhinji rwevanhu rune tariro yei?“Akati: ‘Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muumambo

hwenyu.’ [Jesu] akati kwaari: ‘Chokwadi ndinokuudza nha-si, uchava neni muParadhiso.’”—Ruka 23:42, 43.“Ndakaona vakafa, vakuru nevaduku, vamire pamberi

pechigaro choumambo, uye mipumburu yakavhurwa. Asi

182 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

mumwe mupumburu wakavhurwa; ndiwo mupumburu wou-penyu. Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvaka-nyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo. Gungwarakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHa-dhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye vakato-ngwa mumwe nomumwe maererano nemabasa ake.”—Zvak.20:12, 13.Rumwe rugwaro: Zvak. 21:1-4.

35. Nei tichifanira kuva netariro yakasimba yorumuko?“Musatya vaya vanouraya muviri asi vasingagoni kuura-

ya mweya; asi ityai iye anogona kuparadza mweya nomuvi-ri muGehena.”—Mat. 10:28.

MASHOKO OKUWEDZERA 183

CHIKAMU 2 ZVINHU ZVAKARURAMA ZVINODIWA NAJEHOVHA

Pawaidzidza Bhaibheri wakaona kuti Jehovha anoda ku-ti uitei kuti urarame zvinoenderana nemitemo yake yakaru-rama. Kuchinja kwawakaita zvinhu zvakawanda muupenyuhwako panyaya dzokuzvibata uye maonero aunoita upe-nyu kunoratidza kuti wakanzwisisa zvinhu zvawakadzidza.Iye zvino sezvo wazvipira kuti urarame zvinoenderana ne-mitemo yaJehovha yakarurama, wava pachidanho choku-mushumira somushumiri wemashoko akanaka.Kudzokorora mibvunzo iri pasi apa kuchakubatsira kuti

unyatsonzwisisa zvinhu zvakarurama zvinodiwa naJehovhauye kuchakuyeuchidza zvaunofanira kuita kuti ukodzere ku-va mushumiri wake. Mibvunzo iyi ichaita kuti uone kukoshakwokuita zvinhu zvose uine hana yakachena woita kuti Je-hovha akudzwe.—2 VaK. 1:12; 1 Tim. 1:19; 1 Pet. 3:16, 21.

184 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

1. MuKristu anofanira kuona sei wanano?“Achipindura, iye akati: ‘Hamuna kuverenga here kuti iye

akavasika kubva pakutanga akavaita munhurume nomu-nhukadzi? Uyewo kuti akati, “Saka murume achasiya babavake naamai vake onamatira mudzimai wake, uye vaviri va-cho vachava nyama imwe”? Zvokuti havasisirizve vaviri, asinyama imwe. Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anopa-radzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.’”—Mat.19:4-6.“Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaanopome-

rwa, murume ane mudzimai mumwe chete . . . Vashumirivanoshumira ngavave varume vane mudzimai mumwe che-te.”—1 Tim. 3:2, 12.

2. Magwaro anobvumira kuti munhu arambe mumwewake oroorazve kana kuroorwazve kana zvaita sei?“Ndinoti kwamuri munhu wose anoramba mudzimai wa-

ke, kunze kwokunge aita ufeve, akaroora mumwe, iye ano-ita upombwe.”—Mat. 19:9.

3. Bhaibheri rinotii nezvekuparadzana?“Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa

pamwe chete pajoko naMwari.”—Mako 10:9.“Vanhu vakaroora kana kuroorwa ndinovapa mirayiridzo,

kwete ini asi Ishe, kuti mudzimai haafaniri kubva kumuru-me wake. . . . Uye murume haafaniri kusiya mudzimai wa-ke.”—1 VaK. 7:10, 11.Mamwe magwaro: 1 VaK. 7:4, 5, 12-16.

4. Nemhaka yei murume nomukadzi vanogara vosevachifanira kunyoresa muchato wavo zviri pamutemo?Kana wakaroora kana kuroorwa, wakanyoresa muchatowako zviri pamutemo here?“Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye kuti vate-

erere hurumende nevanhu vane masimba.”—Tito 3:1.

MASHOKO OKUWEDZERA 185

“Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaro-orana ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvife-ve.”—VaH. 13:4.“Zviisei pasi pechinhu chose chakaitwa nomunhu noku-

da kwaShe: angava mambo somukuru kana magavhuna se-anotumwa naye kuti arange vanoita zvakaipa uye kuti aru-mbidze vanoita zvakanaka.”—1 Pet. 2:13, 14.

5. Nei tichifanira kuremekedza chipo choupenyu?“Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu.”—Pis. 36:9.“Mwari akaita nyika . . . anopa vanhu vose upenyu ne-

mhepo yokufema nezvinhu zvose. . . . Nokuti naye tine upe-nyu, tinofamba uye tiripo.”—Mab. 17:24, 25, 28.“Kristu Jesu . . . akazvipa kuti ave rudzikinuro runoenza-

nirana navose.”—1 Tim. 2:5, 6.“Kana ukavaka imba itsva, unofanira kugadzirawo karu-

svingo kanodzivirira padenga reimba yako, kuti urege kuisamhosva yeropa paimba yako nokuti mumwe munhu anga-wa achibva pariri.”—Dheut. 22:8.

6. Jehovha anoona sei (a) kuponda? (b) kubvisapamuviri? (c) kuzviuraya?‘Asi kana dziri mhondi mugove wavo uchava mugungwa

rinopfuta moto nesarufa. Iri rinomirira rufu rwechipiri.’—Zvak. 21:8.‘Kana varume vakarwisana, vokuvadza mukadzi ane pa-

muviri uye ozvara mwana nguva isati yasvika asi pasinanjodzi inouraya yaitika, ane mhosva anofanira kuripiswamaererano nezvaangatarirwa. Asi kana njodzi inouraya ika-itika, ipapo munofanira kutsiva mweya nomweya.’—Eks. 21:22, 23.“Tarirai! Mweya yose—ndeyangu. Mweya wababa nomwe-

ya womwanakomanawo—ndeyangu.”—Ezek. 18:4.

186 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

7. Munhu ane chirwere chinotapukira uye chinogonakuuraya anofanira kuita sei?“Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuiti-

rei, vaitireiwo saizvozvo; izvi, chokwadi, ndizvo zvinorehwanoMutemo neZvakanyorwa nevaprofita.”—Mat. 7:12.“Musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda

imi pachenyu, asi muchiva nehanya nezvinhu zvinodiwawonevamwe.”—VaF. 2:4.

8. Kuti chirwere chinotapukira uye chinogona kuurayachisatapukira vamwe, munhu ane chirwere chacho neiasingafaniri (a) kutanga iye kuita zvinhu zvakadaisokumbundira vamwe kana kuvakisa? (b) kugumbukakana vamwe vakasamukoka kumba kwavo? (c) Neimunhu angangodaro aine chirwere chinotapukiraachifanira kuenda kunoongororwa ropa asati atangakudanana nomumwe munhu? (d) Nei munhu anechirwere chinotapukira achifanira kuudza murongimudare revakuru asati abhabhatidzwa?“Musambova nechikwereti chero nomunhu upi zvake, ku-

nze kwokudanana; nokuti iye anoda mumwe wake azadzi-ka mutemo. Nokuti bumbiro remitemo rinoti . . . ‘Ida muva-kidzani wako sezvaunozviita.’ Rudo haruitiri muvakidzanizvakaipa; naizvozvo rudo kuzadzika kwomutemo.”—VaR. 13:8-10.‘Rudo haruzvibati zvisina kufanira, haruzvitsvakiri zva-

rwo, harutsamwi. Haruchengeti chigumbu.’—1 VaK. 13:4, 5.

9. Nei vaKristu vasingafaniri kudya ropa, uye kusaridyakunosanganisirei?“Nyama bedzi ine mweya wayo—iro ropa rayo—musaidya.”

—Gen. 9:4.“Ungabaya hako mhuka pose apo mweya wako une-

nge wava nenhomba yenyama, uye unofanira kudya nya-ma maererano nechikomborero chaJehovha Mwari wako

MASHOKO OKUWEDZERA 187

chaakakupa . . . Asi hamufaniri kudya ropa. Unofanira ku-ridururira pasi semvura.”—Dheut. 12:15, 16.“Murambe muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori, ro-

pa, zvinhu zvakadzipwa uye ufeve.”—Mab. 15:29.

10. Nei vaKristu vasiri pasi poMutemo waMosesi uyezvawaitaura nezvekupa zvibayiro uye Sabata?“Kristu ndiye mugumo woMutemo, kuti munhu wose ano-

tenda ave nokururama.”—VaR. 10:4.“Ngaparege kuva nomunhu anokutongai pane zvokudya

nezvokunwa kana pamusoro pomutambo kana pamuso-ro pokuchengetwa kwokugara kwomwedzi kana pamuso-ro pesabata; nokuti zvinhu izvozvo mumvuri wezvinhu zvi-chauya, asi chinhu chacho chaicho ndechaKristu.”—VaK. 2:16, 17.Mamwe magwaro:VaG. 3:24, 25; VaK. 2:13, 14.

11. Unhu hupi hunofanira kuratidza ukama hwatiinahwonehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu?“Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; soku-

da kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachazi-va kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo paka-ti penyu.”—Joh. 13:34, 35.“Pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana choku-

batana.”—VaK. 3:14.Rumwe rugwaro: 1 VaK. 13:4-7.

12. VaKristu vanofanira kuona sei zvikanganisozvinoitwa nevavanonamata navo?“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo

wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyuti-ra mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose,imiwo itai saizvozvo.”—VaK. 3:13.“Kupfuura zvinhu zvose, dananai kwazvo, nokuti rudo

runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Pet. 4:8.Mamwe magwaro: Zvir. 17:9; 19:11; Mat. 7:1-5.

188 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

13. Kana waunonamata naye akakukanganisirazvakanyanya, zvakadai sokukutsotsa kana kutikukuchera, unofanira kuita sei?“Kana hama yako ikatadza, enda ubudise pachena mho-

sva yake iwe naiye muri moga. Kana ikakuteerera, wawanahama yako. Asi kana ikasateerera, enda nomumwe kana va-mwe vaviri, kuti nyaya imwe neimwe isimbiswe kana papu-purirwa nezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana ikasavatee-rera, taura neungano. Kana ikasateerera kunyange ungano,ngaive kwauri somunhu wemamwe marudzi uye somutere-si.”—Mat. 18:15-17.

14. Chii chinonzi chibereko chomudzimu, uye kuvanacho kuchatibatsira sei kuti tiwirirane nevamwe?“Chibereko chomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo

murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaG. 5:22, 23.

15. Nei tisingafaniri kureva nhema?“Dhiyabhorosi . . . haana kumira zvakasimba muchokwa-

di, nokuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema,anotaura maererano nemafungiro ake, nokuti iye mureviwenhema nababa venhema.”—Joh. 8:44.‘Kana vari varevi venhema vose, mugove wavo uchava

mugungwa rinopfuta moto nesarufa.’—Zvak. 21:8.Mamwe magwaro: Eks. 20:16; 2 VaK. 6:4, 7.

16. MuKristu anofanira kuona sei kuba?“Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambura nokuti

imhondi kana mbavha.”—1 Pet. 4:15.“Anoba ngaachirega kubazve, asi ngaashande nesimba,

achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwechinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.”—VaEf. 4:28.

17. Bhaibheri rinoti kudii nezvekunwa doro?“Enda, udye zvokudya zvako uchifara, unwe waini yako

nomwoyo unofara, nokuti Mwari wechokwadi akatofariramabasa ako.”—Mup. 9:7.

MASHOKO OKUWEDZERA 189

“Usaramba uchingonwa mvura chete, asi shandisa wainishomanana nokuda kwomudumbu mako nokurwara-rwarakwaunogara uchiita.”—1 Tim. 5:23.

18. MuKristu anoona sei kudhakwa?‘Hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazogari

nhaka yoUmambo hwaMwari? Musatsauswa. Zvifeve, kanavanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana vanhu vano-kara, kana zvidhakwa, havazogari nhaka yoUmambo hwa-Mwari.’—1 VaK. 6:9, 10.‘Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaanopome-

rwa, asiri chidhakwa.’—1 Tim. 3:2, 3.Rumwe rugwaro: 1 VaK. 5:11.

19. MuKristu anofanira kuona sei kunyanyisa kunwakunyange zvazvo asingazodhakwi?“Usava mumwe wevanonwisa waini.”—Zvir. 23:20.“Vashumiri vanoshumira vanofanirawo kuva vomwoyo

wose, . . . vasinganyanyonwisi waini.”—1 Tim. 3:8.Rumwe rugwaro: 1 Pet. 4:3.

20. Nei vaKristu vasingafaniri kushandisa zvinhuzvinodhaka uye zvinokanganisa pfungwa vasinachikonzero chokuti vari kurapwa?“Ndinokutetererai netsitsi dzaMwari, hama, kuti mupe

miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamu-chirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba renyu roku-funga. Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguvaino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti mue-dze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchi-rika uye zvakakwana.”—VaR. 12:1, 2.“Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama

nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.”—2 VaK.7:1.Mamwe magwaro: 1 Pet. 4:7; Zvak. 21:8.

190 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

21. Bhaibheri rinoti kudii nezvekusazvibata panyayadzebonde (por·nei�a), uko kunosanganisira upombwe,ufeve, ungochani, uye zvimwe zvinhu zvisingatenderwinaMwari panyaya dzebonde?‘Mabasa enyama anooneka, uye ndeaya, ufeve, kusache-

na, maitiro okushaya nyadzi, nezvinhu zvakaita seizvi. Va-ne tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka yoUma-mbo hwaMwari.’—VaG. 5:19-21.‘Hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazoga-

ri nhaka yoUmambo hwaMwari? Musatsauswa. Zvifeve, ka-na vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana vanoitazvechingochani, havazogari nhaka yoUmambo hwaMwari.’—1 VaK. 6:9, 10.“Mwari akavarega vachiva nechido chinonyadzisa choku-

rara nomumwe munhu, nokuti vanhukadzi vavo vakachinjazvavakasikirwa kuti zvive zvakasiyana nemasikirwo avo;saizvozvowo kunyange vanhurume vakasiya zvakasikirwamunhukadzi vakatsva kwazvo pakuchivana kwavo, vanhu-rume nevanhurume, vachiita zvinonyadzisa uye vachigamu-chira muripo wakakwana, uyo wakanga wakakodzera kuka-nganisa kwavo.”—VaR. 1:26, 27.“Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaro-

orana ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvife-ve nemhombwe.”—VaH. 13:4.Mamwe magwaro:Mako 7:20-23; VaEf. 5:5; 1 Pet. 4:3; Zvak.

21:8.

22. Mazano api ari muBhaibheri achakubatsira kutiukunde miedzo yokuita unzenza?“Pfungwa dzenyu ngadzirambe dziri pazvinhu zviri ku-

musoro, kwete pazvinhu zviri panyika. Naizvozvo, urayainhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura ne-zvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomu-mwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko ku-noreva kunamata zvidhori.”—VaK. 3:2, 5.

MASHOKO OKUWEDZERA 191

“Hama, zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvoku-va nehanya nazvo, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvo-se zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvi-notaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo,zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchi-funga zvinhu izvi.”—VaF. 4:8.

23. Nei muKristu asingafaniri kuita zvokubheja?“Imi muri vaya vanosiya Jehovha, vaya vanokanganwa

gomo rangu dzvene, vaya vanogadzirira mwari weMhanzaYakanaka tafura yezvokudya uye vaya vanodirira waini ya-kavhenganiswa mwari Anofanosarudza Zvichaitika. Ndi-chafanokutemerai kuti muparadzwe nebakatwa.”—Isa. 65:11, 12.‘Hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazogari

nhaka yoUmambo hwaMwari? Musatsauswa. Mbavha, kanavanhu vanokara havazogari nhaka yoUmambo hwaMwari.’—1 VaK. 6:9, 10.

24. Kana munhu akaita chivi chakakura nemhakayokungoti zvamukundawo, uye achida kugadzirisaukama hwake naJehovha, anofanira kukurumidza kuitasei?“Ndakazoreurura chivi changu kwamuri, uye handina ku-

fukidza kukanganisa kwangu. Ndakati: ‘Ndichareurura ku-darika kwangu kuna Jehovha.’”—Pis. 32:5.“Pane munhu anotambura nezvinhu zvakaipa pakati pe-

nyu here? Ngaarambe achinyengetera. Pane munhu anofa-ra here? Ngaaimbe mapisarema. Pane munhu anorwara pa-kati penyu here? Ngaashevedze varume vakuru veungano,uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta vachisha-ndisa zita raJehovha. Munyengetero wokutenda uchapore-sa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana aka-ita zvivi, achakanganwirwa.”—Jak. 5:13-15.Mamwe magwaro: Zvir. 28:13; 1 Joh. 2:1, 2.

192 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

25. Mumwe nomumwe anofanira kuita sei kana akazivakuti mumwe muKristu akaita chivi chikuru ichochinogona kukanganisa manamatiro uye kuchenakweungano?“Kana mweya ukatadza pakuti munhu wacho akanzwa

kutuka kwakaitwa pachena, ari chapupu kana kuti iye aka-zviona kana kuti akazviziva, kana akasazvitaura, anofani-ra kuzvidavirira kukanganisa kwake.”—Revh. 5:1.

26. Tinofanira kuva nemafungiro akaita sei kanatikatsiurwa muungano?“Mwanakomana wangu, usaramba kuranga kwaJehovha;

uye usasema kutsiura kwake.”—Zvir. 3:11.“Murayiro irambi, mutemo chiedza, uye kutsiura kwoku-

ranga inzira youpenyu.”—Zvir. 6:23.

27. Ungano inofanira kuita sei kana munhu achiratidzakuti haasi kuda kupfidza uye kusiya zvinhu zvinopesananemitemo yaMwari?“Mutsamba yangu ndakakunyorerai kuti murege kufambi-

dzana nezvifeve, ndisingarevi kuti murege zvachose ku-fambidzana nezvifeve zvenyika ino kana vanhu vanoka-ra nemakororo kana vanonamata zvidhori. Dai zvakadaro,chokwadi maizofanira kubva panyika. Asi zvino ndiri kuku-nyorerai kuti murege kufambidzana nomunhu wose anonzihama iye ari chifeve kana munhu anokara kana anonama-ta zvidhori kana anotuka kana chidhakwa kana gororo, mu-sambodya nomunhu akadaro. Nokuti ndinei nokutonga va-ri kunze? Imi hamutongi vari mukati here, Mwari achitongavari kunze? ‘Bvisai munhu akaipa pakati penyu.’”—1 VaK.5:9-13.

28. Chii chinonzi kunamata zvidhori? Ndezvipi zvinhuzvakangofanana nokunamata zvidhori izvo muKristuanofanira kuchenjerera?“Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, kana mufa-

nanidzo wechinhu chero chipi zvacho chiri kumatenga

MASHOKO OKUWEDZERA 193

kumusoro, kana chiri panyika pasi, kana chiri mumvura pa-si penyika. Usazvikotamira kana kunyengedzwa kuti uzvi-shumire, nokuti ini Jehovha Mwari wako ndiri Mwari ano-da kuzvipira kwakazara.”—Eks. 20:4, 5.“Zvichenjererei pazvidhori.”—1 Joh. 5:21.Mamwe magwaro: Isa. 42:8; Jer. 10:14, 15.

29. MuKristu anofanira kuona sei nyikayakazviparadzanisa naMwari?“Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.”—Joh. 17:16.“Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvenga-

na naMwari? Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwa-ri yenyika anozviita muvengi waMwari.”—Jak. 4:4.

30. Jesu aipindira mune zvematongerwo enyika here?“Dhiyabhorosi akaenda naye kugomo refu refu, akamura-

tidza umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo, aka-ti kwaari: ‘Ndichakupa zvinhu zvose izvi kana ukawira pa-si wongondinamata kamwe chete.’ Jesu akabva ati kwaari:‘Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, “Jehovha Mwariwako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga wauno-fanira kuitira basa dzvene.”’”—Mat. 4:8-10.“Jesu, achiziva kuti vakanga vava kuda kuuya kuzomuba-

ta kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda mugomo arioga.”—Joh. 6:15.

31. Kana munhu akaparadzana nenyika ova muKristu,anofanira kutarisira kuti nyika imubate sei?“Kudai maiva venyika, nyika yaizoda zviri zvayo. Zvino

nokuti hamusi venyika, asi ndakakusarudzai munyika, no-kuda kweizvi nyika inokuvengai. . . . Kana vakanditambu-dza, vachakutambudzaiwo.”—Joh. 15:19, 20.“Vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari

muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.”—2 Tim. 3:12.“Zvamusingarambi muchifambidzana navo kusvikira ma-

nyura mumatope ezvakaipa kufanana navo, ivo vanoshami-swa uye vanoramba vachikutukai.”—1 Pet. 4:4.

194 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

32. Kuparadzana nenyika kunoita kuti muKristu aite seipanyaya dzokusarudza mabasa?“Anoba ngaachirega kubazve, asi ngaashande nesimba,

achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwechinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.”—VaEf. 4:28.‘Dhiyabhorosi murevi wenhema nababa venhema.’—Joh.

8:44.“Achatonga pakati pemarudzi mazhinji, oruramisa zvi-

nhu pamusoro pemarudzi ane simba ari kure. Vachapfuramapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avokuti ave zvokuchekereresa miti. Havazosimudzirani mapa-katwa, rudzi norudzi, uyewo havazodzidzizve kurwa.”—Mi-ka 4:3.“Ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga richiti: ‘Budai

mariri [muBhabhironi Guru], vanhu vangu, kana musinga-di kugovana naro zvivi zvaro, uye kana musingadi kuwanamamwe matambudziko aro.’”—Zvak. 18:4.

33. MuKristu anofanira kushandisa mazano api arimuBhaibheri pakusarudza zvinhu zvichamuvaraidza?“Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika

dzinobatsira.”—1 VaK. 15:33.“Hama, zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvoku-

va nehanya nazvo, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvo-se zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvi-notaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo,zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchi-funga zvinhu izvi.”—VaF. 4:8.“Musada nyika kana zvinhu zviri munyika.”—1 Joh. 2:15.‘Jehovha anovenga munhu wose anoda zvekurwa.’—Pis.

11:5.‘Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamuno-

ita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asisezvinoita vakachenjera, muchishandisa mikana yose, no-kuti mazuva akaipa. Nokuda kweizvi musava mapenzi, asi

MASHOKO OKUWEDZERA 195

rambai muchinzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvi-pi. Uyewo, musadhakwa newaini, nokuti pakudhakwa ndi-po pane zvakaipa, asi rambai muchizadzwa nomudzimu,muchitaurirana nemapisarema, muchirumbidza Mwari ne-nziyo dzomudzimu, muchiimba uye muchiridzira Jehovhanziyo mumwoyo menyu, muchigara muchionga Mwari we-du uye Baba vedu nokuda kwezvinhu zvose nomuzita ra-She wedu Jesu Kristu.’—VaEf. 5:15-20.“Ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana

kukara ngazvirege kumbotaurwa nezvazvo pakati penyu,sezvinokodzera vanhu vatsvene.”—VaEf. 5:3.

34. Zvakaipirei kuti muKristu wechokwadi awadzanenemamwe machechi?“Ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga richiti: ‘Budai

mariri [muBhabhironi Guru], vanhu vangu, kana musinga-di kugovana naro zvivi zvaro, uye kana musingadi kuwanamamwe matambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvatutiranakusvika kudenga, uye Mwari ayeuka mabasa aro okusaru-ramisira.’”—Zvak. 18:4, 5.Mamwe magwaro:Mat. 7:13, 14, 21-23; 1 VaK. 10:20; 2 VaK. 6:

14-18.

35. VaKristu vanofanira kuyeuka zuva ripi?“Akatorawo chingwa, akaonga, akachimedura, akava-

pa, achiti: ‘Ichi chinomirira muviri wangu uchapiwa noku-da kwenyu. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.’”—Ruka22:19.Rumwe rugwaro: 1 VaK. 11:23-26.

36. Kana paine mhemberero dziri kuitwa kwaunogara,ungaziva sei kana uchifanira kuendawo?“Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.”—Joh. 17:16.“Hamugoni kudyira ‘patafura yaJehovha’ uye patafura

yemadhimoni.”—1 VaK. 10:21.

196 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

“Vakavhengana nemarudzi acho, vakadzidza mabasaawo. Vakaramba vachishumira zvidhori zvawo, izvi zvikavamusungo kwavari.”—Pis. 106:35, 36.‘Munguva yakapfuura makapedza nguva yakakwana mu-

chiita zvaidiwa nemamwe marudzi pamairamba muchiitamaitiro okushaya nyadzi, pakuchiva kwazvo, pakunyanyi-sa kunwa, pamitambo yemafaro akanyanyisa, panguva dzo-kunwira kudhakwa, pakunamata zvidhori kusingabvumirwinomutemo.’—1 Pet. 4:3.“Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana ka-

na chavanoziva.”—Mup. 9:5.

37. Bhaibheri rinoti kudii nezvokupemberera mazuvaokuberekwa? Izvozvo zvinoita kuti uone sei kupembereramazuva okuberekwa?“Zuva rokuberekwa kwaHerodhi parakanga richichenge-

twa, mwanasikana waHerodhiyasi akatamba ipapo akafa-dza Herodhi kwazvo, zvokuti akavimbisa achiita zvokupikakuti aizomupa chose chaaizokumbira. Zvino iye, arayirwanaamai vake, akati: ‘Ndipei pano musoro waJohani Mubha-bhatidzi uri mundiro huru.’ Kunyange zvazvo akashungu-rudzwa, mambo akarayira kuti aupiwe, nokuti airemekedzamhiko dzake uye nokuda kwevaya vakanga vakatsenhamanaye; uye akatumira shoko, akaita kuti Johani adimburwemusoro mujeri. Musoro wake wakaunzwa uri mundiro hu-ru ukapiwa musikana wacho, iye akauendesa kuna amai va-ke.”—Mat. 14:6-11.Mamwe magwaro: Gen. 40:20-22; Mup. 7:1, 8.

MASHOKO OKUWEDZERA 197

CHIKAMU 3 MARONGERWO AKAITWA ZVINHU NAJEHOVHA

Kudzidza kwawakaita Bhaibheri kwakaita kuti uone kutiJehovha ane chinangwa chokuita kuti zvinhu zvose zvive-zve pasi pake sezvazvakanga zvakaita pakutanga. (1 VaK.15:24-28; VaEf. 1:8-10) Sezvo wakatodzidza izvi, zviri pa-chena kuti unoda chaizvo kuziva nzvimbo yako muurongwahwaJehovha uye kuzviisa pasi pokutonga kwake. Mibvu-nzo inotevera neMagwaro acho zvichakubatsira kuongoro-ra manzwisisiro aunoita kuzviisa pasi pourongwa hwaJe-hovha, mungava muungano, mumhuri, kana kuti panyayadzezvematongerwo enyika. Uchawedzera kunzwisisa uro-ngwa hwaJehovha hwokudzidzisa vanhu vake uye kuvava-ka pakunamata. Izvi zvinosanganisira kupinda misanganoyechiKristu uye kupindurawo.Uyezve, chikamu chino chichataura nezvekukosha kwe-

kugara uchiparidza, uchibatsira vamwe kuti vazive Jehovhauye zvaari kuitira vanhu. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Pakupe-dzisira, chichakubatsira kuti unyatsonzwisisa kukosha kwo-kuzvitsaurira kwako kuna Jehovha Mwari uye kubhabhati-dzwa. Uchaona kuti Jehovha anokoshesa kubvumakwawakaita kugamuchira mutsa usina kukodzera kuwanwawaakakuratidza.

198 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

1. Muurongwa hwaMwari, musoro wemukadzi akaroorwandiani?“Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, sezvazvaka-

kodzera munaShe.”—VaK. 3:18.“Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo sokunaShe,

nokuti murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristuzvaari musoro weungano, iye zvaari muponesi womuviriuyu.”—VaEf. 5:22, 23.

2. Sezvo murume ari musoro wemba, anofanira kubatasei mudzimai wake?“Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo.

Anoda mudzimai wake anozvida, nokuti hapana murumeakambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoita-risira, sezvinoitirawo Kristu ungano.”—VaEf. 5:28, 29.“Imi varume, rambai muchida madzimai enyu uye musaa-

tsamwira kwazvo.”—VaK. 3:19.

3. Mudzimai wechiKristu anofanira kuzviisa pasipemurume wake here kana murume wacho asiriChapupu?“Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana pa-

ine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyupasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaonamufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzorukuru.”—1 Pet. 3:1, 2.

4. Mwari akapa ani basa rokudzidzisa nokuranga vana?“Vanababa, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchi-

varera mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa na-Jehovha.”—VaEf. 6:4.“Mwanakomana wangu, teerera kuranga kwababa vako,

uye usasiya mutemo waamai vako.”—Zvir. 1:8.

5. Vana vanofanira kuita sei kuvabereki vavo?“Vana, teererai vabereki venyu munaShe, nokuti izvi ndi-

zvo zvakarurama: ‘Kudza baba vako naamai vako’; uyo uri

MASHOKO OKUWEDZERA 199

murayiro wokutanga une chipikirwa chokuti: ‘Kuti zvikufa-mbire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.’”—Va-Ef. 6:1-3.“Imi vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, noku-

ti izvi zvinofadza kwazvo munaShe.”—VaK. 3:20.

6. VaKristu vanofanira kuva nemaonero api akakodzerakuvatongi venyika?“Mweya yose ngaizviise pasi pevanhu vane masimba ma-

kuru, nokuti hapana munhu ane masimba asina kubvumi-rwa naMwari; vanhu vane masimba varipo vakaiswa mu-nzvimbo dzavo dzine mwero naMwari.”—VaR. 13:1.“Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye kuti vate-

erere hurumende nevanhu vane masimba.”—Tito 3:1.

7. Nei muKristu achifanira kubhadhara mitero yoseinorayirwa nomutemo?“Ipai vose zvakavakodzera, kune anorayira mutero, mu-

tero; kune anorayira muripo, muripo; kune anorayira ku-tyiwa, kutyiwa kwakadaro; kune anorayira kukudzwa, kuku-dzwa kwakadaro.”—VaR. 13:7.Rumwe rugwaro: Ruka 20:21-25.

8. Pane zvingaita kuti muKristu arambe kuteereravatongi venyika here?“Naizvozvo vakavashevedza, vakavarayira, kuti vasambo-

taura kana kudzidzisa chero kupi zvako nezvezita raJesu.Asi vachipindura, Petro naJohani vakati: ‘Kana zvakarura-ma pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari,tongai henyu. Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamu-soro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.’”—Mab. 4:18-20.“Vachipindura, Petro nevamwe vaapostora vakati: ‘Tino-

fanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.’”—Mab. 5:29.

9. VaKristu vanofanira here kuteerera zvinodiwa nenyikakana zvisingapesani nemitemo yaMwari, zvakadai

200 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

sokunyoresa muchato uye vana vanenge vaberekwa,kupindura mibvunzo yokuverengwa kwevanhu, kana kutikuwana marezinesi anodiwa?‘Mumazuva iwayo pakapiwa murayiro wokuti nyika yose

inogarwa inyoreswe. Josefa akabvawo kuGarireya kuti va-nyorwe, iye naMariya, waakanga aroorana naye.’—Ruka 2:1-5.“Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye kuti vate-

erere hurumende nevanhu vane masimba.”—Tito 3:1.

10. Nyaya yokuva musoro muungano yechiKristuyakamira sei?“Ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndi-

Kristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musorowaKristu ndiMwari.”—1 VaK. 11:3.

11. Musoro weungano yechiKristu ndiani?“[Kristu] ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki, da-

ngwe rezvisikwa zvose; nokuti pachishandiswa iye zvimwezvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika,zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki, pasinei nokutizvingava zviri zvigaro zvoumambo here kana ushe kana hu-rumende kana vanhu vane masimba. Zvimwe zvinhu zvosezvakasikwa pachishandiswa iye uye nokuda kwake. Uyewo,akatangira zvimwe zvinhu zvose uye zvimwe zvinhu zvosezvakaitwa kuti zvivepo pachishandiswa iye, uye iye ndiyemusoro womuviri, iyo ungano.”—VaK. 1:15-18.

12. Chii chinonzi Dare Rinotungamirira reunganoyechiKristu, uye rinoita basa rei?“Vamwe varume vakaburuka vachibva kuJudhiya, vakata-

nga kudzidzisa hama vachiti: ‘Kana mukasadzingiswa mae-rerano netsika yaMosesi, hamungaponeswi.’ Asi Pauro na-Bhanabhasi pavakakakavadzana nokuitirana nharo navokwazvo, vakarangana kuti Pauro naBhanabhasi nevamwe

MASHOKO OKUWEDZERA 201

vavo vaende kuvaapostora nevarume vakuru vaiva muJeru-sarema pamusoro penharo idzi.”—Mab. 15:1, 2.“Zvavaifamba nomumaguta vaipa vakanga varimo mirayi-

ro yakanga yasarudzwa nevaapostora nevarume vakuru va-iva muJerusarema kuti vachengete. Naizvozvo, chokwadi,ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichi-wedzera vanhu vazhinji zuva nezuva.”—Mab. 16:4, 5.“Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, aka-

gadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudyazvavo panguva yakakodzera? Anofara muranda iyeye kanatenzi wake akamuwana achiita saizvozvo paanosvika! Cho-kwadi ndinoti kwamuri, Iye achamugadza pazvinhu zvakezvose.”—Mat. 24:45-47.

13. Ndivanaani vari panyika vanoshandiswa naKristukutungamirira ungano?“Zvichenjererei imi neboka rose, ramakagadzwa pariri no-

mudzimu mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufudzeungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakomana wa-ke.”—Mab. 20:28.‘Ndinorayira varume vakuru vari pakati penyu kuti: Fu-

dzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombe-dzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowani-kwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose;musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asimuchiva mienzaniso kuboka.’—1 Pet. 5:1-3.

14. Vanhu vari muungano vanoratidza sei kutivanozviisa pasi paKristu?“Yeukai vaya vari kukutungamirirai, vakakutaurirai shoko

raMwari, uye sezvamunocherechedza kuti mufambiro wavounoguma sei, tevedzerai kutenda kwavo.”—VaH. 13:7.“Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, no-

kuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvida-virira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokutiizvi zvaizokukuvadzai.”—VaH. 13:17.

202 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

15. Ipfungwa dzaani dzakanyorwa muBhaibheri? Neiuchifanira kugara uchidzidza Shoko raMwari uye kuvanenguva yokunamata kwemhuri vhiki yoga yoga?“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsi-

ra pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakura-nga nokururama, kuti munhu waMwari akwanise zvizere,akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.”—2 Tim. 3:16, 17.“Anofarira mutemo waJehovha, anoverenga mutemo wa-

ke nenzwi riri pasi masikati nousiku. Achava somuti waka-dyarwa pedyo nehova dzemvura, unobereka michero yawomumwaka wawo uye une mashizha asingasvavi, uye zvosezvaanoita zvichabudirira.”—Pis. 1:2, 3.Mamwe magwaro: Dheut. 17:18-20; Zvir. 2:1-6; 1 VaT. 2:13.

16. Kupinda misangano inorongwa neunganokunobatsirei? Zvii zvaunoita kuti uipinde?“Tsoka yangu ichamira panzvimbo yakati sandara; ndi-

charumbidza Jehovha pakati pemapoka evanhu vakaunga-na.”—Pis. 26:12.“Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nema-

basa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsikaine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuvarichiswedera pedyo.”—VaH. 10:24, 25.Mamwe magwaro: Pis. 35:18; 149:1.

17. Nei uchifanira kupindurawo pamisangano yeungano?“Ndichazivisa hama dzangu zita renyu; ndichakurumbi-

dzai ndiri pakati peungano.”—Pis. 22:22.“Simbi inorodzwa nesimbi. Saizvozvo munhu anorodza

chiso chomumwe.”—Zvir. 27:17.“Ngatigarei tichipa Mwari chibayiro chokurumbidza no-

kwaari, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zi-ta rake.”—VaH. 13:15.

MASHOKO OKUWEDZERA 203

18. SevaKristu nei kutenda kwedu kuchifanira kuvanemabasa?“Kutenda, kana kusina mabasa, kwakafa. Kunyange zva-

kadaro, mumwe munhu angati: ‘Iwe une kutenda, ini ndinemabasa. Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, ini ndi-chakuratidza kutenda kwangu nemabasa angu.’ Chokwadi,muviri usina simba roupenyu zvawakafa, saizvozvowo ku-tenda kusina mabasa kwakafa.”—Jak. 2:17, 18, 26.

19. Ibasa ripi rinonzi neBhaibheri vaKristu vosevanofanira kukurumidza kuriita?“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika

yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zva-daro kuguma kuchasvika.”—Mat. 24:14.“Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose va-

ve vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwa-nakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuche-ngeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mat. 28:19, 20.

20. Ndivanaani vatinofanira kuudzawo mashoko akanakaoUmambo?“Handina kurega kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana

kukudzidzisai pachena uye paimba neimba. Asi ndakapupu-ra kwazvo kuvaJudha nevaGiriki pamusoro pokupfidza ku-na Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.”—Mab. 20:20, 21.‘Mazuva ose akatanga kukurukurirana nevanhu vaaiwana

vari pamusika.’—Mab. 17:17.

21. Nei uchifanira kunyanya kukoshesa basa rokuudzavamwe mashoko akanaka?“Ndinokushevedzai kuti mupupurire iro zuva ranhasi ku-

ti ndakachena paropa revanhu vose, nokuti handina kuregakukuudzai zvose zvakasarudzwa naMwari.”—Mab. 20:26, 27.“Kana ndiri kuzivisa mashoko akanaka, hachisi chikonze-

ro chokuti ndizvirumbidze, nokuti ndinofanira kuzviita.

204 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Chokwadi, ndine nhamo kana ndikasazivisa mashoko aka-naka!”—1 VaK. 9:16.

22. Tingatsigira sei basa roUmambo nezvinhu zvedu?“Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha uye nezvibe-

reko zvako zvokutanga pazvibereko zvose zvaunowana. Ipa-po matura ako achazara nezvakawanda; uye zvisviniro zva-ko zvichafashukira newaini itsva.”—Zvir. 3:9, 10.“Anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma; uye ano-

dyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji. Mumwe nomumwengaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyu-nyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhuanopa achifara.”—2 VaK. 9:6, 7.

23. Tingaratidza sei kuti tinoda hama nehanzvadzidzedu dzinoshayiwa?“Kana hama kana kuti hanzvadzi isina chokupfeka uye

ichishayiwa zvokudya zvakakwanira zuva racho, mumwewenyu oti kwavari: ‘Endai norugare, mudziyirwe, mugute,’asi musingavapi zvinodiwa nemiviri yavo, zvinobatsirei?”—Jak. 2:15, 16.Mamwe magwaro: Zvir. 3:27; Jak. 1:27.

24. Tinofanira kuona sei nyaya yokuzvipira kuna Jehovhauye yokupa zvinhu zvedu patinomushumira?“Ndini ani uye vanhu vangu ndivanaani kuti tive nesi-

mba rokupa nokuzvidira sezvataita? Nokuti zvose zvinobvakwamuri, uye takupai zvakabva muruoko rwenyu.”—1 Mak.29:14.“Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mu-

mwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, no-kuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaK. 9:7.

25. Tinofanira kuva nemaonero akaita sei patinengetichitambudzwa kana kuti tichisangana nemiedzo?“Vanofara vaya vakatambudzwa nokuda kwokururama,

nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo. Munofara imi

MASHOKO OKUWEDZERA 205

kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai nokukureve-rai zvenhema zvinhu zvakaipa zvemarudzi ose nokuda kwa-ngu. Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyumukuru kumatenga; nokuti vakatambudza vaprofita vaka-kutangirai saizvozvo.”—Mat. 5:10-12.“Hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-si-

yana, farai kwazvo, zvamunoziva kuti kutenda kwenyu ukukwakaedzwa kunoita kuti pave nokutsungirira.”—Jak. 1:2, 3.“Vakabva zvavo pamberi peSanihedrini, vachifara noku-

ti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake.”—Mab.5:41.

26. Tinofanira kunyengetera kunaani, uye nomuzitaraani?“Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi

ose vachauya kwamuri.”—Pis. 65:2.“Pazuva iroro hamuzombondibvunzi mubvunzo. Chokwa-

di, chokwadi ndinoti kwamuri, Kana mukakumbira Babachimwe chinhu vachakupai muzita rangu.”—Joh. 16:23.Rumwe rugwaro: Joh. 14:6.

27. Tinofanira kunyengetera sei?“Pamunonyengetera, musava sevanyengeri; nokuti ivo va-

noda kunyengetera vakamira mumasinagogi nepamharadza-no dzenzira dzakafara kuti vaonekwe nevanhu. Chokwadindinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo waka-kwana. Zvisinei, iwe paunonyengetera, pinda muimba yakouye, kana wavhara suo rako, nyengetera kuna Baba vakovari pakavanda; ipapo Baba vako vanoona vari pakavandavachakuripa. Asi paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana, sezvinoita vanhu vemamwemarudzi, nokuti vanofunga kuti vachanzwiwa nokuda kwo-kushandisa kwavo mashoko mazhinji. Naizvozvo, musazvi-fananidza navo, nokuti Mwari Baba venyu vanoziva kuti zvi-nhu zvipi zvamunoda musati mambovakumbira.”—Mat. 6:5-8.

206 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

28. Ndezvipi zvaungataura paunenge uchinyengetera?“Saka, munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu va-

ri kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyungahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwakudenga. Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi; uye tikanga-nwirei zvivi zvedu, sezvatakanganwirawo vakatitadzira. Mu-satipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.’”—Mat. 6:9-13.“Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari, kuti, zvisinei

nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye ano-tinzwa.”—1 Joh. 5:14.

29. Chii chingaita kuti minyengetero yedu isanzwiwa?“Imi varume, rambai muchigara nemadzimai enyu saizvo-

zvo maererano nokuziva, muchikudza mukadzi sezvamuno-ita mudziyo usina simba, zvamuchagarawo nhaka nyashadzoupenyu dzisina kukodzera kuwanwa pamwe chete navo,kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa. Nokuti mazisoaJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri paku-teterera kwavo; asi chiso chaJehovha chinovenga vaya va-noita zvinhu zvakaipa.”—1 Pet. 3:7, 12.Rumwe rugwaro: Isa. 1:15-17.

30. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichibhabhatidzamumvura vanhu vanenge vatendeuka kuva vaKristu?“Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose va-

ve vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwa-nakomana neromudzimu mutsvene.”—Mat. 28:19.“Mumazuva iwayo Jesu akabva kuNazareta reGarireya,

akabhabhatidzwa muJodhani naJohani.”—Mako 1:9.

31. Nei zvakakodzera kuti vaKristu vakazvitsaurirandokubhabhatidzwa vanzi Zvapupu zvaJehovha?“‘Imi muri zvapupu zvangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,

‘mushumiri wangu wandakasarudza, kuti muzive uye mute-nde mandiri, kuti munzwisise kuti ndini Iye mumwe chete.

MASHOKO OKUWEDZERA 207

Ndisati ndavapo hapana Mwari akaumbwa, uye pashure pa-ngu pakaramba pasina mumwe. Ini—ndini Jehovha, kunzekwangu hakuna mumwe muponesi.’ ‘Ini ndakazivisa, nda-kaponesa uye ndakaita kuti zvinzwiwe, pakwakanga kusinamwari wokumwe pakati penyu. Naizvozvo imi muri zvapu-pu zvangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ini ndini Mwa-ri.’”—Isa. 43:10-12.

208 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

KUKURUKURA MASHOKO OKUPEDZISIRA NEVANODAKUBHABHATIDZWA

Vanhu vanowanzobhabhatidzwa pamagungano eZvapu-pu zvaJehovha. Hurukuro yorubhabhatidzo painenge ya-va kunopera, mukurukuri achakumbira vanoda kubhabha-tidzwa kuti vasimuke vopindura mibvunzo miviri inoteveranenzwi guru:1. Sezvo Jesu Kristu akatifira, wakapfidza zvivi zvakondokuzvitsaurira kuna Jehovha kuti uite zvaanoda here?2. Unonzwisisa here kuti kuzvitsaurira kwakouye kubhabhatidzwa zvinoita kuti uve mumweweZvapupu zvaJehovha wakabatana nesangano raMwaririnotungamirirwa nomudzimu?Kupindura kuti hongu kumibvunzo iyi ‘kunozivisa pache-

na’ kutenda rudzikinuro kunoitwa nevaya vanoda kubha-bhatidzwa uye kunoratidza pachena kuti vakazvitsauriranemwoyo wose kuna Jehovha. (VaR. 10:9, 10) Vanenge va-chida kubhabhatidzwa vanofanira kunyengetera vofungisi-sa mibvunzo iyi kuitira kuti vazopindura maererano nezva-vanotenda ivo pachavo.

MASHOKO OKUWEDZERA 209

Munhu anofanira kupfeka zvipfeko zvakaita seipakubhabhatidzwa? (Joh. 15:19; VaF. 1:10; 1 Tim. 2:9)Vaya vanenge vachida kubhabhatidzwa vanofanira kupfe-

ka zvipfeko zvine mwero kana kuti zvakadzikama, vachiye-uka kuti ichi chiitiko chinokosha. Chipfeko chinoonesa zvirimukati hachina kukodzera kumuKristu uye hachifaniri ku-pfekwa. Uyezve, hazvina kukodzera kupfeka zvipfeko zva-kanyorwa-nyorwa. Kupfeka zvipfeko zvinoremekedzeka ku-noita kuti chiitiko chacho chirambe chichiremekedzwa, uyetinoramba takasiyana nenyika.

Munhu anofanira kuyeuka chii paanengeachibhabhatidzwa? (Ruka 3:21, 22)VaKristu vanofanira kutevedzera zvakaitwa naJesu paa-

kabhabhatidzwa. Aiziva kuti kubhabhatidzwa idanho rino-kosha, uye izvi akazviratidza nemaitiro ake. Saka, nzvimboyokubhabhatidzira haisi nzvimbo yokuitira zvinhu zvinose-tsa, kushambira, kana kuti kuita zvimwe zvingaita kuti chi-itiko chacho chisakosha. Uyewo haufaniri kufarisa sokungewaita chimwe chinhu chinoshamisira. Kunyange zvazvo ku-bhabhatidzwa kuchifadza, kufara kwacho kunofanira kui-twa zvakadzikama.

Kunyange paunenge wabhabhatidzwa, nei zvichikoshakuti urambe uine purogiramu yakanaka yokudzidza uriwoga uye kugara uchiparidza?Kuzvitsaurira kwawakaita kuna Jehovha kwakabatanapapi nokuramba wakabatana neungano?Wava kunyatsobvuma here kuti unofanirakubhabhatidzwa pamukana wauchatanga kuwana?

210 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

MIRAYIRIDZO KUVAKURU VEUNGANO

Kana muparidzi asati abhabhatidzwa akaudza vakuru ku-ti ava kuda kubhabhatidzwa, anofanira kukurudzirwa ku-ti anyatsodzokorora “Mibvunzo Yevanhu Vanenge VachidaKubhabhatidzwa,” iri pamapeji 170-208. Anofanirawo kuu-dzwa kuti averenge chikamu chakanzi, “Mashoko Kumupa-ridzi Asati Abhabhatidzwa,” chinotangira papeji 167, chino-tsanangura kuti angagadzirira sei mibvunzo yacho vakurupavanozokurukura naye. Sezvinotaurwa muchikamu icho-cho, munhu anenge achida kubhabhatidzwa akasunungukakushandisa manotsi aanenge akanyora uye kuvhura bhu-ku rino pamunenge muchikurukura naye. Asi hapana chi-konzero chokuti mumwe munhu afanodzokorora naye mi-bvunzo yacho.Murongi mudare revakuru anofanira kuudzwa nezvechi-

do cheari kuda kubhabhatidzwa. Pashure pokunge mu-nhu ari kukumbira kubhabhatidzwa awana nguva yokuvere-nga mibvunzo neMagwaro acho, murongi mudare revakuruacharonga kuti vamwe vakuru vakurukure naye. Hamu-faniri henyu kumirira kuti gungano ritange raziviswa ku-ti muzokurukura naye. Kazhinji chikamu chimwe nechimwechinofanira kukurukurwa kweinenge awa, asi mukaona zva-kakodzera munogona kuti pfuurei. Mibvunzo yacho hai-faniri kukurukurwa muchimhanya-mhanya. Ukuwo, vakuruvanenge vanzi vaite izvi havafaniri kuita zvokuverengera.Kana paine vakuru vakawanda, mukuru mumwe chete ano-fanira kukurukura chikamu chimwe chete. Zvingava zvaka-naka kutanga uye kupedzisa nomunyengetero.Kakawanda zvakanaka kukurukura mibvunzo yacho no-

munhu anoda kubhabhatidzwa ari oga, vasiri boka. Kana

MASHOKO OKUWEDZERA 211

vakuru vakaita kuti anoda kubhabhatidzwa apindure mi-bvunzo yose, vachanyatsoona manzwisisiro ake, uye ku-ti munhu wacho agadzirira kubhabhatidzwa here kana ku-ti kwete. Uyewo, munhu paanobvunzwa ari oga, anonzwaakati sunungukei kutaura zvaanofunga. Murume nomudzi-mai vangabvunzwa vari pamwe chete.Kana anoda kubhabhatidzwa ari hanzvadzi, mukuru ano-

fanira kukurukura naye vari panzvimbo yavanenge vachio-nekwa nevamwe asi vanhu vacho vasinganzwi zviri kukuru-kurwa. Kana kuri kuti mukuru wacho anoda kuperekedzwa,anofanira kuenda nomumwe mukuru kana kuti mushumirianoshumira, zvichienderana nechikamu chinenge chichiku-rukurwa, sezviri mundima inotevera.Muungano dzine vakuru vashoma, vashumiri vanoshumi-

ra vakakodzera vanogona kukumbirwa kuti vakurukure ne-vanhu vanoda kubhabhatidzwa. Vachakurukura mibvunzoinowanika mu“Chikamu 1�Dzidziso dzeBhaibheri Dzoku-tanga” uye “Chikamu 3�Marongerwo Akaitwa Zvinhu na-Jehovha.” “Chikamu 2�Zvinhu Zvakarurama ZvinodiwanaJehovha” chinofanira kungoitiswa nevakuru chete. Kanaungano iine hama shoma dzinokwanisa kuita izvi, unganoyacho inofanira kuudza mutariri wedunhu kuti aone kanaungano iri pedyo ichigona kubatsira.Vakuru vanofanira kuona kuti munhu anenge achida ku-

bhabhatidzwa ava kunzwisisa zviri nani dzidziso dzokuta-nga dzeBhaibheri. Uyezve, vanoda kuonawo kana munhuwacho achinyatsokoshesa chokwadi uye achiremekedzasangano raJehovha. Kana asinganzwisisi dzidziso dzoku-tanga dzeBhaibheri, vakuru vanoronga kuti abatsirwe ku-ti azokodzera kubhabhatidzwa. Vamwe vangafanira ku-mbopiwa nguva yokuti varatidze kuti vanokoshesa basarokuparidza kana kuti vanozviisa pasi peurongwa hwesa-

212 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

ngano. Zvichasarira kuvakuru kuti vazive kuti ndeipi mi-bvunzo yavangada kupedzera nguva yakawanda pairi kutivanyatsoona kana munhu wacho achikodzera kuzobhabha-tidzwa. Kunyange zvazvo nguva yakawanda ingapedzerwapane mimwe mibvunzo kupfuura mimwe, chinokosha nde-chokuti mibvunzo yose ikurukurwe.Vakuru vanenge vanzi vakurukure mibvunzo iyi nevane-

nge vachida kubhabhatidzwa vanozosangana pashure po-kunge zvikamu zvose zvakurukurwa voona kana munhuwacho achikodzera kubhabhatidzwa. Havafaniri kuenzani-sa munhu wacho nevamwe nokuti vanhu vanosiyana pama-itiro, pamafungiro kunyange pamabatiro avo. Chinokoshandechokuti munhu wacho anoda here Jehovha nemwoyowose uye kuti anoti nzwisisei dzidziso dzeBhaibheri dzoku-tanga. Kana mukaramba muchimubatsira kunyange pashu-re pokunge abhabhatidzwa, zvichamubatsira kuti anyatso-ita basa rinokosha rokuparidza mashoko akanaka.Pashure peizvi, mukuru mumwe chete kana kuti vaviri pa-

vakuru vakakurukura naye mibvunzo yacho anofanira ku-onana nomunhu wacho, omuudza kana achikodzera ku-bhabhatidzwa kana kuti kwete. Kana achikodzera, mukuruwacho anofanira kudzokorora naye chikamu chinoti, “Kuku-rukura Mashoko Okupedzisira Nevanoda Kubhabhatidzwa,”chiri pamapeji 209-210. Kana anga asati apedza kudzi-dza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? uye ra“RudorwaMwari,” mukuru wacho anofanira kumukurudzira ku-ti azopedzisa pashure pokunge abhabhatidzwa. Kazhinjikukurukurirana uku kunoitwa mumaminitsi 10 chete kanakuti mashoma.Kana papera gore munhu wacho abhabhatidzwa, va-

kuru vaviri vanofanira kuonana naye kuti vamukurudzireuye vamupe mazano anobatsira. Mumwe wevakuru vacho

MASHOKO OKUWEDZERA 213

anofanira kunge ari mutariri weboka romuparidzi wacho.Kana muparidzi wacho mutsva ari wechiduku, uye vabere-ki vake vari Zvapupu, vanofanira kuvapo. Kukurukuriranakwacho kunofanira kuva noushamwari uye kuchikurudzira.Vakuru vacho vachakurukura kufambira mberi kwaari kuitamune zvokunamata vomubatsira kuti angaramba sei achi-dzidza ari oga, achiverenga Bhaibheri zuva nezuva, achii-ta kunamata kwemhuri vhiki nevhiki, achipinda misanganouye kupindurawo, uye achiparidza vhiki nevhiki. (VaF. 3:16)Kana asati apedza kudzidza bhuku raBhaibheri Rinombo-dzidzisei? uye ra“Rudo rwaMwari,” vakuru vacho vanofa-nira kuronga kuti adzidze nomumwe munhu. Kana painezvakanaka zvaari kuita, vakuru vanofanira kunyatsomuru-mbidza nemwoyo wose. Asi kana paine zvavangada kutiagadzirise, ngavangotaura chimwe chete kana kuti zviviri.

214 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Ona kuti: Nyaya dziri pano dzakarongwa zvichienderana nokutidzinowanikwamuchitsauko chipi mubhuku rino. Somuenzaniso,kana uchida nyaya ine chokuita neDare Rinotungamirira endapasi pomusoro wakanzi “Dare Rinotungamirira” uye uchaonapakanzi “kuratidza kuti tinovimba naro: 3:12-15.” Izvi zvinorevakuti nyaya yacho iri paChitsauko 3 ndima 12 kusvika ku15.Basa: 13:25-26Basa repaBheteri: 10:19-20Basa rokuvaka: 10:21-23Boka Rokuvaka: 10:23construction servant: 10:23construction volunteer: 10:23expatriate construction servant: 10:23Local Design/Construction volunteer: 10:23

Basa roumishinari: 10:15, 18Cherechedza vasingafambi zvakakodzera: 14:9-12Chirangaridzo: 7:28-30Dare rebasa(Ona Dare Rebasa Reungano)

Dare Rebasa Reungano: 5:35Dare Rinotungamirirakuratidza kuti tinovimba naro: 3:12-15maziviro: 3:1-6zvikonzero zvinoita kuti titeerere: 3:9-11; 4:9-11

Dzimba dzeMagungano: 11:18-21Gungano redunhumari dzinoshandiswa: 12:8-11nzvimbo: 11:18sangano: 5:49

Hanzvadzikana pasina hama dzinokwanisa: 6:9; 7:23basa rokuvaka: 10:21zvikoro zvesangano: 10:17-18

INDEKISI

INDEKISI 215

Hofisi yeBazibasa rinoitwa nebazi: 4:13kana mukatadza kutaura nebazi: 17:15-17kupfeka uye kushambidzika pakushanya: 13:13mari yemipiro: 12:2-4

Hurukuro Yavose: 7:5-10Imba yoUmambokuchenesa uye kugadziridza: 11:7-8kutsaurira: 11:4kuvaka: 10:21-23; 11:4-5, 15-17mari dzinoshandiswa: 11:6; 12:5-6raibhurari: 7:19ungano dzakawanda: 11:8-9zvimwe zvainogona kushandiswa: 11:10-11

Jehovha MwariChangamire Wezvose: 15:1-4kuswedera pedyo naye: 17:1-3

Jesu Kristukuzviisa pasi paJehovha: 15:5Mufudzi Akanaka: 2:6; 5:1Mununuri: 2:3Mupristi Mukuru: 2:4Mushumiri: 8:1-2; 9:1Musoro weungano: 1:10; 2:5

JW.ORG: 9:24-25Kadhi reChinyorwa Chomuparidzi Cheungano: 5:44;8:10, 30

KubatanaChidzidzo cheNharireyomurindi: 7:11-13chinoita kuti tibatane: 1:6-7; 13:28-29kubatana sesangano: 16:6-11kuramba takabatana: 17:20makomborero: 4:15; 5:57; 13:30-31tichitungamirirwa naKristu: 2:9-11; 4:10-11vakuru: 5:13, 21zvingakonzera kuti pasava nokubatana: 14:3; 17:6

216 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Kubatsira panoitika njodzi: 12:15; 16:11Kubhabhatidzwakugadzwa: 8:3mibvunzo yokudzokorora: map. 170-208pamagungano: 7:24, 26vana: map. 165-166vaparidzi vasati vabhabhatidzwa: map. 167-169zvazvinoreva: 8:16-18

Kuchenesa; KuchenaImba yoUmambo: 11:7-8tsika, kunamata: 13:6-7utsanana: 13:8-12

Kudya kwaShe Kwemanheru: 7:28-30Kudzinga: 14:25-29Kudzorerwa: 14:34-36Kugadzwa: 8:3Kuparidza mashoko akanakabasa ratakapiwa naMwari: 8:2kubatsira muparidzi mumwe nomumwe: 5:28-29, 33; 7:21;9:7, 15, 19

kudzokerera: 9:14-15kukosha kwokuparidza paimba neimba: 9:5-8; 10:1-2kukurudzira mudzidzi weBhaibheri kuti aparidze zvisinakurongwa: 8:5

kunorongwa nemutariri webasa: 5:28kuparidza pachena: 9:11-12kuparidza seboka: 9:45-46kurambidzwa nezviremera: 17:13-18kushandisa jw.org: 9:24-25kushuma: 8:19-29, 31-36kuti munhu akodzere: 8:6-9, 13-15kutungamirira: 5:3, 17, 29-33; 6:4mabhuku: 9:22-23mapfekero nokushambidzika: 13:12misangano yebasa romumunda: 7:20-21ndima: 9:30-34

INDEKISI 217

nzvimbo dzine vanhu vanemitauroyakasiyana-siyana: 9:35-37

paimba neimba: 9:3-9pakatanga chiKristu: 8:1-2; 9:1, 4saimba anotaura mumwemutauro: 9:38-41vechiduku: 8:13-15zvisina kurongwa: 9:26-29

Kupfeka uye kushambidzikakushanya kuBheteri: 13:13kutandara: 13:14misangano: 11:12, 21ushumiri: 13:12vashumiri vanoshumira: 6:5vaya vanopiwa mabasa muungano: 6:9

Kusanzwisisanakugadzirisa kusanzwisisana kuduku: 14:5-6zvingaitwa kana vanhu vatadzirana: 14:13-20

Kushumira kunonyanya kudiwa vaparidzi: 10:6-9Kutsigira nemaridunhu: 12:8-11pasi rose: 11:15; 12:2-4ungano: 11:6-7; 12:5-7

Kuzorora uye kuita zvinotivaraidza: 13:15-21Kuzvibvisa musangano: 14:30-33Kuzviisa pasimumhuri: 15:9-10musangano raJehovha: 1:9-10; 2:5, 9-10; 15:1-2muungano: 3:14; 4:15; 15:7vanemasimba: 15:11

Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa(Ona Kubhabhatidzwa)

Mabhukukuashandisa pakuparidza: 9:22-23kuona nezvemabhuku: 12:16mari dzinoshandiswa: 12:2-4mutauro wokumwe: 9:36, 38

218 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Magungano(Ona gungano reDunhu)

Magungano: 7:25-27Mariro: 11:10-11Mapiyona: 10:11-14Mapiyona chaiwo: 10:11, 14, 17-18Mapiyona ebetsero: 10:11-12Mapoka ebasa romumundabasa revashumiri vanoshumira: 6:12hama dzechidiki dziri kuvavarira: 6:14kuchenesa Imba yoUmambo: 11:7kuronga vaparidzi mumapoka: 5:35misangano yebasa romumunda: 7:20-21ndima: 9:31, 33vatariri: 5:29-34

Masangano: 4:12MatareBasa Reungano: 5:35Bazi: 4:13; 5:51-54Nyika: 5:53Rinokurukura Nezvipatara: 5:40Rinoona Nezvokushandiswa kweImba yoUmambo: 11:8rinotonga: 14:21-28, 34-37

Matare anotonga: 14:21-28, 34-37Matare Okukurukura Nezvipatara uye Mapoka OkushanyiraVarwere: 5:40

Michato: 11:10-11Miedzo: 13:4-5; 17:4-19Mipiro: 3:13; 11:6-7, 15; 12:2-11MisanganoChidzidzo cheBhaibheri Cheungano: 7:17Chidzidzo cheNharireyomurindi: 7:11-13chinangwa: 7:1-2hanzvadzi padzinoitisa: 7:23Hurukuro Yavose: 7:5-10kukosha kwekupinda: 3:12; 7:4, 27; 15:7

INDEKISI 219

kurambidzwa nezviremera: 17:15-17kushambadza zvebhizinesi: 13:27magungano edunhu: 7:24magungano omunharaunda: 7:25-26Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu: 7:14-19nzvimbo dzokunamatira: 11:1-5, 18-19pakatanga chiKristu: 7:3; 11:2panoshanya mutariri wedunhu: 5:43, 47vaIsraeri: 11:1vakuru: 5:37vana vanemisikanzwa: 11:13varindiri: 11:14yebasa romumunda: 7:20-21; 9:45

Mishumokana uchizofamba: 8:30kukosha kwokushuma: 8:19-22, 31-36vaparidzi: 5:34; 8:10, 23-29vatariri vematunhu: 5:46, 50; 9:44

Muenzaniso wakanakatsanangudzo: 6:9

Munyori: 5:27; 8:30“Muranda akatendeka, akangwara”kuratidza kuti tinovimba naye: 3:12-15kuzviisa pasi: 15:7maziviro: 3:4-6

Murongi mudare revakurukuongorora akaunzi: 12:7kushanya kwemutariri wedunhu: 5:42-44mamwemabasa aanoita: 5:26MusanganoWeushumiri Hwedu Uye KuraramakwechiKristu: 7:18

vanoda kubhabhatidzwa: 8:18; map. 211-214vaparidzi vatsva: 8:8, 14zviziviso zvematare okutonga: 14:24, 29, 33, 36

Musoro(Ona Kuzviisa pasi)

220 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Mutariri webasa: 5:28, 32; 9:31, 37, 45Mutariri wedunhukana uchida kuwedzera ushumiri: 10:6, 10, 16, 20kugamuchira: 5:50kushanya: 5:41-48kutanga ungano itsva: 7:22mapoka emimwemitauro: 9:44

Ndimadzemapoka uye dzemunhumumwe nomumwe: 9:31-34dzine vanhu vanemitauro yakasiyana-siyana: 9:36-37mafaira: 9:31

Ndima yemumwe mitauromakirasi okudzidzira mutauro: 10:10mapoka: 9:42-44nzvimbo dzine vanhu vanemitauroyakasiyana-siyana: 9:35-37

saimba anotaura mumwemutauro: 9:38-41Sanganochikamu chokudenga: 1:8-13

Ungano(Onawo Imba yoUmambo; Misangano)itsva uye duku: 7:22-23kubatana: 13:28-30yakarongwamaererano nezvinodiwa naMwari: 1:3; 4:4-11

Ushumiri Hwedu hwechiKristu—Purogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa: 7:14-18

VaKristu vasingachaiti basa: 8:26; 14:32Vakurukuchengeta ungano yakachena: 14:19-40kugadzwamaererano nezvinodiwa naMwari: 4:8kuremekedza: 3:14; 5:38-39kushanda vakabatana: 5:21kuvavarira: 5:22mabasa avanoita: 5:25-36, 40mapoka: 9:42-44misangano: 5:37

INDEKISI 221

vafudzi: 5:1-3; 14:7-12vakwegura kana kuti vanorwara: 5:23-24zvinhu zvinodiwa: 5:4-20

Vamiririri vemahofisi makuru: 5:55-56Vanachivi: 14:37kuchengeta vabereki uye vanasekuru vane utano husinakutsarukana: 12:14

kufambira mberi pakunamata: 8:13-15; 10:26; map. 165-166misangano: 7:2; 11:13-14zvinhu zvinoitwa kuchikoro: 13:22-24

Vaparidzi(Ona vaparidzi veUngano; vaparidzi vasati vabhabhatidzwa)

Vaparidzi vasati vabhabhatidzwachivi: 14:38-40kuti munhu akodzere: 8:6-12pavanenge vachivaka kana kugadziridza Imba yoUmambo:11:17

vana: 8:13-15Vaparidzi veungano(Onawo vaparidzi vasati vabhabhatidzwa)kubatsira muparidzi mumwe nomumwe: 5:28-29, 33; 7:21; 9:7, 15, 19

kutama: 8:30kuti munhu akodzere: 8:8utano husina kutsarukana: 8:29vaduku: 8:13-14vatsva: 8:5-6

Varindiri: 11:14Varombo: 12:12-15Vashumiri vanoshumirakuonga basa ravanoita: 6:1-2, 15kuvavarira: 6:14mabasa: 6:7-12; 11:14zvinhu zvinodiwa: 6:3-6

222 TAKARONGWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

Vatariri(Ona Vakuru)

Zvidzidzo zveBhaibherikubatsira mudzidzi kuti auye kusangano: 9:20-21kukosha: 9:16-17kukurudzira mudzidzi kuti aparidze zvisina kurongwa: 8:5kushuma: 8:26

ZvinangwaBasa repaBheteri: 10:19-20basa roupiyona: 10:11-14dunhu: 10:16kudzidza mumwemutauro: 10:10kukosha kwekuva nezvinangwa: 10:24-26kushumira kunonyanya kudiwa vaparidzi: 10:6-9kuvaka: 10:21-23mamishinari: 10:15vaparidzi: 10:4-5zvikoro zvesangano: 10:17-18zvinokwanisika: 8:37

Zvinhu zvinoitwa kuchikoro: 13:22-24Zvivi(Onawo Kuzvibvisa musangano; Kudzinga; Kucherechedzavasingafambi zvakakodzera; Kusanzwisisana; Kudzorerwa)

kutadzirana newaunonamata naye: 14:5-6, 13-20vana: 14:37vaparidzi vasati vabhabhatidzwa: 14:38-40zvakanyanya kukura: 14:21-33zviziviso zvematare okutonga: 14:24, 29, 33, 39-40

Zvizivisokudzinga: 14:29kudzorerwa: 14:36kutsiurwa: 14:24kuzvibvisa musangano: 14:33mipiro: 12:6vaparidzi vasati vabhabhatidzwa: 8:12; 14:39-40

INDEKISI 223

Manotsi:

224